Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vandudza Minyengetero Yako Nokudzidza Bhaibheri

Vandudza Minyengetero Yako Nokudzidza Bhaibheri

Vandudza Minyengetero Yako Nokudzidza Bhaibheri

“Aa, Jehovha, ndapota, nzeve yenyu ngaiteerere munyengetero womushumiri wenyu.”—NEH. 1:11.

1, 2. Zvichatibatsirei kuongorora mimwe minyengetero yakanyorwa muBhaibheri?

KUNYENGETERA uye kudzidza Bhaibheri ndiwo musimboti wokunamata kwechokwadi. (1 VaT. 5:17; 2 Tim. 3:16, 17) Ichokwadi kuti Bhaibheri harisi bhuku reminyengetero. Asi rine minyengetero yakawanda, mizhinji yacho iri mubhuku reMapisarema.

2 Sezvaunoverenga nokudzidza Bhaibheri, uchawana minyengetero inoenderana nemamiriro ako ezvinhu. Tingatoti minyengetero yako ichavandudzika kana ukashandisa pfungwa dziri muminyengetero iri muMagwaro. Ungadzidzei pavanhu ivavo vane minyengetero yokukumbira kubatsirwa yakapindurwa uye ungadzidzei muminyengetero yavo?

Bvunza Mwari Woita Zvaanokuudza

3, 4. Mushumiri waAbrahamu akanga atumwei, uye chii chatingadzidza pane zvaakazoitirwa naJehovha?

3 Kudzidza Bhaibheri kunokubatsira kuziva kuti unofanira kugara uchinyengeterera kuti utungamirirwe naMwari. Chimbofunga zvakaitika Abrahamu paakatuma mushandi wake aiva mukuru pane vose, zvichida Eriezeri, kuti aende kuMesopotamia kunowanira Isaka mudzimai anotya Mwari. Vakadzi pavaichera mvura patsime, mushandi wacho akanyengetera achiti: “Jehovha . . . , musikana wandichati, ‘Ndapota, tura chirongo chako chemvura, kuti ndinwe,’ uye achati, ‘Inwai, uye ndichanwisawo ngamera dzenyu,’ iyeyu ndiye wamuchapa mushumiri wenyu, Isaka; uye itai kuti ndizive kuti maitira tenzi wangu rudo rwakavimbika neizvi.”—Gen. 24:12-14.

4 Munyengetero womushandi waAbrahamu wakapindurwa pakanwiswa ngamera dzake naRibheka. Munguva pfupi Ribheka akaenda naye kuKenani akanova mudzimai waIsaka. Haungatarisiri hako kuti Mwari akupe chiratidzo chakaita seichi. Asi achakutungamirira muupenyu kana ukanyengetera uye kana uine shungu dzokurarama uchitungamirirwa nomudzimu wake.—VaG. 5:18.

Munyengetero Unobatsira Kuti Tisanyanya Kuzvidya Mwoyo

5, 6. Chii chatinodzidza pamunyengetero waJakobho paakanga ava kuda kunosangana naIsau?

5 Munyengetero unogona kuderedza kuzvidya mwoyo. Achitya kuurayiwa nomukoma wake Isau, Jakobho akanyengetera kuti: “Haiwa Jehovha, . . . handikodzeri kuwana mutsa wose worudo nokutendeka kwose zvamakaitira mushumiri wenyu . . . Ndinunurei, ndinokutetererai, paruoko rwomukoma wangu, paruoko rwaIsau, nokuti ndinomutya kuti angauya akarwisa ini, amai pamwe chete nevana. Imi makati, ‘Chokwadi ndichakuitira zvakanaka, ndichaita kuti vana vako vave sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuda kwokuwanda kwaro.’”—Gen. 32:9-12.

