Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Ino Ichaguma Here?

Nyika Ino Ichaguma Here?

Nyika Ino Ichaguma Here?

“KUGUMA kwenyika inyaya inongoramba iri mudariro, vanhu havamboneti kutaura nezvayo.” Ndizvo zvakataura mumwe nyanduri anonzi John Scalzi. Nei vanhu vakawanda vachinyanya kufarira mafirimu anoratidza kuguma kwenyika? “Nokuti anotiratidza zvinhu zvatinotya,” akadaro Scalzi. Unobvumirana nazvo here? Tine zvikonzero here zvine musoro zvokuti titye kuti nyika nezvinhu zvose zvipenyu zviri pairi zvichaguma sei uye rini?

Anenge mazuva ose, tinonzwa nezvenjodzi dzinongoitika dzoga dziri kuparadza zvinhu panyika. Mavhidhiyo anotyisa enjodzi dzinoparadza zvinotyisa zvakadaro anodzokororwa kubudiswa paterevhizheni nepaIndaneti. Patinoramba tichiona mifananidzo yevanhu chaivo nenzvimbo chaidzo zviri kuparadzwa, zviri nyore kuti tione mugumo wenyika sechinhu chinotyisa uye kwete chete senyaya yomumafirimu.

Zvinotoita kuti vanhu vanyanye kutya ndezvokuti masayendisiti anoratidza kuti nyika ino ingaguma sei. Vamwe vanofanotaura musi uchaparara nyika. Muna March 2008, Monthly Notices of the Royal Astronomical Society yakataura kuti vaongorori venyika dzomuchadenga vakafanotaura kuti pamakore anenge 7, 59 bhiriyoni, zuva richamedza ronyungudutsa nyika yedu.

Asi nyika ichaparara here rimwe zuva?

Nyika Yedu Ine Musi Wakatarwa Waichaparara Here?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.” (Muparidzi 1:4) Jehovha Mwari ‘akanyatsovaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji’ uye akaiumba kuti igare “nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Mashoko iwayo akafuridzirwa aMwari akanyanya kunaka zvokuti angasava echokwadi here? Nei uchifanira kudavira kuti nyika yedu haina musi wakatarwa kuti ichaparara asi mamwe masayendisiti achiti ndizvo zvichaitika?

Chimbofunga nezvezvinhu zviri mumasherufu muchitoro. Zvimwe zvinenge zvakanyorwa musi wazvinenge zvisingachashandi. Ndiani akanyora musi wacho? Kungofungidzira kwamaneja agara nebasa wechitoro chacho here? Kwete! Akagadzira zvinhu izvozvo ndiye anenge akanyora musi wacho. Tinovimba kuti zvinhu zvacho zvinenge zvisingachashandi pamusi iwoyo nokuti mugadziri wezvinhu zvacho ndiye anonyatsozviziva kupfuura munhu upiwo zvake. Saizvozvowo tinofanira kuvimba nomunhu akagadzira nyika yedu! Shoko rake rinotaura zvakajeka kuti “akasimbisa nyika kwazvo” kuti igare nokusingaperi. Nyika haina musi wayakatarwa kuti ichaparara!—Pisarema 119:90.

Kunyange zvakadaro zvinoita here kuti vanhu vasina hanya nokutarisira nyika yedu vaikanganise zvokuti haizombogadzirisiki zvachose? Hazvimbofi zvakaitika! Kusiyana nevanhu vanogadzira zvinhu, Jehovha ‘anokwanisa kuita zvinhu zvose.’ (Jobho 42:2) Ndokusaka achigona kuvimbisa nechivimbo kuti: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu. . . richabudirira.” (Isaya 55:11) Tinogona kuva nechokwadi chokuti “Muiti wedu” haazobvumiri chinhu chipi nechipi kumutadzisa kuita chinangwa chake nokuda kwenyika yedu. (Pisarema 95:6) Chinangwa ichocho ndechei, uye Mwari achachizadzika sei?

Umambo hwaMwari Huchazadzika Chinangwa Chake

Kuwedzera pakuvimbisa kuti nyika haina musi wayakatarwa kuti ichaparara, Shoko raMwari rinotiudza kuti “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Kunyange zvazvo vanhu vave vachigara panyika yedu kwezviuru zvemakore, chinangwa chaMwari hachisati chazadzika.

