Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unokoshesa Zvakaitwa naJehovha Kuti Akununure Here?

Unokoshesa Zvakaitwa naJehovha Kuti Akununure Here?

Unokoshesa Zvakaitwa naJehovha Kuti Akununure Here?

“Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, nokuti afunga nezvevanhu vake uye avanunura.”—RUKA 1:68.

1, 2. Kusiririsa kwemamiriro edu ezvinhu kungafananidzwa nechii, uye mibvunzo ipi yatichakurukura?

IMBOFUNGIDZIRA wapiwa mubhedha muchipatara. Vanhu vose vari muwadhi yauri vane chirwere chakafanana nechako, chinouraya uye chisingarapiki. Paunoziva kuti pana chiremba ari kutungamirira pakutsvaka mushonga, unova netariro. Unomirira nechido kunzwa kana paine zvavawana. Rimwe zuva, unoudzwa kuti mushonga wawanikwa! Chiremba auwana azvipira kurasikirwa nezvinhu zvakawanda kuti mushonga wacho uwanike. Unganzwa sei? Hapana mubvunzo kuti unomutenda uye unomuremekedza nomwoyo wose nokuti aita kuti iwe nevamwe vakawanda mununurwe parufu.

2 Nyaya iyi ingaita sengano, asi yakafanana chaizvo nemamiriro ezvinhu atiri. Mumwe nomumwe wedu ari mumamiriro ezvinhu anosiririsa kupfuura arondedzerwa pamusoro apa. Tinotoda mununuri. (Verenga VaRoma 7:24.) Kuti Jehovha atinunure, ane zvakawanda zvaakarasikirwa nazvo. Mwanakomana wakewo ane zvinokosha zvaakarasikirwa nazvo. Saka ngatikurukurei mibvunzo mina inokosha. Nei tichifanira kununurwa? Jesu akarasikirwa nechii kuti atinunure? Ko Jehovha akarasikirwa nechii? Tingaratidza sei kuti tinokoshesa kununurwa kwatakaitwa naMwari?

Chinoita Kuti Tide Kununurwa

3. Chivi chakafanana nedenda pakudini?

3 Vamwe vakaongorora munguva pfupi yapfuura vanofungidzira kuti pamatenda ose akambovapo, denda refuruwenza yokuSpain ya1918 ndiro rakanga rakaipisisa, nokuti rakauraya mamiriyoni evanhu. Asiwo kune zvimwe zvirwere zvinotouraya kuipfuura. Kunyange zvazvo zvirwere izvi zvichibata vanhu vashomanana, ruzhinji rwevanenge vabatwa nazvo runofa. * Asi zvakadini kana tikaenzanisa chivi nedenda rakadaro? Funga mashoko aVaRoma 5:12, anoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” Munhu wose zvake ane chivi, sezvo vanhu vose vasina kukwana vachitadza. (Verenga VaRoma 3:23.) Asi vangani vanourayiswa nechivi? Pauro akanyora kuti chivi chinounza rufu “kuvanhu vose.”

4. Jehovha anoona sei kureba kwenguva yatinorarama, uye maonero ake akasiyana sei neevakawanda mazuva ano?

4 Mazuva ano vakawanda vanoona rufu nechivi sezvinhu zvakagara zvichingovapo. Vanonetseka pavanoti munhu afa nguva yake isati yakwana, asi kana akafa akwegura, vanoti ndizvo zvazvakagara zviri. Zviri nyore chaizvo kuti vanhu vakanganwe maonero oMusiki. Tava kurarama makore mashomanana chaizvo kana tichienzanisa nezvaaida. Kutaura zvazviri, mumaonero aMwari, hapana munhu ati atomborarama “zuva rimwe chete.” (2 Pet. 3:8) Ndokusaka Shoko raMwari richiti upenyu hwedu hupfupi sezvinoita kukura kunoita uswa mumwaka mumwe chete, kana kuti sezvatinoita patinofemera kunze. (Pis. 39:5; 1 Pet. 1:24) Tinofanira kuyeuka maonero iwayo. Nemhaka yei? Kana tikanzwisisa kuti “chirwere” chatinacho chinogona kutiuraya, tichakoshesa “mushonga” wacho, kureva kununurwa kwedu.

