Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Tichifarirwa naMwari Pasinei Nokuchinja Kwoupenyu

Kuramba Tichifarirwa naMwari Pasinei Nokuchinja Kwoupenyu

Kuramba Tichifarirwa naMwari Pasinei Nokuchinja Kwoupenyu

PANE zvakachinja muupenyu hwako here? Zviri kukuomera here kuzvigamuchira? Vakawanda vedu takachinjirwa noupenyu kana kuti rimwe zuva huchatichinjira. Pane zvakaitika kune vamwe vanhu kare zvingatibatsira kuona kuti tingaita sei kana zvinhu zvachinja.

Somuenzaniso, ngatimbokurukurai nezvaDhavhidhi uye zvinhu zvakawanda zvakachinja muupenyu hwake. Paakazodzwa naSamueri kuti azova mambo, aingovawo zvake kakomana kaifudza makwai. Paakanga achiri muduku, akazvipira kunorwisana naGoriyati, hofori yokuFiristiya. (1 Sam. 17:26-32, 42) Nokufamba kwenguva, wechiduku Dhavhidhi akanzi azogara mumuzinda waMambo Sauro, uye akagadzwa kuti ave mukuru weuto. Dhavhidhi akanga asina kumbofungidzira kuti zvinhu zvaizochinja seizvi muupenyu hwake; uyewo haana kumbofungidzira zvimwe zvakazoitika.

Sauro akazopedzisira asingachatombodi kuona Dhavhidhi. (1 Sam. 18:8, 9; 19:9, 10) Dhavhidhi akaita makore anoverengeka asina paainyatsogara, achitiza kuti asaurayiwa. Kunyange paakanga ava kutonga Israeri samambo, zvinhu zvakamuchinjira asingambotarisiri, kunyanya paakaita upombwe, akazopedzisira aponda munhu, achiitira kuti avhare chivi chacho. Zvivi zvake zvakaunzira mhuri yake matambudziko. Somuenzaniso, Dhavhidhi akapandukirwa nomwanakomana wake Absaromu. (2 Sam. 12:10-12; 15:1-14) Asi Dhavhidhi paakapfidza zvivi zvake zvoupombwe nokuponda, Jehovha akamukanganwira uye akamuitirazve nyasha.

Iwewo ungangochinjirwa noupenyu. Kurwara, nhamo yemari kana kuti matambudziko omumhuri, kunyange zvimwe zvaunenge wazviparamurira, zvingaita kuti upenyu hwako huchinje. Chii chingakubatsira kuti uzive kuti wodini kana zvinhu zvachinja saizvozvo?

Kuzvininipisa Kunotibatsira

Kuzvininipisa kunosanganisira kuzviisa pasi. Kuzvininipisa kwechokwadi kunoita kuti tizvione sezvatiri chaizvo uyewo tione vamwe sezvavari. Kubvuma kuti vamwe vane zvakanaka zvavanoita uye zvavanogona kuchatibatsira kuyemura zvavari uye zvavanoita. Saizvozvowo, kuzvininipisa kunoita kuti tikwanise kunzwisisa kuti sei chimwe chinhu chaitika uye kuti tingaita sei kana zvadaro.

Muenzaniso wakanaka ndewaJonatani, mwanakomana waSauro. Akachinjirwa noupenyu asi asiri iye akazvikonzera. Samueri paakaudza Sauro kuti Jehovha aizomutorera umambo, haana kuti Jonatani ndiye aizomutsiva samambo. (1 Sam. 15:28; 16:1, 12, 13) Kusarudzwa kwakaitwa Dhavhidhi naMwari kuti ave mambo waIsraeri pashure paSauro kwaireva kuti Jonatani akanga asiri kuzova mambo. Kusateerera kwaSauro kwakaita kuti zvinhu zviipire Jonatani. Kunyange zvazvo Jonatani akanga asina zvaakakanganisa, akanga asiri kuzotsiva baba vake pachigaro. (1 Sam. 20:30, 31) Jonatani akaita sei pakadai? Akaramba aine chigumbu nokuti akanga ashayiswa mukana uyu here, uye akaitira Dhavhidhi shanje here? Aiwa. Pasinei nokuti ndiye aiva mukuru uye aiva noruzivo nezvoumambo, Jonatani akaramba achitsigira Dhavhidhi. (1 Sam. 23:16-18) Kuzvininipisa kwakamubatsira kunzwisisa kuti ndiani akanga asarudzwa naMwari, uye kwakaita kuti ‘arege kufunga nezvake pachake kupfuura zvaaifanira kufunga.’ (VaRom. 12:3) Jonatani akanzwisisa zvaaitarisirwa naJehovha uye akagamuchira chisarudzo chaMwari panyaya iyi.

