Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”

“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”

“Vakarurama Vachapenya Zvakajeka Sezuva”

“Panguva iyoyo vakarurama vachapenya zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.”—MAT. 13:43.

1. Jesu akashandisa mifananidzo kuti atsanangure zvinhu zvipi zvakasiyana-siyana nezvoUmambo?

JESU KRISTU akashandisa mienzaniso yakawanda, kana kuti mifananidzo pakutsanangura zvakasiyana-siyana nezvoUmambo. Akataura nemapoka evanhu “achishandisa mifananidzo. Chokwadi, aisataura navo asingashandisi mufananidzo.” (Mat. 13:34) Mumifananidzo yaitaura nezvokudyara mbeu yechokwadi choUmambo, Jesu akataura kushanda kunoita mwoyo womunhu pakugamuchira shoko, uyewo zvinoitwa naJehovha kuti asimbise munhu pakunamata. (Mako 4:3-9, 26-29) Jesu akataurawo muenzaniso unoratidza kuwedzera kunoshamisa kwevanhu vanoteerera shoko roUmambo kunoitika pasi pano, kunyange kana dzimwe nguva kusingakurumidzi kuoneka. (Mat. 13:31-33) Uyezve, akati havasi vose vanoteerera shoko roUmambo vakakodzerwa nokuva muUmambo ihwohwo.—Mat. 13:47-50. *

2. Mumufananidzo waJesu wegorosi nemasora, mbeu yakanaka inomiririrei?

2 Zvisinei, mumwe wemifananidzo yaJesu une chokuita nokuunganidza vaya vachatonga naJesu muUmambo hwake. Uyu unowanzonzi mufananidzo wegorosi nemasora uye wakanyorwa muchitsauko 13 chaMateu. Kunyange zvazvo mune mumwe mufananidzo Jesu akambotaura kuti mbeu inodyarwa i“shoko roumambo,” mumufananidzo uyu, anotiudza kuti mbeu yakanaka inomiririra chinhu chakasiyana neizvi, kureva “vanakomana voumambo.” (Mat. 13:19, 38) Ava havasi vanhu vanotongwa noUmambo hwacho, asi “vanakomana,” kureva vagari venhaka, voUmambo.—VaR. 8:14-17; verenga VaGaratiya 4:6, 7.

Mufananidzo Wegorosi Nemasora

3. Tsanangura dambudziko rakasangana nomunhu anotaurwa mumufananidzo uye kuti akasarudza kurigadzirisa sei.

3 Mufananidzo wacho unoti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe munhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Vanhu pavakanga vakarara, muvengi wake akauya akadyarawo masora pakati pegorosi, akaenda. Chipande chakati chabuda chikabereka zvibereko, masora akabva aonekawo. Naizvozvo varanda vomuridzi wemba vakauya vakati kwaari, ‘Tenzi, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Zvino, sei mava nemasora?’ Iye akati kwavari, ‘Mumwe munhu, muvengi, akaita izvi.’ Ivo vakati kwaari, ‘Saka, munoda here kuti tibude, tinoaunganidza?’ Iye akati, ‘Aiwa; kuti musadzurawo gorosi pamunenge muchiunganidza masora. Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa; uye mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda kuti apiswe, mozounganidza gorosi mudura rangu.’”—Mat. 13:24-30.

4. (a) Murume womumufananidzo ndiani? (b) Jesu akatanga kudyara mbeu iyi rini uye sei?

4 Murume akadyara mbeu yakanaka mumunda make ndiani? Jesu akapindura paakazotsanangurira vadzidzi vake kuti: “Mudyari wembeu yakanaka Mwanakomana womunhu.” (Mat. 13:37) Mumakore matatu nehafu oushumiri hwake hwaakaita pasi pano, “Mwanakomana womunhu,” Jesu akagadzirira munda kuti azodyara. (Mat. 8:20; 25:31; 26:64) Zvadaro kubvira paPendekosti ya33 C.E., akatanga kudyara mbeu yakanaka, kureva “vanakomana voumambo.” Zviri pachena kuti kudyara uku kwakaitika apo Jesu, mumiririri waMwari, akatanga kudurura mudzimu mutsvene pavadzidzi vake, achivazodza sevanakomana vaMwari. * (Mab. 2:33) Mbeu yakanaka yakazokura ikava gorosi. Saka chinangwa chokudyara mbeu yakanaka chaiva chokuti pakupedzisira pazova nenhamba yakakwana yevaya vaizogara nhaka uye vaizotonga naJesu muUmambo hwake.