5. Chii chatisina kumbobvira tava nacho nemhaka yechivi?

5 Kuti tinzwisise kuti chivi chakativhiringidza zvakadini, tinofanira kuedza kunzwisisa zvatakarasikirwa nazvo nokuda kwacho. Pakutanga zvingatiomera kunzwisisa kuti chivi chingaita sei kuti tirasikirwe nechinhu chatisina kumbobvira tava nacho. Adhamu naEvha vakatanga vari vanhu vakakwana. Zvavakanga vaine pfungwa dzakakwana nomuviri usina chivi, vaigona kusarudza kudzora pfungwa dzavo, manzwiro avo, nezvavaiita. Saka vaiva norusununguko rwokuramba vari vashumiri vaJehovha Mwari, vachitevedzera unhu hwakanaka hwaMwari wavo. Pane kudaro, vakarasa chipo ichocho chinokosha. Pavakasarudza kutadzira Jehovha, ivo pamwe nevana vavo vakarasikirwa noupenyu hwavaiva varongerwa naJehovha. (Gen. 3:16-19) Vakabva vaita kuti ivo nesu tibatwe “nechirwere” ichi chinouraya chatiri kukurukura nezvacho. Zvakanga zvakakodzera kuti Jehovha avatonge. Asi isu anotipa tariro yokuti anogona kutinunura.—Pis. 103:10.

Kurwadziwa Kwakaita Jesu Kuti Tinunurwe

6, 7. (a) Jehovha akaratidza sei kuti aizofanira kurasikirwa chaizvo kuti atinunure? (b) Tingadzidzei pazvibayiro zvakapiwa naAbheri uye nemisoro yemhuri yakararama Mutemo usati wavapo?

6 Jehovha aiziva kuti aizofanira kurasikirwa nechinhu chikuru kuti anunure vana vaAdhamu naEvha. Muuprofita hwakanyorwa pana Genesisi 3:15, tine zvatinodzidza nezvezvaaizorasikirwa nazvo kuti tinunurwe. Jehovha aizoita kuti pave “nomwana,” kana kuti mununuri, uyo aizoparadza Satani, achimutsakatisa zvachose. Zvisinei, mununuri iyeye aizotambudzwa, zvichiita sokuti aizokuvadzwa chitsitsinho. Kana uchizvifungidzira, zvinorwadza uye zvinoita kuti munhu ayaure, asi zvinorevei? Uyu Akasarudzwa naJehovha aizofanira kutsungirira chii?

7 Kuti asunungure vanhu pachivi, mununuri aifanira kuita kuti pave nenzira yokuyananisa, nzira yokuita kuti vanhu vayanane naMwari nokuita kuti pasava nechivi. Izvozvo zvaizosanganisirei? Pane zvakaitika zvairatidza kuti paizofanira kupiwa chibayiro. Munhu akatendeka wokutanga Abheri paakapa Jehovha zvibayiro zvemhuka, akazvigamuchira. Nokufamba kwenguva, misoro yemhuri yaitya Mwari yakaita saNoa, Abrahamu, Jakobho naJobho yakapawo zvibayiro zvakadaro, zvakafadza Mwari. (Gen. 4:4; 8:20, 21; 22:13; 31:54; Job. 1:5) Kwapera mazana emakore, Mutemo waMosesi wakaita kuti vanhu vazive kuti vaifanira kupa zvibayiro.

8. Zvii zvaiitwa nomupristi mukuru paZuva Rokuyananisa gore negore?

8 Mutemo waiti zvibayiro zvainyanya kukosha ndezviya zvaipiwa paZuva Rokuyananisa gore negore. Musi iwoyo, mupristi mukuru ane zvakati wandei zvaaiita zvine zvazvaifananidzira. Aipa zvibayiro kuna Jehovha achiita kuti zvivi zviyananiswe, kutanga zvivi zvevapristi, kwozoita zvemadzinza asiri evapristi. Mupristi mukuru aipinda muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri kana kuti yetemberi, maaingogona kupinda iye oga uye pamusi uyu chete pagore. Ari imomo aibva asasa ropa rezvibayiro paareka yesungano. Dzimwe nguva pamusoro peareka iyoyo paioneka gore rakajeka uye raipenya, raimiririra kuvapo kwaJehovha Mwari.—Eks. 25:22; Revh. 16:1-30.

