Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamishinari Anotumwa “Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika”

Mamishinari Anotumwa “Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika”

Kirasi Yechi127 Inopedza Kudzidza kuGiriyedhi

Mamishinari Anotumwa “Kurutivi Ruri Kure Kwazvo Rwenyika”

JESU akatuma vadzidzi vake kuti vave zvapupu “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa chaizvo murayiro uyu.

Kutaura zvazviri, mumakore 65 apfuura, mamishinari akadzidziswa paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi akabatsira kutungamirira basa rokuparidza munyika dzinopfuura 200. Musi woMugovera, September 12, 2009, vamwezve vashumiri 56 vava nemakore akawanda mubasa iri vakapedza kudzidza pashure pokunge vapedza mwedzi mishanu vachidzidziswa pachikoro chemamishinari chiri kuPatterson, New York, U.S.A.

Simba Rokufungidzira

Stephen Lett, ari muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha uye aiva sachigaro wepurogiramu yevakapedza kudzidza, akataura nekirasi yacho achishandisa musoro waiti, “Shandisa Nouchenjeri Kufungidzira.” Akatanga anyevera vadzidzi vacho kuti vasafungidzira zvinhu zvina. Pfungwa nhatu dzokutanga dzaiti: (1) Usafungidzira kuti zvinhu zvinogona kudzivirira nokusingaperi; (2) usafungidzira mabasa ounzenza; uye (3) rega kunyanya kuzvidya mwoyo, uchifungidzira kuti mangwana achange akaipa zvakadii. (Zvirevo 18:11; Mateu 5:28; 6:34) Nezvepfungwa yechitatu, mukurukuri wacho akati munhu anozvidya mwoyo zvakanyanyisa anotutira zvinetso zvane zuro pane zvanhasi uye adaro anotora zvinetso zviri mberi ozviwedzera pane zvanhasi. Hama Lett vakati, “Kana mutwaro wacho wangodaro unorema kuutakura.” Pfungwa yechina yaitii? Vadzidzi vekirasi yacho vakayambirwa kuti vasafungidzira kuti upenyu hwavaimborarama hwainge hwakanaka vasati vatanga mabasa avo oumishinari. Vakangodaro vaizotadza kuona zvinhu zvinovapa mufaro munzvimbo itsva dzavaizonogara.

Hama Lett vakazokurudzira kirasi yacho kuti ifungidzire zvinhu zvina zvakanaka. Vakati: (1) Fanoonai mamiriro ezvinhu anogona kukukuvadzai mune zvokunamata kana kuti miviri yenyu, uye dzivisai dambudziko; (2) fungidzirai zvinhu zvamunenge muchiverenga muBhaibheri, uye fungidzirai muripowo pazvaiitika; (3) fungidzirai kuti munhu wose wamunotaura naye kunzvimbo itsva dzamuchanoshandira angangonamata Jehovha; uye (4) nzwirai tsitsi pamunofungidzira muri vanhu vaya vamunoparidzira.—Zvirevo 22:3.

Zvakakoshera Kudzidzisa Vamwe

David Splane, ariwo muDare Rinodzora, akakurukura nyaya yaiti, “Zvinhu Izvi Zvipe Vanhu Vakatendeka,” yaibva pana 2 Timoti 2:2. Muapostora Pauro akarayira Timoti kuti adzidzise varume vakatendeka, Pauro aida kuti Timoti asangodzidzisa varume vacho chete chokwadi ichi asiwo kuvakurudzira kudzidzisa vamwe. Mukurukuri wacho akaudza kirasi yacho kuti varume vanotungamirira mabasa echiKristu vari kudiwa chaizvo. Varume ava vaizodzidziswa rini uye sei? Hama Splane vakakurudzira kirasi yacho kuti itange kudzidzisa varume ava kubvira panguva iya mamishinari yaanongotanga kuvadzidzisa Bhaibheri.

