Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzimba Dzavaigara

Dzimba Dzavaigara

Mararamiro Aiita vaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga

Dzimba Dzavaigara

“Handina kurega kukuudzai . . . kukudzidzisai pachena uye paimba neimba.”—MABASA 20:20.

UCHIPINDA nepagedhi rakakura, unongoerekana wati pfacha muguta remuzana remakore rokutanga. Kufanana nemamwe maguta akawanda, iro riri pagomo. Nechepamusoro, unogona kuona guta racho. Pane dzimba dzakawanda dzakakura dzoumbozha chena, dzakawanda dzacho dzakapoteredzwa nemapindu, dzichin’aima. Ndiko kunogara mbozha. Nechomujinga unogona kuona dzimwe dzimba dzakakura zvakasiyana-siyana uye dzinoratidzikawo zvakasiyana-siyana. Dzimba idzi dzakakura dzenhurikidzwa dzakavakwa nematombo uye dzevanamuzvinabhizimisi nevanhu vane minda dzinotevedza migwagwa yakagadzirwa nematombo. Mubani ndimo munogara varombo. Dzimba idzi dzisina kunaka iduku, dzinoratidzika semabhokisi ari pedyo nepedyo ari kutevedza mikoto miduku kana kuti dzinongova panzvimbo imwe chete.

Paunenge uchifamba mumigwagwa ine vanhu vakawandisa, unotanga kunzwa ruzha neminhuwi. Vakadzi vari kubika, nzvimbo yacho iri kunhuwirira. Unonzwa kuchema kwezvipfuwo noruzha rwevana vari kutamba. Varume vari mubishi kushanda mumashopu ane ruzha, ane hwema.

Mudzimba idzi ndimo munoraramira mhuri dzechiKristu. Ndimo mavanoraramira mazuva ose, mavanowana mirayiridzo yokunamata, uye mavanonamatira.

Dzimba Duku Sezvakaitawo dzimba duku dzemazuva ano, dzimba dzacho dzaisiyana-siyana pamhando noukuru hwadzo zvichienderana nenzvimbo uye nemari inenge iine mhuri yacho. Dzimba duku zvikuru (1) dzaiva nekamuri rimwe chete, rinenge rakatsvikinyidzika, risina chiedza, maigara mhuri yacho yose. Dzimba duku dzakawanda dzaivakwa nezvidhina zvaive zvakaomeswa nezuva. Dzimwe dzacho dzaive dzakavakwa nematombo. Dzose dzaiwanzovakwa nefandesheni yematombo.

Madziro omukati aipurasitwa, uriri hwacho hwaigadzirwa nematombo, uye izvi zvaigara zvichigadziridzwa. Utsi hwomukicheni hwaibuda nepaburi duku rimwe chete raiva nechepamusoro kana kuti pamadziro. Zvinhu zvaingoshandiswa nemhuri yacho chete ndizvo zvaiiswa muimba iyi.

Denga rainge rakagadzirwa nevhu nemarata raigara pambariro, tsanga, uye raibatwa nemapango ainge akachererwa muvhu. Ivhu raiiswa padenga racho raipurasitwa, zvichiita kuti mvura isapinda. Kana munhu aida kukwira pamusoro aiwanzokwira achishandisa manera aiva panze.

Kunyange mudzimba idzodzi dzaive dzisina kukura ndimo maiva nemisha yevaKristu, nzvimbo dzaifadza zvokuti kunyange mhuri dzaive dziine urombo dzaigona kupfuma mune zvokunamata uye kufara.

Vainge Vasiri Varombo Asiwo Vasina Kupfuma Dzimba dzainge dzakati kurei dzematombo dzaive nenhurikidzwa mbiri (2) dzevanhu vainge vasiri varombo asi vasiri vapfumi dzaiva neimba yevaeni. (Mako 14:13-16; Mabasa 1:13, 14) Muimba huru iyi yaive pamusoro ndimo maiitirwa misangano uye yainzoshandiswa munguva dzemitambo yokupemberera. (Mabasa 2:1-4) Dzimba idzi uye kunyange dzainge dzakakura (3) dzevanamuzvinabhizimisi nevaridzi veminda dzaivakwa nematombo eraimu aibatanidzwa nomukanyiwa wevhu reraimu kuti dzisimbe. Uriri hwematombo nemadziro omukati zvaipurasitwa; uye madziro okunze aipendwa nependi chena.

Munhu aikwira nemasitepisi kana aida kuenda paimba yepamusoro kana padenga. Matenga ose aiiswa karusvingo kuitira kuti vanhu vasadonha uye kudzivisa dzimwe tsaona. (Dheuteronomio 22:8) Munguva yemasikati pakunenge kuchipisa, shedhi yaiva padenga racho yaiva nzvimbo yakanaka yokuverengera, kufungisisa, kunyengetera, kana kuti yokuzororera.—Mabasa 10:9.