6 Kunyange zvazvo Jakobho akatora matanho okuzvidzivirira, munyengetero wake wakapindurwa pakuti iye naIsau vakazoyanana. (Gen. 33:1-4) Ukanyatsoverenga chikumbiro chake uchaona kuti Jakobho akanga asiri kungokumbira kubatsirwa chete. Aiva nokutenda muMwana akapikirwa uye aionga mutsa worudo waakanga aitirwa naMwari. Une zvauri kutya “mumwoyo” here? (2 VaK. 7:5) Kana zvakadaro, kuteterera kwaJakobho kungakuyeuchidza kuti minyengetero inogona kuita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. Zvisinei minyengetero haifaniri kuva yokungokumbira chete asiwo inofanira kuratidza kuti une kutenda.

Nyengeterera Uchenjeri

7. Nei Mosesi akanyengeterera kuti azive nzira dzaJehovha?

7 Chido chokufadza Jehovha chinofanira kuita kuti unyengeterere uchenjeri. Mosesi akanyengeterera kuti azive nzira dzaMwari. Akateterera achiti: “Tarirai, [Jehovha] muri kuti kwandiri, ‘Tungamirira vanhu ava [kubva muIjipiti]’ . . . Zvino, ndapota, kana mandinzwira nyasha, ndapota, ndizivisei nzira dzenyu, . . . kuti mundinzwire nyasha.” (Eks. 33:12, 13) Mwari akamupindura nokumuita kuti anyatsoziva nzira dzake, izvo zvaizomubatsira kutungamirira vanhu vaJehovha.

8. Ungabatsirwa sei nokufungisisa 1 Madzimambo 3:7-14?

8 Dhavhidhi akanyengeterawo kuti: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha.” (Pis. 25:4) Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akakumbira Mwari kuti amupe uchenjeri kuti akwanise kuita mabasa ake samambo waIsraeri. Munyengetero waSoromoni wakafadza Jehovha, uyo akazomupa upfumi nokukudzwa kuwedzera pane zvaakanga akumbira. (Verenga 1 Madzimambo 3:7-14.) Kana sangano rikakupa basa raunoona sokuti haungarikwanisi, nyengeterera uchenjeri uye zvininipise. Mwari achabva akubatsira kuwana zivo uye kushandisa uchenjeri hunodiwa kuti uite basa rako zvakanaka uye murudo.

Nyengetera Zvinobva Pamwoyo

9, 10. Wadzidzei pamashoko aSoromoni nezvemwoyo paainyengetera achitsaurira temberi?

9 Kuti munyengetero unzwikwe unofanira kubva pamwoyo. Soromoni akanyengetera nemwoyo wose, zvakanyorwa pana 1 Madzimambo chitsauko 8, ari pamberi pegurusvusvu revanhu raive rauya kuJerusarema kuzotsaurira temberi yaJehovha muna 1026 B.C.E. Pakaiswa areka yesungano muNzvimbo Tsvenetsvene, gore raJehovha rikazadza temberi, Soromoni akarumbidza Mwari.

10 Ongorora munyengetero waSoromoni, uone zvaunotaura nezvemwoyo. Soromoni akataura kuti Jehovha chete ndiye anoziva mwoyo womunhu. (1 Madz. 8:38, 39) Munyengetero wacho unoratidzawo kuti mutadzi ‘anodzoka kuna Mwari nemwoyo wake wose’ anogamuchirwa naMwari. Dai muvengi aizotapa vanhu vaMwari, kuchema kwavo kwaizonzwikwa kana mwoyo wavo wakakwana kuna Jehovha. (1 Madz. 8:48, 58, 61) Saka zvechokwadi minyengetero yako inofanira kubva pamwoyo.

Kuvandudzwa Kungaitwa Minyengetero Yako neMapisarema

11, 12. Wadzidzei pane zvakataurwa nomumwe muRevhi achinyengetera paakanga asingakwanisi kuenda kutemberi yaMwari kwenguva yakati?

