Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Boka Rimwe, Mufudzi Mumwe

Boka Rimwe, Mufudzi Mumwe

Boka Rimwe, Mufudzi Mumwe

“Imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.”—MAT. 19:28.

1. Jehovha aiva noukama hwakaita sei nevazukuru vaAbrahamu, uye izvozvo zvinoreva here kuti akanga asina basa zvachose nevamwe vanhu vose?

JEHOVHA akaitira vazukuru vaAbrahamu mutsa worudo nokuti aimuda. Kwemazana emakore anopfuura 15 aiona rudzi rwevaIsraeri, urwo rwakabva kuna Abrahamu, sevanhu vake vaakasarudza, ‘pfuma yake chaiyo.’ (Verenga Dheuteronomio 7:6.) Izvozvo zvinoreva here kuti Jehovha akanga asina basa zvachose nevanhu vemamwe marudzi? Kwete. Mazuva iwayo vanhu vasiri vaIsraeri vaida kunamata Jehovha vaibvumirwa kubatana norudzi rwake rwaakanga asarudza. Vanhu ivavo vakanga vaita zvokutendeuka vaitorwa severudzi rwacho. Vaifanira kubatwa sehama. (Revh. 19:33, 34) Uye vaifanira kuteerera mitemo yaJehovha yose.—Revh. 24:22.

2. Mashoko api anokatyamadza akataurwa naJesu, uye angaita kuti tibvunze mibvunzo ipi?

2 Zvisinei Jesu akataura mashoko akakatyamadza vaJudha vemazuva ake okuti: “Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mat. 21:43) Ndivanaani vaizova rudzi urwu rutsva, uye isuwo tinopinda papi pakuchinja uku kwakaitika?

Rudzi Rutsva

3, 4. (a) Muapostora Petro akataurei chingatibatsira kuziva rudzi rutsva? (b) Rudzi urwu rutsva ndivanaani?

3 Muapostora Petro akajekesa kuti rudzi urwu ndivanaani. Akanyorera vaKristu vaainamata navo kuti: “Asi imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa.” (1 Pet. 2:9) Sezvakagara zvataurwa, vaJudha chaivo vakabvuma kuti Jesu ndiMesiya ndivo vaiva nhengo dzokutanga dzerudzi irworwo. (Dhan. 9:27a; Mat. 10:6) Vamwe vasiri vaIsraeri vakazopedzisirawo vava verudzi irworwo, nokuti Petro akazoenderera mberi achiti: “Maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari.”—1 Pet. 2:10.

4 Petro pano aitaura navanaani? Paanotanga tsamba yake anoti: “[Mwari] akatibereka patsva kuti tive netariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa, kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga.” (1 Pet. 1:3, 4) Saka rudzi urwu rutsva vaKristu vakazodzwa, vane tariro yokuenda kudenga. Ndivo vanonzi “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) Pane zvaakaratidzwa achiita seairota, Johani akaona vaIsraeri vaMwari vari 144 000. “Ava vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana,” kuti vazoshanda ‘sevapristi’ uye ‘vatonge na[Jesu] semadzimambo kwemakore ane chiuru.’—Zvak. 5:10; 7:4; 14:1, 4; 20:6; Jak. 1:18.

Ndivo Chete Vari Kurehwa Here?

5. (a) Mashoko okuti “Israeri waMwari” anoreva vanaani? (b) Sei shoko rokuti “Israeri” risingangorevi vakazodzwa chete?

5 Saka zviri pachena kuti “Israeri waMwari” anotaurwa pana VaGaratiya 6:16 anoreva vaKristu vakazodzwa chete. Zvisinei, pane pamwe here panoshandisa Jehovha rudzi rwevaIsraeri achiita zvokufananidzira, kana kuti somuenzaniso, achitaura vamwe vaKristu asingarevi vakazodzwa? Mhinduro yacho inogona kuwanikwa pamashoko aya akataurwa naJesu kuvaapostora vake vakatendeka: “Ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu, kuti mudye nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugare pazvigaro zvoumambo kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Izvi zvichaitika “pakusikwazve,” paKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.—Verenga Mateu 19:28.

6, 7. Mashoko okuti “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” ari pana Mateu 19:28 naRuka 22:30 ari kureva vanaani?

