Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Norudo Rusingamboperi

Iva Norudo Rusingamboperi

Iva Norudo Rusingamboperi

‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’—1 VAK. 13:7, 8.

1. (a) Rudo runowanzotaurwa nezvarwo sei? (b) Zvii zvinodiwa nevanhu vakawanda?

PANE nyaya dzakawanda dzakabudiswa dzinotaura nezverudo. Vaimbi vanorwurumbidza uye vanowedzeredza kana vachiimba nezvarwo. Munhu wose anoda kudiwa. Mabhuku nemafirimu akazara nengano dzorudo, uye nyaya dzakadaro ndidzo dziri kumhanyirwa kunotengwa nevanhu. Asi vashomanana vanoda Mwari nomuvakidzani nomwoyo wose. Zvatiri kuona ndizvo zvakagara zvataurwa neBhaibheri nezvemazuva ano okupedzisira. Vanhu “vanozvida, vanoda mari, . . . vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.”—2 Tim. 3:1-5.

2. Bhaibheri rinonyevera chii panyaya yokuda zvinhu zvisiri izvo?

2 Vanhu vanokwanisa kuratidza rudo, asi Shoko raMwari rinotinyevera nezvokuda zvinhu zvisiri izvo. Uye Bhaibheri rinorondedzera zvinoitika kana kuda zvinhu zvisiri izvo kukadzika midzi mumwoyo momunhu. (1 Tim. 6:9, 10) Unoyeuka here zvakanyorwa nomuapostora Pauro nezvaDhemasi? Kunyange zvazvo aishamwaridzana naPauro, Dhemasi akatanga kuda zvinhu zvaiva munyika. (2 Tim. 4:10) Muapostora Johani akanyevera vaKristu chakaipira kuda nyika. (Verenga 1 Johani 2:15, 16.) Kuda nyika nezvinhu zvayo zvinopfuura hakuenderani nokuda Mwari nezvinhu zvinobva kwaari.

3. Chii chatinofanira kurwisa, uye zvinoita kuti tibvunze mibvunzo ipi?

3 Isu hatisi venyika ino, kunyange zvazvo tichiri kugara mairi. Naizvozvo tinofanira kurwisa kuti tisada zvinhu zvinodiwa nenyika. Zvakakosha chaizvo kuti tisabatwawo mumusungo wokuda zvinhu zvisiri izvo. Saka ndiani watinofanira kuratidza rudo rwechokwadi? Zvii zvinotibatsira kuva norudo runotsungirira zvinhu zvose uye rusingamboperi? Kuva norudo rwakadaro kunotibatsira sei iye zvino uye mune ramangwana? Tinofanira kuziva maonero aMwari panyaya iyi kuitira kuti tiitewo zvinoenderana nawo.

Ita Kuti Kuda Kwaunoita Jehovha Kukure

4. Kuda Mwari kunokura sei?

4 Funga zvinoita murimi paanoshanda nesimba kuti agadzirire ivhu raanenge achida kudyara mbeu. Anotarisira kuti mbeu idzodzo dzikure. (VaH. 6:7) Saizvozvowo, kuda kwatinoita Mwari kunofanira kukura. Tinofanira kuitei kuti kukure? Tinofanira kusakurira ivhu romwoyo wedu, pakadyarwa chokwadi choUmambo. Tinoita izvi patinoshingaira kudzidza Shoko raMwari kuitira kuti tiwedzere kumuziva. (VaK. 1:10) Kugara tichipinda misangano yeungano tichipindurawo kuchatibatsira kuwedzera ruzivo rwedu. Tiri kugara tichishanda nesimba kuti tiwane ruzivo rwakadzama here?—Zvir. 2:1-7.

5. (a) Tingaziva sei nezvounhu hwaJehovha? (b) Ungatii nezvokururamisira kwaMwari, uchenjeri hwake, uye simba rake?

