Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Munhu waJehovha—Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

Kuva Munhu waJehovha—Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

Kuva Munhu waJehovha—Mutsa Usina Kukodzera Kuwanwa

“Tiri vaJehovha.”—VAR. 14:8.

1, 2. (a) Iropafadzo ipi yatiinayo? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

YAIVA ropafadzo chaiyo yakava nevaIsraeri pavakaudzwa naJehovha kuti: “Muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose.” (Eks. 19:5) Nhasi uno vanhu vari muungano yechiKristu vakakomborerwawo nokuva vanhu vaJehovha. (1 Pet. 2:9; Zvak. 7:9, 14, 15) Iropafadzo inogona kutibatsira nokusingaperi.

2 Kuva munhu waJehovha iropafadzo, asi pane zvaunenge uchifanira kuita. Vamwe vanganetseka kuti: ‘Ndichakwanisa kuita zvandinotarisirwa naJehovha here? Kana zvikaitika kuti ndatadza, achabva andirasa here? Kuva munhu waJehovha kuchanditadzisa kusununguka here?’ Zvakakodzera kuti tikurukure mibvunzo yakadaro. Asi tisati tadaro, pane mubvunzo watinofanira kutanga tafungisisa, wokuti: Kuva munhu waJehovha kunobatsirei?

Kuva Munhu waJehovha Kunoita Kuti Ufare

3. Rakabhi akabatsirwa sei nokusarudza kwaakaita kushumira Jehovha?

3 Pane zvazvinobatsira here kuva vanhu vaJehovha? Ngatimbokurukurai zvakaitika kuna Rakabhi, imwe pfambi yaigara muguta reJeriko rekare. Zviri pachena kuti akakura achinamata vanamwari veKenani vakaipa. Asi paakanzwa nezvokuti Jehovha akanga abatsira vaIsraeri kuti vakunde mamwe marudzi, akaziva kuti Jehovha ndiye aiva Mwari wechokwadi. Saka akapotsa azviurayisa achiitira kuti adzivirire vanhu vakanga vasarudzwa naMwari, akaisa ramangwana rake mumaoko avo. Bhaibheri rinoti: “Rakabhi hure, haana kunziwo akarurama nemabasa here, pashure pokunge agamuchira nhume zvakanaka, akadzibudisa neimwe nzira?” (Jak. 2:25) Chimbofungidzira kubatsirwa kwaakazoitwa paakava mumwe wevanhu vaMwari vakachena, vanhu vakanga vadzidziswa Mutemo waMwari worudo uye wokururamisira. Anofanira kunge akafara chaizvo kuti akanga asiya mararamiro aaimboita. Akaroorwa nomumwe muIsraeri akabereka mwanakomana ainzi Bhoazi, uyo akazova munhu akanaka zvikuru ainamata Mwari.—Josh. 6:25; Rute 2:4-12; Mat. 1:5, 6.

4. Rute akabatsirwa sei nokusarudza kwaakaita kushumira Jehovha?

4 Rute wokuMoabhi akasarudzawo kushumira Jehovha. Paaiva musikana, angadaro ainamata Kemoshi nevamwe vanamwari veMoabhi, asi akasvika pakuziva Mwari wechokwadi, Jehovha, uye akaroorwa nomumwe muIsraeri akanga auya kuzopotera kumusha kwake. (Verenga Rute 1:1-6.) Rute nomukadzinyina wake Opa, vakazotanga rwendo rwokuenda kuBhetrehema navamwene vavo, Naomi, asi Naomi akavakurudzira kuti vadzokere kumusha kwavo. Zvaizonovaomera kugara muIsraeri. Chokwadi Opa aka“dzokera kuvanhu vake navanamwari vake,” asi Rute akaramba. Akaita zvairatidza kuti aiva nokutenda, uye aiziva kuti aida kuva munhu waani. Akati kuna Naomi: “Musanditeterera kuti ndikusiyei, kuti ndirege kuenda nemi; nokuti kwamunoenda ndiko kwandichaendawo, pamunorara ndipo pandichararawo. Vanhu venyu vachava vanhu vanguwo, naMwari wenyu Mwari wanguwo.” (Rute 1:15, 16) Kusarudza kwakaita Rute kushumira Jehovha kwakaita kuti abatsirwe noMutemo waMwari, uyo waiva nourongwa hwokuti chirikadzi nevarombo vaiva vasina minda vawanewo chouviri. Izvi zvakaita kuti Rute adzivirirwe, afare uye achengetedzwe naJehovha.

