Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu

CHII chakaita kuti munhu wechitendero chechiRasita agere bvudzi rake refu uye azorega kusarura varungu? Uye chii chakaita kuti jaya rairwa raibatsira vatengesi vezvinodhaka kuti vakwanise kutora zvikwereti zvavo richinje mararamiro aro? Chimbofunga zvakataurwa nevanhu ava.

“Ndakarega kunyange kusarura kwandaiita vamwe vanhu.”—HAFENI NGHAMA

ZERA: 34

NYIKA: ZAMBIA

NHOROONDO YOUPENYU: AIPINDA CHITENDERO CHECHIRASITA

UPENYU HWANGU KARE: Ndakaberekwa mumusasa wevapoteri kuZambia. Amai vangu vakanga vatiza kuNamibia munguva yehondo uye vakanga vabatana nesangano rainzi South West Africa People’s Organization (SWAPO). Sangano iri rairwisa hurumende yeSouth Africa yaitonga Namibia panguva iyoyo.

Ndakagara mumisasa yevapoteri kwemakore 15 okutanga oupenyu hwangu. Vaduku vaiva mumisasa yeSWAPO vaidzidziswa kuti vabatane nesangano racho rerusununguko. Takanga tanyatsodzidziswa zvematongerwo enyika uye kuvenga varungu.

Pandaiva nemakore 11, ndaida kuvawo muKristu muchechi mumusasa waiva nemachechi akasiyana-siyana aiti, Chechi yeRoma, yeLutheran, yeAnglican, nemamwe. Mufundisi wandakataura naye haana kundikurudzira kutora danho iri. Kubvira ipapo zvichienda mberi, ndakanga ndisingachatendi kuti kuna Mwari. Zvisinei, ndava nemakore 15, kuda kwandaiita mimhanzi yerege [rhege] uye kuti vatema vemuAfrica varuramisirwe kwakaita kuti ndipinde musangano revaRasita. Ndakatanga kuchengeta bvudzi refu, kuputa mbanje, ndakarega kudya nyama, uye ndakatsigira zvokusunungurwa kwevatema. Zvisinei, handina kuchinja mararamiro angu ounzenza kana kurega kuona mafirimu airatidza vanhu vairwa. Uye ndakaramba ndichingoshandisa mashoko anonyadzisira pandaitaura nevamwe.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Muna 1995, pandaiva nemakore 20, ndakatanga kufungisisa nezvemararamiro andaida kuita. Ndaiverenga mabhuku evaRasita ose andaiwana. Mamwe acho aitaura nezveBhaibheri, asi handina kuona tsanangudzo idzodzo dziine musoro. Saka ndakasarudza kuzviverengera ndoga Bhaibheri.

Pava paya, imwe shamwari yangu yaitenda zvechiRasita yakandipa bhuku rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pakudzidzisa vanhu Bhaibheri. Ndakadzidza bhuku iri ndoga ndichishandisa Bhaibheri. Ndakazosangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha ndokuramba ndichidzidza Bhaibheri naye.

Ndaedza zvose zvandaikwanisa, ndakarega kuputa uye kunwa. (2 VaKorinde 7:1) Ndakazvishambidza, ndikagera bvudzi rangu refu, ndakarega kuona zvinonyadzisira nemafirimu evanhu vairwisana, uye kushandisa mashoko anonyadzisira pandaitaura nevamwe. (VaEfeso 5:3, 4) Ndakaregawo kusarura kwandaiita varungu. (Mabasa 10:34, 35) Kuti ndisiye izvi zvaisanganisira kurega kuteerera mimhanzi yaisimudzira rusaruranganda uye vandaimboshamwaridzana navo vaiedza kundifurira kuti ndidzokezve kumararamiro angu ekare.

Ndasiya izvozvo, ndakatsvaga kwaiva neImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha ndokukumbira kupinda muchitendero ichocho. Ndakatanga kudzidziswa Bhaibheri. Pandakasarudza kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, mhuri yangu haina kufara. Amai vangu vakandiudza kuti ndisarudze chimwe chitendero “chechiKristu” chisiri cheZvapupu zvaJehovha. Imwe hama yangu, yakanga yakakurumbira yaishandira hurumende, yaigara ichitsoropodza kusarudza kwandainge ndaita kuwadzana neZvapupu.

Zvisinei, kudzidza kwandakaita mabatire aiita Jesu vanhu uye kushandisa mazano acho kwakandibatsira kuti nditsungirire kushorwa uye kusekwa. Pandaienzanisa zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha nezvinotaurwa neBhaibheri, ndakagutsikana kuti ndakanga ndaona chitendero chechokwadi. Somuenzaniso, zvinotevedzera murayiro uri muBhaibheri wokuparidzira vamwe. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 15:14) Uye hazvipindiri mune zvematongerwo enyika.—Pisarema 146:3, 4; Johani 15:17, 18.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Kudzidza kurarama ndichishandisa mitemo yeBhaibheri kwakandibatsira muupenyu hwangu. Somuenzaniso, kurega kwandakaita kuputa mbanje kwakandibatsira kuchengetedza mari yakawanda mwedzi nemwedzi. Handichaoni zvinhu zvisipo, uye muviri wangu nepfungwa dzangu zvava noutano hwakanaka.