9. (a) PaZuva Rokuyananisa, mupristi mukuru aifananidzira ani, uye zvibayiro zvaaipa zvaifananidzirei? (b) Kupinda kwaiita mupristi mukuru muNzvimbo Tsvenetsvene kwaifananidzirei?

9 Muapostora Pauro akafuridzirwa kuti anyore zvairehwa nezvaiitwa nomupristi mukuru zvine zvazvaifananidzira. Akaratidza kuti mupristi mukuru aifananidzira Mesiya, Jesu Kristu, asi kupiwa kwezvibayiro kwaifananidzira rufu rwaKristu rwokuzvibayira. (VaH. 9:11-14) Chibayiro ichocho chakakwana chaizoita kuti payananiswe mapoka maviri evanhu, boka revapristi rehama dzaKristu 144 000 dzakazodzwa nomudzimu uye ‘mamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Mupristi mukuru paaipinda muNzvimbo Tsvenetsvene, aifananidzira kuenda kwaizoita Jesu kudenga kunozviratidza kuna Jehovha Mwari achiratidza kuti apedza kubayira upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro.—VaH. 9:24, 25.

10. Uprofita hweBhaibheri hwakaratidza kuti Mesiya aizosangana nematambudziko api?

10 Zviri pachena kuti kununurwa kwevana vaAdhamu naEvha kwaizoreva kuti pane vaizorasikirwa zvakakura. Mesiya aizofanira kupa upenyu hwake sechibayiro! Vaprofita vomuMagwaro echiHebheru vanotaura izvi nenzira yakajeka. Somuenzaniso, muprofita Dhanieri akanyatsonyora kuti “Mesiya Mutungamiriri” “achaurayiwa,” kuitira “kuti kukanganisa kuyananisirwe.” (Dhan. 9:24-26) Isaya akagara ataura kuti Mesiya aizorambwa, aizotambudzwa, uye aizourayiwa, kana kuti kubayiwa, kuitira kuti atakure zvivi zvevanhu vasina kukwana.—Isa. 53:4, 5, 7.

11. Mwanakomana waJehovha akaratidza sei kuti aida kurasikirwa noupenyu hwake kuti isu tinunurwe?

11 Asati auya pasi pano, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga aiziva zvaaifanira kuita kuti tinunurwe. Aifanira kutambudzwa zvokutambudzwa zviya, ozourayiwa. Baba vake pavakamuudza izvozvo, akadzokera shure kana kuti kupanduka here? Aiwa, asi akatozviisa pasi akaita zvaainge audzwa naBaba vake asingaiti zvokumanikidzwa. (Isa. 50:4-6) Paaiva pasi pano, Jesu akateererawo akaita zvaidiwa naBaba vake. Akazviitirei? Akataura zvaakazviitira nemashoko aya: “Ndinoda Baba.” Akatizve: “Hapana ane rudo rukuru kune urwu, kuti mumwe munhu ape mweya wake nokuda kweshamwari dzake.” (Joh. 14:31; 15:13) Saka chikuru chakaita kuti tinunurwe rudo rwoMwanakomana waJehovha. Kunyange hazvo zvakaita kuti arasikirwe noupenyu hwake hwakakwana, aida kuzviita kuitira kuti tinunurwe.

