Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Kuti Uri Muteveri Chaiye waKristu

Ratidza Kuti Uri Muteveri Chaiye waKristu

Ratidza Kuti Uri Muteveri Chaiye waKristu

“Muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri.”—MAT. 7:17.

1, 2. Vateveri vaKristu vechokwadi vakasiyana sei nevenhema, kunyanya munguva ino yomugumo?

JESU akati vaya vainyepedzera kumushumira vaizoonekwa nezvibereko zvavo, kureva dzidziso dzavo nemabasa avo, izvo zvaizovasiyanisa nevateveri vake vechokwadi. (Mat. 7:15-17, 20) Zvechokwadi, vanhu vanotoita zvinoenderana nezvavanoisa mupfungwa dzavo nemwoyo yavo. (Mat. 15:18, 19) Vaya vanogara vachidzidziswa nhema vanobereka “chibereko chisingabatsiri,” asi vaya vanodzidziswa chokwadi vanobereka “chibereko chakanaka.”

2 Zvibereko izvi zviviri zvava kunyatsooneka panguva ino yomugumo. (Verenga Dhanieri 12:3, 10.) VaKristu venhema havanyatsonzwisisi Mwari uye kazhinji vanonyepedzera kuzvipira kuna Mwari, asi vaya vanonzwisisa zvokunamata vanonamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:24; 2 Tim. 3:1-5) Vanoedza kutevedzera Kristu. Ko iwe pachako? Pauchange uchiverenga zvinhu zvishanu zvinotevera zvinoratidza kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi, zvibvunze kuti: ‘Mabasa angu nezvandinodzidzisa zvinonyatsoenderana nezviri muShoko raMwari here? Ndinoita here kuti vaya vari kutsvaka chokwadi vaone kunaka kwacho?’

Rarama Zvinoenderana Nezviri muShoko raMwari

3. Jehovha anofadzwa nechii, uye kuvaKristu vechokwadi izvi zvinosanganisirei?

3 Jesu akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” (Mat. 7:21) Chokwadi, kutaura kuti uri muKristu hakusi iko kunofadza Jehovha, asi kurarama somuKristu. Kuvateveri vaKristu vechokwadi, izvozvo zvinosanganisira mararamiro avo ose, maonero avanoita mari, mabasa avanoshanda, varaidzo, tsika uye mhemberero dzenyika, kuroorana uye ukama hwavo nevamwe. Zvisinei, vaKristu venhema vanotevedzera mafungiro enyika nezvainoita, zviri kutonyanya kuratidza kusada Mwari mazuva ano okupedzisira.—Pis. 92:7.

4, 5. Tingashandisa sei mashoko aJehovha ari pana Maraki 3:18 muupenyu hwedu?

4 Izvi zvinoenderana nezvakanyorwa nomuprofita Maraki, kuti: “Muchaonazve kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.” (Mar. 3:18) Paunenge uchifunga nezvemashoko aya, zvibvunze kuti: ‘Pandinenge ndiri munyika ndinongoita zvainoitawo here kana kuti ndakasiyana nayo?’ Ndinogara ndichiedza kuita zviri kuitwa neshamwari dzangu dzisinganamati here, kuchikoro kana kubasa, kana kuti ndinoramba ndichitsigira zvinotaurwa neBhaibheri, ndichitosimudza musoro pazvinenge zvakakodzera? (Verenga 1 Petro 3:16.) Hatingadi hedu kubva tazviita vatsvene, asi tinofanira kuratidza kuti takasiyana nevaya vasingadi Jehovha uye vasingamushumiri.

5 Kana uchiona kuti pane paunoda kugadzirisa, wadii kunyengetera nezvenyaya yacho uchitsvaka kubatsirwa kuti usimbe pakunamata nokugara uchidzidza Bhaibheri, uchinyengetera uye uchipinda misangano? Kana ukaramba uchiita zvinotaurwa muShoko raMwari, uchabereka “chibereko chakanaka,” chinosanganisira “chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita” raMwari.—VaH. 13:15.

Paridza Umambo hwaMwari

6, 7. Panyaya yeshoko roUmambo, vaKristu vechokwadi nevenhema vakasiyana pakudini?

