Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu

Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu

Mesiya! Nzira yaMwari Yokuponesa Vanhu

“Nokuti vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.”—1 VAK. 15:22.

1, 2. (a) Andreya naFiripi vakaita sei pavakaona Jesu? (b) Sei tingati isu tine uchapupu hwakawanda hwokuti Jesu ndiye Mesiya kupfuura hwaiva nevaKristu vomuzana remakore rokutanga?

“TAWANA Mesiya,” akadaro Andreya achiudza mukoma wake Petro, pashure pokunge agutsikana kuti Jesu wokuNazareta ndiye aiva Muzodziwa waMwari. Firipi agutsikana kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, akatsvaka shamwari yake Natanieri akamuudza kuti: “Tawana uya akanyorwa nezvake naMosesi, muMutemo, uye akanyorwa nezvake neVaprofita, iye Jesu, mwanakomana waJosefa, wokuNazareta.”—Joh. 1:40, 41, 45.

2 Iwe unobvuma nomwoyo wose here kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa, “Mumiririri Mukuru woruponeso” achashandiswa naJehovha? (VaH. 2:10) Isu nhasi tine uchapupu hwakawanda hwokuti ndiye Mesiya kupfuura hwaiva nevateveri vake vomuzana remakore rokutanga. Kubvira pakaberekwa Jesu kusvika paakazomutswa, Shoko raMwari rinopa uchapupu husingarambiki hwokuti ndiye aiva Kristu. (Verenga Johani 20:30, 31.) Bhaibheri rinoratidzawo kuti Jesu aizoramba achiita basa rake saMesiya ari kudenga. (Joh. 6:40; verenga 1 VaKorinde 15:22.) Kubva pane zvawakadzidza muBhaibheri, iwewo nhasi unogona kuti ‘ndawana Mesiya.’ Asi ngatimbotanga takurukura chakaita kuti vadzidzi ivavo vokutanga vasvike pakugutsikana kuti vakanga vawana Mesiya.

“Chakavanzika Chitsvene” nezvaMesiya Chinoziviswa Zvishoma Nezvishoma

3, 4. (a) Zvakafamba sei kuti vadzidzi vomuzana remakore rokutanga ‘vawane Mesiya’? (b) Sei ungati Jesu chete ndiye aigona kuzadzisa uprofita hwose hwaitaura nezvaMesiya?

3 Vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakava sei nechokwadi kuti ndiye aiva Mesiya? Achishandisa vaprofita, Jehovha akanga ataura zvishoma nezvishoma zvinhu zvaizobatsira vanhu kuziva Mesiya aizouya. Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakafananidza izvi nokubatanidza zvimedu zvechidhori chedombo romunyaka chinenge chapwanyika. Chimbofungidzira kuti dai varume vakawanda vaizoti uyu achibva kwake uyu achibva kwake, vasina kumbotaurirana, vouya nezvimedu zvakasiyana-siyana zvomunyaka. Kana zvimedu zvacho zvikabatanidzwa, zvonyatsobudisa chidhori chiya chakapwanyika, waisazoti pane munhu akapwanya chidhori chacho akapa mumwe nomumwe wevarume ava chimedu here? Uprofita hwose hunotaura nezvaMesiya hwabatanidzwa, hwaizoita kuti vanhu vazive kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, kungofanana nezvimedu zvakasiyana-siyana zvinoumba chidhori chiya.

4 Saka tingati zvakangoitikawo nemasanga here kuti munhu mumwe chete azadzise uprofita hwose hunotaura nezvaMesiya? Mumwe mutsvakurudzi akati “hazvifi zvakaitika kuti” munhuwo zvake azadzise nemasanga uprofita hwose hunotaura nezvaMesiya. Ndokusaka akazopedzisa nokuti, “Hapana mumwe munhu akakwanisa kuzviita kunze kwaJesu, Jesu chete.”

5, 6. (a) Satani aizotongwa sei? (b) Mwari akazivisa sei zvishoma nezvishoma dzinza raizouya ne“mwana” akapikirwa?