Kurwadziwa Kwakaita Jehovha Kuti Tinunurwe

12. Rudzikinuro runoratidza kuda kwaani, uye nei akaita kuti ruvepo?

12 Jesu haasiye akatanga urongwa hwechibayiro chorudzikinuro kana kuti mapirwo achaizoitwa. Asi kununurwa nenzira iyi kwaienderana nokuda kwaJehovha. Muapostora Pauro akaratidza kuti atari yaiva mutemberi, paipirwa zvibayiro, yaimiririra kuda kwaJehovha. (VaH. 10:10) Saka Jehovha ndiye watinonyanya kutenda nokuda kwokukununurwa kwatakaitwa nechibayiro chaKristu. (Ruka 1:68) Chibayiro ichi chinoratidza kuda kwaMwari kusingachinji uye rudo rukuru rwaainarwo nevanhu.—Verenga Johani 3:16.

13, 14. Zvakaitwa naAbrahamu zvingatibatsira sei kunzwisisa zvatakaitirwa naJehovha?

13 Jehovha akarasikirwa zvakadini kuti atiratidze rudo rwakadai? Zvakaoma kuti tizvifungidzire. Zvisinei, pane nhoroondo iri muBhaibheri ingatibatsira kunyatsonzwisisa nyaya yacho. Jehovha akakumbira murume akatendeka Abrahamu kuti aite chinhu chakaoma, chokupa mwanakomana wake Isaka sechibayiro. Abrahamu aida mwanakomana wake. Jehovha paakataura naye nezvaIsaka akati “mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo.” (Gen. 22:2) Pasinei nezvose izvi, Abrahamu akaziva kuti kuita kuda kwaJehovha kwaitokosha kupfuura kuda kwaaiita Isaka. Abrahamu akateerera. Zvisinei, Jehovha haana kuzorega Abrahamu achiita zvaaizoita iye rimwe zuva. Abrahamu paakanga ava kuda kubayira mwanakomana wake, Mwari akatuma ngirozi kuti imurambidze. Abrahamu akanga asarudza kuteerera Mwari pamuedzo uyu wakaoma zvokuti aiva nechokwadi kuti aizoona mwanakomana wake zvakare paaizomutswa. Aitenda zvakakwana kuti Mwari aizomumutsa. Chokwadi, Pauro akati Abrahamu akagamuchira Isaka akanga amutswa “nenzira yokufananidzira.”—VaH. 11:19.

14 Ungafungidzira here kurwadziwa kwakaitwa Abrahamu paaigadzirira kupa mwanakomana wake sechibayiro? Zvakaitika kuna Abrahamu zvingatibatsira kunzwisisa zvakaitika kuna Jehovha paaipa chibayiro chewaakati “Mwanakomana wangu, anodiwa.” (Mat. 3:17) Zvisinei, yeuka kuti Jehovha akatorwadziwa zvakanyanya. Iye noMwanakomana wake vakanga vagara vose kwemamiriyoni kana mabhiriyoni emakore. Mwanakomana wacho aishanda naBaba vake achifara ari “mhizha” yavaida uye ari “Shoko,” kureva munhu aitaura achivamiririra. (Zvir. 8:22, 30, 31; Joh. 1:1) Hatingambofi takanzwisisa kurwadziwa kwakaita Jehovha pairwadziswa Mwanakomana wake, achisekwa uye paakazourayiwa sezvaiitwa vanhu vaiva nemhosva. Kununurwa kwedu kwakaita kuti Jehovha arwadziwe zvokurwadziwa zviya! Saka tingaratidza sei kuti tinokoshesa kununurwa kwatakaitwa?

Ungaratidza Sei Kuti Unokoshesa Kununurwa?

15. Jesu akapedzisa sei urongwa hwokuyananisa, uye hwakaunza zvikomborero zvipi?

15 Urongwa hwokuyananisa hwakazopedziswa pakamutswa Jesu akaenda kudenga. Sezvaakanga adzokera kuna Baba vake, akazviratidza kwavari achiratidza kuti apedza kubayira upenyu hwake hwakakwana sorudzikinuro. Pane zvikomborero zvakawanda zvakazovapo. Zvivi zvehama dzakazodzwa dzaKristu uye “zvenyika yose” zvakanga zvava kukwanisa kukanganwirwa zvizere. Chibayiro ichocho chakaita kuti mazuva ano vose vanonyatsopfidza zvivi zvavo vova vateveri vaKristu vechokwadi vave noukama hwakanaka naJehovha Mwari. (1 Joh. 2:2) Ko iwe unopinda papi?

