Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubhabhatidzwa Muzita Raani Uye Rei?

Kubhabhatidzwa Muzita Raani Uye Rei?

Kubhabhatidzwa Muzita Raani Uye Rei?

“Naizvozvo endai munoita kuti vanhu . . . vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.”—MAT. 28:19.

1, 2. (a) Chii chakaitika muJerusarema paPendekosti ya33 C.E.? (b) Chii chakaita kuti vakawanda vade kubhabhatidzwa?

MUJERUSAREMA makanga musingadanwi anonzwa nokuwanda kwevanhu vaibva kunyika dzakawanda. Pazuva rePendekosti ya33 C.E., paiva nemutambo unokosha uye paiva nevaenzi vakawanda. Asi pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika pakazopiwa nomuapostora Petro hurukuro yaikurudzira zvikuru yakaita kuti vanhu vaite zvakanga zvisingatarisirwi. VaJudha nevamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vaisvika 3 000 vakabayiwa mwoyo nemashoko ake, vakapfidza, vakabhabhatidzwa mumvura. Izvi zvakaita kuti vavewo muungano yechiKristu yakanga ichangotangwa. (Mab. 2:41) Chinofanira kunge chaive chipatapata paibhabhatidzwa vanhu vakawanda mumadziva aive munharaunda yeJerusarema!

2 Chii chakaita kuti vanhu vakawanda kudaro vabhabhatidzwe? Mangwanani omusi wacho, kwakava “noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga.” Mukamuri repamusoro mune imwe imba, vadzidzi vaJesu vanenge 120 vakazadzwa nomudzimu mutsvene. Zvadaro, varume nevakadzi vaitya Mwari vakaungana uye vakashamisika kunzwa vadzidzi ava vachi“taura nedzimwe ndimi.” Pavakanzwa zvakataurwa naPetro, kusanganisira kuvafumura kwaakaita nezvokuuraya kwavakaita Jesu, vakawanda vacho “vakabayiwa pamwoyo.” Vaifanira kuitei? Petro akapindura achiti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu . . . , uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.”—Mab. 2:1-4, 36-38.

3. Pazuva rePendekosti, vaJudha vakanga vapfidza nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vaifanira kuitei?

3 Funga nezvezvaitozivikanwa panyaya dzokunamata nevaJudha ivavo nevamwe vaiva vatendeukira kuchiJudha vakanga vakateerera Petro. Vakanga vatobvuma kuti Jehovha ndiye Mwari wavo. Uye kuverenga kwavaiita Magwaro echiHebheru kwakaita kuti vazive nezvomudzimu mutsvene, simba raMwari raakashandisa pakusika uye kuzoita mamwe mabasa. (Gen. 1:2; Vat. 14:5, 6; 1 Sam. 10:6; Pis. 33:6) Asi pane chimwe chinhu chinokosha kupfuura izvozvo chavaifanira kuziva. Zvaikosha kuti vanzwisise uye vabvume kuti Mesiya, Jesu, ndiye aizoshandiswa naMwari kuvaponesa. Saka Petro akasimbisa kuti vaifanira ‘kubhabhatidzwa muzita raJesu Kristu.’ Mazuva mashomanana izvi zvisati zvaitika, Jesu akanga amutswa akaudza Petro nevamwe kuti vabhabhatidze vanhu “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mat. 28:19, 20) Mashoko iwayo aireva zvakawanda muzana remakore rokutanga, sezvaachiri kungoita. Airevei?

Muzita raBaba

4. Chii chakachinja panyaya youkama hwevanhu naJehovha?

4 Sezvatamboona, vaya vakaita zvakanga zvataurwa naPetro muhurukuro yake vainamata Jehovha uye vakanga vagara vachitova noukama hwakanaka naye. Vakanga vari kuedza kutevedzera Mutemo wake, zvinova ndizvo zvakanga zvaita kuti vaya vaibva kune dzimwe nyika vauye kuJerusarema. (Mab. 2:5-11) Zvisinei Mwari akanga achangochinja nzira yaaida kuti vanhu vamunamate nayo. Akaramba vaJudha kuti vasava rudzi rwake rwaakasarudza; zvokuchengeta kwavo Mutemo zvakanga zvisisavabatsire kuva noukama naye. (Mat. 21:43; VaK. 2:14) Kana vateereri ivavo vaida kuramba vaine ukama hwakanaka naJehovha, pane chimwe chavaifanira kuita.

5, 6. VaJudha vakawanda vomuzana remakore rokutanga nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vaifanira kuitei kuti vave noukama hwakanaka naMwari?