5 Uprofita hwose hwaMesiya hunobva pa“chakavanzika chitsvene” chine mashoko akakosha kuzvisikwa zvose. (VaK. 1:26, 27; Gen. 3:15) Chakavanzika ichi chaisanganisira kutongwa kuchaitwa “nyoka yepakutanga,” Satani Dhiyabhorosi, uyo akakanda vanhu muchivi norufu. (Zvak. 12:9) Achatongwa sei? Jehovha akagara ataura kuti “mwana” achaberekwa ‘nemukadzi’ aizopwanya Satani musoro. “Mwana” uyu akagara ataurwa nezvake achapwanya musoro wenyoka, zvichireva kuti anenge abvisa honzeri yokupanduka, kurwara uye kufa. Zvisinei, Mwari aizobvumira Satani kuti atange aita seari kukuvadza chitsitsinho ‘chomwana’ womukadzi.

6 Zvishoma nezvishoma Jehovha akazivisa kuti ndiani aizova “mwana” akapikirwa. Mwari akapikira Abrahamu kuti: “Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako.” (Gen. 22:18) Mosesi akagara ataura kuti Mwana uyu aizova “muprofita.” Muprofita uyu aizova mukuru kwaari. (Dheut. 18:18, 19) Dhavhidhi akaudzwa kuti Mesiya aizobva mudzinza rake uye kuti aizogara nhaka chigaro chake choumambo nokusingaperi, uye vamwe vaprofita vakataurawo kuti izvozvo ndizvo zvaizoitika.—2 Sam. 7:12, 16; Jer. 23:5, 6.

Zvairatidza Kuti Jesu Ndiye Mesiya

7. Tingati Jesu akauya achibva ‘kumukadzi’ waMwari sei?

7 Mwari akatuma Mwanakomana wake, chisikwa chake chokutanga, kubva kusangano rakaita somukadzi wake rezvisikwa zvokudenga kuti azova “mwana” akapikirwa. Kuti izvi zviitike, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga aifanira ‘kuzvidurura’ kubva kudenga ozvarwa semunhu akakwana. (VaF. 2:5-7; Joh. 1:14) ‘Kufukidzwa’ kwakaitwa Mariya nemudzimu mutsvene kwakavimbisa kuti chaizoberekwa chaizonzi “chitsvene, Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:35.

8. Jesu paakaenda kunobhabhatidzwa mumvura, akanga achizadzisa sei uprofita hwaitaura nezvaMesiya?

8 Uprofita hunotaura nezvaMesiya hwairatidza kuti Jesu aizooneka kupi uye rini. Sezvakagara zvataurwa, Jesu akaberekerwa kuBhetrehema. (Mika 5:2) Muzana remakore rokutanga, vaJudha vaitarisira chaizvo kuuya kwake. Vamwe pavaitarisira kuuya kwaMesiya, vakasvika pakubvunza nezvaJohani Mubhabhatidzi vachiti: “Kuti angava ndiye Kristu here?” Asi Johani akapindura kuti: “Uyo akasimba kupfuura zvandakaita ari kuuya.” (Ruka 3:15, 16) Mumatsutso egore ra29 C.E., Jesu paakanga ava nemakore 30, akaenda kunobhabhatidzwa naJohani kuti ave Mesiya panguva chaiyo yaaitarisirwa. (Dhan. 9:25) Ndipo paakabva atanga ushumiri hwake hwaiva nezvakawanda zvokuita, achiti: “Nguva yakatarwa yakwana, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo.”—Mako 1:14, 15.

9. Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu vakanga vasinganzwisisi zvose, chii chavaiva nechokwadi nacho?

