Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirai Vana Venyu Kukunda Matambudziko Avo Akawanda

Batsirai Vana Venyu Kukunda Matambudziko Avo Akawanda

Batsirai Vana Venyu Kukunda Matambudziko Avo Akawanda

VANA vedu vakamomoterwa nematambudziko. Nyika yakaipa yaSatani inogara yakangoti navo navo, ukuwo vachiedza kurwisana ne“kuchiva kwouduku.” (2 Tim. 2:22; 1 Joh. 5:19) Uyezve vanogara vachisekwa kana kushushwa nevaya vasingafariri zvavanotenda sezvavanoedza ‘kuyeuka Musiki wavo Mukuru.’ (Mup. 12:1) Imwe hama inonzi Vincent painofunga nezvenguva yayaikura, inoti: “Mumwe mukomana aigara achindinetsa, achindishusha, kana kuti achida zvokurwa neni nokuti ndaiva Chapupu. Kakawanda zvaitonyanya zvokuti ndaisada kuenda kuchikoro.” *

Kuwedzera pamatambudziko anounzwa nenyika, vana vedu vanofanirawo kuita zvose zvavanogona kuti vasakurirwa nokuda kuita zvinoitwawo nevezera ravo. “Kuonekwa sokuti wakasiyana nevamwe kwakaoma,” inodaro imwe hanzvadzi inonzi Cathleen, ine makore 16. Imwe hama yechiduku inonzi Alan inoti, “Vandaidzidza navo vaigara vachindikoka kuti tibvakache tose pakupera kwevhiki, uye ndaida chaizvo kuenda.” Uyezve, chido chevaduku chokuitawo mitambo yokuchikoro, iyo inogona kuita kuti vapedzisire vava neshamwari dzakaipa, chinogona kunge chakasimba. Imwe hanzvadzi yechiduku inonzi Tanya inoti, “Ndinofarira mitambo. Varayiridzi vemitambo kuchikoro vaigara vachiedza kuti nditambire timu yechikoro. Zvaiva zvakaoma kuti ndirambe.”

Mungabatsira sei vana venyu kuti vakurire matambudziko avo akawanda? Jehovha akapa vabereki basa rokutungamirira vana vavo. (Zvir. 22:6; VaEf. 6:4) Chinangwa chevabereki vanotya Mwari ndechokuita kuti vana vavo vade kuteerera Jehovha zvinobva pamwoyo. (Zvir. 6:20-23) Izvozvo zvinoita kuti vana vakurire matambudziko ari munyika kunyange kana vabereki vasipo.

Hazvisi nyore kuti vabereki varere vana vavo, vachiriritira mhuri dzavo, uku vachiita zvavanofanira kuita kuungano. Vamwe vanozviita vasina murume kana mudzimai kana kuti vanenge vachitoita zviri kupesana newavakaroorana naye asiri Chapupu. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti vabereki vawane nguva yokutsigira vana vavo. Saka ungaitei kuti ubatsire vana vako kuti vazvidzivirire pakuda kuitawo zvinoitwa nevezera ravo, pamiedzo, uye pamatambudziko avanotarisana nawo zuva nezuva?

Kuvabatsira Kuva Noukama naJehovha

Chokutanga, vana vedu vanofanira kuziva kuti Jehovha Munhu chaiye. Vanoda kubatsirwa kuti ‘vaone Uyo asingaoneki.’ (VaH. 11:27) Vincent, watambotaura nezvake, anoyeuka kuti vabereki vake vakamubatsira sei kuti iye pachake ave noukama naJehovha. Anoti: “Vakandidzidzisa kukosha kwokunyengetera. Ndichiri kuyeuka kuti kubvira ndichiri muduku chaizvo ndainyengetera kuna Jehovha manheru oga oga ndisati ndarara. Kwandiri Jehovha aiva munhu chaiye.” Imi munonyengetera nevana venyu here? Madii kumboteerera zvavanotaura kuna Jehovha pavanenge vachinyengetera? Vanongodzokorora mashoko akafanana here? Kana kuti pavanonyengetera vanonyatsotaura manzwiro avanoita nezvaJehovha here? Kana ukateerera pavanenge vachinyengetera, zvingakubatsira kuona kuti vari kuva noukama naJehovha here?

Imwe nzira ingabatsira vechiduku kuswedera pedyo naJehovha ndeyokuverenga Shoko raMwari vari voga. Cathleen, watambotaura nezvake, anoti: “Kupedza Bhaibheri rose ndichiri muduku kwakandibatsira. Kwakaita kuti ndive nechivimbo chokuti kunyange vanhu pavaipesana neni, Jehovha ainditsigira.” Vana venyu vane purogiramu yavo voga yokuverenga Bhaibheri here?—Pis. 1:1-3; 77:12.