6 Ava 144 000 vachashumira semadzimambo, vapristi, uye vatongi muKutonga Kwemakore Ane Chiuru. (Zvak. 20:4) Vanenge vachitonga ani? Pana Mateu 19:28 naRuka 22:30, tinoudzwa kuti vachange vachitonga “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.” “Madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” pano ari kufananidzira vanaani? Ari kumiririra vose vane tariro yokuzorarama pasi pano, vaya vanotenda muchibayiro chaJesu asi vasiri muboka remadzimambo nevapristi. (Rudzi rwevaRevhi rwakanga rwusingaverengerwi pakati pemadzinza 12 evaIsraeri.) Pano vari kufananidzirwa nemadzinza gumi nemaviri evaIsraeri ndevaya vachawana zvikomborero zvinobva pakushumirwa kwavachaitwa neboka revapristi 144 000. Ivava vasiri muboka revapristi vanhu vaMwariwo uye iye anovada uye anovagamuchira. Ndosaka vari kufananidzirwa nevanhu vake vekare.

7 Zvinobva zvapindiranawo nokuti Johani paakaona vane 144 000 vachiiswa zvisimbiso zvokupedzisira kutambudzika kukuru kusati kwaitika, akaonawo “boka guru,” risina kutaurwa nhamba yaro rinobva “kumarudzi ose.” (Zvak. 7:9) Ivava vachapukunyuka kutambudzika kukuru vopinda muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Munguva iyoyo vachasanganiswa nemamwe mabhiriyoni evachamutswa. (Joh. 5:28, 29; Zvak. 20:13) Vose ivavo ndivo vachange vachiumba “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” achatongwa naJesu nevaachatonga navo vane 144 000.—Mab. 17:31; 24:15; Zvak. 20:12.

8. Zvaiitwa paZuva Rokuyananisira zvaifananidzira sei ukama huri pakati pevane 144 000 nevamwe vanhu vose?

8 Ukama uhwu huri pakati pevane 144 000 nevamwe vanhu vose hwakagara hwafananidzirwa nezvaiitwa paZuva Rokuyananisira raichengetwa gore negore. (Revh. 16:6-10) Mupristi mukuru aifanira kutanga nokubayira nzombe sechinopiwa chezvivi zvake “iye neimba yake.” Izvi zvinoreva kuti chibayiro chaJesu chinotanga kushanda kuimba yake yevapristi, vaya vachashumira naye kudenga. PaZuva Rokuyananisira paibviswawo mbudzi mbiri dzaishandisirwa zvivi zvevamwe vaIsraeri. Pano sezvo dzinza revapristi riri kumiririra vane 144 000, vamwe vaIsraeri vose vari kumiririra vaya vane tariro yokurarama pasi pano. Izvi zvinoreva kuti mashoko okuti “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” ari pana Mateu 19:28 haarevi vapristi vakaberekwa nomudzimu, asi anoreva vamwe vose vanotenda muchibayiro chaJesu. *

9. Vapristi vanofananidzira vanaani patemberi yakaratidzwa Ezekieri, uye vaIsraeri vasiri vapristi vanofananidzira vanaani?

9 Funga nezvomumwe muenzaniso. Muprofita Ezekieri akaona chiratidzo chakakura chetemberi yaJehovha achiita seari kurota. (Ezek., zvitsauko 40-48) Pane zvaakaratidzwa izvozvo, vapristi vaishanda mutemberi, vachirayiridza vanhu uye vachipiwa mazano naJehovha nokugadziridzwa pane zvavainge vakanganisa. (Ezek. 44:23-31) Akaratidzwawo vanhu vaibva mumadzinza akasiyana-siyana vaiuya kuzonamata uye kuzopa zvibayiro. (Ezek. 45:16, 17) Saka ndima idzi dzinoratidza kuti vapristi vaifananidzira vakazodzwa, uye vaIsraeri vemadzinza aisava evapristi vaifananidzira vaya vane tariro yokuzorarama pasi pano. Zvaakaona izvi zvinoratidza kuti mapoka maviri iwayo anoshanda pamwe chete murugare, boka revapristi richitungamirira kunamata kwakachena.

10, 11. (a) Tiri kuona kuzadziswa kupi kwemashoko aJesu kunosimbisa kutenda? (b) Tinova nomubvunzo upi nezvemamwe makwai?

