Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunwa Doro Zvine Mwero

Kunwa Doro Zvine Mwero

Kunwa Doro Zvine Mwero

TONY, ambotaurwa munyaya yokutanga, angadai akararama zvakanaka kudai akangobvuma kuti aiva nedambudziko rokunwisa doro. Zvisinei, zvaaiita sokuti aikwanisa kunwa doro rakawandisa pasina zvairatidza kuti ari kukanganisika, akafunga kuti aiva makonya paupenyu hwake. Nei mafungiro ake aive asina kunaka?

Mafungiro ake akanga akanganiswa nokushapira doro. Pasinei nokuti Tony aizviziva here kana kuti kwete, uropi hwake, huri ihwo hwaimubatsira kuti achengetedze muviri nepfungwa dzake—hwakanga husisiri kushanda zvakanaka nokuti hwakanga hwava nedoro rakawandisa. Paairamba achidutira doro rakawandisa, uropi hwake hwairambawo huchimutadzisa kuona kukanganisika kwaaive aita.

Chimwezve chikonzero chechipiri nei Tony aizviona samakonya pakunwa doro ndechokuti aida kuramba achinwa doro sezvaainge agara achiita. Allen, ambotaurwa munyaya dzapfuura, pakutanga akaramba kuti aiva nedambudziko rokushapira doro. Anobvuma kuti, “Ndaivanza kuti ndainwa doro uye ndaitsvaga zvikonzero uye ndairerutsa kuti ndainwa doro. Chinangwa changu chimwe chete chokunwa doro—chaingova chokuti ndirambe ndichirinwa.” Kunyange zvazvo vamwe vaiona kuti Tony naAllen vakanga vatova zvidhakwa, ivo vaingoramba vachiona sokunge zvinhu zvose zvakanga zviri kufamba zvakanaka. Varume vaviri ava vaifanira kugadzirisa dambudziko ravo rokunwisa. Vaifanira kurigadzirisa sei?

Gadzirisa Dambudziko Racho!

Vakawanda vakarega kunwa doro rakawandisa vakagadzirisa dambudziko racho nokutevedzera mashoko aJesu anoti: “Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe. Nokuti zvinokubatsira kwazvo kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wose ukandwe muGehena.”—Mateu 5:29.

Zvechokwadi, Jesu akanga asiri kukurudzira kuzvikuvadza. Asi, achishandisa dimikira akanga achiratidza kuti tinofanira kuda kubvisa chinhu chipi nechipi muupenyu hwedu chinotikuvadza mune zvokunamata. Ichokwadi kuti tingarwadziwa chaizvo patinodaro. Asi zvichatidzivirira kuti tisava nemafungiro kana kuti mumamiriro ezvinhu angaita kuti tigume tava kushapira doro. Saka, kana vamwe vakakuudza kuti vari kunetseka nokunwisa doro kwaunenge uchiita, tanga kugadzirisa dambudziko racho. * Kana zviri pachena kuti haugoni kurega kunwa rakawandisa, ida kuri rega zvachose. Zvingarwadza hazvo asi zviri nani pane kuti ukanganise upenyu hwako zvachose.

Kunyange zvazvo usiri chidhakwa, unombonwa doro rakawandisa here? Kana zvakadaro, matanho api aungatora angakubatsira kunwa doro zvine mwero?

Kwaungawana Rubatsiro

1. Iva nokutenda kuti kugara uchinyengetera nomwoyo wose kune simba. Bhaibheri rinopa zano iri kune vose vaya vanoda kufadza Jehovha Mwari: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Chii chaunganyengeterera chingakubatsira kuti uve norugare mupfungwa saizvozvi?

Usingazvinyengedzi, bvuma kuti une dambudziko rokushapira doro, uye kuti ibasa rako rokugadzirisa dambudziko racho. Kana ukaudza Mwari zvauchada kuita kuti ugadzirise dambudziko racho achazvikomborera uye hauzopindi muna taisireva. “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvirevo 28:13) Jesu akatiwo tinogona kunyengetera seizvi: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mateu 6:13) Kunyange zvakadaro, ungaita sei maererano nezvaunonyengeterera, uye ungawana kupi mhinduro dzeminyengetero yako?