Mamishinari anogona sei kudzidzisa vadzidzi veBhaibheri kuti vave mienzaniso yakanaka kune vamwe? Mukurukuri wacho akataura zvakawanda zvavangaita. Mamishinari anofanira kuvadzidzisa kunyatsogadzirira chidzidzo chavo cheBhaibheri. Vadaro, vadzidzi pavanotanga kupinda misangano yeungano, vanofanira kudzidza kugadzirira voga nyaya dzomuBhaibheri dzichakurukurwa pamisangano. Mukurukuri wacho akati, “Kana munhu asingadzidzi Bhaibheri ari oga, haazokwanisi kudzidzisa vamwe.” Hama Splane vakataurawo kuti mamishinari anogona kubatsira vatsva kuti vaite zvinhu nenguva, vatsigire nemari basa rokuparidza, uye kuteerera vaya vari kutungamirira. Vakati nzira yakanaka kupfuura dzose yokuvadzidzisa ndeyokuvaratidza muenzaniso wakanaka.

Kukudzwa Chaizvo Kuva Chapupu

Guy Pierce, ariwo muDare Rinodzora, akataura nyaya yaibva pamashoko aJesu akanyorwa pana Mabasa 1:8 anoti, “Muchava Zvapupu Zvangu.” Akayeuchidza kirasi yacho kuti muzana remakore rokutanga C.E., rudzi rwevaIsraeri haruna kuzowana rukudzo rwokuramba ruri zvapupu zvaJehovha. Rudzi rwaibereka zvibereko zvoUmambo ndirwo rwakazokudzwa. (Mateu 21:43) Zvakazooneka kuti ungano yevaKristu vakazodzwa ndiyo yaiva rudzi irworwo. Mukurukuri wacho akadzokorora mashoko omuapostora Petro uyo akataura kuti “rudzi rutsvene” rwevaKristu vakazodzwa ‘rwaizozivisa kwose kwose’ kunaka kwaJehovha. (1 Petro 2:6-9) Saka Jesu akanga asiri kuti vaKristu vaizongova zvapupu zvake chete uye vorega kuva zvapupu zvaJehovha. Handiti Jesu anonzi “Chapupu Chakatendeka.” (Zvakazarurwa 1:5; 3:14) Ndiye Chapupu chikuru chaJehovha uye watinotevedzera.—1 Petro 2:21.

Mukurukuri wacho akaudza kirasi yacho kuti mashoko aJesu ari pana Mabasa 1:8 ari kutonyanya kuzadzika munguva yedu. Nei? Nokuti uprofita hunokosha zvikuru sezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 11:15 hwakazadzika! Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naMesiya hwakatogadzwa. Pari zvino, basa rokupupura riri kuitwa “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Hama Pierce vakasimbisa kuti mamishinari anopupurira Jehovha noUmambo hwake, kwete ivo kana mararamiro avaimboita, tsika nenyika dzavo. Vakakurudzira kirasi yacho kuti idzidzise “vakawanda munguva yasara nepavanogona napo.”

Dzimwe Pfungwa Huru Dzakakurukurwa Mupurogiramu Yacho

Alex Reinmueller, anobatsira Dare Rinobudisa Mashoko, akataura nyaya yaiti “Jehovha Achakupai Ushingi.” Akataura kuti kana mamishinari akavimba nesimba raJehovha, achavabatsira kuziva simba ravo, kubvuma zvavasingakwanisi, kutsunga pavanenge vachitya, uye kuitira Jehovha zvakanakisisa.

