Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudenga Kwakamboita Sei?

Kudenga Kwakamboita Sei?

Kudenga Kwakamboita Sei?

VAMWE vanhu vanofunga kuti hatigoni kuziva nezvokudenga nokuti hakuna munhu akambobva ikoko achiuya pasi pano kuti atitaurire kuti kwakaita sei. Zvichida vakakanganwa zvakataurwa naJesu paakati: ‘Ndakaburuka ndichibva kudenga.’ (Johani 6:38) Akaudzawo vamwe vatungamiriri vezvitendero kuti: “Imi munobva munzvimbo dziri pasi; ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro.” (Johani 8:23) Jesu akatii nezvokudenga?

Jesu akaratidzawo kuti kudenga ndiko kunogara Jehovha. Akati nezvaMwari “Baba vangu vari kudenga.” (Mateu 12:50) Asi Jesu akashandisa shoko rokuti kudenga kureva zvinhu zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, akashandisa shoko rokuti kudenga achireva chadenga chakapoteredza pasi paakati: “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga.” (Mateu 6:26) Kunyange zvakadaro, Jehovha anogara kumusorosoro kwechadenga chakapoteredza pasi. Bhaibheri rinoti: “Kune Uya agere pamusoro pedenderedzwa renyika.”—Isaya 40:22

Saka ‘Baba vari kudenga vanogara’ kune nyeredzi here? Chadenga chatinoona chinonziwo “kudenga” muMagwaro Matsvene. Somuenzaniso, mumwe munyori wepisarema akati: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko zvamunomufunga?”—Pisarema 8:3, 4.

Jehovha haafaniri hake kugara muchadenga chatinoona chaakasika sezvinongoitawo muvezi asingafaniri hake kugara mukabhodhi yaanenge agadzira. Saka pakatsaurirwa temberi kuna Jehovha naMambo Soromoni muJerusarema, akati: “Chokwadi Mwari angagara panyika here? Tarirai! Hamungakwani mumatenga, iko kumatengatenga; zvino, zvakadini neimba ino yandavaka!” (1 Madzimambo 8:27) Kana Jehovha asingagari muchadenga chatinoona, anogara kudenga ripi?

Kunyange zvazvo vanhu vakaongorora chadenga chatinoona nemateresikopu ane simba uye vamwe vakatoenda kunyika dziri muchadenga, zvinotaurwa neBhaibheri zvinongoramba zviri zvechokwadi: “Hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (Johani 1:18) Jesu akatsanangura chikonzero chacho paakati: “Mwari Mudzimu.”—Johani 4:24.

Munhu womudzimu akasiyana nemunhu wenyama. Munhu womudzimu haaoneki, haabatiki, haana nyama neropa sezvatakaita. Saka Jesu paakati aimbogara naBaba vake “kudenga,” aireva kuti aimbova noupenyu hwakakwirira zvikuru kupfuura upenyu hwezvimwe zvinhu zvose zviri panyika. (Johani 17:5; VaFiripi 3:20, 21) Munyika iyi yomudzimu kwaimbogara Jesu naBaba vake ndiko kunonzi neBhaibheri “kudenga.” Kwakamboita sei? Chii chinoitika ikoko?

Nzvimbo Yevanhu Vanoshanda Vachifara

Bhaibheri rinotsanangura kuti kudenga kunoitwa zvinhu zvakawanda. Rinoti kune mazana emamiriyoni ezvisikwa zvomudzimu zvinogara ikoko. (Dhanieri 7:9, 10) Zvisikwa zvacho zvine unhu hwakasiyana-siyana. Tinozviziva sei? Pazvinhu zvose zvakasikwa, hakuna zvisikwa zviviri zvinorarama zvakanyatsofanana, saka tinogona kuva nechokwadi chokuti kudenga kune fararira rezvisikwa izvozvo zvakasiyana-siyana. Chinotoshamisa ndechokuti zvisikwa zvose izvi zvinoshanda pamwe chete zvakabatana, zvichiratidza kunyatsosiyana kunodadisa nezvinoitika pasi pano pane vanhu vasinganyanyi kuita zvinhu vakabatana.

Ona kuti Bhaibheri rinorondedzera sei zvinoitwa kudenga. “Rumbidzai Jehovha, haiwa imi ngirozi dzake, dzine simba guru, dzinoita zvaanotaura, nokuteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi mose mauto ake, imi vashumiri vake, vanoita kuda kwake.” (Pisarema 103:20, 21) Saka kudenga kuri kuitwa basa rakakura. Tine chokwadi chokuti basa racho rinogutsa.

Kubvira makare kare ngirozi dzakagara dzichishanda nomufaro kunyange nyika ino isati yasikwa. Magwaro anoti Jehovha paakasika nyika, vanakomana vaMwari ‘vakashevedzera nomufaro pamwe chete,’ uye “vakatanga kushevedzera vachirumbidza.” (Jobho 38:4, 7) Mumwe wevanakomana vaMwari vokudenga akawana rukudzo rwokushanda pamwe chete naMwari paakasika zvinhu zvose. (VaKorose 1:15-17) Rondedzero iyi yomufaro uri kudenga ingaita kuti uve nemibvunzo mupfungwa dzako nezvokudenga nevanhu.

Vanhu Vakasikirwa kuti Vazoenda Kudenga Here?

Sezvo ngirozi dzaishumira Mwari mudenga nyika isati yasikwa, murume nomudzimai vokutanga havana kusikwa kuti vazadze matenga. Asi Mwari akaudza vanhu vokutanga kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika.” (Genesisi 1:28; Mabasa 17:26) Adhamu ndiye aiva wokutanga pazvisikwa zvipenyu zvepanyika aikwanisa kuziva Mwari uye kumushumira akatendeka. Aizova Baba wevanhu vaizogara panyika. “Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.”—Pisarema 115:16.

Vanhu havawanzodi kufa nokuti havana kusikirwa kuti vafe. Mwari akaudza Adhamu kuti aizofa somubayiro wokusateerera. Kudai Adhamu akateerera aisazombofa.—Genesisi 2:17; VaRoma 5:12.

Ndosaka Mwari asina kuudza Adhamu kuti aizoenda kudenga. Saka pasi raisazova nzvimbo yokuona kana vanhu vainge vakakodzera kuenda kudenga. Munhu akasikirwa kugara panyika nokusingaperi uye chinangwa chaMwari ichocho chichazadzika. Bhaibheri rinovimbisa kuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Zvakajeka kuti vanhu havana kusikirwa kuenda kudenga kubva pakutanga chaipo. Saka nei Jesu akavimbisa upenyu hwokudenga kuvadzidzi vake? Jesu aireva here kuti vanhu vose vakanaka vachaenda kudenga?