11 Kudzidza bhuku reMapisarema kunogona kuvandudza minyengetero yako uye kukubatsira kumirira Mwari kuti aipindure. Funga nezvemwoyo murefu waiva nomumwe muRevhi aiva akatapwa. Kunyange zvazvo kwemakore akanga asingakwanisi kuenda kutemberi yaJehovha akaimba kuti: “Nei wapererwa netariro, haiwa mweya wangu, nei usina kugadzikana mukati mangu? Mirira Mwari, nokuti ndichamurumbidza soruponeso rwangu rukuru.”—Pis. 42:5, 11; 43:5.

12 Ungadzidzei pane zvakataurwa nomuRevhi iyeye? Kana ukasungwa nokuti uri kuita zvinhu zvakarurama wobva waparadzaniswa nevamwe vaKristu kwenguva yakati, mirira Mwari nomwoyo murefu kuti akununure. (Pis. 37:5) Fungisisa nezvokunakidzwa kwawaimboitwa nebasa raMwari, uye paunenge ‘wakamirira Mwari’ kuti akusunungure unowadzana nevanhu vake, nyengetera kuti akubatsire kutsungirira.

Nyengetera Nokutenda

13. Maererano naJakobho 1:5-8 nei uchifanira kunyengetera nokutenda?

13 Pasinei nokuti uri kunyengeterera chii, nyengetera nokutenda. Kana uri kutarisana nomuedzo wokuperera kwako, ita zvakataurwa nomudzidzi Jakobho. Nyengetera kuna Jehovha, uine chokwadi kuti anogona kukupa uchenjeri hwokukubatsira kuti utsungirire muedzo wako. (Verenga Jakobho 1:5-8.) Mwari anoziva zvose zvingave zvichikunetsa, uye anogona kukutungamirira uye kukunyaradza achishandisa mudzimu wake. Budisa zviri kutsi kwemwoyo wako nokutenda kwakakwana, usiri “munhu asina chokwadi,” bvuma kutungamirirwa nomudzimu wake uye teerera zano riri muShoko rake.

14, 15. Nei zvinganzi Hana akanyengetera nokutenda uye akaita zvairatidza kuti ane kutenda?

14 Hana mumwe wemadzimai maviri omumwe muRevhi ainzi Erikana, akanyengetera nokutenda uye akaita zvinoratidza kutenda. Hana aigara achitsvinyirwa nenyaya yokushaya mbereko nomukadzinyina wake Penina, uyo aiva nevana vakawanda. Vasvika patebhenekeri, Hana akatsidza kuti kana akava nemwana mukomana, aizomupa Jehovha. Mupristi Mukuru Eri akafunga kuti Hana akanga akadhakwa nokuti aiona miromo yake ichidedera. Paakaziva kuti kwakanga kusiri kudhakwa, akati: “Mwari waIsraeri ngaakupe chikumbiro chako.” Kunyange zvazvo Hana akanga asingazivi kuti zvinhu zvaizofamba sei, aiva nokutenda kuti munyengetero wake waizopindurwa. Saka “chiso chake hachina kuzonetsekazve.” Kusuruvara kwose kwakabva kwapera.—1 Sam. 1:9-18.

15 Samueri aberekwa uye arumurwa, Hana akaenda naye kuna Jehovha kunoshanda basa dzvene patebhenekeri. (1 Sam. 1:19-28) Kufungisisa munyengetero waakapa musi iwoyo kunogona kuvandudza minyengetero yako kwokubatsira kuona kuti kunyange kusuwa nezverimwe dambudziko kunogona kukundwa kana ukanyengetera uine kutenda kuti Jehovha achakupindura.—1 Sam. 2:1-10.

16, 17. Chii chakaitika nokuti Nehemiya akanyengetera nokutenda uye akaita zvairatidza kutenda?