5 Jehovha anotiudza nezvounhu hwake muShoko rake. Kuti tinyatsonzwisisa unhu hwaJehovha, hwakadai sokururamisira kwake, simba, uchenjeri uye rudo rukuru, tinofanira kudzidza Magwaro uye kuramba tichiwedzera zivo pamusoro pake. Jehovha anoratidza kuti anoruramisira pane zvose zvaanoita uye pamitemo yake yakakwana. (Dheut. 32:4; Pis. 19:7) Tinogona kufungisisa nezvezvinhu zvose zvakasikwa naJehovha toshamiswa nouchenjeri hwake. (Pis. 104:24) Zvinhu zvose zvakasikwa zvinotipa uchapupu hwokuti kuna Jehovha ndiko kunobva simba rose uye simba rake hariperi.—Isa. 40:26.

6. Mwari akatiratidza sei rudo rwake, uye iwe wakabatsirwa sei narwo?

6 Tingatii nezvorudo rwaMwari, rwaanoratidza kupfuura zvimwe zvose? Rwakadzama uye runotibatsira tose. Akatiratidza rudo irworwo paakapa rudzikinuro kuti vanhu vanunurwe. (Verenga VaRoma 5:8.) Urongwa uhwu hwakaitirwa munhu wose ari munyika, asi vaya vanobvuma rudo rwaMwari uye vane kutenda muMwanakomana ndivo chete vachabatsirwa narwo. (Joh. 3:16, 36) Kupiwa kwatakaitwa Jesu sorudzikinuro kuti ave chibayiro chezvivi zvedu kunofanira kuita kuti tidewo Mwari nezvaakatiitira.

7, 8. (a) Tinofanira kuitei kuratidza kuti tinoda Mwari? (b) Vanhu vaMwari vanochengeta mirayiro yake pasinei nechii?

7 Tichifunga nezvezvose zvatakaitirwa naMwari, tingaratidza sei kuti tinomuda? Mhinduro yacho yakafuridzirwa inoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Joh. 5:3) Kana tichida Jehovha Mwari zvinoita kuti tichengete mirayiro yake. Ndizvo zvimwe zvinoita kuti tiparidze nezvezita rake noUmambo hwake, izvo zvinobatsirawo vamwe. Kubudisa mashoko iwayo ari mumwoyo wedu uchapupu hwokuti tine vavariro yakanaka pakuchengeta mirayiro yaMwari.—Mat. 12:34.

8 Hama dzedu dziri munyika yose dzinotsungirira pakuchengeta mirayiro yaMwari pasinei nokuti vanhu vavanoparidzira havafariri shoko roUmambo uye vamwe vacho vanotoriramba zvachose. Hama idzi hadzikandi mapfumo pasi pakuita ushumiri hwadzo zvizere. (2 Tim. 4:5) Saizvozvowo, tinonzwa tichida kuudzawo vamwe zvatinoziva nezvaMwari uyewo kuchengeta mirayiro yake yose.

Zvinoita Kuti Tide Ishe Wedu Jesu Kristu

9. Zvii zvakatsungirirwa naKristu, uye chii chakaita kuti atsungirire?

9 Kuwedzera pakuda Mwari, pane zvakawanda zvinoita kuti tidewo Mwanakomana wake. Kunyange hazvo tisati tamboona Jesu, patinoramba tichidzidza nezvake, kumuda kwatinoita kunokura. (1 Pet. 1:8) Zvii zvimwe zvakatsungirirwa naJesu? Paaiita kuda kwaBaba vake, Jesu akavengwa pasina chikonzero, akatambudzwa, akareverwa nhema, akatukwa. Anewo zvimwe zvakaipa zvaakaitirwa. (Verenga Johani 15:25.) Kuda kwaaiita Baba vake vokudenga ndiko kwakaita kuti atsungirire miedzo iyoyo. Uye rudo rwake ndirwo rwakaita kuti afe rufu rwokuzvibayira rwakazoita kuti vakawanda vadzikinurwe.—Mat. 20:28.