Iye zvino upenyu hwangu hwava negwara nechinangwa zviri izvo zvandaida zvikuru kubvira ndichiri muduku. Uye zvinotokosha kupfuura zvose ndezvokuti, pari zvino ndinonzwa sokuti ndakakwanisa kuswedera pedyo naMwari.—Jakobho 4:8.

“Ndakadzidza kudzora hasha dzangu.”—MARTINO PEDRETTI

ZERA: 43

NYIKA: AUSTRALIA

NHOROONDO YOUPENYU: NDAITENGESA ZVINODHAKA

UPENYU HWANGU KARE: Mhuri yedu yaigara ichitama pandaikura. Ndakambogara mumataundi madiki, muguta guru, uye kwekanguva pamisheni yevanhu verudzi rwechiAborigine yaiva kumuruwa. Ndine zvinhu zvakanaka zvandinoyeuka zvataiita nevana vekwamaiguru uye madzisekuru angu zvakadai sokuredza hove, kuvhima, kugadzira uta nemiseve, uye kuveza zvimwe zvinhu.

Baba vangu vaiva mutambi wetsiva uye vakatanga kundidzidzisa zvetsiva ndichiri mudiki chaizvo. Ndaigara ndichirwa nevanhu. Pandaiva nemakore ari pakati pe13 ne19 ndaipedza nguva yakawanda ndichinwa doro mumubhawa. Ini neshamwari dzangu taitsvaka vanhu vokurwa navo. Tairwisa mapoka evanhu vanosvika 20 kana kudarika tichishandisa mapanga netsvimbo.

Ndakava nemari yakawanda nokuti ndaitengesa zvinodhaka nezvinhu zvaibiwa nevanhu vaishanda paimiswa ngarava. Ndaibatsira vatengesi vezvinodhaka kuti vakwanise kutora zvikwereti kuvanhu vavaitengesera zvinodhaka ndichivatyisidzira nepfuti hombe nediki. Ndaida kuva mhondi. Ndaigarofunga zvokuuraya kana kuurayiwa.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndainge ndambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha pandaikura. Pandakanga ndangoti pfuurei makore 20, ndinoyeuka ndichibvunza amai vangu kana vaiziva kwaiva neZvapupu. Papera mazuva maviri chimwe Chapupu chainzi Dixon chakagogodza pamba pangu. Tambokurukura, akandikoka kumusangano weZvapupu zvaJehovha. Ndakaenda kumusangano iwoyo uye ndave ndichienda kumisangano iyoyo kwemakore anodarika 20. Zvapupu zvakakwanisa kupindura mibvunzo yose yandaiva nayo zvichishandisa Bhaibheri.

Ndakafara kudzidza kuti Jehovha anofarira vanhu kunyange vaya vasinganamati. (2 Petro 3:9) Ndakaona kuti ndiBaba vane rudo vanogona kunditarisira, kunyange pasina mumwe munhu anganditarisira. Ndakazorodzwawo nokudzidza kuti anokwanisa kundikanganwira zvivi zvangu kana ndikachinja mararamiro angu. Ndima yeBhaibheri yaVaEfeso 4:22-24 yakandibatsira zvikuru. Ndima iyoyo yakandikurudzira “kubvisa unhu hwekare” uye “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari.”

Zvakatora nguva kuti ndichinje mararamiro angu. Ndaipedza vhiki rose ndisina kushandisa zvinodhaka, asi pakupera kwevhiki, ndaizozvishandisa pandainge ndava nevandaimboshamwaridzana navo. Ndakaona kuti kana ndaida kusiya zvandaimboita ndaifanira kutambira kure nevandaishamwaridzana navo, saka ndakasarudza kutamira kune imwe nzvimbo. Dzimwe shamwari dzangu dzakada kuendawo neni parwendo rwangu, ndichibva ndabvuma. Pataienda, vakatanga kuputa mbanje vachibva vanditambidzawo. Ndakavaudza kuti ndakanga ndisingachaiti izvozvo, uye takaparadzana tava kusvika kwandaienda. Ndakazonzwa kuti pasina nguva shamwari dzangu dziya dzakazoba mubhengi dzichishandisa pfuti.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA: Pandakarega kushamwaridzana nevandaimbotamba navo ndakaona kuti zvaiva nyore kuchinja mararamiro angu. Muna 1989, ndakabhabhatidzwa. Pashure pokunge ndabhabhatidzwa, hanzvadzi yangu, amai, nababa vakatanga kushumira Jehovha pamwe chete neni.

Iye zvino ndave ndakaroora kwemakore 17 uye ndine vana vatatu vakanaka. Ndakadzidza kudzora hasha dzangu, kunyange pandinenge ndagumburwa. Uye ndakadzidza kuda ‘vanhu vemadzinza ose nemarudzi ose nendimi dzose.’ (Zvakazarurwa 7:9) Ndinofunga kuti mashoko aJesu anoshanda kwandiri. Akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—Johani 8:31, 32.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Kuti ndisiye zvandaiita zvaisanganisira kurega kuteerera mimhanzi yaisimudzira rusaruranganda

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

Ini neshamwari dzangu taitsvaka vanhu vokurwa navo. Tairwisa mapoka evanhu vanosvika 20 kana kudarika tichishandisa mapanga netsvimbo