Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutonga kwaJehovha Kwaratidza Kuti Kwakarurama!

Kutonga kwaJehovha Kwaratidza Kuti Kwakarurama!

Kutonga kwaJehovha Kwaratidza Kuti Kwakarurama!

“Wokumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwose hwevanhu.”—DHAN. 4:17.

1, 2. Ndezvipi zvimwe zvaita kuti utongi hwevanhu hukundikane?

HAPANA kana mubvunzo kuti utongi hwevanhu hwakundikana! Chanyanya kukonzera izvi ndechokuti vanhu havana uchenjeri hwokutonga zvinobudirira. Kukundikana kwoutongi hwevanhu kuri kunyanya kuoneka nhasi nokuti vanhu vazhinji vanoratidza kuti ‘vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, havana kuvimbika, havambodi kubvumirana, vanochera vamwe, havazvidzori, vanotyisa, havadi zvakanaka, vatengesi, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.’—2 Tim. 3:2-4.

2 Kare-kare vabereki vedu vokutanga vakaramba kutongwa naMwari. Pavakazviita vaifunga kuti vaisarudza kuzvitonga. Asi vaitozviisa pasi poutongi hwaSatani. Papera makore zviuru zvitanhatu vanhu vachiondonga zvinhu vari musimba ‘romutongi wenyika ino,’ Satani, kusvika nyika yagara pasi sezvayaita. (Joh. 12:31) Bhuku rinonzi The Oxford History of the Twentieth Century richitaura nezvevanhu mazuva ano rinoti, “kutsvaka nyika ine vanhu vakakwana” kutambisa nguva. Rinotsanangura kuti: “Hakusi kungoti haiwaniki chete, asi kuedza kuiita kuti ivepo kunogona kupinza vanhu mungozi, muudzvinyiriri, uye muhondo yakaipisisa.” Uku kubvuma kuri pachena kuti utongi hwevanhu hwakundikana!

3. Tingati Mwari aizotonga sei dai Adhamu naEvha vasina kutadza?

3 Zvinonzwisa tsitsi chaizvo kuti vabereki vedu vakaramba utongi hwaMwari, hunova ndihwo hwoga hunoshanda. Hatizivi hedu kuti Jehovha aizoronga sei matongero aaizoita nyika dai kuri kuti Adhamu naEvha vakaramba vakatendeka. Zvisinei, tine chokwadi kuti dai utongi hwaMwari hwakabvumwa nevanhu vose, hwaizova hwerudo husingasaruri. (Mab. 10:34; 1 Joh. 4:8) Tichiona uchenjeri hwaMwari hunopfuura hwevanhu vose, tinogonawo kuva nechokwadi kuti dai vanhu vakaramba vari pasi poutongi hwaJehovha, zvinhu zvose zvakaondongwa nevanhu vanotsigira utongi hwevanhu zvingadai zvisina kumboitika. Utongi hwaMwari hungadai hwakabudirira, huchigutsa “zvinodiwa nezvinhu zvipenyu zvose.” (Pis. 145:16) Kutaura zvazviri, hwaizova utongi hwakakwana. (Dheut. 32:4) Vanhu ndipo pavakaramba utongi hwakadaro!

4. Satani akabvumirwa kutonga kusvika papi?

4 Asi zvakanaka kuyeuka kuti kunyange hazvo Jehovha akabvumidza vanhu kuti vazvitonge, haana kumbobvira asiya kodzero yake yokutonga zvisikwa zvake. Kunyange mambo weBhabhironi aiva nesimba akatozopedzisira abvuma kuti, “Wokumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwose hwevanhu.” (Dhan. 4:17) Pakupedzisira, Umambo hwaMwari ndihwo huchaita kuti kuda kwake kuitwe. (Mat. 6:10) Ichokwadi kuti Jehovha akabvumira Satani kuti ave “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino” kwenguva pfupi, kuitira kuti apindure zvinogutsa nyaya dzakanga dzatangwa nomushori uyu. (2 VaK. 4:4; 1 Joh. 5:19) Kunyange zvakadaro, Satani haasati ambokwanisa kupfuura miganhu yezvaanenge abvumirwa naJehovha. (2 Mak. 20:6; enzanisa naJobho 1:11, 12; 2:3-6.) Uye pagara paine vamwe vanhu vanosarudza kuzviisa pasi paMwari, kunyange zvazvo vachigara munyika inotongwa noMuvengi mukuru waMwari.