16. Muenzaniso upi ungaratidza kukoshesa kwatinofanira kuita kununurwa kwatakaitwa naJehovha?

16 Ngatidzokerei kumuenzaniso wataurwa mundima yokutanga. Ngatimbotii chiremba anenge awana mushonga wechirwere chenyu anoudza varwere vari muwadhi mauri kuti: Murwere wose anobvuma mushonga wacho otevedzera mashandisirwo awo acharapwa. Ko kana vamwe vako vakaramba kuteerera zviri kutaurwa nachiremba wacho, vachiti manwirwo omushonga wacho anonetsa? Ungavatevedzera here, kunyange zvazvo paine zvinoratidza kuti mushonga wacho unonyatsoshanda? Aiwa. Hapana mubvunzo kuti ungatenda chaizvo chiremba wacho nokuda kwomushonga wacho, wonyatsotevedzera zvaanenge ataura, zvichida uchitoudzawo vamwe nezvazvo. Mumwe nomumwe wedu anotofanira kuva nechido chokuratidza Jehovha kuti anokoshesa kununura kwaakatiita nechibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake.—Verenga VaRoma 6:17, 18.

17. Ungaratidza sei kuti unokoshesa zvawakaitirwa naJehovha kuti akununure?

17 Kana tichikoshesa zvatakaitirwa naJehovha noMwanakomana wake kuti vatinunure pachivi norufu, tichazviratidza nezvatinoita. (1 Joh. 5:3) Ticharwisa kuti tisatadza. Hatizombofi takabvuma kuita chivi nemaune uye kurarama upenyu hwounyengeri tichinyepera kuti tiri kushumira Mwari. Izvozvo zvakafanana nokutaura kuti hatitombokoshesi rudzikinuro zvachose. Asi ticharatidza kuti tinorukoshesa kana tikaedza nepatinogona napo kuramba tiine ukama hwakanaka naMwari. (2 Pet. 3:14) Tichazviratidza nokuudzawo vamwe nezvetariro yedu yokununurwa, kuitira kuti ivowo vave noukama hwakanaka naJehovha uye vave netariro yokurarama nokusingaperi. (1 Tim. 4:16) Chokwadi zvakakodzera kuti tirumbidze Jehovha noMwanakomana wake nesimba redu rose uye pose patinokwanisa! (Mako 12:28-30) Pafunge! Tinogona kutarisira kuti pachasvika nguva yokuti tinenge tisisina chivi zvachose. Pamusana pezvakaitwa naJehovha kuti atinunure, tinenge tava kurarama nokusingaperi upenyu hwaiva hwakarongwa naMwari, takakwana!—VaR. 8:21.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Furuwenza yokuSpain inonzi yakabata vanhu 20 kusvika ku50 pazana roga roga pavanhu vaiva munyika panguva iyoyo. Utachiona hwacho hungadaro hwakauraya munhu mumwe chete kusvika kuvanhu gumi pazana roga roga raibatwa nahwo. Utachiona hweEbola hwakasiyana chaizvo nouhwu, asi dzimwe nguva hwakauraya vanhu vanoda kusvika 90 pazana vakanga vabatwa nahwo.

Ungapindura Sei?

• Chii chinoita kuti ude kununurwa iye zvino?

• Kuzvibayira kwakaitwa naJesu kunokubatsira sei?

• Unonzwa sei nezvechipo chatakapiwa naJehovha chorudzikinuro?

• Unonzwa uchida kuitei kuratidza kuti unokoshesa kununurwa kwawakaitwa naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 27]

PaZuva Rokuyananisa, mupristi mukuru muna Israeri aifananidzira zvaizoitwa naMesiya

[Mufananidzo uri papeji 28]

Chido chakaratidzwa naAbrahamu chokuda kubayira mwanakomana wake chinotidzidzisa zvakawanda nezvechibayiro chakakura chakazopiwa naJehovha