16 Nehemiya, murume akanga akarurama akararama muzana remakore rechishanu B.C.E., akanyengetera nokutenda uye akaita zvairatidza kutenda. Akateterera achiti: “Aa, Jehovha, ndapota, nzeve yenyu ngaiteerere munyengetero womushumiri wenyu nomunyengetero wevashumiri venyu vanofarira kutya zita renyu; uye ndapota, itai kuti mushumiri wenyu abudirire nhasi, mumuite kuti anzwirwe tsitsi pamberi pomunhu uyu.” Ndianiko ainzi naNehemiya “munhu uyu”? NdiMambo Atashasta wokuPezhiya, waaishandira ari mudiri.—Neh. 1:11.

17 Kwemazuva Nehemiya akanyengetera nokutenda paakanzwa kuti vaJudha vakanga vasunungurwa kuBhabhironi vakanga “vari kutambudzika kwazvo uye vari kuzvidzwa; uye rusvingo rweJerusarema rwakaputswa.” (Neh. 1:3, 4) Minyengetero yaNehemiya yakapindurwa zvaakanga asingafungiri paakabvumirwa naMambo Atashasta kuenda kuJerusarema kunovakazve rusvingo rwaro. (Neh. 2:1-8) Munguva pfupi-pfupi rusvingo rwakanga rwapera kuvakwa. Nehemiya akapindurwa nokuti ainyanya kunyengetera nezvokunamata kwechokwadi uye akanyengetera nokutenda. Ndiyo minyengetero yaunopawo here?

Yeukawo Kurumbidza Nokuonga

18, 19. Ndezvipi zvinofanira kuita kuti mushumiri waJehovha amurumbidze uye amutende?

18 Paunonyengetera, yeuka kurumbidza uye kuonga Jehovha. Pane zvakawanda zvinoita kuti umurumbidze uye umuonge. Somuenzaniso, Dhavhidhi aiva nechido chokurumbidza umambo hwaJehovha. (Verenga Pisarema 145:10-13.) Minyengetero yako inoratidza kuti unokoshesa ropafadzo yokuzivisa Umambo hwaJehovha here? Mashoko evanyori vemapisarema anogonawo kukubatsira kunyengetera kuna Mwari uchitenda misangano yechiKristu, magungano edunhu neeruwa.—Pis. 27:4; 122:1.

19 Kutenda ukama hwauinahwo naMwari kungakuita kuti unyengetere nomwoyo wose uchitaura pfungwa dzakaita seidzi: “Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha; ndichakuimbirai pakati pemapoka emarudzi. Nokuti mutsa wenyu worudo mukuru kusvikira kumatenga, nechokwadi chenyu kusvikira kumatenga. Kwidziridzwai pamusoro pematenga, haiwa Mwari; kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.” (Pis. 57:9-11) Aya mashoko anokurudzira zvechokwadi! Haubvumi here kuti mashoko anokurudzira zvakadaro ari muMapisarema anogona kuvandudza minyengetero yako?

Teterera Kuna Mwari Noruremekedzo

20. Mariya akaratidza sei kuti airemekedza Mwari?

20 Kuremekedza kwaunoita Mwari kunofanira kunzwika paminyengetero yako. Mashoko okuremekedza akataurwa naMariya achangoudzwa kuti ndiye aizova amai vaMesiya akafanana neakataurwa naHana paakaendesa Samueri kuti anoshanda patebhenekeri. Mariya airemekedza Mwari, sezvinooneka mumashoko ake okuti: “Mweya wangu unokudza Jehovha, uye mwoyo wangu haungaregi kufarira kwazvo Mwari Muponesi wangu.” (Ruka 1:46, 47) Ungavandudza minyengetero yako nokutaurawo mashoko akadaro here? Ndosaka Mariya, munhu akanga akazvipira kuna Mwari, akasarudzwa kuti ave mai vaJesu Mesiya!

