Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unofanira Kuchengeta Sabata Revhiki Nevhiki Here?

Unofanira Kuchengeta Sabata Revhiki Nevhiki Here?

Unofanira Kuchengeta Sabata Revhiki Nevhiki Here?

MAKORE okuma1980 ava kunopera, mapoka maduku evanhu vanopinda chechi yeMethodist akakomba guta guru reFiji rinonzi Suva. Varume, vakadzi, nevana vose vakanga vakapfeka sevari kuenda kuchechi vakaita marodhibhuroko. Vakamisa motokari dzose dzaifambira zvebhizimisi nedzevanhu vaizvifambira zvavo uye ndege. Chii chakaita kuti vadaro? Vaida kuti nyika yacho idzike mutemo wokuchengeta Sabata sezvaiitwa kare.

Kunyika yeIsrael, chivako chitsva chose chine nhurikidzwa dzakawanda chakavakwa kubvira mugore ra2001 chingangove chine rifiti rimwe chete rinokwanisa kungomira roga chero pauriri hupi zvahwo. Rifiti racho rakagadzirirwei? Kuitira kuti vaJudha vakazvipira kuchitendero chavo vanochengeta Sabata kubvira musi weChishanu manheru kusvikira manheru oMugovera, vasaita “basa” rokupfanya mabhatani erifiti.

KuTonga, nyika iri kuSouth Pacific, hazvibvumirwi kuita mabasa chero api zvawo. Ndege nengarava hadzibvumirwi kufamba. Chero makondirakiti akasainwa musi uyu anonzi haashandi. Bumbiro remitemo yokuTonga rinoti musi weSvondo unofanira “kuchengetwa somutsvene” nevanhu vose, pasinei nokuti munhu anotenda chii. Nei? Kuitira kuti nyika yacho yose ichengete Sabata.

Sezvinoratidzwa nemienzaniso iri pamusoro apa, vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anoda kuti vachengete zuva reSabata vhiki nevhiki. Kutaura zvazviri, vamwe vanototi zvinokosha chaizvo kuti Sabata richengetwe, vanofunga kuti ndiro richaita kuti tiponeswe. Vamwe vanofunga kuti murayiro unokosha kupfuura yose inobva kuna Mwari ndewokuchengeta Sabata. Sabata chii? Uye Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vachengete zuva reSabata vhiki nevhiki here?

Sabata Chii?

Shoko rechiShona rokuti “Sabata” rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “zorora, rega, usaita.” Kunyange zvazvo nhoroondo yaGenesisi ichiti Jehovha Mwari akazorora kuita mabasa ake okusika pazuva rechinomwe, vanhu vaMwari vakatozorayirwa munguva yakararama Mosesi kuchengeta Sabata, kana kuti kuzorora zuva rose kwemaawa 24. (Genesisi 2:2) VaIsraeri vabva muIjipiti muna 1513 B.C.E., Jehovha akavapa nenzira yechishamiso mana pavaiva murenje. Nezvokuunganidzwa kwemana iyi, vakarayirwa kuti: “Muchazvinhonga mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata. Hapana zvichavapo pariri.” (Eksodho 16:26) Tinobva taudzwa kuti “vanhu vakachengeta sabata pazuva rechinomwe,” kubvira pakudoka kwezuva manheru eChishanu kusvika pakudoka kwezuva Mugovera manheru.—Eksodho 16:30.

Nguva pfupi apa mirayiridzo iyoyo, Jehovha akapa mutemo waitaura zvokuchengetwa kweSabata ndokuita kuti uvepowo paMirayiro Gumi yaakapa Mosesi. (Eksodho 19:1) Pamirayiro iyoyo, wechina wacho waiti: “Uchiyeuka zuva resabata kuti uriite dzvene, unofanira kushanda uye unofanira kuita basa rako rose kwemazuva matanhatu. Asi zuva rechinomwe isabata rinoitirwa Jehovha Mwari wako.” (Eksodho 20:8-10) Saka kuchengeta Sabata kwakava musimboti muupenyu hwevaIsraeri.—Dheuteronomio 5:12.