Utongi hwaMwari pavaIsraeri

5. VaIsraeri vakazvipira kuita sei kuna Mwari?

5 Kubvira panguva yakararama Abheri kusvikira pakatangwa rudzi rwaIsraeri, pane vanhu vakatendeka vakati wandei vakanamata Jehovha uye vaiteerera mirayiro yake. (VaH. 11:4-22) Mumazuva aMosesi, Jehovha akaita sungano nevana vaJakobho, vachibva vava rudzi rwaIsraeri. Muna 1513 B.C.E., vaIsraeri vakazvipira ivo nevana vavo kuti vaizobvuma kuti Jehovha ave Mutongi wavo, vachiti: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.”—Eks. 19:8.

6, 7. VaIsraeri pavaitongwa naMwari zvinhu zvaivafambira sei?

6 Jehovha paakasarudza vaIsraeri kuti vave vanhu vake, pane zvaaizviitira. (Verenga Dheuteronomio 7:7, 8.) Yakanga isingori nyaya yokugara zvakanaka kwevaIsraeri. Zvaisanganisira zvinhu zvinotokosha zvine chokuita nezita raMwari uye kurevererwa kwouchangamire hwake. VaIsraeri vaifanira kupupurira kuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi. (Isa. 43:10; 44:6-8) Saka Jehovha akaudza rudzi rwacho kuti: “Iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, uye Jehovha akakusarudza kuti uve rudzi rwake, pfuma chaiyo, pakati pemarudzi ose ari pamusoro penyika.”—Dheut. 14:2.

7 Mwari paaitonga vaIsraeri, aiziva kuti vaiva vanhu vasina kukwana. Asiwo mitemo yake yakanga yakakwana uye ichiratidza zvaidiwa neakanga aipa wacho. Mirayiro yaJehovha yaakapa achishandisa Mosesi yakanyatsosimbisa utsvene hwaMwari, kuda kwaanoita kururamisira, kuda kwaanoita kukanganwira, uye mwoyo murefu wake. Nokufamba kwenguva, mumazuva aJoshua nevanhu vakararama panguva yake, rudzi rwacho rwakateerera mirayiro yaJehovha, zvikaita kuti vave norunyararo uye vakomborerwe panyaya dzokunamata. (Josh. 24:21, 22, 31) Mararamiro akaita vaIsraeri mazuva iwayo anoratidza kuti utongi hwaJehovha hunobudirira.

Kutongwa Nevanhu Kwaizovarwadza

8, 9. VaIsraeri vakaita chikumbiro chipi choupenzi, uye zvakaguma nei?

8 Zvisinei nokufamba kwenguva vaIsraeri vaigara vachimbosiya utongi hwaMwari uye aiguma asingachavadziviriri. Vachishandisa muprofita Samueri, vaIsraeri vakaguma vati vaida mambo chaiye wavaiona. Jehovha akaudza Samueri kuti avaitire zvavaida. Asi Jehovha akawedzera kuti: “Havana kuramba iwe, asi varamba ini kuti ndive mambo wavo.” (1 Sam. 8:7) Kunyange zvazvo Jehovha akabvumira vaIsraeri kuti vave namambo wavaiona, akavanyevera kuti kutongwa nomunhu uku kwaizovarwadza.—Verenga 1 Samueri 8:9-18.

9 Zvakazoitika zvakaratidza kuti zvakanga zvataurwa naMwari ndezvechokwadi. Kutongwa namambo wavaiona kwaizounzira vaIsraeri matambudziko akawanda, kunyanya kana mambo wacho aizova munhu asina kutendeka. Tichifunga nezvezvakaitika kuvaIsraeri, hazvishamisi kuti kwemakore ose aya hurumende dzevanhu vasingazivi Jehovha dzakundikana kuita zvinobatsira vanhu. Ichokwadi kuti vamwe vezvematongerwo enyika vanonyengetera kuna Mwari vachiti akomborere zvavanenge vachiedza kuita kuti pave norunyararo uye vanhu vagare zvakanaka, asi Mwari angakomborera sei vanhu vasingazviisi pasi pokutonga kwake?—Pis. 2:10-12.

