Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzo Inobva Kuna Mwari Inokosha Kupfuura Dzidzo Yenyika

Dzidzo Inobva Kuna Mwari Inokosha Kupfuura Dzidzo Yenyika

Dzidzo Inobva Kuna Mwari Inokosha Kupfuura Dzidzo Yenyika

“Zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa kana ndichienzanisa nokukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu.”—VAF. 3:8.

1, 2. Vamwe vaKristu vakasarudzei, uye chii chakaita kuti vadaro?

KUBVA achiri muduku, Robert aigona zvokugona zviya kuchikoro. Paaingova nemakore masere, mumwe wevadzidzisi vake akamushanyira kumba akamuudza kuti nokugona kwaaita, aikwanisa kuzoita chero zvaaida muupenyu. Mudzidzisi uyu akamuudza kuti dai akazova chiremba. Nokugona kwaaiita paakanga ava kusekondari, aikwanisa kuzoenda kuyunivhesiti dzepamusoro-soro dzomunyika yake. Asi Robert akasarudza kurega mukana waionekwa nevakawanda souya usingawanzowaniki muupenyu achiitira kuti aite chinangwa chake chokuva piyona wenguva dzose.

2 VaKristu vakawanda vakuru nevaduku vane mikana yokubudirira munyika ino, sezvakanga zvakaita Robert. Vamwe vanosarudza kurega kuishandisa zvizere kuitira kuti vaite zvinangwa zvine chokuita nokunamata. (1 VaK. 7:29-31) Chii chinoita kuti vaKristu vakaita saRobert vashande nesimba mubasa rokuparidza? Chikonzero chikuru ndechokuti vanoda Jehovha, uyewo vanokoshesa dzidzo inobva kwaari. Unombofunga here kuti dai usina kuziva chokwadi, iye zvino ungadai uri kupi? Kufunga nezvezvimwe zvikomborero zvinoshamisa zvatinowana patinodzidziswa naJehovha kuchatibatsira kuramba tichikoshesa mashoko akanaka uye kushingairira kuaudzawo vamwe.

Kudzidziswa naJehovha Iropafadzo

3. Chii chingaita kuti tive nechokwadi chokuti Jehovha anoda kudzidzisa vanhu vanotadza?

3 Kunaka kwaJehovha ndiko kunoita kuti ade kudzidzisa vanhu vanotadza. Isaya 54:13 inoprofita nezvevaKristu vakazodzwa ichiti: “Vanakomana vako vose vachava vanhu vanodzidziswa naJehovha, uye rugare rwevanakomana vako ruchava rukuru.” Mashoko aya anorevawo “mamwe makwai” aKristu. (Joh. 10:16) Humwe uprofita huri kuzadzika mazuva ano hunojekesa pfungwa iyi. Pane zvaakaratidzwa, Isaya akaona vanhu vanobva kumarudzi ose vachiita zvokudirana kuzonamata nenzira yechokwadi. Anovarondedzera achiti vanenge vachiudzana kuti: “Ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.” (Isa. 2:1-3) Zvechokwadi kudzidziswa naMwari iropafadzo chaiyo!

4. Jehovha anoda kuti vaya vaanodzidzisa vave vanhu vakaita sei?

4 Tingaita sei kuti tikodzere kudzidziswa naMwari? Chinokosha ndechokuti munhu ave munyoro, achibvuma kudzidziswa. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Jehovha akanaka uye akarurama. . . . Achadzidzisa vanyoro nzira yake.” (Pis. 25:8, 9) Uye Jesu akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nenyika, nokuti makanyatsovanzira vakachenjera nevakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:21) Haunzwi uchida kuva pedyo naMwari “anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa” here?—1 Pet. 5:5.

5. Chii chakaita kuti tikwanise kuziva Mwari?

5 Sevashumiri vaJehovha, tingatozvirova dundundu here kuti kuwana kwatakaita chokwadi uchenjeri hwedu? Aiwa. Kutaura zvazviri, pasina rubatsiro rwaMwari pachake, tingadai tisina kumbosvika pakunyatsomuziva. Jesu akati: “Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye.” (Joh. 6:44) Jehovha ari kushandisa basa rokuparidza uye mudzimu mutsvene kuunza “zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose” kwaari, kureva vanhu vakaita semakwai. (Hag. 2:7) Haufaniri here kuonga Jehovha kuti uri mumwe wevaakaunza kuMwanakomana wake?—Verenga Jeremiya 9:23, 24.