2. Wana Simba muShoko raMwari. “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Vanhu vakawanda vaimbova zvidhakwa vakabatsirwa nokuverenga nokufungisisa ndima dzeBhaibheri zuva nezuva. Munyori wepisarema aitya Mwari akanyora kuti: “Anofara munhu asingafambi maererano nezano revakaipa, . . . asi anofarira mutemo waJehovha, anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku. . . . Zvose zvaanoita zvichabudirira.”—Pisarema 1:1-3.

Allen, akabatsirwa kukunda dambudziko rokushapira doro nokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, anoti, “Ndine chokwadi chokuti kudai ndisina kubatsirwa neBhaibheri kurega doro, ndingadai ndisiri mupenyu.”

3. Shandira kuzvidzora. Bhaibheri rinoti vamwe vanhu vaimbova zvidhakwa muungano yechiKristu vakacheneswa “nomudzimu waMwari wedu.” (1 VaKorinde 6:9-11) Sei? Vakabatsirwa kusiya mitambo yokunwira kudhakwa nemafaro ndokukurudzirwa kuti vazvidzore, uri unhu hunovapo nokubatsira kwomudzimu mutsvene waMwari. “Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa, asi rambai muchizadzwa nomudzimu.” (VaEfeso 5:18; VaGaratiya 5:21-23) Jesu Kristu akavimbisa kuti, “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.” Saka, “rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa.”—Ruka 11:9, 13.

Vaya vanoda kunamata Jehovha nenzira yaanofarira vanogona kushandira unhu hwokuzvidzora nokuverenga nokudzidza Bhaibheri uye nokugara vachinyengetera nomwoyo wose. Pane kukundwa nokuodzwa mwoyo, bvuma vimbiso iyi iri muShoko raMwari inoti: “Anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu. Naizvozvo tisarega kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”—VaGaratiya 6:8, 9.

4. Sarudza shamwari dzakanaka. “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Udza shamwari dzako kuti watsunga kusanwisa doro. Kunyange hazvo zvakadaro, paunorega ‘kunyanyisa kunwa waini, mitambo yemafaro akanyanyisa, uye kunwira kudhakwa,’ vaya vawaimboshamwaridzana navo ‘vachashamiswa uye vacharamba vachikutuka.’ (1 Petro 4:3, 4) Usada kushamwaridzana nevaya vanokutadzisa kuzvidzora pakunwa doro.

5. Ziva pokugumira. “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Kana ukarega Shoko raMwari richikubatsira kuti uzive pokugumira pakunwa doro pane kuudzwa neshamwari dzako kana “nemamiriro ezvinhu epanguva ino,” uchararama sezvinoda Mwari. Asi ungaziva sei pokugumira?

Chero doro ripi zvaro rinokwanisa kukudhaka rinokutadzisa kufunga zvakanaka rinenge rakakuwandira. Saka, kana ukasarudza kunwa doro, hakusi kuchenjera kuti unwe uchiti ucharega wava kuda kudhakwa uye wadhakwa. Usarega kuziva kwaunoita manwiro ako kuchivhiringidzwa nokuzvinyima kwaunenge uchiita. Ziva uwandu hwedoro raunofanira kunwa, risingakukanganisi, inwa zvine mwero—zvisingazoiti kuti udhakwe.

6. Dzidza kuramba. “Shoko renyu rokuti Hungu ngaringova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateu 5:37) Dzidza kuramba nomutsa paunenge uchiratidzwa unenge mutsa asi usiri iwo kuti unwe doro. “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.”—VaKorose 4:6.