9 Zvisinei, vanhu vaifanira kugadziridza manzwisisiro avaiita. Vakanga vakarurama havo pavakarumbidza Jesu saMambo, asi vakanga vasati vava kunyatsonzwisisa kuti aizotonga munguva yemberi uye aizotonga ari kudenga. (Joh. 12:12-16; 16:12, 13; Mab. 2:32-36) Kunyange zvakadaro, Jesu paakabvunza kuti, “Munoti ndini ani?” Petro akabva angopindura kuti: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mat. 16:13-16) Petro akapindurazve saizvozvo vakawanda pavakasiya Jesu nemhaka yezvimwe zvaakavadzidzisa.—Verenga Johani 6:68, 69.

Kuteerera Mesiya

10. Sei Jehovha akasimbisa kuti vanhu vaifanira kuteerera Mwanakomana wake?

10 Paaiva kudenga, Mwanakoma waMwari akaberekwa ari mumwe oga akanga ari chisikwa chisingaoneki chine simba. Paakanga ava pasi pano, Jesu aiva “mumiririri waBaba.” (Joh. 16:27, 28) Akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Joh. 7:16) Panguva yakashanduka Jesu chitarisiko, Jehovha akati: “Muteererei,” kuratidza kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya. (Ruka 9:35) Vaifanira kuteerera uyu Akasarudzwa. Kuti vafadze Mwari uye vawane upenyu husingaperi, vaifanira kutenda uye kuita mabasa akanaka.—Joh. 3:16, 35, 36.

11, 12. (a) Zvii zvakaita kuti vaJudha vomuzana remakore rokutanga varambe kuti Jesu ndiye aiva Mesiya? (b) Ndivanaani vakabvuma kuti Jesu aiva Mesiya?

11 Kunyange zvazvo paiva nezvakawanda zvairatidza kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, ruzhinji rwevaJudha vomuzana remakore rokutanga rwakamuramba. Nemhaka yei? Nokuti vane zvavo zvavaitarisira pane wavaifunga kuti ndiye aizova Mesiya, zvaisanganisira kuti aifanira kuva mutongi aizovasunungura pakudzvinyirirwa kwavaiitwa nevaRoma. (Verenga Johani 12:34.) Saka vakatadza kugamuchira Mesiya uyo akazadzisa uprofita hwaitaura kuti aizozvidzwa, aizorambwa nevanhu, aizorwadziwa, aizoziva zvirwere, uye aizopedzisira aurayiwa. (Isa. 53:3, 5) Kunyange vamwe vadzidzi vaJesu vakanga vakatendeka vakaora mwoyo paakarega kuvanunura pavatongi vavo. Asi vakaramba vakavimbika, uye nokufamba kwenguva vakanzwisisa zvakarurama.—Ruka 24:21.

12 Chimwe chakaita kuti vanhu varambe kuti Jesu ndiye aiva Mesiya idzidziso dzake, dzakanga dzakaomera vakawanda kugamuchira. Dzimwe dzacho dzaiva dzokuti, kuti munhu apinde muUmambo aifanira ‘kuzviramba,’ ‘kudya’ ropa nenyama zvaJesu, ‘kuberekwazve’ uye ‘kusava wenyika.’ (Mako 8:34; Joh. 3:3; 6:53; 17:14, 16) Vanhu vaidada, vapfumi, uye vanyengeri vaiona sokuti zvinhu izvi zvakanga zvisingakwanisiki. Zvisinei, vaJudha vaizvininipisa vakabvuma kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, sezvakaitawo vamwe vaSamariya, vakati: “Munhu uyu chokwadi ndiye muponesi wenyika.”—Joh. 4:25, 26, 41, 42; 7:31.