Jesu Aichengeta Sabata Here?

Hungu, Jesu aichengeta Sabata. Nezvake tinoudzwa kuti: “Nguva yacho payakanyatsokwana, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akazoberekwa nomukadzi uye akava pasi pomutemo.” (VaGaratiya 4:4) Jesu akaberekwa ari werudzi rwevaIsraeri uye izvi zvakaita kuti ave pasi poMutemo, uye izvozvo zvaisanganisira mutemo weSabata. Mutemo wesungano wakatozobviswa pashure pokunge Jesu afa. (VaKorose 2:13, 14) Kuziva nguva yazvakaitika kunotibatsira kunzwisisa maonero anoita Mwari nyaya yacho.—Ona chati iri  papeji 15.

Chokwadi Jesu akati: “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Mutemo kana kuti Zvakanyorwa nevaprofita. Handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.” (Mateu 5:17) Asi shoko rokuti “kuzozadzisa” rinomborevei? Somuenzaniso: Muvaki anozadzisa kondirakiti yake yokuvaka chivako kusvika chapera, kwete nokurega kuzadzisa kondirakiti yacho asi nokuvaka chivako chacho kusvika chapera. Asi kana basa racho rangopera zvinogutsa muridzi wechivako chacho, kondirakiti yacho inenge yazadziswa uye muvaki wacho anenge asisiri pasi pekondirakiti yacho. Saizvozvowo, Jesu haana kutyora kana kuti kurega kuzadzisa Mutemo; asi akauzadzisa nokuuchengeta zvakakwana. Pawakangozadziswa, “kondirakiti” yoMutemo uyu yakanga isingachashandi pavanhu vaMwari.

VaKristu Vanosungirwa Kuchengeta Sabata Here?

Sezvo Kristu akazadzisa Mutemo, vaKristu vanosungirwa kuchengeta Sabata vhiki nevhiki here? Afuridzirwa, muapostora Pauro anopindura kuti: “Naizvozvo ngaparege kuva nomunhu anokutongai pane zvokudya nezvokunwa kana pamusoro pomutambo kana pamusoro pokuchengetwa kwokugara kwomwedzi kana pamusoro pesabata; nokuti zvinhu izvozvo mumvuri wezvinhu zvichauya, asi chinhu chacho chaicho ndechaKristu.”—VaKorose 2:16, 17.

Mashoko iwayo akafuridzirwa anoratidza kuti Mwari akachinja pane zvaaitarisira pavanhu vake. Nei? Nokuti vaKristu vava nomutemo mutsva, “mutemo waKristu.” (VaGaratiya 6:2) Sungano yomutemo yekare yakapiwa vaIsraeri pachishandiswa Mosesi yakaguma payakazadziswa nokufa kwaJesu. (VaRoma 10:4; VaEfeso 2:15) Murayiro wokuchengeta Sabata wakagumawo here? Hungu. Ataura kuti “takasunungurwa paMutemo” Pauro akataura nezvemumwe weMirayiro Gumi. (VaRoma 7:6, 7) Saka Mirayiro Gumi, kusanganisira mutemo weSabata, iripowo paMutemo wakagumiswa. Naizvozvo vanamati vaMwari havachasungirwi kuchengeta Sabata vhiki nevhiki.

Kuchinja kwakaitika kubva pamanamatiro echiIsraeri kuenda pamanamatiro echiKristu kungaenzanisirwa seizvi: Nyika ingachinja bumbiro romutemo. Mitemo yemubumbiro idzva painenge yava kushandiswa, vanhu vanenge vasisasungirwi kushandisa rekare. Kunyange zvazvo mimwe mitemo yemubumbiro idzva ingafanana neyemubumbiro rekare, mimwe ingava yakasiyana. Saka munhu anofanira kunyatsodzidza mitemo yemubumbiro idzva kuti aone mitemo yava kushanda. Uyezve, munhu anoteerera angada kuziva kuti bumbiro romutemo idzva rakatanga kushanda rini.

