Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Mwari anogona kukupfumisa sei?

Makarekare Jehovha akakomborera vamwe vanhu vakadai saAbrahamu naSoromoni nokuvapa pfuma. Asi pfuma inonyanya kudiwa nevaKristu uye yavanobatsirwa naMwari kuwana inosanganisira kuva nokutenda, rugare, kugutsikana, uye mufaro.—9/1, mapeji 3-7.

• Tinodzidzei pakununura Petro ava kunyura mugungwa kwakaitwa naJesu? (Mat. 14:28-31)

Kana ukaona kuti imwe hama inoita seyarasikirwa nokutenda kwayo, unogona kuita sewatambanudza ruoko rwako womubatsira kuti asimbise kutenda kwake.—9/15, peji 8.

• Jehovha akarasikirwa zvakadini kuti atinunure?

Jehovha akatsungirira kuona Mwanakomana wake achitambudzwa uye achitukwa. Uye sezvakafananidzirwa naAbrahamu paakabvuma kupa mwanakomana wake sechibayiro, Jehovha akatsungirira kuona Mwanakomana wake achiurayiwa somunhu akanga apara mhosva.—9/15, mapeji 28-29.

• Sei tingati Vatican Codex ipfuma?

Vatican Codex mupumburu wakanyorwa makore asingasviki 300 Bhaibheri rapedza kunyorwa. Une anenge mabhuku ose eMagwaro echiHebheru nechiGiriki. Mumwe wezvinyorwa zvinoshandiswa nenyanzvi kuziva zvakanga zviri mumagwaro okutanga eBhaibheri.—10/1, mapeji 18-20.

Zvirevo 24:27 ine chidzidzo chipi ‘nezvokuvaka imba’?

Murume anenge achida kuroora anofanira kutanga agadzirira. Izvozvo zvinosanganisira kugadzirira kuriritira mhuri uye kuva musoro wemhuri unotungamirira pakunamata.—10/15, peji 12.

• Sei zvisina kukodzera kuti titaure kuti Zvapupu zvaJehovha ichechi yakabuda muRoma?

Kupandukira chechi yeRoma kwakatanga muzana remakore rechi16 muEurope vanhu vachiedza kuita kuti chechi yacho ichinje mitemo yayo. Saka shoko rokuti “Purotesitendi” rinoshandisirwa machechi aiva nechinangwa ichocho. Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuzviisa pasi papapa anotungamirira munyika yose uye zvinotsigira pfungwa yokuti Bhaibheri ndiro rinofanira kutungamirira, asi hazviwirirani nedzidziso dzakawanda uye mararamiro zvevanhu vechechi dzechiPurotesitendi.—11/1, peji 19.

• Munhu anofanira kudzidza chiHebheru nechiGiriki kuti anzwisise Bhaibheri here?

Kwete. Hazvirevi kuti munhu akangoziva mitauro iyi yekare anobva anzwisisa zvinotaurwa neBhaibheri. Munhu anenge adzidza mitauro iyi anenge achiri kufanira kushandisa maduramashoko nemamwe mabhuku anotsanangura mutauro. Kuchengetwa kwakaitwa naJehovha mashoko oMushumiri wake mukuru kupfuura vose akaita zvokushandurwa kunoratidza kuti munhu anogona kudzidza chokwadi achishandisa shanduro yeBhaibheri yepanguva yake.—11/1, mapeji 20-23.

• Jehovha naJesu vakatiratidza sei muenzaniso wetsika dzakanaka?

Pasinei nokuti Jehovha akakwirira zvikuru, anobata vanhu nomutsa noruremekedzo. Akashandisa shoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “ndapota” paaitaura naAbrahamu uye naMosesi. (Gen. 13:14; Eks. 4:6) Mwari anoteererawo zvinotaurwa nevanhu. (Gen. 18:23-32) Ndizvo zvaiitawo Jesu, uye aida kubatsira vanhu pamwe pacho achitotaura navo nemazita avo.—11/15, peji 25.

• Sei vaKristu vechokwadi vasingapembereri Gore Idzva sezvinoitwa nenyika dzokumabvazuva?

Gore Idzva rinochengetwa nenyika dzokumabvazuva rinoverengwa nokugara kwemwedzi chiitiko chinokosha zvikuru pakarenda yokuAsia. Mhemberero dzacho dzinowanzosanganisira kuedza kuva nemhanza yakanaka uye kuremekedza midzimu. VaKristu vanokudza uye vanoremekedza vabereki, asi havaite mabiko nechinangwa chokuedza kubatana nemadzitateguru akafa kuti avadziririre kana kuti chokuti vakomborerwe nezvidhori zvavanogara nazvo mudzimba.—12/1, mapeji 20-23.