5. Mumufananidzo uyu muvengi ndiani, uye masora anofananidzira vanaani?

5 Ko muvengi ndiani, uye masora ndivanaani? Jesu anotiudza kuti muvengi “ndiDhiyabhorosi.” Masora anorondedzerwa se“vanakomana veakaipa.” (Mat. 13:25, 38, 39) Sora iri raitaurwa naJesu rinokuvadza mbeu uye rinenge rakafanana chaizvo negorosi parinenge richiri duku. Hapana mufananidzo wakakodzera vaKristu vokunyepedzera kupfuura uyu, nokuti vanozviti vanakomana voUmambo asi vasingabereki zvibereko zvechokwadi! VaKristu ava vokunyepera vanozviti vateveri vaKristu zvechokwadi “vana” vaSatani Dhiyabhorosi.—Gen. 3:15.

6. Masora akatanga kuoneka rini, uye panguva iyoyo vanhu vakanga ‘varara’ sei?

6 VaKristu ava vakafanana nemasora vakatanga kuoneka rini? Jesu anoti, “Vanhu pavakanga vakarara.” (Mat. 13:25) Izvi zvakaitika rini? Mhinduro yacho tinoiwana mumashoko akanyorerwa vakuru vokuEfeso nomuapostora Pauro, okuti: “Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinodzvinyirira dzichapinda pakati penyu uye hadzizobati boka nounyoro, uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mab. 20:29, 30) Akarayira vakuru ivavo kuti varambe vakamuka pakunamata. Vaapostora, vanova ndivo vaiita “sesimba rinodzivisa” kuti vanhu vasapanduka, pavakatanga kurara murufu, vaKristu vakawanda vakarara mune zvokunamata. (Verenga 2 VaTesaronika 2:3, 6-8.) Ndipo pakatangira kupanduka.

7. Rimwe gorosi rakachinja rikava masora here? Tsanangura.

7 Jesu haana kuti gorosi raizova masora asi kuti masora akadyarwa mugorosi. Saka mufananidzo uyu hausi kutaura nezvevaKristu vechokwadi vanopanduka. Asi uri kureva zvakaitwa naSatani kuti ashatise ungano yechiKristu nokuunza vanhu vakaipa mairi. Muapostora wokupedzisira, Johani, paakazenge akwegura, kupanduka uku kwakanga kwava pachena.—2 Pet. 2:1-3; 1 Joh. 2:18.

“Regai Zvose Zvikure Pamwe Chete Kusvikira Pakukohwa”

8, 9. (a) Sei tingati mirayiridzo yakapiwa varanda naTenzi wavo yaiva nemusoro kuvateereri vaJesu? (b) Pakuzadziswa kwomufananidzo, gorosi nemasora zvakakura pamwe chete sei?

8 Varanda vaTenzi wacho vanomuudza dambudziko ravapo vobva vamubvunza kuti: “Saka, munoda here kuti tibude, tinoaunganidza [masora]?” (Mat. 13:27, 28) Zvingaita sokuti mhinduro yake inoshamisa. Anovaudza kuti varege gorosi nemasora zvichikura pamwe chete kusvikira panguva yokukohwa. Kuvadzidzi vaJesu izvi zvaiva nomusoro. Vaiziva kuoma kwazvainge zvakaita kusiyanisa gorosi nesora racho. Vaya vaiziva nezvekurima vaizivawo kuti sora iri rairehwa naJesu rine midzi inomonererana neyegorosi. Regai Tenzi wacho akazovati vamirire!

9 Saizvozvowo, nokufamba kwemakore, mapoka akasiyana-siyana echiKristudhomu akaita goho rakakura chaizvo remasora, kutanga muChechi yeRoma nedzeOrthodox uyewo dzimwe dzakazonyuka muchechi yeRoma. Asiwo, mbeu shomanana dzegorosi chairo dzakadyarwa munyika yose. Tenzi womumufananidzo akamirira nemwoyo murefu kuti masora akure kusvikira nguva shomanana yokukohwa yasvika.

Nguva Yokukohwa Yakanga Yakamirirwa Kwenguva Refu

10, 11. (a) Kukohwa kunoitwa rini? (b) Gorosi rokufananidzira riri kuunzwa sei mudura raJehovha?

