Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kufara Wakabatikana Mubasa raMwari

Kufara Wakabatikana Mubasa raMwari

Kufara Wakabatikana Mubasa raMwari

JEHOVHA anoda kuti ufare. (Pis. 100:2) Sezvo uri mumwe wevashumiri vake, ungadarowo wakabatikana. Pamwe wakanga usina kubatikana zvakadaro pawakatsaurira upenyu hwako kuna Mwari, asi iye zvino basa raunoshanda nemabasa aunoita muungano zvingaita kuti uone sokuti zvokuita zvakuwandira. Ungatonzwa seune mhosva nokuti uri kutadza kuita zvaunenge wakaronga. Ungaita sei kuti usabva wanyanya kuzvinetsa woramba uine “mufaro waJehovha”?—Neh. 8:10.

Uri kurarama munguva dzakaoma uye unosangana nezvakawanda muupenyu, saka unofanira kunyatsoronga zvinhu zvako. Panyaya iyi zano romuapostora Pauro rakafuridzirwa rinoshanda zvikuru rokuti: “Naizvozvo rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.”—VaEf. 5:15, 16.

Ungashandisa sei zano iroro rokuchenjera pakuronga nguva yako yokuita zvinhu zvakadai sokudzidza, kutarisira mhuri, kuparidza, basa raunoshanda nezvimwewo zvinokosha?

Uchiri kuyeuka here mafariro awakaita pawakazvitsaurira kuna Mwari ukabhabhatidzwa? Waifadzwa nokuziva Jehovha nezvinangwa zvake. Zvingava zvakakutorera mwedzi yakawanda uchidzidza zvakasimba kuti unzwisise zvakadaro uye ufare. Asi wakatamburira zviripo. Kudzidza ikoko kwakaita kuti upenyu hwako huve nani.

Kuti urambe uchifara, unofanira kuramba uchidzidza. Kana uchiona zvichikunetsa kuwana nguva yokuverenga nokudzidza Bhaibheri, ongorora marongero aunoita zvinhu. Kudzidza uye kufungisisa kunyange kwemaminitsi mashomanana pazuva kuchakuswededza pedyo naJehovha, uye zvechokwadi izvozvo zvichaita kuti ufare.

Vashumiri vakawanda vaMwari vanogona kushandisa nguva yavanowanzoita zvimwe zvinhu zvisingakoshi zvakanyanya kuti vaite zvinhu zvinokosha. Zvibvunze kuti, ‘Ndinowanzopedza nguva yakadini ndichiverenga magazini okunyika kana kuti mapepanhau, ndichiona TV, ndichiteerera mimhanzi, kana kuti ndichitamba zvangu?’ Zvinhu zvakadaro zvinonakidza hazvo asi zvinoda kuitwa uchiziva pokugumira. (1 Tim. 4:8) Kana uchiona kuti nguva inokunetsa kuronga, tora matanho okuti ugadzirise zvirongwa zvako.

Adam, mumwe mukuru muungano ane mudzimai nevana vatatu, anotsanangura zvinomubatsira achiti: “Ndinoedza kurarama ndisina zvinhu zvakawanda-wanda. Handidi kuvaraidzwa nezvinhu zvinondidyira nguva kana kuva nemidziyo inozoda nguva yangu yakawanda. Hazvirevi kuti ndinozviomesera muupenyu, kungoti ndinonakidzwa nekutandara kusingandipedzeri nguva.”

Kuongorora kuti uri kubudirira zvakadini pane zvaunenge wasarudza kungaita kuti uwanezve mufaro woramba uchiona zvinhu nechivimbo. Somuenzaniso Mariusz, mumwe mukuru ane vana vatatu anoti: “Pandakadzidza Bhaibheri, ndakatanga kuva nechivimbo. Ndinombosangana zvangu nematambudziko, mazhinji acho Jehovha ndiye anoziva. Asi anonditsigira zvokuti ndinotarisa remangwana nechivimbo.”

Sezvakataurwa naMariusz, kuva nechivimbo hakubvi kwaita kuti usazvidya mwoyo zvachose. Asi kunogona kuita kuti unzwe zviri nani uye kuti ukurire matambudziko aunosangana nawo muupenyu. Chimwe chirevo chinoti: “Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.” (Zvir. 15:15) Fungawo nezverudo rwawakatoratidzwa naMwari. Kufungisisa kwakadaro kunogona kuita kuti umude uye uwedzere mufaro.—Mat. 22:37.

Kuisa Jehovha nokunamatwa kwake pakutanga kunoita kuti mufaro wemhuri uwedzere. Kuratidza unhu hwechiKristu kunoderedza mabopoto mumhuri uye kunoita kuti munyatsobatana muchikurukurawo zvakanaka-naka. Saka mumusha menyu munova norunyararo uye mhuri yose inobva yabatana.—Pis. 133:1.