Rudzi Rutsva Rwuri Kutongwa naMwari

10. Sei vaIsraeri vakatsiviwa sorudzi rwaMwari rwakasarudzwa?

10 Rudzi rwevaIsraeri rwakaratidza kuti rwakanga rwusingadi zvokushumira Jehovha rwakatendeka. Vakazopedzisira varamba Mesiya akagadzwa naMwari, Jehovha akabva avarambawo ndokuvatsiva neboka revanhu raiumba rudzi rutsva. Muna 33 C.E. pakabva pavambwa ungano yechiKristu yaiumbwa nevanamati vaJehovha vakazodzwa. Ungano iyoyo ndiyo yakava rudzi rutsva runotongwa naJehovha. Pauro akataura nezvarwo achirwuti “Israeri waMwari.”—VaG. 6:16.

11, 12. Panyaya yokutungamirira, ndepapi pakafanana rudzi rwevaIsraeri ‘naIsraeri waMwari’?

11 Rudzi rwevaIsraeri rwokutanga pane parwakafanana uye parwakasiyana nerudzi rutsva, “Israeri waMwari.” Ungano yechiKristu yakasiyana norudzi rwevaIsraeri pakuti haina mambo anooneka uye haifaniri kupa zvibayiro zvemhuka kana paine vanenge vatadza. Asi marudzi acho akafanana pakuti ose ane urongwa hwevarume vakuru. (Eks. 19:3-8) Vakuru ivavo havatongi boka. Vanotofudza ungano vachitanga ivo kuita mabasa echiKristu. Vanoratidza rudo kumunhu wose ari muungano, vachivakudza nokuvaremekedza.—2 VaK. 1:24; 1 Pet. 5:2, 3.

12 Kufungisisa mabatiro akaita Mwari vaIsraeri kunoita kuti nhengo ‘dzaIsraeri waMwari’ uye “mamwe makwai” vanzwisise Jehovha nenzira yake yokutonga. (Joh. 10:16) Somuenzaniso, tikaongorora zvaiitika kare kuvaIsraeri tinoona kuti vanhu vaiwanzotevedzera zvaiitwa nevatongi vavo, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa. Izvi zvinoyeuchidza vaya vari kutungamirira muungano yechiKristu kuti, kunyange zvazvo vasiri vatongi semadzimambo iwayo ekare, vanofanira kuva nomuenzaniso wakanaka wokutenda.—VaH. 13:7.

Matongero Anoita Jehovha Iye Zvino

13. Chii chinokosha chakaitika muna 1914?

13 VaKristu vari kuzivisa nyika kuti utongi hwevanhu hwava kusvika kwamvura yacheka makumbo. Muna 1914 Jehovha akagadza Umambo hwake kudenga huchitongwa naMambo waakasarudza, Jesu Kristu. Ipapo akapa Jesu simba rokuenda “achikunda kuti apedzise kukunda kwake.” (Zvak. 6:2) Mambo uyu akanga achangogadzwa akaudzwa kuti: “Enda ukunde pakati pevavengi vako.” (Pis. 110:2) Zvinosuwisa kuti marudzi ose zvawo ari kuramba kuzviisa pasi poutongi hwaJehovha. Vari kuramba vachiita zvavo sokuti “Jehovha haako.”—Pis. 14:1.

14, 15. (a) Nhasi uno tiri kutongwa sei noUmambo hwaMwari, uye tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi? (b) Utongi hwaMwari hunooneka sei kuti ndihwo hwakakwirira nhasi?

14 Pachiine dzimwe nhengo shomanana ‘dzaIsraeri waMwari’ dzasara pasi pano idzo dzichiri kushanda “sevamiririri vaKristu” sezvo vari hama dzake. (2 VaK. 5:20) Vakagadzwa kuti vave boka romuranda akatendeka, akangwara anopa zvokudya vamwe vakazodzwa nemamwe mamiriyoni evaKristu vane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi. (Mat. 24:45-47; Zvak. 7:9-15) Kubudirira kuri kuita vanamati vechokwadi kunoratidza kuti Jehovha ari kukomborera urongwa ihwohwo.

15 Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsoziva zvandinofanira kuita muungano yechiKristu here? Ndiri kunyatsotsigira nzira yaJehovha yokutonga here? Ndinodada nokuva munhu anotongwa noUmambo hwaMwari here? Ndakashinga kuramba ndichiudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari pose pandawanira mukana here?’ Tose pamwe chete tinoda kuteerera zvinenge zvataurwa neDare Rinodzora uye vakuru vakagadzwa veungano. Kuita izvozvo ndiko kunoratidza kuti tinoda kutongwa naMwari. (Verenga VaHebheru 13:17.) Kuzviisa pasi nomwoyo wose kunoita kuti tibatane tose munyika iri kuita mazvake-mazvake. Kunoitawo kuti tive norunyararo uye tive vakarurama, kwoita kuti Jehovha akudzwe, zvoratidza kuti nzira yake yokutonga ndiyo yakanakisisa.