5. Chii chawakacherechedza nezvevanhu vava nemakore vachishumira Jehovha vakatendeka?

5 Ungadaro uchiziva vamwe vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vava nemakore akawanda vachimushumira vakatendeka. Vabvunze kuti kumushumira kuri kuvabatsira sei? Kunyange zvazvo munhu wose aine matambudziko, zvinowanzoitika kwavari zvinonyatsotsigira mashoko omunyori wepisarema, okuti: “Vanofara vanhu avo Mwari wavo ari Jehovha!”—Pis. 144:15.

Jehovha Haatiomeseri

6. Sei tisingafaniri kutya kuti tichatadza kuita zvatinotarisirwa naJehovha?

6 Ungadaro wakambonetseka kuti unozokwanisa here kuita zvaunotarisirwa naJehovha. Zviri nyore kuti munhu afunge kuti zvakaoma kuva mushumiri waMwari, kurarama zvinoenderana nemitemo yake uye kutaura nezvezita rake. Somuenzaniso, Mosesi paakatumwa kuti anotaura nevaIsraeri uye namambo weIjipiti, aiona sokuti haangazvikwanisi. Asi Mwari akanga asingatarisiri kuti Mosesi aite zvaaisakwanisa. Jehovha ‘akamudzidzisa zvaaifanira kuita.’ (Verenga Eksodho 3:11; 4:1, 10, 13-15.) Mosesi akawana mufaro chaizvo wokuita kuda kwaMwari, sezvo akabvuma kubatsirwa. Ndizvo zvinongoitawo Jehovha kwatiri nhasi, haatarisiri kuti tiite zvatisingakwanisi. Anonzwisisa kuti tinotadza, uye anoda kutibatsira. (Pis. 103:14) Kushumira Mwari somuteveri waJesu hakuna kuoma, kunotozorodza pfungwa nokuti mararamiro akadaro anobatsira vamwe uye anofadza mwoyo waJehovha. Jesu akati: “Uyai kwandiri, . . .uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa.”—Mat. 11:28, 29.

7. Chii chingaita kuti uve nechivimbo chokuti Jehovha achakubatsira kuita zvaanotarisira kuti uite?

7 Jehovha acharamba achitikurudzira uye achitipa simba, chero bedzi tichivimba naye. Somuenzaniso, Jeremiya aiva munhu ainyara. Saka Jehovha paakamupa basa rokuva muprofita wake, Jeremiya akati: “Maiwe, haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai handigoni kutaura, nokuti ndinongovawo hangu mukomana.” Pave paya akatozoti: “Handisi kuzotaurazve nezita rake.” (Jer. 1:6; 20:9) Asi paakakurudzirwa naJehovha, kwemakore 40 Jeremiya akakwanisa kuparidza mashoko akanga asingafarirwi. Jehovha akamuvimbisa amuvimbisazve kuti: “Ini ndinewe, kuti ndikuponese uye kuti ndikununure.”—Jer. 1:8, 19; 15:20.

8. Tinoratidza sei kuti tinovimba naJehovha?

8 Jehovha zvaakasimbisa Mosesi naJeremiya, anogonawo kutibatsira kuti tiite zvaanotarisira kuvaKristu mazuva ano. Chinongodiwa chete kuvimba naMwari. Bhaibheri rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” (Zvir. 3:5, 6) Tinoratidza kuti tinovimba naJehovha patinobvuma rubatsiro rwaanotipa achishandisa Shoko rake neungano. Kana tikabvuma kuti Jehovha atungamirire nhanho dzedu muupenyu, hapana chichatitadzisa kuramba tichimushumira takatendeka.

Jehovha Ane Hanya Nomushumiri Wake Mumwe Nomumwe

9, 10. Pisarema 91 rinovimbisa kudzivirirwa pachii?

9 Vamwe pavanofunga nezvokuzvitsaurira kuna Jehovha, vanotya kuti vangazotadza, vova vanhu vasina kukodzera, uye vosiyiwa naJehovha. Asi chinofadza ndechokuti Jehovha anotiitira zvose zvaanogona kuti tichengetedze ukama hwedu naye. Ngationei mataurirwo anoitwa pfungwa iyoyo muPisarema rechi91.

10 Pisarema iroro rinotanga richiti: “Ani naani anogara munzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro achawana pokugara pasi pomumvuri woWemasimbaose. Ndichati kuna Jehovha: ‘Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.’ Nokuti iye achakununura pachiteyeso chomubati weshiri.” (Pis. 91:1-3) Cherechedza kuti Mwari anovimbisa kuti achadzivirira vaya vanomuda uye vanovimba naye. (Verenga Pisarema 91:9, 14.) Aireva kuvadzivirira pachii? Jehovha akadzivirira vamwe vashumiri vake vekare kuti vasaurayiwa, pamwe pacho achiitira kuti achengetedze dzinza raizouya naMesiya akapikirwa. Zvisinei, Satani akaita kuti vamwe vanhu vakawanda vakatendeka vasungwe, vatambudzwe, uye vaurayiwe zvoutsinye, achiedza kuvabvisa pana Mwari. (VaH. 11:34-39) Vakava noushingi hwokutsungirira nokuti Jehovha akavadzivirira pakunamata uye akaita kuti varambe vakaperera kwaari. Naizvozvo tinogona kunzwisisa Pisarema 91 sevimbiso yokudzivirirwa pane zvokunamata.