10 Jesu akataura nezve“mamwe makwai” aakati akanga asiri edanga rimwe chete ne“boka duku” revateveri vake vakazodzwa. (Joh. 10:16; Ruka 12:32) Akati: “Iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” Hakusi kufadza kwazvinoita kuona mashoko iwayo achizadziswa! Pane mapoka maviri evanhu akabatanidzwa, boka duku revakazodzwa neboka guru remamwe makwai. (Verenga Zekariya 8:23.) Kunyange zvazvo mamwe makwai asingashumire ari muchivanze chomukati chetemberi isingaoneki, vanoshumira vari muchivanze chokunze.

11 Asi kana Jehovha achimboshandisa vaIsraeri ava vasiri vapristi kufananidzira mamwe makwai, vaya vane tariro yokurarama pasi pano vanogonawo kudya uye kunwa zviratidzo paChirangaridzo? Ngatikurukurei mhinduro yomubvunzo iwoyu.

Sungano Itsva

12. Urongwa hupi hutsva hwakagara hwataurwa naJehovha?

12 Jehovha akagara ataura kuti aizova nourongwa hutsva nevanhu vake paakati: “Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri pashure pemazuva iwayo. . . . Ndichaisa mutemo wangu mavari, uye ndichaunyora mumwoyo mavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.” (Jer. 31:31-33) Sungano iyi itsva yaizoita kuti zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuna Abrahamu zvizadziswe nenzira inofadza uye inogara narini.—Verenga Genesisi 22:18.

13, 14. (a) Ndivanaani vari musungano itsva? (b) Ndivanaani vanobatsirwa nayo, uye ‘vanobatisisa’ sei sungano iyi itsva?

13 Jesu akataura nezvesungano iyi itsva usiku hwokupedzisira asati afa paakati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.” (Ruka 22:20; 1 VaK. 11:25) VaKristu vose vari musungano iyi itsva here? Kwete. Vamwe, vakadai sevaapostora vakanwira mukapu iyoyo usiku ihwohwo, vanotova musungano yacho itsva. * Jesu akaita imwe sungano navo yokutonga pamwe chete navo muUmambo hwake. (Ruka 22:28-30) Vachatonga naJesu muUmambo hwake.—Ruka 22:15, 16.

14 Ko vaya vachagara panyika pano vachitongwa noUmambo hwake? Vanhu vachabatsirwa nesungano yacho itsva. (VaG. 3:8, 9) Kunyange zvazvo vasiri musungano yacho, ‘vanobatisisa’ sungano iyi nokuita zvainotaura, sezvakagara zvataurwa nomuprofita Isaya kuti: “Vokune imwe nyika vakauya kuna Jehovha kuti vamushumire uye kuti vade zita raJehovha, kuti vave vashumiri vake, vose vaya vari kuchengeta sabata kuti varege kurisvibisa uye vari kubatisisa sungano yangu, ndichavaunzawo kugomo rangu dzvene ndoita kuti vafare muimba yangu yokunyengeterera.” Jehovha anozoti: “Nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera yemarudzi ose.”—Isa. 56:6, 7.

Ndivanaani Vanofanira Kudya Nokunwa?

15, 16. (a) Pauro akati vaya vari musungano itsva vachava neropafadzo yei? (b) Sei vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vasingafaniri kudya zviratidzo zveChirangaridzo?

15 Vaya vari musungano itsva vane “ushingi hwokupinda munzvimbo tsvene.” (Verenga VaHebheru 10:15-20.) Ava ndivo va“chagamuchira umambo husingazununguswi.” (VaH. 12:28) Saka vaya chete vachava madzimambo nevapristi kudenga naJesu Kristu ndivo vanofanira kunwira mu“kapu” inomiririra sungano itsva. Ava vari musungano itsva iyi ndivo vakavimbiswa kuroorwa neGwayana. (2 VaK. 11:2; Zvak. 21:2, 9) Vamwe vose vanopinda Chirangaridzo gore negore vacherechedzi vanenge vachiremekedza, vasingadyi zviratidzo.