5 Vakanga vasingafaniri kusiya Jehovha, aivapa upenyu. (Mab. 4:24) Vaya vakaita zvakatsanangurwa naPetro iye zvino vakanga vava kuona kuti Jehovha ndibaba vavo vane mutsa. Akavatumira Mesiya kuti avanunure uye aida kukanganwira vaya vakanga vanzi naPetro: “Imba yose yaIsraeri ngaizive kuti Mwari akamuita zvose zviri zviviri Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera.” Vaya vakaita zvakanga zvataurwa naPetro iye zvino vakanga vava kuona kuti vaifanira kuonga zvakanga zvaitwa naBaba vachiitira vose vaida kuva noukama navo!—Verenga Mabasa 2:30-36.

6 Zvechokwadi vaJudha ivavo nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vakanga vava kuona kuti kuva noukama naJehovha kwaisanganisira kubvuma kuti ndiye aizoita kuti vaponeswe achishandisa Jesu. Saka unogona kunzwisisa chakaita kuti vapfidze zvivi zvavo, zvinosanganisira kuuraya kwavakaita Jesu vachiziva kana kuti vasingazivi. Ndokusaka mumazuva akatevera “vakaramba vachizvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora.” (Mab. 2:42) Vaikwanisa uye vaida kuswedera “norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kukodzera kuwanwa.”—VaH. 4:16.

7. Mazuva ano vakawanda vakachinja sei maonero avanoita Mwari vakabhabhatidzwa muzita raBaba?

7 Mazuva ano, mamiriyoni evanhu vanobva kwakasiyana-siyana akadzidza chokwadi nezvaJehovha muBhaibheri. (Isa. 2:2, 3) Vamwe vakanga vasingatendi kuti kuna Mwari uye vamwe vaitenda kuti ariko asi haana basa nezvaakasika, asi vakazonzwisisa kuti ariko uye kuti vaigona kuva noukama hwakanaka naye. Vamwe vainamata vanamwari vatatu kana kuti zvidhori zvakasiyana-siyana. Vakadzidza kuti Jehovha oga ndiye Mwari wemasimba ose, uye iye zvino vava kutaura naye vachishandisa zita rake chairo. Izvi zvinoenderana nezvakataurwa naJesu zvokuti vadzidzi vake vaifanira kubhabhatidzwa muzita raBaba.

8. Vaya vakanga vasingazivi nezvechivi chaAdhamu vaifanira kunzwisisei nezvaBaba vavo?

8 Vakadzidzawo kuti vakagara nhaka chivi kubva kuna Adhamu. (VaR. 5:12) Iyi ipfungwa itsva yavaifanira kubvuma kuti ndeyechokwadi. Vanhu vakadaro vangafananidzwa nomunhu asiri kuziva kuti ane chirwere. Angave achimbonzwa zvimwe zviratidzo, zvakadai sokumborwadziwa. Asi sezvo asati aongororwa akaudzwa chirwere chake, angave achifunga kuti ane utano hwakanaka. Asi ichocho handicho chokwadi. (Enzanisa na1 VaKorinde 4:4.) Ko kana akazonyatsotariswa oudzwa chirwere chake? Haafaniri here kutsvaka nzira yokurapwa inozivikanwa kuti inoshanda? Saizvozvowo, vakawanda pavakadzidza chokwadi nezvechivi chatakagara nhaka, vakabvuma zvinotaurwa neBhaibheri, uye vakasvika pakunzwisisa kuti Mwari ari kutipa “mushonga” wacho. Saka vose vari kure naBaba vanofanira kuenda kune uya anogona “kuvarapa.”—VaEf. 4:17-19.

9. Chii chakaitwa naJehovha kuti tikwanise kuva noukama naye?

9 Kana wakatotsaurira upenyu hwako kuna Jehovha Mwari uye wakabhabhatidzwa somuKristu, unoziva manakiro akaita kuva noukama naye. Iye zvino wava kunzwisisa kuti Baba vako Jehovha, vane rudo zvakadini. (Verenga VaRoma 5:8.) Kunyange zvazvo Adhamu naEvha vakatadzira Mwari, iye ndiye akatanga urongwa hwokuti vana vavo, kusanganisira isu, vave noukama hwakanaka naye. Paakadaro, Mwari aifanira kurwadziwa achiona Mwanakomana wake waaida achitambura uye achifa. Kuziva pfungwa iyoyo hakutibatsiri here kuziva simba raMwari uye kuteerera mirayiro yake nokuti tinomuda? Kana usati wazvitsaurira kuna Mwari uye usati wabhabhatidzwa, zvakanaka kuti udaro.

Muzita roMwanakomana

10, 11. (a) Unofanira kuonga Jesu zvakadini? (b) Unonzwa sei nezvokufa kwakaita Jesu sechibayiro?