6 Jesu akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Sei Jesu akakoshesa nyaya yoUmambo hwaMwari kupfuura dzimwe dzose muushumiri hwake? Aiziva kuti iye saMambo woUmambo ihwohwo, pamwe nehama dzake dzakazodzwa nomudzimu dzaizomutswa, vaizobvisa chivi uye Dhiyabhorosi, dzinova ndidzo honzeri dzenhamo dzevanhu. (VaR. 5:12; Zvak. 20:10) Saka akarayira vateveri vake kuti vazivise Umambo ihwohwo kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. (Mat. 24:14) Vanhu vanongozviti vateveri vaKristu havaiti basa iri. Chiripo ndechokuti havatokwanisi. Vanotadza nei? Regai tingotaura zvikonzero zvitatu: Chokutanga, havangaparidzi nezvezvinhu zvavasinganzwisisi. Chechipiri, vakawanda vavo havazvininipisi uye havana ushingi hwokusekwa nokushorwa kungakonzerwa nokuudza vavakidzani vavo nezvemashoko oUmambo. (Mat. 24:9; 1 Pet. 2:23) Uye chechitatu, vaKristu vokunyepedzera ava havana mudzimu waMwari.—Joh. 14:16, 17.

7 Asi vateveri vaKristu vechokwadi vanonzwisisa kuti Umambo hwaMwari chii uye kuti chii chahuchaita. Uyezve, vanokoshesa zvine chokuita noUmambo muupenyu hwavo, vachihuzivisa munyika yose, vachibatsirwa nomudzimu waJehovha. (Zek. 4:6) Iwe uri kugara uchiitawo basa iri here? Uri kuedza kunatsiridza kuva muparidzi woUmambo, zvimwe nokupedza nguva yakawanda uri muushumiri kana kuti kuedza kuwedzera mano ako okudzidzisa here? Vamwe vakaedza kuvandudza ushumiri hwavo nokushandisa Bhaibheri zvakanaka. “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba,” akanyora kudaro muapostora Pauro, uyo aigara achikurukura zvaiva muMagwaro.—VaH. 4:12; Mab. 17:2, 3.

8, 9. (a) Zvinhu zvipi zvakaitika zvinoratidza kuti kushandisa Bhaibheri muushumiri hwedu kunokosha? (b) Tingava sei nyanzvi pakushandisa Shoko raMwari?

8 Imwe hama payaiparidza paimba neimba, yakaverengera Dhanieri 2:44 mumwe murume anopinda chechi yeRoma, ichibva yatsanangura kuti Umambo hwaMwari huchaita sei kuti vanhu vagare vasingatyi uye vari murunyararo. Murume wacho akati: “Ndafara chaizvo kuti mandivhurira Bhaibheri mukandiratidza rugwaro rwacho, pane kungoita zvokundiudza.” Imwe hama payakaverengera mumwe mukadzi anopinda chechi yeGreek Orthodox rugwaro, mukadzi wacho akabvunza mibvunzo yakanaka. Hama iyi nomudzimai wayo vakamupindura vachishandisa Bhaibheri. Mukadzi uya akazoti: ‘Munoziva chaita kuti ndibvume kutaura nemi? Mauya pamba pangu neBhaibheri, mukaita zvokundiverengera.”

9 Mabhuku edu anokosha hawo uye tinofanira kuapa vanhu mubasa romumunda. Asi Bhaibheri ndiro ratinonyanya kushandisa. Saka kana usingagari uchirishandisa muushumiri hwako, wadii kutanga kuita chinangwa chokurishandisa? Zvichida unogona kusarudza magwaro mashomanana anokosha wotsanangura kuti Umambo hwaMwari chii uye kuti huchagadzirisa sei matambudziko anonetsa vanhu vari mundima yako. Paunenge uchiparidza paimba neimba gadzirira kuita zvokuaverenga.

Dada Nokudanwa Nezita raMwari

10, 11. Panyaya yokushandiswa kwezita raMwari, Jesu akasiyana sei nevakawanda vanozviti vateveri vake?

10 “‘Imi muri zvapupu zvangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ini ndini Mwari.’” (Isa. 43:12) Jesu Kristu, Chapupu chaJehovha chokutanga, akaona kudanwa nezita raMwari uye kurizivisa seropafadzo. (Verenga Eksodho 3:15; Johani 17:6; VaHebheru 2:12.) Jesu akatonzi “Chapupu Chakatendeka,” nokuti akazivisa zita raBaba vake.—Zvak. 1:5; Mat. 6:9.