Ichokwadi kuti kakawanda kuchinja kwoupenyu kunomboita kuti zvinhu zviome. Pane imwe nguva Jonatani aifanira kuti uku achichengetedza ukama hwake nababa vake Sauro, vakanga varambwa naJehovha asi vachiri kutonga samambo, ukuwo achichengetedza ushamwari hwake naDhavhidhi, uyo aizova mambo akanga asarudzwa naJehovha. Izvi zvinofanira kunge zvakashungurudza Jonatani paaiedza kuramba achiita zvaizoita kuti aitirwe nyasha naJehovha. Kuchinja kunoita upenyu kungaita kuti tinetseke uye titye. Asi kana tikaedza kunzwisisa maonero anoita Jehovha, tichakwanisa kuramba tichimushumira takavimbika zvinhu pazvinenge zvachinja.

Kukosha Kwokuva Nemwero

Kuva nemwero kunosanganisira kuziva zvausingakwanisi. Kwakasiyana nokuzvininipisa. Munhu anozvininipisa anogona kusaziva kuti pane zvimwe zvaasingagoni kuita.

Dhavhidhi aiva nomwero. Kunyange zvazvo Jehovha akanga amusarudza kuti ave mambo, Dhavhidhi akatora makore asati akwanisa kugara pachigaro chacho. Bhaibheri hapana parinotaura kuti Dhavhidhi akatsanangurirwa naJehovha kuti chii chaiita kuti umambo hunonoke. Asi kunyange zvazvo izvi zvichiita sezvinoshungurudza, hazvina kumuvhiringidza. Aiziva zvaakanga asingakwanisi, uye ainzwisisa kuti Jehovha, uyo ainge abvumira kuti zvinhu zvidaro, aiziva zvaaiita. Saka Dhavhidhi haana kuuraya Sauro, kunyange paaifanira kumuurayira kuti azviponese, uye akatorambidza mumwe wake Abhishai kuti asamuuraya.—1 Sam. 26:6-9.

Dzimwe nguva muungano medu mungaitika chinhu chatisinganzwisisi kana kuti chatingaona sokuti hachina kuitwa zvakanaka. Tichava nomwero here toziva kuti Jesu ndiye Musoro weungano uye kuti anoshandisa boka revakuru vaakagadza kuti vatungamirire? Ticharatidza kuti tine mwero here, toziva kuti kana tichida kuramba tichiitirwa nyasha naJehovha tinofanira kumirira kuti atungamirire achishandisa Jesu Kristu? Kunyange hazvo zvakaoma, tichamirira tichiratidza kuti tine mwero here?—Zvir. 11:2.

Unyoro Hunotibatsira Kuti Tive Nemaonero Akanaka

Munhu munyoro munhu akapfava. Unyoro hunoita kuti kana takanganisirwa tikwanise kutsungirira nomwoyo murefu, tisingatsamwi, tisina chigumbu, uye tisingadi zvokutsiva. Zvakaoma kuva munhu munyoro. Zvinoshamisa kuti mune rumwe rugwaro rweBhaibheri, ‘vanyoro vepanyika’ vanonzi ‘vatsvake unyoro.’ (Zef. 2:3) Unyoro hwakati fananei nokuzvininipisa uye kuva nomwero, asi hunosanganisirawo kuva munhu akanaka. Munhu munyoro anogona kusimba pakunamata paanoratidza kuti anoda kudzidziswa obvuma kuchinjwa.

Unyoro hungatibatsira sei patinenge tachinjirwa noupenyu? Ungadaro wakacherechedza kuti vakawanda vanoita sevane maonero asina kunaka pavanochinjirwa noupenyu. Asi inogona kutova mikana yokuti tirambe tichidzidziswa naJehovha. Ndizvo zvakaitika muupenyu hwaMosesi.