Kuita zvinhu zvokunamata pamwe chete mumhuri kunowedzera mufaro wechokwadi. Mariusz anotsanangura kuti: “Ndinokoshesa nguva yatinopedza pamwe chete. Mudzimai wangu anonditsigira kwazvo. Kunze kwokunge paine chatomutadzisa, mudzimai wangu haasiyani neni, ndingave ndiri mubasa romumunda kana kuti ndichitsvaira munhandare tichigadzirira gungano. Anondiperekedzawo kana ndichienda kunopa hurukuro dzavose kune dzimwe ungano. Zvinondikurudzira.”

Magwaro anoti vaKristu vanofanira kuriritira mhuri dzavo. (1 Tim. 5:8) Asi kana basa raunoshanda richikudyira nguva yakawanda uye richikusiya wadhamba, rinogona kukushayisa mufaro mukushumira Mwari. Nyengetera kuna Jehovha nezvanyaya yacho. (Pis. 55:22) Vamwe vakaona kuti basa ravaishanda raivatadzisa kuisa Umambo hwaMwari pakutanga vakatsvaka rimwe. Hapana muKristu anofanira kurega basa rake richivhiringidza zvinhu zvinokosha zvokunamata kunyange hazvo richimubhadhara zvakanaka.—Zvir. 22:3.

Unogona kugara pasi wonyora zvakanakira uye zvakaipira basa rauri kuda kupinda kana kuti rauri kutoita. Hapana asingadi basa rinobhadhara uye rinoshandwa zvinogutsa. Asi basa rako riri kukubatsira kutsigira mhuri yako pane zvokunamata here? Nyatsozviongorora woita zvisarudzo zvinoita kuti ukama hwako naJehovha huve pokutanga.

Kana uchiona kuti basa rauri kushanda riri kukutadzisa kusimba pakunamata, unofanira kuona zvokuita. VaKristu vakawanda vakachinja zvinhu zvakawanda kuti vawane nguva yokunamata. Imwe hama yokuPoland inoti: “Ndakaona pasina zvokuita kunze kwokusiya kambani yandaishandira nokuti ndaiwanzogara ndiri kunze ndichifambira zvebasa. Ndakanga ndisisina nguva yokunamata kana kuti yokuva nemhuri yangu.” Iye zvino ava kushanda rimwe basa risingambodi nguva yakawanda uye risinganetesi.

Fadzwa Nokubatsira Vamwe

Jesu akati “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) VaKristu vane mikana yakawanda yokupa saizvozvo. Dzimwe nguva kunyemwerera, kuti mazvita, kana kuti kugwinha ruoko munhu anenge apa hurukuro inonwisa mvura kungatoita kuti mose muri vaviri mufare.

Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo, tsigirai vasina simba.” (1 VaT. 5:14) Vanhu vakaora mwoyo vanogona kuomerwa nokukunda zvinetso zvavanenge vanazvo pasina mumwe anovabatsira. Ungabatsira here vakadaro? Kana uchiona kuti imwe hama yako haisi kufara mukushumira Jehovha, ikurudzire. Paunodaro unobva wazvikurudzirawo. Pane zvimwe zvinetso zvisingagoni kugadziriswa nomunhu. Asi unogona kuratidza kuti uri kunzwirawo tsitsi uye unogona kukurudzira hama yako kuti ivimbe naJehovha uyo asingambokundikani. Vaya vanovimba naye havamboodzwi mwoyo.—Pis. 27:10; Isa. 59:1.

Chimwe chinonyatsobatsira kukoka uya ari kuita kunge asisina mufaro kuti ushande naye mubasa romumunda. Jesu paakatuma vadzidzi 70, akavatuma “vari vaviri vaviri.” (Ruka 10:1) Haufungi kuti akazviitira kuti vakurudzirane here? Unogonawo kuzvitevedzera here wobatsira vamwe kuti vawanezve mufaro?

Zvinonzwisisika kuti muupenyu tinogona kuzvidya mwoyo. Kunyange zvakadaro, Pauro anotikurudzira kuti: “Garai muchifara munaShe. Ndinotizve, Farai!” (VaF. 4:4) Kuda Mwari uye kumuteerera kwaunoita uchishingairira kuramba uchiita basa rake kunoita kuti upenyu hwako huve nechinangwa. Izvozvo zvinoita kuti ufare. Uyezve, Jehovha anokubatsira kutsungirira matambudziko aunotarisana nawo.—VaR. 2:6, 7.

Nemaziso okutenda tiri kuona kuti tava pedyo zvikuru nenyika itsva yakapikirwa naJehovha. Imomo ndimo matichawana makomborero uye matichafara zvokufara zviya! (Pis. 37:34) Saka ngatifarei, tirege kukanganwa kukomborerwa kwatiri kuitwa naJehovha kunyange iye zvino. Tikadaro tinogona ‘kushumira Jehovha tichifara.’—Pis. 100:2.

[Diagram riri papeji 8]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Kuti urambe uchifara, ungafanira kuchinja mashandisiro aunoita nguva yako

NHANDARO NEVARAIDZO

KURIRITIRA MHURI

BASA

MISANGANO YECHIKRISTU

KUDZIDZA URI WOGA

USHUMIRI

[Mifananidzo iri papeji 10]

Unokwanisa here kubatsira vamwe kuti varambe vachifara?