10, 11. Tichifunga nezvezvatakaitirwa naKristu, vavariro yedu ndeyei?

10 Zvakaitwa naJesu zvinoita kuti isuwo tide kuita chimwe chinhu. Patinofunga nezvezvatakaitirwa naKristu, kumuda kwatinoita kunokura. Zvatiri vateveri vake, tinofanira kuvavarira kuva norudo rwakaita sorwaKristu uye kuramba tichirwuratidza kuitira kuti titsungirire pakuchengeta murayiro wake wokuparidza nezvoUmambo uye wokuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.

11 Patinofunga nezvokuti Kristu akada vanhu vose, tinonzwa tichida kupedza basa redu mugumo usati wauya. (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.) Rudo rwakaratidzwa naKristu ndirwo rwakaita kuti aite kuti chinangwa chaMwari pamusoro pevanhu chibudirire. Uye muenzaniso watakasiyirwa naKristu kuti tinyatsotevedzera unoita kuti mumwe nomumwe wedu avewo nezvaanoita pachinangwa chaMwari ichocho. Izvi zvinoda kuti kuda kwatinoita Mwari kurambe kuchikura kusvika pokupedzisira. (Mat. 22:37) Kana tikateerera zvakadzidziswa naJesu uye tikachengeta mirayiro yake, tinoratidza kuti tinomuda uye kuti tinoda kutsigira uchangamire hwaMwari nyange zvodini, sezvakaitwa naJesu.—Joh. 14:23, 24; 15:10.

Kutevera Nzira Inopfuura Dzose Yorudo

12. Pauro airevei nemashoko okuti “nzira inopfuura dzose”?

12 Muapostora Pauro aitevedzera Kristu. Aitaura akasununguka paaikurudzira hama dzake kuti dzimutevedzere, nokuti iyewo ainyatsotevedzera nhanho dzaKristu. (1 VaK. 11:1) Kunyange zvazvo Pauro akakurudzira vaKristu vokuKorinde kuti varambe vachishingaira kutsvaka zvipo zvomudzimu zvaiva nevanhu vomuzana remakore rokutanga, zvakadai sokuporesa uye kutaura nendimi, akavaratidza kuti pane imwe nzira yaiva nani yavaikwanisa kutevera. Pana 1 VaKorinde 12:31, akatsanangura kuti: “Ini ndinokuratidzai nzira inopfuura dzose.” Ndima dziri kutevera dzinoratidza kuti iyi yaiva nzira inopfuura dzose yorudo. Yaipfuura dzimwe dzose pakudini? Pauro akapa muenzaniso wezvaaireva. (Verenga 1 VaKorinde 13:1-3.) Kudai aikwanisa kuita zvimwe zvinhu zvinoshamisa uye kuita zvinhu zvikuru asi asina rudo, zvaizobatsirei? Hapana! Achibatsirwa nomudzimu waMwari, akatsanangura chokwadi ichi chinokosha. Akatijekesera pfungwa yacho zvinonwisa mvura!

13. (a) Rugwaro rwegore ra2010 runotii? (b) Sei tichiti rudo haruzomboperi?

13 Pauro anozotitsanangurirawo kuti rudo chii uye anotsanangura zvarwusiri. (Verenga 1 VaKorinde 13:4-8.) Iye zvino chimbozviongorora uone kuti pane zviri kutaurwa nezverudo uri kuita seiwo. Funga nezvemashoko ari mutsetse wokupedzisira mundima 7 uye wokutanga mundima 8, ayo achange ari orugwaro rwegore ra2010, anoti: ‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’ Cherechedza kuti mundima 8, Pauro akati zvipo zvomudzimu, kusanganisira kuprofita nokutaura nendimi, zvaiitwa ungano yechiKristu ichangotanga, zvaizogumiswa. Zvaizopera. Asi rudo ruchagara ruripo. Jehovha ndiye rudo rwacho, uye anogara nokusingaperi. Saka rudo haruzomboperi, kana kuguma. Rucharamba ruri unhu hwaMwari wedu asingagumi nokusingaperi.—1 Joh. 4:8.