Paaiva nemakore 40, Mosesi akanga atova nounhu hwakanaka. Akanga aratidza kuti ainzwira tsitsi vanhu vaMwari uye kuti aizvipira. (VaH. 11:24-26) Asi asati anzi naJehovha atungamirire vaIsraeri kubuda muIjipiti, pane zvakachinja muupenyu hwaMosesi zvakaita kuti atowedzera kuva munhu munyoro. Aifanira kutizira kuIjipiti uye kunorarama munyika yeMidhiyani kwemakore 40, ari mufudzi, asina chinzvimbo. Zvakaguma nei? Kuchinja kwoupenyu hwake uku kwakamuita munhu akanaka. (Num. 12:3) Akadzidza kukoshesa zvaidiwa naJehovha kupfuura zvaaida iye.

Kuratidza kuti Mosesi aiva munyoro, ngationei zvakaitika Jehovha paakati aida kuramba rudzi rwakanga rwusingateereri uye aida kuti vana vaMosesi vave rudzi rune simba. (Num. 14:11-20) Mosesi akakumbirira rudzi rwacho kuti ruregererwe. Zvaakataura zvinoratidza kuti aiva nehanya nezita raMwari uye nehama dzake, akanga asingangofungi nezvake iye. Basa raMosesi rokutungamirira rudzi uye kuva murevereri warwo raitoda munhu munyoro. Miriyemu naAroni vakanyunyutira Mosesi, asi Bhaibheri rinoti iye “akanga ari munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose.” (Num. 12:1-3, 9-15) Zvinoita sokuti Mosesi aivaitira mwoyo murefu pavaimudenha. Dai Mosesi aisava munyoro, zvinhu zvingadai zvakafamba sei?

Rimwe zuva mudzimu waJehovha wakava pane vamwe varume, ukaita kuti vaprofite. Joshua, mushumiri waMosesi, akafunga kuti vaIsraeri ava vakanga vachikanganisa. Asi unyoro hwakaita kuti Mosesi aone zvinhu semaonero aJehovha uye haana kunetseka kuti akanga ava kutorerwa basa rake. (Num. 11:26-29) Kudai Mosesi aisava munyoro, angadai akabvuma here kuchinja kwakanga kwaita urongwa hwaJehovha uhwu?

Unyoro hwakaita kuti Mosesi ashandise zvakanaka simba rakakura raakanga apiwa uye basa raakanga apiwa naMwari. Jehovha akamuudza kuti akwire muGomo reHorebhi uye amire pamberi pevanhu. Mwari akataura naMosesi achishandisa ngirozi uye akamugadza kuti ave murevereri wesungano. Unyoro hwaMosesi hwakaita kuti agamuchire kuchinja kwakanga kwaita zvinhu, uku achiramba achiita zvinodiwa naMwari.

Ko isu? Kuti tisimbe pakunamata, tinotofanira kuva vanhu vanyoro. Vanhu vaJehovha vose vakapiwa ropafadzo uye simba vanofanira kuva vanyoro. Kana upenyu hukatichinjira, unyoro hunoita kuti tisazvikudza uye tive nemaonero akanaka. Zvatinoita kana zvinhu zvachinja ndizvo zvinokosha. Tichagamuchira here kana zvinhu zvikachinja? Tichautora somukana wokugadzirisa here? Ungatova mukana wokuti tive nounyoro!

Upenyu hwedu huchangogara huchichinja. Dzimwe nguva hazvisi nyore kunzwisisa kuti sei zvinhu zvichiitika. Kutadza kwatingaita kuita zvimwe zvinhu uye kushungurudzika kungaita kuti zvitiomere kuramba tichiona zvinhu semaonero anoita Jehovha. Kunyange zvakadaro, kuzvininipisa, kuva nomwero, uye unyoro zvichatibatsira kugamuchira zvinenge zvachinja muupenyu uye kuramba tichidiwa naMwari.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Kuzvininipisa kwechokwadi kunoita kuti tizvione sezvatiri chaizvo

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Kuti tisimbe pakunamata, tinotofanira kuva vanhu vanyoro

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pane zvakachinja muupenyu hwaMosesi zvakaita kuti atowedzera kuva munhu munyoro