10 Zvisinei, funga zvakare zvakataurwa naPetro kune vanhu vakanga vakateerera. Akataura nezvokugamuchira Jesu, uko kwakabatana zvikuru nokubhabhatidzwa “muzita . . . roMwanakomana.” Sei zvaikosha panguva iyoyo, uye sei zvichiri kukosha? Chiripo ndechokuti kugamuchira Jesu uye kubhabhatidzwa muzita rake kunoreva kuziva kuti ane zvaanoita kuti isu tive noukama noMusiki. Jesu aifanira kuturikwa padanda rokutambudzikira kuitira kuti abvise kutukwa kwakanga kwaitwa vaJudha noMutemo; asi kufa kwake kune zvimwe zvinokosha zvakwakabatsira. (VaG. 3:13) Akaita kuti vanhu vawane chibayiro chorudzikinuro chavaida. (VaEf. 2:15, 16; VaK. 1:20; 1 Joh. 2:1, 2) Kuti Jesu aite izvi, aifanira kutsungirira kubatwa zvisina kunaka, kutukwa, kutambudzwa, uye kupedzisira aurayiwa. Iwe unokoshesa chibayiro chake zvakadini? Fungidzira uri kakomana kane makore 12 uri mungarava yainzi Titanic, yakazobondera pachando chakagwamba ikanyura muna 1912. Unoedza kusvetukira muchikepe chokununura, asi chatozara. Mumwe murume ari muchikepe ichocho anobva aoneka mudzimai wake achimutsvoda, odzoka mungarava, obva akuisa iwe muchikepe chokununura. Unonzwa sei? Zvechokwadi haufi wakamukanganwa! Unogona kunzwisisa manzwiro akaita mumwe mukomana akaitirwa izvozvo. * Asi Jesu akatokuitira zvakawanda kupfuura izvi. Akafira kuti urarame narini narini.

11 Pawakadzidza nezvezvawakaitirwa noMwanakomana waMwari, wakanzwa sei? (Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.) Unofanira kunge wakamuonga nomwoyo wose. Izvozvo ndizvo zvakakubatsira kuti utsaurire upenyu hwako kuna Mwari uye kuti ‘urege kuzviraramirazve, asi uraramire iye akakufira.’ Kubhabhatidzwa muzita roMwanakomana zvinoreva kubvuma zvawakaitirwa naJesu uye kubvuma simba rake “soMumiririri Mukuru noMuponesi.” (Mab. 3:15; 5:31) Wakambenge usina ukama noMusiki, uye wakanga usina tariro yechokwadi. Asi pawakava nokutenda muropa rakateurwa raJesu Kristu ukabhabhatidzwa, iye zvino wava noukama naBaba. (VaEf. 2:12, 13) “Imi maimbova makaparadzaniswa uye muri vavengi vaMwari nokuti pfungwa dzenyu dzakanga dziri pamabasa akanga akaipa,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “[Mwari] akayananisazve achishandisa muviri wenyama waiyeye [Jesu] norufu rwake, kuti akuunzei kwaari muri vatsvene, musina gwapa.”—VaK. 1:21, 22.

12, 13. (a) Kubhabhatidzwa muzita roMwanakomana kunoreva kuti unofanira kuita sei kana mumwe munhu akutadzira? (b) SomuKristu akabhabhatidzwa muzita raJesu, zvii zvaunofanira kuita?

12 Kunyange zvazvo wakabhabhatidzwa muzita roMwanakomana, unonyatsoziva kuti zviri nyore kuti utadze. Kuziva izvozvo kunokosha mazuva ose. Somuenzaniso, kana munhu akakutsamwisa, unoyeuka kuti mose muri vatadzi here? Mose munoda kukanganwirwa naMwari, uye mose munofanira kukanganwirawo vamwe. (Mako 11:25) Achiratidza kuti izvi zvinokosha, Jesu akapa muenzaniso wokuti: Tenzi womumwe muranda akadzima chikwereti chake chematarenda zviuru gumi (madhinari 60 000 000). Muranda iyeye akazotadza kuregerera mumwewo muranda aiva nechikwereti chake chemadhinari 100. Jesu akazotaura pfungwa iyi: Jehovha haazokanganwiri munhu asingakanganwiri hama yake. (Mat. 18:23-35) Saka kubhabhatidzwa muzita roMwanakomana kunoreva kuziva masimba anaJesu uye kuedza kutevedzera muenzaniso wake nezvaakadzidzisa, kusanganisira kukanganwira vamwe.—1 Pet. 2:21; 1 Joh. 2:6.

13 Zvausina kukwana haukwanisi kutevedzera Jesu zvakazara. Zvisinei, sezvo wakazvitsaurira kuna Mwari, unoda kutevedzera Jesu nepaunogona napo. Izvi zvinosanganisira kuramba uchiedza nepaunogona napo kubvisa unhu hwekare uye kupfeka hutsva. (Verenga VaEfeso 4:20-24.) Kana uchiremekedza shamwari yako, unoedza kutevedzera zvose zvaanoita uye unhu hwake hwakanaka. Saizvozvowo, unofanira kudzidza pane zvakaitwa naKristu uye kumutevedzera.