Rudo Runotsungirira Zvinhu Zvose

14, 15. (a) Rudo rungatibatsira sei kutsungirira miedzo? (b) Chii chakaita kuti imwe hama irambe kuita zvakaipa?

14 Chii chinoita kuti vaKristu vatsungirire pasinei nemiedzo, zvinhu zvakaoma, uye matambudziko avanosangana nawo? Rudo rwechokwadi. Rudo rwakadaro harurevi kungobvuma kurasikirwa nezvatinazvo. Runosvika pakuti tinoda kuramba takaperera kuna Mwari kunyange zvingareva kurasikirwa noupenyu hwedu nokuda kwaKristu. (Ruka 9:24, 25) Funga nezveZvapupu zvakatendeka zvakatambudzwa mumisasa yevasungwa, mumisasa yechibharo uye mumajeri pairwiwa Hondo Yenyika II uye payakapera.

15 Zvakaitwa nechimwe Chapupu chokuGermany chechiduku chinonzi Wilhelm zvinoratidza kuti izvi ndezvechokwadi. Pane kubvuma kuita zvakaipa, akaramba akavimbika kunyange paakanga anzi aizourayiwa achiitwa zvokupfurwa nevaNazi. Akanyorera vomumhuri make tsamba yokuvaoneka, yaiti: “Kupfuura zvose tinofanira kuda Mwari, sezvatakarayirwa noMutungamiriri wedu Jesu Kristu. Kana tikamutsigira, achatipa mubayiro.” Pave paya, mumwe womumhuri make akanyora mune imwe nyaya yakabuda muNharireyomurindi kuti: “Zvinhu pazvaioma chaizvo, semhuri taiva nechokwadi chokuti taiisa Mwari pakutanga nokuti taimuda.” Ndiwo maonero ane hama dzakawanda dzakasungwa kuArmenia, Eritrea, South Korea, nedzimwe nyika. Kuda Jehovha kunoita hama idzi hakusi kuchinja.

16. Hama dzedu dzokuMalawi dzakatsungirirei?

16 Munyika dzakawanda, hama dzedu dzinotarisana nemimwewo miedzo yokutenda kwadzo yadzinofanira kutsungirira. Kwemakore 26 Zvapupu zvaJehovha zvokuMalawi zvakatsungirira pazvairambidzwa kunamata nehurumende, pazvaishorwa zvakasimba, uye pazvaiitirwa utsinye. Vakapiwa mubayiro wokutsungirira kwavakaita. Pavakatanga kutambudzwa, munyika iyoyo maiva neZvapupu zvinenge 18 000. Kwapera makore 30 vakanga vava 38 393. Izvi zvakaitikawo kune dzimwe nyika.

17. Vaya vari mumhuri dzine vamwe vasiri Zvapupu vakatarisana nechii, uye chii chakaita kuti vatsungirire kubatwa zvisina kunaka?

17 Kutambudzwa kwevanhu vaMwari sesangano kunorwadza hako, asi kuzotambudzwa kwomuKristu mumwe chete nevomumhuri kunogona kunyanya kuoma. Vanhu vomumba kana kuti voukama vanogona kushungurudza. Ko Jesu haana kugara ataura kuti zvaizoitika here? Akataura, uye vakawanda vakaona kuti mashoko ake ndeechokwadi. (Mat. 10:35, 36) Vechiduku vanotsungirira pavanorambidzwa kunamata nevabereki vavo vasiri vaKristu. Vamwe vakatodzingwa pamba, asi vakagamuchirwa nezvimwe Zvapupu zvine mutsa. Vamwe vakaramwiwa nevabereki vavo. Chii chakaita kuti vanhu ava vatsungirire kubatwa zvisina kunaka? Haisi nyaya yokungoti vaida hama dzavanonamata nadzo, asi kuti vaida Jehovha noMwanakomana wake zvechokwadi.—1 Pet. 1:22; 1 Joh. 4:21.