11. “Nzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro” chii, uye ndivanaani vanodzivirirwa mairi naMwari?

11 Saka “nzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro” inotaurwa nomunyori wepisarema inofananidzira kudzivirirwa kwatinoitwa pane zvokunamata. Vaya vanogara mairi sevaeni vaMwari hapana chingavawana, uye hapana angavatsugudusa pakutenda kwavo uye pakuda kwavanoita Mwari. (Pis. 15:1, 2; 121:5) Inzvimbo yakavanda nokuti vanhu vasingatendi havakwanisi kuiona. Munzvimbo iyi, Jehovha anodzivirira vanhu vanoti: ‘Muri Mwari wangu, wandinovimba naye.’ Kana tikaramba tiri munzvimbo iyi yokupotera, hatizofaniri kugara tichitya kuti tichatadza kuwana nyasha dzaMwari towira mumusungo waSatani, “mubati weshiri.”

12. Zvii zvingakanganisa ukama hwedu naMwari?

12 Zvii zvingakanganisa ukama hwedu hunokosha naMwari? Munyori wepisarema anotaura zvinhu zvakawanda, uye zvimwe zvacho ‘idenda rinofamba murima, uye kuparadza kunopamba masikati.’ (Pis. 91:5, 6) “Mubati weshiri” akabata vakawanda achishandisa musungo wokuda rusununguko. (2 VaK. 11:3) Vamwe anovabata achishandisa makaro, kudada, uye kunyanya kuda pfuma. Vamwezve anovanyengera achishandisa pfungwa yokutsigira nyika yavo, dzidziso yokuti vanhu vakatanga vari mhuka, uye zvitendero zvenhema. (VaK. 2:8) Uye vakawanda akavakwezva nomusungo wounzenza. Zvinhu zvakadai zvinokuvadza pakunamata zvakaita kuti mamiriyoni agume asingachadi Mwari.—Verenga Pisarema 91:7-10; Mat. 24:12.

Zvaungaita Kuti Urambe Uchida Mwari

13. Jehovha anotidzivirira sei pazvinhu zvakaipa zvingatikanganisa pakunamata?

13 Jehovha anodzivirira sei vanhu vake pazvinhu izvi zvingakanganisa ukama hwavo naye? Pisarema racho rinoti: “Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, kuti dzikurinde munzira dzako dzose.” (Pis. 91:11) Ngirozi dzokudenga dzinotitungamirira nokutidzivirira kuitira kuti tiparidze mashoko akanaka. (Zvak. 14:6) Vakuru vechiKristu vanotidzivirirawo kuti tisanyengedzwa nenhema, pavanodzidzisa zviri muMagwaro chete. Vanogona kubatsira mumwe nomumwe wedu anenge ari kutambura kuti angaita sei kuti asatevedzera maitiro enyika. (Tito 1:9; 1 Pet. 5:2) Uyewo, “muranda akatendeka, akangwara” anotipa zvokudya zvokunamata kuitira kuti atidzivirire padzidziso dzokuti vanhu vakatanga vari mhuka, kuti tisanyengedzwa nokuda kuita unzenza, kutsvaka pfuma kana kuti mukurumbira, uye zvimwe zvishuvo zvinokuvadza. (Mat. 24:45) Ko iwe wakabatsirwa nei kuti usakundwa nezvinhu izvi zvakaipa?

14. Tingashandisa sei kudzivirirwa kwatinoitwa naMwari?

14 Zvii zvatinofanira kuita kuti tirambe tiri “munzvimbo yakavanda” yaMwari matinodzivirirwa? Sezvo tichifanira kugara takangwarira kuti tisapinda mungozi dzakadai setsaona, tisabirwa, kana kuti tisabatwa nezvirwere, tinofanirawo kuramba tichingwarira ngozi dzingatikanganisa pakunamata. Izvi zvinoreva kuti nguva dzose tinofanira kubvuma kutungamirirwa kwatinoitwa naJehovha achishandisa mabhuku edu uye misangano yeungano nemagungano. Tinofanira kukumbira rubatsiro rwevakuru. Uye tinobatsirwa nounhu hwakasiyana-siyana hunoratidzwa nehama dzedu nehanzvadzi dzatinonamata nadzo, handizvo here? Zvechokwadi, kuwadzana kwatinoita neungano kunotibatsira kuti tive vakachenjera.—Zvir. 13:20; verenga 1 Petro 4:10.