21. Minyengetero yaJesu yairatidza sei ruremekedzo uye kutenda?

21 Jesu akanyengetera noruremekedzo uye nokutenda kwakakwana. Somuenzaniso, asati amutsa Razaro, “Jesu akatarira kudenga, akati: ‘Baba, ndinokuongai kuti mandinzwa. Chokwadi, ndaizviziva kuti munogara muchindinzwa.’” (Joh. 11:41, 42) Minyengetero yako inoratidza kuti unoremekedza uye une kutenda kwakadaro here? Kana ukadzidza munyengetero watakanzi naJesu titevedzere, uchaona kuti zvinonyanya kukosha zvacho kutsveneswa kwezita raJehovha, kuuya kweUmambo hwake uye kuzadziswa kwezvaanoda. (Mat. 6:9, 10) Funga nezveminyengetero yako pachako. Inoratidza kuti unonyatsofarira Umambo hwaJehovha, kuitwa kwokuda kwake, uye kutsveneswa kwezita rake here? Inofanira kuratidza izvozvo.

22. Nei uchigona kuva nechokwadi kuti Jehovha achakupa ushingi hwokuzivisa mashoko akanaka?

22 Nemhaka yokutambudzwa kana kuti mimwe miedzo, minyengetero inowanzosanganisira kuteterera kuti tibatsirwe kushumira Jehovha noushingi. Dare reSanihedrini parakati Petro naJohani varege “kudzidzisa . . . nezvezita raJesu,” vaapostora vacho vakashinga kuramba. (Mab. 4:18-20) Vasunungurwa, vakaudza vamwe vaKristu zvakanga zvaitika. Vose vakanga varipo vakabva vakumbira kuti Mwari avabatsire kutaura shoko rake noushingi. Vanofanira kunge vakafara zvikuru pavakapindurwa munyengetero iwoyo, nokuti “vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari noushingi.” (Verenga Mabasa 4:24-31.) Izvi zvakaita kuti vakawanda vave vanamati vaJehovha. Newewo munyengetero unogona kukusimbisa kuti uzivise mashoko akanaka noushingi.

Ramba Uchivandudza Minyengetero Yako

23, 24. (a) Taura mimwe mienzaniso inoratidza kuti kudzidza Bhaibheri kunogona kuvandudza minyengetero yako. (b) Uchaitei kuti uvandudze minyengetero yako?

23 Pane mimwe mienzaniso yakawanda ingaratidza kuti kuverenga Bhaibheri uye kuridzidza kunogona kuvandudza minyengetero yako. Paunonyengetera unogona kutevedzera Jona, uchibvuma kuti “ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Jona 2:1-10) Kana wakaita chivi uye wakabatsirwa nevakuru asi uchiri kunetseka, mashoko omunyengetero waDhavhidhi anogona kukubatsira kutaura kuti uri kupfidza paunenge uchinyengetera uri woga. (Pis. 51:1-12) Mune mimwe minyengetero, unogona kurumbidza Jehovha sezvakaita Jeremiya. (Jer. 32:16-19) Kana uri kutsvaka wokuroorana naye, kuongorora munyengetero uri muchitsauko 9 chaEzra, uye kuteterera kuna Mwari kunogona kukusimbisa kuti ude kuroora “munaShe chete.”—1 VaK. 7:39; Ezra 9:6, 10-15.

24 Ramba uchiverenga, uchidzidza, uye uchitsvakurudza zviri muBhaibheri. Tsvaka pfungwa dzaungashandisa paminyengetero yako. Zvichaita kuti minyengetero yako yokuteterera, kuonga, nokurumbidza ive nepfungwa dzomuMagwaro. Ucharamba uchiswedera pedyo naJehovha Mwari kana ukavandudza minyengetero yako nokudzidza Bhaibheri.

Ungapindura sei?

• Nei tichifanira kukumbira kuti Mwari atitungamirire uye kuita zvaanenge atiudza?

• Chii chinofanira kutiita kuti tinyengeterere uchenjeri?

• Bhuku reMapisarema rinogona sei kuvandudza minyengetero yedu?

• Nei tichifanira kunyengetera nokutenda uye noruremekedzo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Mushandi waAbrahamu akanyengeterera kuti Mwari amutungamirire. Ndizvo zvaunoitawo here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kunamata Kwemhuri kunogona kuvandudza minyengetero yako