7. Kumbira kubatsirwa. Kumbira kubatsirwa neshamwari dzinogona kukusimbisa kana wasarudza kuti wava kuda kunwa doro zvine mwero uye dzinogona kukubatsira mune zvokunamata. “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, nokuti vane mubayiro wakanaka pabasa ravo rakaoma. Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.” (Muparidzi 4:9, 10; Jakobho 5:14, 16) Sangano rinonzi, National Institute on Alcohol Abuse and Alcoholism riri kuUnited States rinonyeverawo kuti: “Pane dzimwe nguva hazvisi nyore kunwa doro shoma. Kumbira mhuri yako neshamwari kuti dzikubatsire kusvitsa chinangwa chako.”

8. Omerera pane zvaunenge wasarudza. “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete, muchizvinyengera nokufunga kwenhema. Asi iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa.”—Jakobho 1:22, 25.

Kukunda Kunwisa Doro

Haasi munhu wose anonwisa anova chidhakwa. Asi vamwe vanotanga kunwa doro rakati wandei kana kuti kakawanda zvokuti vanopedzisira vapindwa muropa nokunwa doro. Nokuti vanhu vanenge vakapindwa muropa nokunwa doro havakwanisi kuita zvinhu kana kufunga vasina kunwa doro, saka vanhu vakadaro havangodi kuzvidzora chete asi vanodawo kubatsirwa mune zvokunamata kuti vakunde dambudziko racho. Allen anoti, “Pandakanga ndava kusiya doro, zvakandirwadza kwazvo sezvo muviri wangu wakanga wajaira doro. Ndakabva ndaziva kuti ndaisangofanira kubatsirwa mune zvokunamata chete asi ndaitofanira kurapwa.

Vanhu vakawanda vanonwa doro vanofanirawo kurapwa kuti vabudirire muhondo yavo yezvokunamata yokuti vasiye uye vatambire kure nokushapira doro. * Vamwewo vanotofanira kupiwa mubhedha muchipatara kuti vagone kurarama nemigumisiro inokonzerwa nokurega kunwisa doro, kana kuti kurapwa kuti vasanyanye kudisa kunwa doro uye kuti vabatsirwe kutorirega zvachose. Mwanakomana waMwari aiita zvishamiso akati: “Vaya vakasimba havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.”—Mako 2:17.

Zvakanakira Kuteerera Mirayiro yaMwari

Zano rakanaka reBhaibheri rine chokuita nedoro rinobva kuna Mwari wechokwadi, anoda kuti zvinhu zvitinakire kwete munyika ino chete asiwo nokusingaperi. Pashure pokunge asiya doro kwemakore makumi maviri nemana, Allen anoti: “Zvaifadza chaizvo kuziva kuti ndaizova mumwe munhu, kuziva kuti Jehovha aida kundibatsira kugadzirisa upenyu hwangu, kuti . . . ” Allen anombotura befu achivhara misodzi yakanga ichida kubuda pamusana pokuyeuka nguva yaainwa doro. “E-ee, . . . kuziva kuti Jehovha anonzwisisa uye ane hanya uye kuti anogona kubatsira—izvozvo zvakandisiya ndisina romuromo.”

Saka, kana uri chidhakwa kana kuti uchishapira doro, usakurumidza kukanda mapfumo pasi kana kusava netariro. Allen nevamwe vakawanda vakanga vakambodarowo uye vava kunwa doro zvine mwero kana kuti vakatorega zvachose. Havasi kumbozvidemba; iwewo hausi kuzozvidemba.

Kunyange ungasarudza kunwa doro zvine mwero kana kutorirega zvachose, teerera kukumbira kune rudo kwaMwari uku: “Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.”—Isaya 48:18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 24 Kune nzvimbo dzakawanda dzinogona kurapwa zvidhakwa, zvipatara, uye mapurogiramu anogona kubatsira. Nharireyomurindi haikurudziri kurapa kupi nokupi. Munhu mumwe nomumwe anofanira kunyatsoongorora marapirwo aanoda kuitwa uye osarudza oga zvisingapesani neBhaibheri.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 8]

 Upenyu Hwako Huri Kutongwa Nedoro Here?

Unofanira kuzvibvunza kuti:

• Ndiri kunwisa doro kupfuura zvandaimboita here?