16 Pauro anotibatsirawo kunzwisisa kuti vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano havadyi zviratidzo zveChirangaridzo. Akaudza vaKristu vakazodzwa kuti: “Nokuti pose pamunodya chingwa ichi nokunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.” (1 VaK. 11:26) Ishe ‘achasvika’ rini? Paanouya kuzotora vokupedzisira paboka remwenga revakazodzwa achivaendesa kumusha wavo wokudenga. (Joh. 14:2, 3) Zviri pachena kuti kuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru gore negore kuchasvika pakuchagumira. ‘Vasara’ pavana vomukadzi vachiri pasi pano vacharamba vachidya kudya uku kusvikira vose vagamuchira mubayiro wavo wokudenga. (Zvak. 12:17) Zvisinei, kudai vaya vachagara pasi pano nokusingaperi vaifanira kudya zviratidzo, zvinoreva kuti Chirangaridzo chaizongoramba chichiitwa.

“Vachava Vanhu Vangu”

17, 18. Uprofita hwakanyorwa pana Ezekieri 37:26, 27 hwakazadziswa sei?

17 Jehovha akagara ataura kubatana kwaizenge kwakaita vanhu vake achiti: “Ndichaita sungano yorugare navo; pachava nesungano inogara nokusingagumi navo. Ndichavaisa imomo, ndoita kuti vawande, ndoisa nzvimbo yangu tsvene pakati pavo nokusingagumi. Tebhenekeri yangu ichava pavari, ini ndichava Mwari wavo uye ivo vachava vanhu vangu.”—Ezek. 37:26, 27.

18 Vanhu vaMwari vose vane ropafadzo yokuti vanobatsirwa nokuzadziswa kwakaita vimbiso iyi inoshamisa, sungano iyi yorugare rwevaKristu. Zvechokwadi, Jehovha akavimbisa vashumiri vake vose vanoteerera kuti vaizova norugare. Vanooneka kuti vane chibereko chomudzimu wake. Nzvimbo yake tsvene, iyo pano iri kumiririra kunamata kwakachena kwevaKristu, iri pakati pavo. Zvechokwadi vakava vanhu vake, nokuti vakasiya zvose zvokunamata zvidhori uye vakaita kuti Jehovha ave Mwari chete wavanonamata.

19, 20. Vanonzi “vanhu vangu” naJehovha vanosanganisira vanaani, uye sungano itsva inoita kuti chii chiitike?

19 Tinofara chaizvo kuti tiri kuona kubatanidzwa kwemapoka aya maviri mazuva ano! Kunyange zvazvo boka guru riri kuramba richikura risina tariro yokunorarama kudenga, rinofara kuti rine ukama nevaya vane tariro yokudenga. Vakabatana naIsraeri waMwari. Izvi zvakaita kuti vave vamwe vevaya vanonzi naJehovha “vanhu vangu.” Vakazadzisa uprofita uhwu hwokuti: “Marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha pazuva iroro, achava vanhu vangu; uye ndichagara pakati pako.”—Zek. 2:11; 8:21; verenga Isaya 65:22; Zvakazarurwa 21:3, 4.

20 Jehovha akashandisa sungano itsva kuti zvose izvi zvikwanisike. Mamiriyoni evokune mamwe marudzi ava rudzi rwunodiwa naJehovha. (Mika 4:1-5) Vanoda kuramba vakabatisisa sungano yacho uye vanogamuchira uye vanoteerera zvainotaura. (Isa. 56:6, 7) Izvi zviri kuita kuti vawane zvikomborero zvokuramba vaine rugare pamwe naIsraeri waMwari. Dai ukakomborerwa saizvozvo, iye zvino uye nokusingaperi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Zvakangofananawo nokuti vakazodzwa vanogona kunzi “ungano.” (VaH. 12:23) Asi shoko rokuti “ungano” rinogona kushandiswa richireva vaKristu vose pasinei nokuti vane tariro ipi.—Ona Nharireyomurindi, yaApril 15, 2007, mapeji 21-23.

^ ndima 13 Jesu ndiye Murevereri wesungano iyoyo, asi haasi mairi. Zviri pachena kuti Jesu haana kudya zviratidzo sezvo ari iye murevereri.

Unoyeuka Here?

• “Madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” achatongwa nevane 144 000 ndivanaani?

• Sungano itsva inei chokuita nevakazodzwa nemamwe makwai?

• VaKristu vose vanofanira kudya zviratidzo zveChirangaridzo here?

• Kubatana kwavanaani kwakagara kwataurwa kuti kwaizoitika mazuva edu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Girafu/Mifananidzo iri papeji 25]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Vakawanda vava kushumira pamwe chete naIsraeri waMwari

7,313,173

4,017,213

1,483,430

373,430

1950 1970 1990 2009