11 Kusiyana naJesu, vaya vanozviti vanomiririra Mwari noMwanakomana wake vakaratidza kuti havaremekedzi zita raMwari, vamwe vakatoribvisa mumaBhaibheri avo. Kusaremekedza ikoko kunooneka pane zvakaudzwa mabhishopu echechi yeRoma munguva pfupi yapfuura zvokuti, “zita raMwari, YHWH harifaniri kutaurwa kana kushandiswa” panguva yokunamata. * Uku ndiko kunonzi kurasika uku!

12. Mugore ra1931 chii chakaita kuti vashumiri vaJehovha vanyanye kuzivikanwa sevanhu vake?

12 VaKristu vechokwadi vanodada nokushandisa zita raMwari, vachitevedzera Kristu ‘negore guru rezvapupu’ zvakavapo Jesu asati auya pasi pano. (VaH. 12:1) Mugore ra1931, vashumiri vaMwari vakatanga kunyanya kuzivikanwa sevanhu vaJehovha pavakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Verenga Isaya 43:10-12.) Saka zvakava zvakakodzera kuti vateveri vaKristu vechokwadi vave “vanhu vanoshevedzwa nezita” raMwari.—Mab. 15:14, 17.

13. Tingararama sei zvinoenderana nezita redu ratakapiwa naMwari?

13 Tingararama sei zvinoenderana nezita redu iri rakasiyana nemamwe ose? Chokutanga, tinofanira kuramba tichiparidzira nezvaMwari. “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa,” akanyora kudaro Pauro. “Zvisinei, vachadana sei pana iye wavasina kutenda maari? Uyewo, vachatenda sei maari iye wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei kana pasina mumwe munhu anoparidza? Uyewo, vachaparidza sei kana vasina kutumwa?” (VaR. 10:13-15) Uyewo tinofanira kufumura nokungwarira nhema dzezvitendero dzinozvidza Musiki wedu, dzakadai sedzidziso yokuti vanhu vachanotsva kuhero, iyo inotoita kuti Mwari wedu ane rudo anzi ane utsinye hwaDhiyabhorosi.—Jer. 7:31; 1 Joh. 4:8; enzanisa naMako 9:17-27.

14. Vamwe pavakadzidza nezvezita raMwari, vakaita sei?

14 Unodada nokudanwa nezita raBaba vako vokudenga here? Unobatsira vamwe kuziva zita iroro dzvene here? Mumwe mukadzi wokuParis, France, akanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoziva zita raMwari, saka akakumbira chimwe Chapupu chaakazosangana nacho kuti chimuratidze zita racho muBhaibheri rake. Paakaverenga Pisarema 83:18, zvakamubaya mwoyo. Akatanga kudzidza Bhaibheri uye iye zvino ava hanzvadzi yedu yakatendeka iri kushumira kune imwe nyika. Mumwe mukadzi aipinda chechi yeRoma anogara kuAustralia paakaona zita raMwari muBhaibheri kokutanga, akachema misodzi yokufara. Iye zvino ava nemakore ari piyona wenguva dzose. Munguva ichangopfuura, Zvapupu zvokuJamaica pazvakaratidza mumwe mukadzi weikoko zita raMwari muBhaibheri rake, akachemawo misodzi yokufara. Saka dada nokudanwa nezita raMwari uye tevedzera Jesu, wozivisa vanhu vose zita iroro rinokosha.

“Musada Nyika”

15, 16. VaKristu vechokwadi vanoona sei nyika, uye ndeipi mibvunzo yatinofanira kuzvibvunza?

15 “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” (1 Joh. 2:15) Nyika nomudzimu wayo zvinorwisana naJehovha nomudzimu wake mutsvene. Saka kuramba kuva venyika kwevateveri vaKristu vechokwadi hakungogumiri pamuromo. Vanoiramba nomwoyo wose, vachiziva kuti, sezvakanyorwa nomudzidzi Jakobho: “Kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari.”—Jak. 4:4.

16 Munyika ine miedzo yakawanda kudai, zvakaoma kuteerera mashoko aJakobho. (2 Tim. 4:10) Ndokusaka Jesu akanyengeterera vateveri vake achiti: “Handikukumbirii kuti muvabvise munyika, asi kuti muvatarisire nokuda kweakaipa. Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Joh. 17:15, 16) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoedza kusava wenyika here? Vamwe vanoziva here maonero andinoita mhemberero netsika dzisiri dzomumagwaro pamwe nedziya dzingadaro dzisina kutangira muchitendero chenhema asi dzinonyatsoratidza mafungiro enyika?’—2 VaK. 6:17; 1 Pet. 4:3, 4.