• Ndinonwa kakawanda kupfuura zvandaimboita here?

• Ndava kunwa zvinonyanya kudhaka here?

• Ndinonwa doro kuti ndisanyanya kuzvidya mwoyo kana kuti ndimbodzinga nhamo here?

• Shamwari kana kuti mumwe munhu womumhuri akaratidza kunetseka nemanwiro angu here?

• Kunwa kwangu doro kwakakonzera matambudziko pamba, kubasa, kana pakufamba here?

• Zvakandiomera here kupedza vhiki ndisina kunwa doro?

• Handinzwi zvakanaka here kana vamwe vasinganwi doro?

• Ndinovanzira vamwe here uwandu hwedoro randinonwa?

Kana uchibvumirana nomubvunzo mumwe chete kana kupfuura pane iyi, ungada kutora matanho okuti ugadzirise manwiro ako.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Funga Nokuchenjera Paunenge Uchida Kunwa Doro

Usati wanwa doro funga izvi:

Kuchenjera here kunwa doro kana kuti ndinofanira kurega zvachose?

Zvinotarisirwa kuti: Munhu asingazivi pokugumira arege kunwa doro zvachose.

Ndinofanira kunwa doro rakawanda sei?

Zvinotarisirwa kuti: Uzive paunoda kugumira usati wakanganiswa mafungiro ako nedoro.

Ndinofanira kunwa doro rini?

Zvinotarisirwa kuti: Usanwa doro paunenge uchida kutyaira kana kuita zvimwe zvinhu zvinoda kungwarira; usanwa doro paunenge uchida kuita zvokunamata; uine pamuviri; kana kuti uchishandisa mimwe mishonga yokuchipatara.

Ndichanwira kupi?

Zvinotarisirwa kuti: Unwire panzvimbo yakanaka; kwete pasina vanhu kuti uvanze manwiro ako; kwete pamberi pevanhu vanovhiringidzwa nokuona munhu achinwa doro.

Ndichanwa nani?

Zvinotarisirwa kuti: Unwe neshamwari dzakanaka kana nemhuri yako; kwete nezvidhakwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

Aiva Chidhakwa Anobatsirwa neShoko raMwari

Supot, wokuThailand, aimbova chidhakwa chemakoko. Pakutanga, aingonwa doro kumanheru chete. Zvishoma nezvishoma akatanga kunwa doro mangwanani uyewo masikati. Aiwanzonwa kuitira kuti adhakwe. Asi akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Aziva kuti Jehovha Mwari haafariri kudhakwa, Supot akarega doro. Zvisinei, pashure pekanguva akatangazve kushapira doro. Mhuri yake yakavhiringidzwa nazvo.

Zvisinei, Supot akanga achiri kuda Jehovha uye kumunamata zvakakodzera. Shamwari dzaSupot dzakaramba dzichimubatsira uye kukurudzira mhuri yake kuti ipedze nguva yakawanda naye uye kusakanda mapfumo pasi pakumubatsira. Panguva iyoyo, mashoko akajeka ari pana 1 VaKorinde 6:10 okuti ‘zvidhakwa hazvizogari nhaka youmambo hwaMwari’ akabatsira Supot kuti afungisise nezveupenyu hwake. Akaona kuti aifanira kushanda nesimba kuti akurire dambudziko rake rokunwa.

Apa Supot akanga atsunga kusiya doro zvachose. Zvishoma nezvishoma, nesimba romudzimu mutsvene waMwari, achitungamirirwa neShoko raMwari, uye achibatsirwa nemhuri yake neungano, Supot akawana simba mune zvokunamata uye akakunda chido chake chokuda kunwa doro. Mhuri yake yakafara paakabhabhatidzwa mumvura achiratidza kuzvitsaurira kuna Mwari. Iye zvino Supot ava noukama hwepedyo naMwari hwaaida kuva nahwo, uye anoshandisa nguva yake kubatsira vamwe mune zvokunamata.