Utongi hwaJehovha Hunokunda

16. Chisarudzo chipi chinofanira kuitwa nomunhu wose nhasi uno?

16 Nguva yokuti nyaya dzakatangwa muEdheni dzigadziriswe yava pedyo pedyo. Saka iye zvino ndiyo nguva yokuti vanhu vaite chisarudzo. Mumwe nomumwe anofanira kusarudza kana achibvuma utongi hwaJehovha kana kuti achitsigira hwevanhu. Isu takakomborerwa nomukana wokubatsira vanhu vanyoro kuti vaite chisarudzo chakarurama. Munguva pfupi iri kutevera paAmagedhoni, utongi hwaJehovha huchatsvaira zvachose hurumende dzevanhu dzinotungamirirwa naSatani. (Dhan. 2:44; Zvak. 16:16) Utongi hwevanhu huchaguma, uye Umambo hwaMwari huchatonga pasi rose. Utongi hwaJehovha huchanyatsoratidzwa zvakazara kuti ndihwo hwakarurama.—Verenga Zvakazarurwa 21:3-5.

17. Zvinhu zvipi zvinobatsira vanyoro kuti vaite chisarudzo chakanaka nezvoutongi?

17 Vaya vasati vanyatsoratidza pavamire pakutsigira Jehovha vanofanira kunyengetera vachifungisisa kubatsirwa kuchaitwa vanhu nokutonga kwaMwari. Utongi hwevanhu hwakundikana kupedza dambudziko rokuparwa kwemhosva, kusanganisira ugandanga. Utongi hwaMwari huchatsvaira vose vakaipa panyika. (Pis. 37:1, 2, 9) Kutonga kwevanhu kwakonzera hondo dzisingaperi, asi kwaMwari kuchagumisa “hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Pis. 46:9) Kuchatoita kuti vanhu vagarisane zvakanaka nemhuka! (Isa. 11:6-9) Urombo nenzara hazvizivani munyika iri kutongwa nevanhu, asi Mwari achazvibvisa zvose. (Isa. 65:21) Kunyange vatongi vevanhu vanenge vaine vavariro dzakanaka havana kukwanisa kubvisa zvirwere norufu, asi kana Mwari ava kutonga, vakwegura nevanorwara vachafara vava kudzokera pasimba rouduku hwavo. (Job. 33:25; Isa. 35:5, 6) Zvechokwadi pasi richava paradhiso yokuti kunyange vakafa vachamutswa.—Ruka 23:43; Mab. 24:15.

18. Tingaratidza sei kuti tinotenda kuti utongi hwaMwari ndihwo hwakanakisisa?

18 Kutonga kwaMwari kuchagadzirisa zvose zvakakanganiswa naSatani paakafurira vabereki vedu vokutanga kuti vasiye Musiki wavo. Funga kuti Satani aondonga zvinhu kwemakore 6 000, asi Mwari achishandisa Kristu, achazvigadzirisa mumakore 1 000 chete! Uhu ndihwo uchapupu hwakasimba hwokuti matongero aMwari akakwirira! Sezvo tiri Zvapupu zvaMwari wedu, tinobvuma kuti ndiye Mutongi wedu. Saka ngatiratidzei zuva rimwe nerimwe, tingatoti awa imwe neimwe youpenyu hwedu, kuti tiri vanamati vaJehovha, vanotongwa noUmambo hwake, uye vanodada nokuva Zvapupu zvake. Uye ngatishandisei mukana wose watinowana kuudza chero ani zvake anoda kuteerera kuti utongi hwaJehovha ndihwo hwakanakisisa.

Nezveutongi hwaMwari, Tadzidzei Pataverenga . . .

• Dheuteronomio 7:7, 8?

1 Samueri 8:9-18?

VaHebheru 13:17?

Zvakazarurwa 21:3-5?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 29]

Jehovha angogara ari mutongi

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kuzviisa pasi poutongi hwaJehovha nomwoyo wose kunoita kuti tibatane munyika yose