Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Muapostora Pauro akashandisa mugwagwa upi parwendo rwake rwokutanga paaienda kuRoma?

Mabasa 28:13-16 inotaura kuti ngarava yakashandiswa naPauro kuenda kuItaly yakasvika paPuteori (yava kunzi Pozzuoli mazuva ano), iri pamhenderekedzo yeNaples. Akazoenda kuRoma achishandisa mugwagwa mukuru womuguta wainzi Via Appia.

Mugwagwa weVia Appia wakapiwa zita romukuru mukuru wehurumende yeRoma ainzi Appius Claudius Caecus akatanga kuugadzira muna 312 B.C.E. Mugwagwa uyu wakanga wakapamhama mamita 5 kusvika ku6 uye wainge wakagadzirwa nematombo makuru, wakazosvika makiromita 583 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kubva kuRoma. Waibatanidza Roma neguta rechiteshi chengarava reBrundisium (mazuva ano rava kunzi Brindisi), ndiwo waishandiswa nomunhu kana achida kuenda kumabvazuva. Vafambi vaimbotura befu munzvimbo dzokuzororera dzaiva makiromita 24 kana kupfuura kubva pane imwe, kuti vatenge zvokudya, vamborara, kuchinjanisa mabhiza kana ngoro dzavo.

Zvichida Pauro aifamba netsoka. Pakafambwa naPauro mumugwagwa weVia Appia paiva pakareba makiromita 212. Mugwagwa uyu waipfuura nepaPontine Marshes, nzvimbo yaiva yakati chakwachakwa nemvura zvakaita kuti mumwe munyori weRoma anyore achinyunyuta nezveumhutu uye kunhuwa kwaiitika. Nechokuchamhembe kwenzvimbo iyi yaiva nemachakwachakwa kwaiva neMusika weApiyo waiva makiromita 65 kubva kuRoma, uye Hotera Nhatu, nzvimbo yokuzororera yaiva makiromita anenge 50 kubva muguta. Hama dzechiKristu dzaibva kuRoma dzainge dzakamirira muapostora Pauro munzvimbo idzi mbiri dzokuzororera. “Pauro paakadziona, akaonga Mwari, akashinga.”—Mabasa 28:15.

Puranga rokunyorera rinotaurwa pana Ruka 1:63 raiva rerudzii?

Evhangeri yaRuka inotaura kuti shamwari dzaZekariya dzakamubvunza kuti mwana wake ainge achangoberekwa aizonzi ani. Zekariya ‘akakumbira puranga rokunyorera, akanyora kuti: ‘Johani ndiro zita rake.’ (Ruka 1:63) Mapuranga aya maduku aibatanidzwa oiswa namo. Munyori achishandisa chinyoreso aigona kunyora pamapuranga aya. Zvainge zvanyorwa zvaigona kuzodzimwa uye paigona kunyorerwazve.

Bhuku rinonzi Kuverenga Nokunyora Munguva dzaJesu [Reading and Writing in the Time of Jesus] rinoti: “Mifananidzo yokuPompeii, zvivezwa zvakabva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzoUmambo hweRoma uye zvinhu zvakacherwa munzvimbo dzakawanda kubvira kuIjipiti kusvika kumudhuri unonzi Hadrian’s Wall [Northern Britain] zvinoratidza kushandiswa kwaiitwa mapuranga okunyorera.” Vanhu vakasiyana-siyana vangangove vaiva nemapuranga iwayo, vaisanganisira vatengesi, vakuru vehurumende, uye zvichida kunyange vamwe vaKristu vemuzana remakore rokutanga.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Via Appia

[Mufananidzo uri papeji 11]

Puranga rokunyorera rine namo raishandiswa nemwana wechikoro, zana remakore rechipiri C.E.

[Kwazvakatorwa]

By permission of the British Library