17. Chii chingaita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vade kutsigira Jehovha?

17 Chokwadi chiripo ndechokuti, kuita zvinotaurwa neBhaibheri hakuzoiti kuti tifarirwe nenyika, asi kungaita kuti vane mwoyo yakatendeka vade kuziva zvakawanda. Zvechokwadi, vanhu vakadaro pavanoona kuti kutenda kwedu kwakadzika midzi muMagwaro uye kuti ndiwo mararamiro atinotoita, zvingaita kuti vaite sevari kuti kune vakazodzwa: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.”—Zek. 8:23.

Ratidza Rudo Rwechokwadi rwechiKristu

18. Kuda Jehovha nomuvakidzani wedu kunosanganisirei?

18 Jesu akati: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose” uye “ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:37, 39) Rudo irworwo rwakavakirwa pakuita zvakanaka rune chokuita nezvaunofanira kuita, tsika uye unhu hwako. Runowanzosanganisira manzwiro akasimba. Runoratidza ushamwari uye rwakadzama. (1 Pet. 1:22) Haruna udyire, nokuti runoratidzwa nemashoko uye mabasa okuzvipira.—Verenga 1 VaKorinde 13:4-7.

19, 20. Rondedzera zvimwe zvakaitika zvinoratidza simba rorudo rwechiKristu.

19 Sezvo rudo rwuri chimwe chezvibereko zvomudzimu mutsvene, runoita kuti vaKristu vaite zvisingakwaniswi nevamwe, zvakadai sokusava norusaruraganda, kusavenga vemamwe marudzi kana kuti kusatsigira mapato ematongerwo enyika. (Verenga Johani 13:34, 35; VaG. 5:22) Vanhu vakaita semakwai vanotobayiwa mwoyo chete pavanoona rudo rwakadaro. Somuenzaniso, mumwe murume muJudha wokuIsrael paakapinda musangano wechiKristu kokutanga, akashamiswa nokuona hama dzechiJudha nedzechiArab dzichinamata pamwe chete. Izvi zvakaita kuti atange kugara achipinda misangano uye abvume kudzidza Bhaibheri. Iwe unoratidzawo hama dzako rudo rwakadaro here? Unoedza nepaunogona napo here kugamuchira vatsva noushamwari paImba yenyu yoUmambo, pasinei nokuti ndevorudzi rupi, vane ganda rakaita sei uye vane chinzvimbo here?

20 SevaKristu vechokwadi, tinoedza kuda vanhu vose. KuEl Salvador, mumwe muparidzi muduku akanga achidzidza Bhaibheri nevamwe ambuya vane makore 87 vakanga vasingadi kusiya chechi yavo yeRoma. Rimwe zuva, ambuya vaya vakarwara zvokuda kufa ndokubva vapiwa mubhedha kuchipatara. Pavakadzoka kumba, Zvapupu zvaivashanyira uye zvaivavigira zvokudya. Vakaita izvi kwenguva ingada kusvika mwedzi. Hapana kana munhu wokuchechi kwaambuya ava akavashanyira. Zvakaguma nei? Vakarasa zvifananidzo zvavo, vakanyora tsamba yokuoneka kuchechi kwavo, vachibva vatangazve kudzidza Bhaibheri. Chokwadi, rudo rwechiKristu rune simba! Runogona kubaya mwoyo kupfuura zvinoita mashoko.

21. Tingaita sei kuti ramangwana redu rive rakanaka?

21 Munguva pfupi iri kuuya, Jesu achaudza vose vanonyepera kumushumira kuti: “Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mat. 7:23) Saka ngatiberekei chibereko chinokudza Baba noMwanakomana wavo. “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita,” akadaro Jesu, “achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru.” (Mat. 7:24) Kana tikaratidza kuti tiri vateveri chaivo vaKristu, tichanzwirwa nyasha naMwari, uye ramangwana redu richange rakanaka, sezvinonzi rakavakirwa padombo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Mune mamwe mabhuku echechi yeRoma ari muChirungu, kusanganisira The Jerusalem Bible, zita racho rakashandurwa kuti “Yahweh.”

Unoyeuka Here?

• Vateveri vaKristu vechokwadi vakasiyana sei nevenhema?

• Taura zvimwe zvibereko zvinoratidza kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi.

• Ndezvipi zvinangwa zvaungaronga pakubereka zvibereko zvechiKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Unogara uchishandisa Bhaibheri muushumiri hwako here?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vamwe vanoziva here maonero aunoita mhemberero dzisiri muMagwaro?