Jehovha ndi“Mwari anofara” uye “anoda kururamisira.” (1 Timoti 1:11; Pisarema 37:28) Chinangwa chake ndechokuti vanhu vose vararame vachifara uye vachiruramisirwa. Kuitira kuti azadzise chinangwa chake, Mwari akafanotaura kuti achaita Umambo kumatenga huchatonga nyika yose. (Dhanieri 2:44) Paaiva panyika, Jesu aigara achitaura nezvehurumende yoUmambo hwaMwari. Akakurudzira vadzidzi vake kuti vahunyengeterere nokuti aiziva zvikomborero zvose zvichava panyika pano Umambo ihwohwo pahunenge hwava kutonga. (Mateu 6:9, 10; 24:14) Zvimwe zvikomborero zvacho ndezvipi?

Rugare nokuchengeteka zvichavapo nokuti Mwari anovimbisa kugumisa hondo dzose.Pisarema 46:9.

Vanhu vose vachava nezvokudya zvakawanda.Pisarema 72:16.

Vanhu vanenge vasinganetswi noutano nokuti “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”Isaya 33:24.

Panenge pasisina kuchema nokuti “rufu haruchazovipo.”Zvakazarurwa 21:4.

Mwari akavimbisa kuti vanhu vake vachavaka dzimba dzavo, vachachengeteka, uye ‘vachafara nokusingaperi.’Isaya 65:17-24.

Hapana mubvunzo kuti unoda kuraramawo mumamiriro ezvinhu ataurwa pamusoro apa. Jehovha ari kutotsva pamwoyo nokuda kuita zvaakafanotaura. (Isaya 9:6, 7) Kunyange zvakadaro, ungashamisika kuti: ‘Zvakavimbiswa naMwari zvava nezviuru zvemakore zvakanyorwa muBhaibheri. Nei zvisati zvazadzika?’

Kushivirira kwaMwari Kuchaita Kuti Tiponeswe

Iva nechokwadi chokuti “Jehovha haanonoki pane zvaakapikira.” Bhaibheri rinotsanangura kuti Mwari ave achitishivirira norudo. Saka, tinokurudzirwa ‘kuona kushivirira kwaShe wedu soruponeso.’ (2 Petro 3:9, 15) Asi nei kushivirira kwaMwari kwakakodzera pakuponeswa kwedu?

Kutanga, Mwari anoziva kuti asati apa vanhu vakarurama musha wakanaka uye wakachengeteka achatanga ‘aparadza vaya vanoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Zvisinei, nokuti Jehovha anoda vanhu, “hapana waanoda kuti aparadzwe.” Saka, Baba vedu vokudenga nokushivirira vave vachiedza ‘kunyevera munhu akaipa panzira yake yakaipa.’ Ndokusaka, Jehovha ari kuita kuti mashoko akanaka anotaura nezvoUmambo hwake aparidzwe munyika yose. * (Ezekieri 3:17, 18) Vose vanoteerera nyevero yaMwari uye vanorarama maererano nemitemo yake yakarurama vachaponeswa vorarama nokusingaperi muparadhiso panyika pano.

Tendeukira Kuna Mwari Uponeswe

Kutaura chokwadi, Bhaibheri rine “mashoko akanaka” nokuda kwedu. (Mateu 24:14) Rine mashoko aMwari asingachinji anoratidza kuti pasi redu harizombofi rakaparara! Uyewo, maererano nouprofita hweBhaibheri, tinogona kutenda kuti “kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve.” Nguva pfupi iri kuuya, vakarurama chete mukuona kwaMwari “vachagara nhaka yenyika, Uye vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:9-11, 29; Mateu 5:5; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kutozosvikira izvozvo zvaitika, Mwari acharamba achidaidza nokushivirira kuti: “Tendeukirai kwandiri muponeswe, imi mose muri kumigumo yenyika.” (Isaya 45:22) Uchasarudza kuitei?

Wadii wasarudza kuenda kuna Mwari? Pisarema 37:34 inotikurudzira kuti: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake, Iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika.” Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuti udzidze zvimwe nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika uye kuti ungaita sei kuti urarame uzoona chinangwa ichocho chichizadzika.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 21 Zvichiteerera murayiro waJesu uri pana Mateu 28:19, 20, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni manomwe zviri munyika 236 zvinopedza maawa anenge bhiriyoni imwe chete nehafu gore negore zvichidzidzisa vanhu nezvechinangwa chaMwari chakanaka chaachaita panyika.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 22]

NASA photo