Simba Rokuchinja Upenyu

6. “Kuziva Jehovha” kunoita kuti vanhu vachinje zvakadini?

6 Uprofita hwaIsaya hunoshandisa mufananidzo wakanaka kurondedzera kuchinja unhu kuri kuita vanhu mazuva ano. Vanhu vaimbofarira zvokurwa vava kufarira runyararo. (Verenga Isaya 11:6-9.) Vaya vaimbovengana nemhaka yokuti ndeveganda rakasiyana, rudzi, dzinza kana kuti vane tsika dzakasiyana vakadzidza kugarisana murugare. Zvinoita sokuti ‘vakapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo.’ (Isa. 2:4) Chii chinoita kuti vanhu vachinje zvinoshamisa kudai? Vanenge ‘vaziva Jehovha’ voshandisa zivo iyoyo muupenyu hwavo. Kunyange zvazvo vanhu vaMwari vari vanhu vanotadza, vane ukama hwakasimba nehama dzavo dzomunyika yose. Kugamuchirwa kunoitwa mashoko akanaka munyika yose uye zvibereko zvakanaka zvaanobereka zvinoratidza kuti dzidzo inobva kuna Mwari inokosha kupfuura yenyika.—Mat. 11:19.

7, 8. (a) Dzidzo inobva kuna Mwari inobatsira vanhu kuti varege zvimwe ‘zvinhu zvipi zvakadzika midzi’? (b) Chii chinoratidza kuti dzidzo inobva kuna Mwari inoita kuti Jehovha arumbidzwe?

7 Muapostora Pauro akafananidza basa rokuparidza revashumiri vaMwari nehondo. Akanyora kuti: “Zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvinosimbiswa naMwari kuti zviputse zvinhu zvakadzika midzi. Nokuti tinoputsa kufunga nechinhu chose chakakwirira chinomutsirwa kupesana nokuziva Mwari.” (2 VaK. 10:4, 5) Dzidzo inobva kuna Mwari inosunungura vanhu ‘pazvinhu zvipi zvakadzika midzi?’ Zvimwe zvacho idzidziso dzenhema, kutenda mashura, uye uzivi hwevanhu. (VaK. 2:8) Dzidzo inobva kuna Mwari inobatsira vanhu kuti varege tsika dzakaipa uye vave nounhu hunofadza Mwari. (1 VaK. 6:9-11) Inobatsira kuti upenyu hwemhuri huvandudzike. Uye inoita kuti vaya vasina tariro vave nechinangwa muupenyu. Iyi ndiyo dzidzo inodiwa mazuva ano.

8 Kuva vakatendeseka chimwe chezvinhu zvatinobatsirwa naJehovha, sezvinoratidzwa nenyaya inotevera. (VaH. 13:18) Mumwe mukadzi wokuIndia akabvuma kudzidza Bhaibheri uye nokufamba kwenguva akazova muparidzi asina kubhabhatidzwa. Rimwe zuva paaidzoka kumba achibva kunoshanda paImba yoUmambo yaivakwa, akanhonga chuma chegoridhe chaikosha US$800 pedyo nechiteshi chebhazi. Kunyange zvazvo aiva murombo, akaendesa chuma chacho kukamba yemapurisa. Mupurisa aivapo akapera mate mukanwa! Mumwe mupurisa akazomubvunza pava paya kuti, “Chii chaita kuti uunze chuma ichi kuno?” Akatsanangura kuti, “Dzidziso dzeBhaibheri dzakandichinja, saka iye zvino ndava munhu akatendeseka.” Mupurisa wacho akashamiswa ndokuti kumukuru weungano akanga aperekedza mukadzi uyu kukamba yacho: “Munzvimbo ino tine vanhu vanopfuura mamiriyoni 38. Kana mukakwanisa kubatsira vanhu gumi kuti vafanane nomukadzi uyu, munenge marwisa.” Patinofunga nezvemamiriyoni evanhu vakabatsirwa kuvandudza upenyu hwavo nedzidzo inobva kuna Mwari, chokwadi tine zvikonzero zvakawanda zvokurumbidza Jehovha.