14. Ungaratidza sei kuti unobvuma masimba aJesu saMambo wokudenga?

14 Pane imwe nzira yaungaratidza nayo kuti unonzwisisa zvinorehwa nokubhabhatidzwa kwawakaitwa muzita roMwanakomana. Mwari “akaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dza[Jesu], akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose kuungano.” (VaEf. 1:22) Saka unofanira kuremekedza nzira yaanotungamirira nayo vaya vakazvitsaurira kuna Jehovha. Kristu ari kushandisa vanhu vasina kukwana vari muungano, kunyanya varume vakuru vakasimba pakunamata, vakuru vakagadzwa. Urongwa hwokuti varume vakadaro vagadzwe hunoitirwa “kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu.” (VaEf. 4:11, 12) Kunyange kana munhu asina kukwana akakanganisa, Jesu Mambo woUmambo hwokudenga anokwanisa kugadzirisa nyaya yacho panguva yake uye nenzira yake. Unotenda kuti ndizvo zvinoitika here?

15. Kana usati wabhabhatidzwa, chikomborero chipi chaungatarisira kuzowana kana wabhabhatidzwa?

15 Uyezve, vamwe havasati vazvitsaurira kuna Jehovha uye havasati vabhabhatidzwa. Kana iwe usati, pane zvataurwa pamusoro apa unoona here kuti kuziva Mwanakomana kunoratidza kuti unonzwisisa uye unoonga? Kubhabhatidzwa muzita roMwanakomana kuchaita kuti ukwanisewo kuwana zvikomborero zvakakura.—Verenga Johani 10:9-11.

Muzita roMudzimu Mutsvene

16, 17. Kubhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene kunorevei kwauri?

16 Kubhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene kunorevei? Sezvambotaurwa, vaya vakanzwa Petro achitaura pazuva rePendekosti vakanga vachiziva nezvomudzimu mutsvene. Vaitogona kuona uchapupu chaihwo hwokuti Mwari akanga achiri kushandisa mudzimu mutsvene. Petro ndomumwe wevaya vakanga “vakazadzwa nomudzimu mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi.” (Mab. 2:4, 8) Munhu anobhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene anobvuma kuti mudzimu mutsvene hausi munhu, asi kuti isimba raJehovha raanoshandisa. Uye kubhabhatidzwa ikoko kunoreva kuti munhu anobvuma basa rinoitwa nomudzimu mutsvene muchinangwa chaMwari.

17 Kudzidza kwawakaita Bhaibheri kwakakubatsira kuziva nezvomudzimu mutsvene, handizvo here? Somuenzaniso, wava kunzwisa kuti Magwaro akanyorwa achifuridzirwa nomudzimu mutsvene. (2 Tim. 3:16) Pawaifambira mberi pane zvokunamata, unofanira kunge wakanyatsonzwisisa kuti “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene,” kusanganisira iwe. (Ruka 11:13) Unofanira kunge wakaona mudzimu mutsvene uchishanda muupenyu hwako. Asiwo, kana usati wabhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene, zvakataurwa naJesu zvokuti Baba vanopa mudzimu mutsvene zvinoreva kuti uchawana zvikomborero chaizvo pauchagamuchira mudzimu mutsvene.

18. Vaya vanobhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene vanowana zvikomborero zvipi?

18 Zviri pachena kuti mazuva anowo, Jehovha anotungamirira ungano yevaKristu achishandisa mudzimu mutsvene. Mudzimu iwoyo unobatsira mumwe nomumwe wedu pane zvatinoita mazuva ose. Kubhabhatidzwa kwatakaitwa muzita romudzimu mutsvene kunosanganisira kubvuma zvaunoita muupenyu hwedu uye kushanda pamwe nomudzimu iwoyo. Zvisinei, vamwe vangabvunza kuti tingararama sei zvinoenderana nokuzvitsauira kwatakaita kuna Jehovha uye kuti mudzimu mutsvene unoshanda sei. Ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona Awake! yaOctober 22, 1981, mapeji 3-8.

Unoyeuka Here?

• Kubhabhatidzwa muzita raBaba kunosanganisirei kwauri?

• Zvinorevei kubhabhatidzwa muzita roMwanakomana?

• Ungaratidza sei kuti unokoshesa zvinorehwa nokubhabhatidzwa muzita raBaba neroMwanakomana?

• Kubhabhatidzwa muzita romudzimu mutsvene kunorevei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Pendekosti ya33 C.E., yapera, vadzidzi vatsva vakava noukama hwakaita sei naBaba vavo?

[Kwazvakatorwa]

By permission of the Israel Museum, Jerusalem