Ichokwadi kuti vana vanosiyana panzira yavanoteerera nayo zvavanoudzwa nevabereki vavo. Uyewo kufambira mberi kwavo pakunamata kungaenderana nezera ravo. Asi kana vasingabatsirwi, zvakaoma kuti vana vaduku vasvike pakuziva Jehovha soMunhu chaiye. Vabereki vanofanira kutaura vataurazve Shoko raMwari kuvana vavo kuitira kuti vana vavo vaite sevari kunzwa Jehovha achitaura navo kwose kwavanenge vari. (Dheut. 6:6-9) Vana venyu vanofanira kutenda kuti Jehovha ane hanya navo.

Zvamungaita Kuti Mukurukure Zvinobatsira

Kukurukura ndeimwe nzira inokosha yokubatsira nayo vana venyu. Asi kukurukura zvakanaka hakungogumiri pakutaura nevana venyu. Kunosanganisira kubvunza mibvunzo uye kuva nomwoyo murefu pamunoteerera vachipindura, kunyange kana mhinduro dzacho dzakasiyana nezvamungada kuti vataure. “Ndinobvunza mibvunzo kusvikira ndanzwisisa zvavari kufunga uye zvavari kusangana nazvo muupenyu,”anodaro Anne, vamwe amai vane vanakomana vaviri. Vana venyu vanonyatsogutsikana kuti munoteerera pavanotaura here? Tanya, watambotaura nezvake, anoti: “Vabereki vangu vainyatsonditeerera uye vaiyeuka zvatainge tataura. Vaiziva mazita evandaidzidza navo. Vaibvunza nezvavo uye nezvezvimwe zvatainge tambokurukura.” Kuteerera uye kuyeuka kunokosha kuti mukurukure zvinobudirira.

Mhuri dzakawanda dzakaona kuti nguva yokudya mukana wakanaka wokukurukura zvinobatsira. Vincent anotsanangura kuti, “Mumhuri medu taikoshesa kudya pamwe chete. Nepazvaibvira napo, taitarisirwa kunge tiripo mhuri painenge yava kudya. Takanga tisingabvumirwi kuona terevhizheni, kuteerera redhiyo, kana kuti kuverenga panguva yokudya. Sezvo kakawanda kacho taingokurukura nyaya dzisinganyanyi kukosha, zvaiita kuti zuva roga roga tiwane mukana wokukurukura matambudziko andaiwana kuchikoro ndisingatyi.” Anowedzera kuti: “Sezvo ndaiva ndajaira kutaura nevabereki vangu panguva yokudya, zvakanga zvisingandiomeri kutaura navo pandaida kubatsirwa panyaya dzinokosha.”

Zvibvunzei kuti: ‘Tinodya tose semhuri kakawanda sei pavhiki?’ Pane zvamungagadzirisa here panyaya iyi zvingakupai mukana wokuwedzera kukurukura nevana venyu zvinobatsira?

Kukosha Kwokuedzesera Zvinogona Kuitika

Kunamata Kwemhuri vhiki nevhiki kunokurudzirawo kukurukurirana kunobatsira uye kunoita kuti vaduku vakurire matambudziko avanowana. Alan, watambotaura nezvake, anoti: “Vabereki vangu vaishandisa nguva yokudzidza semhuri kuti vatibatsire kutaura zviri pamwoyo. Vaikurukura nesu nyaya dzaienderana nezvataisangana nazvo.” Amai vaAlan vanoti: “Dzimwe nguva taishandisa nguva yokudzidza kuti tiedzesere zvimwe zvinogona kuitika. Izvi zvaibatsira vana vedu kuti vazive zvokutaura panoshorwa kutenda kwavo uye kuti vakwanise kuratidza kuti zvavanotenda ndezvechokwadi. Zvaivapa chivimbo chavaida chokukurira matambudziko avaisangana nawo.”

Vana pavanonzi nevezera ravo vaite zvimwe zvinhu, havafaniri kungogumira pakuti aiwa vobva vaenda. Vanofanira kunge vachikwanisa kutaura kuti vari kurambirei. Vanofanirawo kunge vachiziva zvokuita kana vasekerwa zvavanotenda. Kana vasingakwanisi kutaura zvakanakira zvavanotenda, zvichavaomera kutsigira kunamata kwechokwadi. Kuedzesera zvinogona kuitika kungabatsira kuti vave nechivimbo chakadaro.

 Bhokisi riri papeji 18 rine zvimwe zvamuengadzesera pamanheru oKunamata Kwemhuri yenyu. Edzeserai kuti zviite sokunge zviri kutoitika, muchipikisa mhinduro dzavanenge vachipa. Pamunenge muchiedzesera zvinhu izvozvo zvinogona kuitika, kurukurai zvidzidzo zvinobatsira zvinowanika pavamwe vanhu vari muBhaibheri. Hapana mubvunzo kuti kudzidzisa vana venyu saizvozvo muri kumba kuchavabatsira kukunda matambudziko kuchikoro nokumwewo kwavanoenda.

Vana Venyu Vakasununguka Here Kana Vari Pamba?