Kunyange zvazvo mudzimba idzi maichengeterwa vamwe voukama, makamuri akakura aishandiswawo pakutandara, sedzimba dzokurara, uye semakamuri makuru okubikira uye okudyira nevaeni.

Dzimba Dzembozha Dzimba dzacho dzaive dzakavakwa sedzokuRoma (4) dzaive dzakasiyana-siyana, pamaratidzikiro adzo uye pamavakirwo. Dzaiva nemakamuri akakura aive akapoteredza kamuri huru rokudyira saka ndimo maiitirwa zvinhu zvose nemhuri. Dzimwe dzimba dzaiva nenhurikidzwa mbiri kana nhatu (5) kana kuti dzaive dzakanakiswa nemapindu aive akapoteredzwa nemidhuri.

Dzimba dzevapfumi dzaive dzakashongedzwa nemidziyo yemaoresa, mimwe yacho iri yenyanga dzenzou uye yegoridhe. Dzimba dzacho dzaive nemvura yomupombi uye dzimba dzokugezera. Uriri hwacho hungangove hwaive hwakagadzirwa nemapuranga kana kuti mabwe anopenyerera ane mavara akasiyana-siyana, uye midhuri yacho ingangove yaive yakagadzirwa nemiti yemisidhari. Mimwe midziyo yesimbi yaishandiswa kuitira kuti mumba mudziye. Twumiti twaipiringishana twaiwanzoiswa pamahwindo kuitira kuti mbavha dzisapinda, uye maketeni aiita kuti usaona zviri mukati. Pamahwindo paiiswa zvigaro zvainge zvakabatana nemadziro.—Mabasa 20:9, 10.

Pasinei nokuti dzimba dzavo dzainge dzakakura uye kuti dzaitaridzika sei, vaKristu vekare vaizarura misha yavo uye kupawo vamwe zvavaiva nazvo. Saka zvakanga zvisina kuomera vatariri vaifambira kuwana mhuri yaivatambira noushamwari nomutsa uye kuvawanira pokugara kusvikira vapedza ushumiri hwavo muguta racho.—Mateu 10:11; Mabasa 16:14, 15.

‘Musha waSimoni naAndreya’ Jesu akatambirwa noushamwari “mumusha maSimoni naAndreya.” (Mako 1:29-31) Imba yevaredzi vehove ava ingangove yaivawo imwe yedzimba dzainge dzisiri dzembozha (6) dzaive dzakatsvikinyidzana dzakapoteredza chivanze chikuru.

Mudzimba idzodzo, misuo nemahwindo zvaivhurwa uchikwanisa kuona zvaiitika muchivanze chikuru, zvakadai semabasa ezuva nezuva, aisanganisira kubika, kubheka, kudzvura zviyo uye kushamwaridzana nokudya.

Dzimba dzaiva nenhurikidzwa imwe chete dzokuKapenaume dzaivakwa nematombo matema (akakonzerwa nokuputika kwemakomo). Masitepisi aiva nechepanze aishandiswa kukwira padenga remba, aive akagadzirwa nevhu kana kuti nematayera anenge akaiswa patsanga uye pamarata anenge ari pamapango. (Mako 2:1-5) Uriri hwomukati hwaipurasitwa uye hwaiwanzoiswa mameti akarukwa.

Dzimba dzaive dzakavakwa dzichitevedza migwagwa uye nemabwe matema aingewo akatevedza mhenderekedzo yeGungwa reGarireya. Kuvaredzi vehove vairarama nokuredza hove mugungwa, guta reKapenaume raive rakanaka kugara.

“Paimba Neimba” Muchidimbu, dzimba dzevaKristu vomuzana remakore rokutanga dzaive dzakasiyana-siyana—kubvira paimba dzainge dzakavakwa nevhu dzine kamuri rimwe chete kusvika kune huru dzainge dzakavakwa nematombo oumbozha.

Imba idzodzo dzainge dzisingori dzokuti mhuri dzigare chete. Dzaivawo nzvimbo dzokunamatira. Mudzimba idzodzo mhuri dzainamata pamwe chete. Mhuri dzaiungana mumisha iyi kuti dzidzidze Magwaro uye dzishamwaridzane nevamwe vaKristu. Vaishandisa zvakanaka zvavaidzidza mumisha yavo sezvavaiita basa rinokosha kwazvo rokuparidza nokudzidzisa “paimba neimba” muRoma yose.—Mabasa 20:20.