9. Chii chinoita kuti vanhu vakwanise kuchinja upenyu hwavo?

9 Simba reShoko raMwari, pamwe chete norubatsiro runopiwa naJehovha achishandisa mudzimu wake mutsvene, zvinoita kuti vanhu vachinje upenyu hwavo. (VaR. 12:2; VaG. 5:22, 23) VaKorose 3:10 inoti: “Mupfeke unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama.” Zvinotaurwa muShoko raMwari Bhaibheri zvine simba rokuratidza zviri mumwoyo momunhu, uye zvinogona kuchinja mafungiro nemanzwiro aanoita nezvezvimwe zvinhu. (Verenga VaHebheru 4:12.) Kana munhu akava nezivo yakarurama yezvinotaurwa muMagwaro uye akaita kuti upenyu hwake huenderane nemitemo yakarurama yaJehovha, anogona kuva shamwari yaMwari, uye kuva netariro yokurarama nokusingaperi.

Kugadzirira Ramangwana

10. (a) Nei Jehovha ari iye oga anogona kutibatsira kugadzirira ramangwana? (b) Munguva pfupi iri kuuya, zvii zvinoshamisa zvichachinja munyika?

10 Jehovha ndiye oga anokwanisa kutibatsira kugadzirira ramangwana nokuti anoziva zvichaitika. Ndiye anosarudza kuti vanhu vachava neramangwana rakaita sei. (Isa. 46:9, 10) Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti “zuva guru raJehovha rava pedyo.” (Zef. 1:14) Mashoko aZvirevo 11:4 anotaura nezvezuva iroro achazadzika, ayo anoti: “Zvinhu zvinokosha hazvizobatsiri pazuva rokushatirwa kukuru, asi kururama kuchanunura parufu.” Pachasvika nguva yokuti Jehovha atonge nyika yaSatani, chichatiponesa ukama hwedu naMwari. Mari inenge isingachakoshi. Kutaura zvazviri, Ezekieri 7:19 inoti: “Vachakanda sirivha yavo mumigwagwa, uye ndarama yavo ichava chinhu chinosemesa.” Kugara tichitoziva izvi kungatibatsira kuti iye zvino tiite zvinoratidza kuti takachenjera.

11. Dzidzo inobva kuna Mwari inotibatsira sei kugadzirira ramangwana?

11 Dzidzo inobva kuna Mwari inotiyamura zvakajeka kugadzirira zuva raJehovha riri kuuya nokutibatsira kuziva zvatinofanira kukoshesa. Muapostora Pauro akanyorera Timoti kuti: “Rayira vaya vakapfuma mumamiriro ezvinhu epanguva ino kuti varege kuzvikudza, uye kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo, asi pana Mwari.” Kunyange tisiri shoroma, tinogona kubatsirwa nezano iri rakafuridzirwa naMwari. Rinosanganisirei? Panzvimbo pokuzviunganidzira pfuma, tinofanira kuedza ‘kuita zvakanaka’ uye ‘kupfuma pamabasa akanaka.’ Kana tikatanga kuita zvinhu zvine chokuita nokunamata muupenyu hwedu, tinenge ‘tichizvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi.’ (1 Tim. 6:17-19) Upenyu hwokuzvipira hwakadaro hunoratidza uchenjeri, nokuti Jesu akati, “zvichabatsirei kana munhu akawana nyika yose asi achirasikirwa nomweya wake?” (Mat. 16:26, 27) Tichifunga nezvekuva pedyo kwezuva raJehovha, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kuunganidzira kupi pfuma yangu? Ndiri kushandira Mwari here kana kuti Pfuma?’—Mat. 6:19, 20, 24.

12. Nei tisingafaniri kuora mwoyo kana vamwe vachitarisira pasi ushumiri hwedu?

12 “Pamabasa akanaka” anonzi neShoko raMwari anofanira kuitwa nevaKristu, basa rinoponesa upenyu rokuparidza Umambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi ndiro rinonyanya kukosha. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Vamwe vangatarisira pasi ushumiri hwedu, sezvaingoitika muzana remakore rokutanga. (Verenga 1 VaKorinde 1:18-21.) Asi izvozvo hazvichinji kukosha kwemashoko edu, uye hazviiti kuti tisakoshesa kupa munhu wose mukana wokuti atende mashoko acho nguva ichiripo. (VaR. 10:13, 14) Patinobatsira vamwe kuti vayamurwe nedzidzo inobva kuna Mwari, tichawana zvikomborero zvakawanda.