Vamwe varayiridzi vaviri veDhipatimendi Rezvikoro Zvokunamata vanoti, Sam Roberson naWilliam Samuelson, vakakurukurawo nevadzidzi vacho. Hama Roberson vakataura nyaya yaiti “Ndinewe,” inobva pana Isaya 41:10. Akataura kuti mamishinari vachafara chaizvo. Vachavawo nematambudziko. Vanogona kutsungirira kana vakatevedzera Mambo Dhavhidhi uyo akachema kuna Baba vake mumunyengetero. (Pisarema 34:4, 6, 17, 19)

Hurukuro yaHama Samuelson yakasimbisa kuti tinofanira kuramba tichinatsiridza mano edu okufunga. Mamishinari anoita izvi haazokurumidzi kugumbuka paanoudzwa mashoko anogumbura.—Zvirevo 2:10, 11.

Jim Mantz, anobatsira Dare Rokunyora, akabvunzurudza mumwe ari muDare Rebazi kuRepublic of Georgia, mumwezve wokuHonduras, uye mumwe ari muDare Renyika wokuRepublic of Tajikistan. Hama dzagara nebasa idzi dzakabayira mamishinari zani rokuti angashamwaridzana sei nevanhu vanovavenga ‘nokukunda zvakaipa nezvakanaka.’ (VaRoma 12:21) Mark Noumair, ariwo murayiridzi wekirasi yacho, akakurukura hurukuro yainakidza yezvinhu zvakasangana nevadzidzi pavaiparidza pavaidzidziswa kuGiriyedhi. Hurukuro yacho yaitokonya pfungwa yaiti, “Hungu, Ndingabatsira Sei?”

Sachigaro akagumisa purogiramu yacho nokudzokorora mashoko erwiyo rutsva rwaiti, “Fungidzira Zvinhu Zvose Zvava Zvitsva.” Vanhu 6 509 vaivapo vakabva vatsunga kwazvo kupupurira Jehovha neMwanakomama wake ‘kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.’

[Chati/Mepu zviri papeji 31]

NEZVEKIRASI YACHO

8 nhamba yenyika dzaimirirwa

56 vadzidzi vose

28 vakaroorana

33.6 avhareji yezera

18.3 avhareji yemakore kubvira pakubhabhatidzwa

13.6 avhareji yemakore omuushumiri hwenguva yakazara

[Mepu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Vaiva mukirasi yacho vakaendeswa kunyika 22 dziri pasi apa

NYIKA DZAKATUMIRWA MAMISHINARI

JAMAICA

HAITI

NICARAGUA

COSTA RICA

PANAMA

CURAÇAO

GUYANA

PERU

BOLIVIA

PARAGUAY

CHILE

MOLDOVA

SERBIA

ALBANIA

CÔTE D’IVOIRE

CONGO, DEM. REP.

UGANDA

BURUNDI

TANZANIA

MOZAMBIQUE

NEPAL

CAMBODIA

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kirasi Yechi127 Yechikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi Inopedza Kudzidza

Pane zvakarongwa pasi apa, mitsetse yakarongwa ichibva mberi ichidzoka shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Marshall, T.; Prudent, L.; Mashburn, A.; Rosenström, S.; Testa, A.; Takeyama, M.; Sisk, M.

(2) Grooms, K.; Miura, S.; Camacho, M.; Rozas, S.; Burch, M.; Meza, I.; Young, G.; Geraghty, S.

(3) Bonilla, C.; Knaller, D.; Parrales, R.; Hotti, S.; Takada, A.; Tournade, M.; Sopel, C.

(4) Miura, Y.; Parrales, K.; Prudent, K.; Colburn, S.; Willis, L.; Vääränen, A.; Sisk, B.; Takada, R.

(5) Grooms, J.; Vääränen, M.; Geraghty, B.; Stackhouse, R.; Wilson, A.; Bonell, E.; Camacho, D.; Meza, R.; Bonell, M.

(6) Takeyama, S.; Testa, G.; Colburn, T.; Mashburn, C.; Willis, W.; Tournade, L.; Burch, J.; Stackhouse, J.

(7) Wilson, J.; Young, J.; Marshall, E.; Rozas, M.; Knaller, J.; Hotti, N.; Rosenström, A.; Sopel, J.; Bonilla, O.