10 Jesu anotiudza kuti: “Kukohwa kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho, uye vakohwi ingirozi.” (Mat. 13:39) Mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa, pane zviri kuparadzaniswa, vanakomana voUmambo vanofanira kuunganidzwa vachiparadzaniswa nevose vakafanana nemasora. Nezvenyaya iyi, muapostora Petro akati: “Yava nguva yakatarwa yokuti kutonga kutange neimba yaMwari. Zvino kana kukatanga nesu, kuguma kwevaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari kuchange kwakadini?”—1 Pet. 4:17.

11 Mazuva okupedzisira kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva” ino achangotanga, vaya vaizviti vaKristu vechokwadi vakatanga kutongwa, vachionekwa kuti vaiva “vanakomana voumambo” here kana kuti “vanakomana veakaipa.” Pakatanga kukohwa, Bhabhironi Guru rakawa, vanakomana voUmambo vachibva vazounganidzwa. (Mat. 13:30) Asi gorosi rokufananidzira riri kupinzwa sei mudura raJehovha? Vaya vakanga vakohwewa vangave vakaunzwa muungano yechiKristu yakanga yavapozve, kwavanonzwirwa nyasha naMwari uye kwavanodzivirirwa, kana kuti vakawana mubayiro wavo wokudenga.

12. Kukohwa kunotora nguva yakadini?

12 Kutongwa kwacho kunotora nguva yakareba sei? Jesu akataura nezve“mwaka” wokukohwa, kureva kuti kunotora nguva yakati rebei. (Zvak. 14:15, 16) Kutongwa kwomumwe nomumwe wevakazodzwa kunoramba kuchienderera munguva yose yomugumo. Vacharamba vachitongwa kusvikira vaiswa chisimbiso chokupedzisira.—Zvak. 7:1-4.

13. Masora anogumbura sei vanhu, uye ari kuitei kuratidza kuti haateereri?

13 Ndivanaani vachaunganidzwa vachibviswa muUmambo, uye vanokonzera sei kuti vanhu vagumburwe uye varege kuteerera mitemo? (Mat. 13:41) Vafundisi vechiKristudhomu vakafanana nemasora vakatsausa mamiriyoni evanhu kwemazana emakore. Vanovatsausa vachishandisa ‘zvinhu zvinogumbura,’ kureva dzidziso dzisingakudzi Mwari, dzakadai seyokuti vanhu vakaipa vachanopiswa, uye dzidziso inovhiringidza uye isinganzwisisiki yokuti Mwari mubatanidzwa wavanamwari vatatu. Vatungamiriri vezvitendero vakawanda havana kuratidza muenzaniso wakanaka kumakwai avo nokuita upombwe nenyika ino uye dzimwe nguva nounzenza hwavo hunonyadzisa. (Jak. 4:4) Uyezve, chiKristudhomu chiri kungosiya vanhu vacho vachiita unzenza pasina zvavanoitwa. (Verenga Judha 4.) Pasinei nezvose izvi, vanoramba vachinyepedzera kuva vanhu vatsvene uye vanoda Mwari. Vanakomana voUmambo vanofara chaizvo kuti vakasiyana nevanhu vakadaro vakaita semasora uye nedzidziso dzavo dzakaipa dzinogumbura!

14. Vanhu vakaita semasora vanochema nokugedageda mazino sei?

14 Vanhu ava vakafanana nemasora vanochema uye vanogedageda mazino avo sei? (Mat. 13:42) “Vanakomana veakaipa” vanoshungurudzwa nokuti “vanakomana voumambo” vakafumura kuti ava vakaita semasora vane muchetura. Vanoshungurudzwawo nokuti havachatsigirwi nenhengo dzemachechi avo dzakawanda sezvavaimboita, uye kuti nhengo dzacho hadzichavateereri.—Verenga Isaya 65:13, 14.

15. Vanhu vakaita semasora vanopiswa nemoto sei?

15 Masora anounganidzwa uye kupiswa mumoto sei? (Mat. 13:40) Izvi zvinoreva zvichaguma zvaitwa masora. Chiri kufananidzirwa nokukandwa kwavo muvira romoto kuparadzwa zvachose kuchaitika kwavari. (Zvak. 20:14; 21:8) VaKristu vokunyepedzera, vakaita semasora, vanyengeri, vachatsakatiswa panguva yo“kutambudzika kukuru.”—Mat. 24:21.

“Vachapenya Zvakajeka Sezuva”

16, 17. Maraki akaprofitei nezvetemberi yaMwari, uye izvi zvakatanga kuzadzika rini?