13. Jesu akakuvadzwa sei chitsitsinho?

13 Jesu akagara ataura kuti aizotongerwa rufu nevapristi vakuru, orovererwa neveMamwe Marudzi, asi aizomutswa pazuva rechitatu. (Mat. 20:17-19) Kutaura kwaakaita nechivimbo pamberi pedare reSanihedrini kuti aiva “Kristu Mwanakomana waMwari” kwakatorwa sokuti akanga amhura Mwari. (Mat. 26:63-66) Pirato akashaya “chaakaita chakakodzera rufu,” asi nokuti vaJudha vakanga vamupomera kuti aimukira hurumende, Pirato “akavapa Jesu sezvavaida.” (Ruka 23:13-15, 25) Saka ‘vakamuramba’ uye vakarangana kuuraya “Mumiririri Mukuru woupenyu,” pasinei nouchapupu hwose hwavaiona hwokuti akanga atumwa naMwari. (Mab. 3:13-15) Sezvakagara zvataurwa, Mesiya ‘akaurayiwa,’ akarovererwa padanda Musi wePaseka yegore ra33 C.E. (Dhan. 9:26, 27; Mab. 2:22, 23) Rufu rwacho ndiko kukuvadzwa “chitsitsinho” kwaakaita, sezvakagara zvataurwa pana Genesisi 3:15.

Sei Mesiya Aifanira Kufa?

14, 15. (a) Zvikonzero zvipi zviviri zvakaita kuti Jehovha arege Jesu achiurayiwa? (b) Jesu akaitei pashure pokumutswa?

14 Pane zvikonzero zviviri zvakaita kuti Jehovha arege Jesu achiurayiwa. Chokutanga, kutendeka kwaJesu kusvikira pakufa kwakagadzirisa nyaya inokosha ine chokuita ne“chakavanzika chitsvene.” Akaratidza zvisingasiyi mubvunzo kuti munhu akakwana anogona kuramba aka“zvipira kuna Mwari” uye kutsigira uchangamire hwaMwari pasinei nokuoma kungaita miedzo inounzwa naSatani. (1 Tim. 3:16) Chechipiri, sezvakataurwa naJesu, ‘Mwanakomana womunhu akauya kuzopa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mat. 20:28) “Rudzikinuro runoenzanirana” urwu rwakabhadhara chivi chakagarwa nhaka nevana vaAdhamu uye rwakaita kuti vose vanogamuchira Jesu senzira yaMwari yokuponesa vanhu vawane upenyu husingaperi.—1 Tim. 2:5, 6.

15 Kristu akaita mazuva matatu ari muguva ndokuzomutswa, uye akaita mazuva 40 achizviratidza kuvadzidzi vake, kuti avaratidze kuti aiva mupenyu uye avape mimwe mirayiridzo. (Mab. 1:3-5) Zvadaro akakwira kudenga kunopa Jehovha zvaimiririrwa nechibayiro chake chinokosha uye kunomirira nguva yokuti kuvapo kwake saMambo Mesiya kutange. Asi paaiva akamirira, aiva nezvakawanda zvokuita.

Kupedzisa Basa Rake saMesiya

16, 17. Taura zvakaitwa naJesu saMesiya paakadzokera kudenga uye zvaachaita.

16 Mumazana emakore ose kubvira paakamutswa, Jesu anga achitarisira ungano yevaKristu akatendeka uye anga ari Mambo wayo. (VaK. 1:13) Aizotanga kutonga saMambo woUmambo hwaMwari panguva yakatarwa. Uprofita hweBhaibheri nezviri kuitika munyika zvinoratidza kuti kuvapo kwake saMambo kwakatanga muna 1914, sezvakaita “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 24:3; Zvak. 11:15) Izvozvo zvichangoitika, akatungamirira ngirozi tsvene pakudzinga Satani nemadhimoni ake kubva kudenga.—Zvak. 12:7-10.

17 Basa rokuparidza nokudzidzisa rakatangwa naJesu muna 29 C.E. rava kuda kusvika kwamvura yacheka makumbo. Munguva pfupi iri kuuya achatonga vapenyu vose. Achabva audza vose vakaita semakwai kuti vamugamuchire senzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu kuti ‘vagare nhaka youmambo hwavakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.’ (Mat. 25:31-34, 41) Vaya vanoramba kuti Jesu ndiMambo vachaparadzwa paachatungamirira mauto okudenga pakubvisa zvakaipa zvose. Zvadaro Jesu achasunga Satani omukanda iye nemadhimoni ake “mugomba rakadzikadzika.”—Zvak. 19:11-14; 20:1-3.