Vana venyu vanofarira kudzoka kumba here pavanopedza chikoro mazuva ose? Kana iri nzvimbo yokuti vanenge vakasununguka, zvichabatsira vana venyu kuti vakurire matambudziko avanosangana nawo zuva nezuva. Imwe hanzvadzi yava kushanda paBheteri inoti: “Pandaikura, chinhu chandainyanya kukoshesa ndechokuti ndainge ndakasununguka kana ndiri pamba pedu. Pasinei nokuipa kwaimboita zvinhu kuchikoro, ndaiziva kuti pandaingoti vhuu kumba, kusuruvara kwose kwaibva kwati hwaa.” Vana venyu pavanofunga nezvokumba, chii chinotanga kuuya mumusoro mavo? Kana vana venyu vari pamba vakangojaira kuona vanhu ‘vakafufutirwa nehasha, vachikakavadzana, uye vachipesana’ here kana kuti kuona vanhu vane “rudo, mufaro, [uye] rugare”? (VaG. 5:19-23) Kana pachigara pasina rugare, munoedza nepamunogona napo here kutsvaka kuti chii chinoda kugadziriswa kuti vana venyu vasununguke kana vari pamba?

Imwe nzira yamungabatsira vana venyu kukunda matambudziko avo ndeyokuti imi vacho muvabatsire kuwana shamwari dzinovaka. Somuenzaniso, pamunoronga kutandara madii kukokawo hama nehanzvadzi dzomuungano dzinofarira zvokunamata? Kana kuti munogona here kuronga kumbodyira-dyira nomutariri anofambira kana kuti vamwe vari mubasa renguva yakazara? Vana venyu vanogona kushamwaridzana nemamishinari kana kuti vanhu vepaBheteri here, kunyange kana vachiita zvokungonyorerana tsamba kana kuti kufonerana? Ushamwari hwakadaro hunogona kubatsira vana venyu kururamisa nzira dzavo vova nezvinangwa zvokunamata. Fungai kubatsirwa kwakaitwa Timoti naPauro. (2 Tim. 1:13; 3:10) Kushamwaridzana kwaTimoti naPauro kwakamubatsira kuti arambe achikoshesa zvinhu zvokunamata.—1 VaK. 4:17.

Rumbidzai Vana Venyu

Jehovha anofadzwa nokuona vechiduku vachitsigira zvakarurama pasinei nokuomeserwa kwavanoitwa naSatani. (Pis. 147:11; Zvir. 27:11) Nemiwo munofanira kunge muchifara kuona vana vedu vachisarudza mararamiro okuchenjera. (Zvir. 10:1) Udzai vana venyu kuti munonzwa sei nezvavo, uye musazengurira kuvarumbidza. Jehovha akaratidza vabereki muenzaniso wakanaka. Panguva yakabhabhatidzwa Jesu, Jehovha akati: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.” (Mako 1:11) Mashoko iwayo aBaba vake anofanira kunge akasimbisa Jesu kuti akunde matambudziko akanga ava kuda kuuya. Imiwo itai kuti vana venyu vazive kuti munovada, uye varumbidzeiwo pane zvavanenge vagona.

Hamugoni henyu kudzivirira vana venyu zvachose kuti vasasangana nematambudziko, vasadenhwa, uye vasatukwa. Asi pane zvakawanda zvamunogona kuita kuti muvabatsire. Mungazviita sei? Batsirai mumwe nomumwe wavo kuti ave noukama naJehovha. Itai kuti vagare vakasununguka kukurukura nemi. PaKunamata Kwemhuri, dzidzai zvinhu zvavanozosangana nazvo uye itai kuti vasununguke kana vari pamba. Kuita izvi kuchaita kuti vana venyu vakunde matambudziko akawanda avanosangana nawo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

 KUEDZESERA ZVIMWE ZVIITIKO KUNOGONA KUBATSIRA

Heano mamwe mamiriro ezvinhu anosangana nevana vedu. PaKunamata Kwemhuri yenyu, madii kuedzesera mamwe acho?

▸ Murayiridzi wemitambo anokumbira mwanasikana wenyu kuti apinde mutimu yechikoro.

▸ Mwanakomana wenyu anoedzwa mudzanga nevamwe paanenge achibva kuchikoro.

▸ Vamwe vakomana vanoudza mwanakomana wenyu kuti kana vakamuona achiparidza vanoda kumurova.

▸ Mwanasikana wenyu paanenge ari mubasa romumunda pasuo nesuo, anobva ati dhuma-dhuma newaanodzidza naye.

▸ Mwanasikana wenyu anokumbirwa kuti atsanangure pamberi pekirasi kuti nei asingasaruti mureza.

▸ Mumwe mukomana anogara achitsvinyira mwanakomana wenyu nokuti Chapupu.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vana venyu vane purogiramu yavo voga yokuverenga Bhaibheri here?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Pamunoronga zvokutandara munokokawo vanhu vanofarira zvokunamata here?