16 Vanhu vakaita segorosi vaizo“penya zvakajeka sezuva” rini? (Mat. 13:43) Maraki akaprofita nezvokucheneswa kwetemberi yaMwari achiti: “‘Ishe wechokwadi achangoerekana auya kutemberi yake, iye wamuri kutsvaka, uye nhume yesungano yamuri kufarira. Tarirai! Iye achauya,’ Jehovha wemauto adaro. ‘Asi ndiani achatsunga pazuva raanouya, uye ndiani achamira paanoonekwa? Nokuti achava akaita somoto womunatsi uye sesipo yomugezi wenguo. Achagara pasi sezvinoita munatsi nomuchenesi wesirivha, ochenesa vanakomana vaRevhi; achavachenesa sezvinoitwa ndarama uye sezvinoitwa sirivha, uye kuna Jehovha vachava vanhu vanouya nechipo chinopiwa mukururama.’”—Mar. 3:1-3.

17 Mazuva ano zvinoratidza kuti uprofita uhu hwakatanga kuzadziswa Jehovha paakatanga kuongorora temberi muna 1918 aina Jesu Kristu, “nhume yesungano.” Maraki anotiudza zvinozoitika kana kuchenesa uku kwangopera: “Muchaonazve kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa, kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.” (Mar. 3:18) Kuwedzera kwakaita basa revaKristu vechokwadi vakamutsidzirwa kunoratidza kuti nguva iyi inguva yokutanga kwemwaka wokukohwa.

18. Dhanieri akaprofita kuti chii chaizoitika mazuva ano?

18 Muprofita Dhanieri akataura nezvemazuva ano paakafanotaura kuti: “Vane njere vachapenya sechiedza chokudenga; uye vaya vari kuita kuti vazhinji vave vakarurama, vachapenya senyeredzi nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.” (Dhan. 12:3) Vanhu ava vanopenya zvakajeka kudai ndivanaani? Vangagova vanaani kunze kwevaKristu vakazodzwa, gorosi rechokwadi rakataurwa nezvaro naJesu mumufananidzo wake wegorosi nemasora! ‘Kuunganidzwa’ kwevaKristu vokunyepedzera vakaita semasora kwakazivikanwa neboka guru revakaita semakwai riri kuramba richiwedzera. Pavanobatana nevasara vaIsraeri womudzimu, vanhu ava vanotongwa noUmambo uhwu vari kuitawo kuti chiedza chavo chipenye panyika ino ine rima.—Zek. 8:23; Mat. 5:14-16; VaF. 2:15.

19, 20. “Vanakomana voumambo” vakamirirei, uye tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Mazuva ano, “vanakomana voumambo” vanomirira mubayiro wavo unokudzwa wokudenga nechido. (VaR. 8:18, 19; 1 VaK. 15:53; VaF. 1:21-24) Zvisinei, kusvikira nguva yacho yakwana, vanofanira kuramba vakatendeka, voramba vachipenya zvakajeka, vachiratidza kuti vakasiyana ne“vanakomana veakaipa.” (Mat. 13:38; Zvak. 2:10) Tose tinogona kufara kuti tine ropafadzo yokuona zviri kuitika ‘zvokuunganidzwa’ kwemasora epanguva yedu!

20 Asi vanakomana voUmambo vane ukama hwakaita sei neboka guru riri kuramba richingowedzera revaya vane tariro yokuzorarama pasi pano nokusingaperi vachitongwa noUmambo? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Kuti uone pakanyatsotsanangurwa mifananidzo iyi, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2008, mapeji 12-21.

^ ndima 4 Mumufananidzo uyu, kudyara hakurevi basa rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi, izvo zvaizoita kuti pave nevatsva vaizova vaKristu vakazodzwa. Jesu achitaura nezvembeu yakanaka yakadyarwa mumunda, akati: “Ava vanakomana voumambo,” haana kuti ndivo “vachazova vanakomana voumambo.” Kudyara kunoreva kuzodzwa kwevanakomana ava voUmambo munyika yose.

Unoyeuka Here?

Zvinhu zvinotevera zviri mumufananidzo waJesu wegorosi nemasora zvinorevei?

• Mbeu yakanaka

• Murume akadyara mbeu yacho

• Kudyarwa kwembeu

• Muvengi

• Masora

• Mwaka wokukohwa

• Dura

• Kuchema nokugedageda kwemazino

• Vira romoto

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 20]

PaPendekosti ya33 C.E. ndipo pakatangira kudyarwa kwembeu yakanaka

[Mufananidzo uri papeji 23]

Gorosi rokufananidzira iye zvino rava kuiswa mudura raJehovha

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.