15. Chii chingaita kuti uve nechivimbo chokuti Jehovha anogona kukudzivirira pazvose zvingaita kuti agume asingachakufariri?

15 Hapana chingaita kuti tisava nechokwadi chokuti Jehovha anogona kutidzivirira pazvose zvingaita kuti agume asingachatifariri. (VaR. 8:38, 39) Akadzivirira ungano kubva pavavengi vane simba vezvitendero uye vezvematongerwo enyika, avo kazhinji vanenge vasina chinangwa chokutiuraya, asi chokutiparadzanisa naMwari wedu mutsvene. Zvakapikirwa naJehovha ndizvo chaizvo zviri kuitika, zvokuti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.”—Isa. 54:17.

Ndiani Anotipa Rusununguko?

16. Sei nyika isingagoni kutipa rusununguko?

16 Kuva vanhu vaJehovha kunoita kuti tishayiwe rusununguko here? Kwete. Kuva venyika ndiko kunotoita kuti tisasununguka. Nyika yakaparadzana naJehovha uye iri kutongwa namwari ane utsinye anoita kuti vanhu vave varanda vake. (Joh. 14:30) Somuenzaniso, nyika yaSatani inoita kuti kutsvaka mari kushayise vanhu rusununguko. (Enzanisa naZvakazarurwa 13:16, 17.) Chivi chinewo simba rinonyengera rokuita kuti vanhu vave varanda. (Joh. 8:34; VaH. 3:13) Saka kunyange zvazvo vanhu vasingatendi vangavimbisa rusununguko pavanotsigira mararamiro anorwisana nezvinodzidziswa naJehovha, vose vanovateerera vachazongoona vava varanda vemararamiro okutadza uye akaipa.—VaR. 1:24-32.

17. Jehovha anotipa rusununguko rworudzii?

17 Asiwo, Jehovha achatisunungura pazvose zvingatikuvadza kana tikazvitsaurira kwaari. Upenyu hwedu hwakada kuti fananei nomunhu anobvuma kuvhiyiwa nachiremba kuitira kuti arapwe chirwere chingangomuuraya. Tose tine chirwere chingangotiuraya, kureva chivi chatakagara nhaka. Kuzvitsaurira kuna Jehovha tiine kutenda muchibayiro chaKristu ndiko chete kunoita kuti titarisire kurarama upenyu husingaperi husina chivi. (Joh. 3:36) Sezvo kuvimba kwatinoita nachiremba kuchiwedzera kana tichinge tanzwa nezvomukurumbira wake, kuvimba kwatinoita naJehovha kuchawedzerawo patinoramba tichidzidza nezvake. Saka tinoramba tichinyatsodzidza Shoko raMwari nokuti izvozvo zvichatibatsira kumuda nenzira ichaita kuti tisatya kuva vanhu vake.—1 Joh. 4:18.

18. Vaya vanosarudza kuva vanhu vaJehovha vanozowanei?

18 Jehovha anopa vanhu vose rusununguko rwokusarudza. Shoko rake rinoti: “Sarudzai upenyu kuti murambe muri vapenyu, imi nevana venyu, nokuda Jehovha Mwari wenyu.” (Dheut. 30:19, 20) Anoda kuti tisarudze kumushumira, kuratidza kuti tinomuda. Pane kutitorera rusununguko, kuva vanhu vaMwari watinoda zvechokwadi kunoita kuti tirambe tichifara.

19. Sei kuva vanhu vaJehovha uri mutsa usina kukodzera kuwanwa?

19 Sezvo tiri vatadzi haisi kodzero yedu kuti tive vanhu vaMwari akakwana. Mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa ndiwo unotoita kuti tive vanhu vake. (2 Tim. 1:9) Ndokusaka Pauro akanyora kuti: “Kana tichirarama, tinoraramira Jehovha, uye kana tichifa, tinofira Jehovha. Naizvozvo kana tichirarama uye kana tichifa, tiri vaJehovha.” (VaR. 14:8) Zvechokwadi hatizombofi takademba kusarudza kwatakaita kuva vanhu vaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Kuva munhu waJehovha kunobatsirei?

• Chii chinoita kuti tikwanise kuita zvatinotarisirwa naMwari?

• Jehovha anodzivirira sei vashumiri vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Bvunza vamwe kuti vakabatsirwa sei nokuva vanhu vaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndedzipi dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha kutidzivirira?