Saizvozvowo, Jehovha Mwari akapa vaIsraeri mitemo inopfuura 600 kusanganisira 10 inokosha. Mitemo iyoyo inosanganisira yetsika, yezvibayiro, yenyaya dzoutano uye yokuchengetwa kweSabata. Zvisinei, Jesu akati vateveri vake vakazodzwa vaizoumba “rudzi” rutsva. (Mateu 21:43) Kubvira muna 33 C.E. rudzi urwu rwave ruine “bumbiro” idzva rakavakirwa pamitemo mikuru miviri, wokuda Mwari uye wokuda muvakidzani. (Mateu 22:36-40) Kunyange zvazvo ‘mutemo waKristu’ uchisanganisira mirayiridzo yakafanana neiya iri paMutemo wakapiwa vaIsraeri, hazvifaniri kutishamisa kuti mimwe mitemo yacho yakasiyana uye kuti mimwe yacho haichashandi. Mutemo wokuchengeta Sabata vhiki nevhiki ndemumwe wemitemo isingachashandi.

Mwari Akachinja Mitemo yake Here?

Zvinoreva here kuti Mwari akachinja mitemo yake paakachinja Mutemo waMosesi achiita kuti pave nomutemo waKristu? Kwete. Sezvinongoita mubereki anogadzirisa mitemo yaanopa vana vake, achifungawo nezvezera ravo uye mamiriro avo ezvinhu, Jehovha akagadzirisa mitemo inofanira kuteererwa nevanhu vake. Muapostora Pauro anotsanangura nyaya yacho seizvi: “Kutenda kusati kwasvika, takanga tichichengetedzwa tiri pasi pomutemo, tichiiswa muusungwa pamwe chete, tichitarisira kutenda kwaifanira kuzoratidzwa. Naizvozvo Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nokuda kwokutenda. Asi zvino kutenda zvakwakasvika, hatisisiri pasi pomuperekedzi.”—VaGaratiya 3:23-25.

Mafungiro aPauro anopindirana sei nenyaya yeSabata? Funga nezvemuenzaniso uyu: Mudzidzi paanenge ari kuchikoro, angatarisirwa kudzidza chimwe chidzidzo chakadai sokuveza pane mumwe musi vhiki roga roga. Zvisinei, paanenge ava kushanda angafanira kushandisa unyanzvi hwaakadzidza, kwete musi mumwe chete iwoyo, asi mazuva ose evhiki. Saizvozvowo, vaIsraeri pavaiva pasi pomutemo vaisungirwa kusarudza zuva rimwe chete pavhiki rokuzorora uye rokunamata. Ukuwo vaKristu vanotarisirwa kunamata Mwari, kwete zuva rimwe chete pavhiki, asi mazuva ose.

Saka zvakaipa here kusarudza zuva rimwe chete pavhiki rokuzorora uye rokunamata? Kwete. Shoko raMwari rinosiyira munhu nomunhu kuti azvisarudzire, rinoti: “Zvino mumwe munhu anoti, rimwe zuva rakanaka kukunda rimwe, mumwezve achiti, mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire mumwoyo make.” (VaRoma 14:5, Bhaibheri Rinoyera) Kunyange zvazvo vamwe vangasarudza kuona rimwe zuva sedzvene zvikuru kupfuura rimwe, Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti Mwari haatarisiri vaKristu kuti vachengete Sabata vhiki nevhiki.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

“Muchazvinhonga mazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe isabata. Hapana zvichavapo pariri.”—EKSODHO 16:26.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

“Mutemo wakava muperekedzi wedu uchitungamirira kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nokuda kwokutenda. Asi zvino kutenda zvakwakasvika, hatisisiri pasi pomuperekedzi.”—VAGARATIYA 3:24, 25.