18, 19. Jesu paanenge achiita basa rake saMesiya, zvii zvaachaita, uye zvichaita kuti vanhu vanoteerera vakomborerwe zvakadini?

18 Paanenge achitonga Kwemakore Ane Chiuru, Jesu achaita zvinoenderana nemazita ake ose, akadai sokuti, “Mupi weZano Anoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vasingagumi, Muchinda woRugare.” (Isa. 9:6, 7) Umambo hwake huchaita kuti vanhu vave vakakwana, kusanganisira vaya vachamutswa kubva kuvakafa. (Joh. 5:26-29) Mesiya achatungamirira vanhu “kuzvitubu zvemvura youpenyu,” oita kuti vaya vanoteerera vakwanise kuva noukama hwakanaka naJehovha. (Verenga Zvakazarurwa 7:16, 17.) Pashure pomuedzo wokupedzisira, vapanduki vose, kusanganisira Satani nemadhimoni ake, vacha“kandwa mugungwa romoto,” kureva kupwanywa kwomusoro we“nyoka.”—Zvak. 20:10.

19 Jesu anonyatsoita mabasa ake saMesiya zvakanaka uye zvisingasiyi mibvunzo! Nyika inenge iri paradhiso ichazadzwa nevanhu vakanunurwa, vachararama nokusingaperi vaine utano hwakanaka uye vachifara. Zita raJehovha dzvene richacheneswa pakuzvidzwa kwose, uye uchangamire hwake hucharevererwa kuti hwakanyatsokodzera. Munguva pfupi iri kuuya vose vaya vanoteerera Muzodziwa waMwari vachapiwa nhaka!

Iwe Wakawana Mesiya Here?

20, 21. Zvii zvingaita kuti uudze vamwe nezvaMesiya?

20 Kubvira muna 1914 tiri kurarama munguva yokuvapo kwaKristu, inonzi pa·rou·siʹa. Kunyange zvazvo tisimungaoni kuti avapo saMambo woUmambo hwaMwari, uprofita huri kuzadzika hunoratidza kuti ndizvo zvazviri. (Zvak. 6:2-8) Kunyange zvakadaro, vanhu vazhinji mazuva ano vanoita sevasiri kuona uchapupu hwokuti Mesiya aripo, sezvaingoitawo vaJudha vomuzana remakore rokutanga. Vanodawo mutungamiriri kana kuti munhu anenge achishanda nevanhu vezvematongerwo enyika. Asi iwe wava kuziva kuti iye zvino Jesu ari kutonga saMambo woUmambo hwaMwari. Pawakatanga kuzviziva hauna kufara here? Kungofanana nevadzidzi vomuzana remakore rokutanga, wakanzwa uchida kuzivisa kuti: “Tawana Mesiya.”

21 Mazuva ano, paunenge uchitaura nezvechokwadi, unonyanya kutaura nezvebasa raJesu saMesiya here? Ukadaro unowedzera kukoshesa kwaunoita zvaakakuitira, zvaari kuita iye zvino, uye zvaachazoita. Kufanana naAndreya naFiripi, hapana mubvunzo kuti wakaudza hama dzako neshamwari nezvaMesiya. Wadii kutaurazve nadzo nechido chakawedzera uchidziratidza kuti zvechokwadi Jesu Kristu ndiye Mesiya akapikirwa, nzira yaMwari yokuponesa nayo vanhu?

Ungatsanangura Here?

• Vadzidzi vomuzana remakore rokutanga vakawana sei Mesiya?

• Jesu akafira zvikonzero zvipi zviviri zvinokosha?

• Jesu achaitei kuti azadzise basa rake saMesiya?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Chii chakabatsira vanhu vomuzana remakore rokutanga kuziva kuti Jesu ndiye Mesiya akapikirwa?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Paunotaura nevamwe, unonyanya kutaura nezvebasa raJesu saMesiya here?