18. Rudo runotsungirira zvinhu zvose runobatsira sei vaKristu vakaroorana?

18 Pane zvimwe zvakawanda zvinoitika muupenyu zvinoda kuti tive norudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo ndirwo runoita kuti vanhu vakaroorana varemekedze mashoko aJesu okuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) VaKristu vakaroorana pavanowana “dambudziko munyama yavo,” vanofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye musimboti woukama hwavo. (1 VaK. 7:28) Shoko rake rinoti ‘rudo runotsungirira zvinhu zvose,’ uye murume nomukadzi vanenge vapfeka unhu uhwu vanokwanisa kuramba vari pamwe chete uye kuita kuti pasava nechingavhiringidza imba yavo.—VaK. 3:14.

19. Vanhu vaMwari vakaita sei pakaitika njodzi?

19 Rudo runotibatsira kutsungirira zvinhu zvose panguva inoitika njodzi. Ndizvo zvakaitika pakadengenyeka kumaodzanyemba kwePeru uye Hurricane Katrina payakaparadza zvikamu zvenharaunda yeGulf kuUnited States. Pakaitika njodzi idzodzo hama dzedu dzakawanda dzakaparadzirwa misha yadzo nezvinhu zvadzo. Rudo rwakaita kuti hama dzomunyika yose dziyamure nezvadzaikwanisa, uye vanhu vakanga vakazvipira vakabatsira kuvakazve misha nokugadziridza Dzimba dzoUmambo. Izvi zvinoratidza kuti hama dzedu dzinodanana nguva dzose uye dzine hanya pasinei nemamiriro anenge akaita zvinhu.—Joh. 13:34, 35; 1 Pet. 2:17.

Rudo Harumboperi

20, 21. (a) Nei rudo ruchikosha kupfuura zvimwe zvose? (b) Nei uchida kutevera nzira inopfuura dzose yorudo?

20 Pavanhu vaJehovha mazuva ano tinoona kuti kutevera nzira inopfuura dzose yorudo kuchenjera. Zvechokwadi inopfuura nzira dzose uye inoshanda mumamiriro ose ezvinhu. Cherechedza kusimbisa kwakaita muapostora Pauro pfungwa iyoyo. Chokutanga, akati zvipo zvomudzimu zvaizopera uye kuti ungano yevaKristu yaizokura. Akazopedzisa achiti: “Zvino, zvisinei, kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi, zvinoramba zviripo; asi chikuru pane zvose rudo.”—1 VaK. 13:13.

21 Zvinhu zvatinotenda mazviri zvichapedzisira zvazadzika, zvokuti panenge pasisina hapo chikonzero chokutenda mazviri. Tariro yatiinayo kuti pane zvipikirwa zvichazadzika inenge isisipo nokuti zvinhu zvose zvinenge zvava zvitsva. Ko rudo? Haruzomboperi, kana kuguma. Rucharamba rwuripo. Tichifunga nezvoupenyu husingaperi, zvechokwadi tichaona uye tichanzwisisa zvakawanda nezvorudo rwaMwari. Kana ukaita zvinodiwa naMwari uye ukatevera nzira inopfuura dzose yorudo, ucharamba uripo nokusingaperi.—1 Joh. 2:17.

Ungapindura Sei?

• Sei tichifanira kungwarira kuti tisada zvinhu zvisiri izvo?

• Rudo runogona kutibatsira kutsungirira chii?

• Sei tingati rudo harumboperi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Rugwaro rwegore ra2010 ruchange ruchiti: ‘Rudo runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.’—1 VaK. 13:7, 8.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kuda Mwari kunoita kuti tiparidze

[Mufananidzo uri papeji 26]

Rudo rusingaperi rwakaita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzokuMalawi dzitsungirire miedzo