Tikazvipira Tichakomborerwa

13. Zvii zvakarega kuitwa nomuapostora Pauro achiitira mashoko akanaka?

13 Muapostora Pauro asati ava muKristu, akanga ari kurovedzwa kuti azova munhu akabudirira muchiJudha. Paakanga ava nemakore angada kusvika 13, akatama kubva kuguta raakaberekerwa reTaso achienda kuJerusarema kuti anodzidziswa nomudzidzisi woMutemo airemekedzwa zvikuru ainzi Gamarieri. (Mab. 22:3) Nokufamba kwenguva, Pauro akatanga kukunda vose vaaidzidza navo, uye dai akanga aramba achidzidza Mutemo uyu, angadai akaguma ava nechinzvimbo chakakwirira muchiJudha. (VaG. 1:13, 14) Paakagamuchira mashoko akanaka akatanga kuita basa rokuparidza, akasiya zvose izvozvo. Pauro akazvidemba here pamusoro pezvaakanga asarudza? Aiwa. Asi akatonyora kuti: “Ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa kana ndichienzanisa nokukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu Ishe wangu. Ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake uye ndinozviona semarara mazhinji.”—VaF. 3:8.

14, 15. Zvatiri “vashandi pamwe chete naMwari,” tinowana zvikomborero zvipi?

14 Mazuva ano, vaKristu vane zvavanoregawo kuita vachiitira kuti vaparidze mashoko akanaka, sezvakaitwa naPauro. (Mako 10:29, 30) Pane zvatinoshayiwa here patinodaro? Robert, ambotaurwa mundima yokutanga, anotaura manzwiro anoitwa nevakawanda, paanoti: “Hapana kana pandinombozvidemba. Ushumiri hwenguva yakazara huri kuita kuti ndive nomufaro uye ndigutsikane, uye hwakaita kuti ‘ndiravire, ndione kuti Jehovha akanaka.’ Pose pandairega kuita zvimwe zvinhu ndichiitira kuti ndiite zvinangwa zvine chokuita nokunamata, Jehovha aigara achindikomborera kupfura zvandainge ndarega kuita. Zvinoita sokuti hapana chaicho chandakarega kuita asi kuti ndakatowana zvikomborero chete.”—Pis. 34:8; Zvir. 10:22.

15 Kana wava nenguva uchiita basa rokuparidza nokudzidzisa, hapana mubvunzo kuti iwewo wakava nemikana yokuravira uye kuona kuti Jehovha akanaka. Pawaiparidza mashoko akanaka, pane nguva yawakamboona kuti mudzimu wake wakubatsira here? Wakaona here kufara kwakaita vamwe Jehovha paakavhura mwoyo yavo kuti vagamuchire mashoko akanaka? (Mab. 16:14) Jehovha akakubatsira here kuti ukurire zvipingamupinyi, zvichida akatokuvhurira mukana wokuti uwedzere ushumiri hwako? Akakutsigira here pawaiva wakaomerwa, akaita kuti ukwanise kuramba uchimushumira iwe pawaiona sokuti hauchakwanisi? (VaF. 4:13) Patinobatsirwa naJehovha kuita ushumiri hwedu, anova munhu chaiye kwatiri uye tinova noukama hwepedyo naye. (Isa. 41:10) Chokwadi chikomborero chaicho kuva mumwe we“vashandi pamwe chete naMwari” mubasa guru rokudzidzisa vanhu zvaanoda!—1 VaK. 3:9.

16. Unonzwa sei nezvezvaunoita uye zvawakarega kuita kuti udzidzise vamwe nezvaMwari?

16 Vanhu vakawanda vanotarisira kuti muupenyu hwavo vachaitawo chimwe chinhu chisingakanganwiki. Taona kuti kunyange zvinhu zvinoshamisa zvinoitwa nevanhu munyika mazuva ano hazvitani kukanganwika. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti zviri kuitwa naJehovha mazuva ano kuti atsvenese zita rake hazvizombofi zvakakanganwika. Zvichayeukwa nokusingaperi. (Zvir. 10:7; VaH. 6:10) Dai tikaramba tichikoshesa ropafadzo yatinayo yokudzidzisa vamwe nezvaJehovha, basa risingazombofi rakakanganwika.

Ungapindura Sei?

• Jehovha anotarisira kuti vaya vaanodzidzisa vaite sei?

• Kudzidziswa naMwari kunovandudza sei upenyu hwevanhu?

• Tinokomborerwa sei patinoyamura vamwe kuti vabatsirwe nedzidzo inobva kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vaya vanodzidziswa naJehovha vane ukama hwakasimba nehama dzavo dzomunyika yose

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chokwadi kuva “vashandi pamwe chete naMwari” chikomborero!