[Bhokisi/Dhiagramu riri papeji 13]

Mutsetse Unoratidza Nguva Yenyika Dzose uye Sabata

Mutsetse unoratidza nguva yenyika dzose unoomesera vaya vanotenda kuti vanofanira kuchengeta Sabata vhiki nevhiki pazuva rimwe chete munyika yose. Mutsetse unoratidza nguva yenyika dzose ndewokufungidzira uye unopfuura nomuPacific Ocean paunenge uchibva kuchamhembe uchienda kumaodzanyemba. Nguva yenyika dziri kumadokero kwomutsetse wacho iri pamberi penyika dziri kumabvazuva nezuva rimwe chete.

Somuenzaniso, kuFiji nokuTonga pakunenge kuri Svondo, kuSamoa nokuNiue unenge uri Mugovera. Saka kana munhu wokuFiji achichengeta Sabata nomusi woMugovera, vechitendero chake kuSamoa vanenge vari kure nemakiromita 1 145, vanenge vachitoshanda zvavo nokuti kunenge kuri Chishanu ikoko.

Vechitendero cheSeventh-Day Adventists kuTonga vanochengeta Sabata ravo nomusi weSvondo uye vanenge vachifunga kuti vari kuchengeta Sabata panguva imwe chete nevamwe vavo vokuSamoa avo vanenge vari kure nemakiromita anopfuura 850 zvishoma. Zvisinei, panguva iyi vokuFiji vanenge vari kure nemakiromita ari pasi pe800 vanenge vasiri kuzorora nokuti ikoko unenge uri musi weSvondo, uye vanochengeta Sabata ravo musi weMugovera!

[Dhiagramu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

\

\

\

\ SAMOA

\

— ― ― ― ― ― ― ―

FIJI \

Svondo \ Mugovera

\

\

TONGA \

\

\

\

FIJI

 [Chati iri papeji 15]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Mashoko Okuyeuka NezveSabata:

Kunyange zvazvo imwe ndima yeBhaibheri ingataura kuti Sabata inofanira kuchengetedzwa, tinofanira kuziva nguva yakanyorwa mashoko acho.

4026 B.C.E MOSESI ASATI AVAPO

ADAMU ANOSIKWA Mutemo unotaura nezveSabata

wakatozopiwa munguva yakararama

Mosesi nevaIsraeri.—Dheuteronomio

5:1-3, 12-14.

1513 B.C.E. MUTEMO WAMWARI WAAKAPA VAISRAERI

VAISRAERI VANOPIWA MUTEMO Mutemo weSabata hauna kupiwa mamwe

marudzi. (Pisarema 147:19, 20)

Wakapiwa se“chiratidzo” pakati

Jehovha nevanakomana

vaIsraeri.—Eksodho 31:16, 17.

VaIsraeri vakanga varayirwa

kuchengeta masabata akawanda kwete

Sabata romusi mumwe chete wepavhiki

chete.—Revhitiko 16:29-31; 23:4-8;

25:4, 11; Numeri 28:26.

33 C.E. MUTEMO WAKRISTU

KUGUMA KWAKAITA MUTEMO WAKAPIWA VAISRAERI Muna 49 C.E.,

pavaisarudza kuti vaone zvaidiwa

naMwari pavaKristu, vaapostora

nevarume vakuru vaiva muJerusarema

havana kutaura kuti Sabata

raifanira kuchengetwa vhiki

nevhiki.—Mabasa 15:28, 29.

Muapostora Pauro ainetseka

chaizvo nevaKristu vaisimbirira

kuda kuchengeta mamwe zuva

seanokosha kupfuura

mamwe.—VaGaratiya 4:9-11.

2010 C.E.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Mapepanhau ari kuratidza marodhibhuroko akaitwa nemapoka echechi yeMethodist vachida kuti Fiji idzokere pakuomerera kuchengeta Sabata

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of the Fiji Times