Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?

Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?

Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?

“Sokufamba kwamuri kuita, . . . murambe muchiwedzera kuzviita zvizere.”—1 VAT. 4:1.

1, 2. (a) Zvinhu zvipi zvinoshamisa zvakaonekwa nevanhu vakararama mazuva aJesu? (b) Sei nguva yatiri kurarama ichikoshawo?

WATI wambofungidzira here kuti waizonakidzwa sei dai waivako mazuva akararama Jesu panyika? Unogona kufungidzira uchiporeswa naJesu wozorora kugara uchiyaura nechimwe chirwere chinotambudza. Kana kuti ungafunga nezvokufadza kwazvaingoita kuona uye kunzwa Jesu, uchidzidza kwaari uye uchimuona achiita zvishamiso. (Mako 4:1, 2; Ruka 5:3-9; 9:11) Chaizova chikomborero chaicho kuona Jesu achiita mabasa ose iwayo! (Ruka 19:37) Kubvira ipapo pasi pano hapana chimwe chizvarwa chati chaona zvinhu zvakadaro, uye basa rakaitwa naJesu rokugadzirisa zvinhu pasi pano “nokuzviita chibayiro kwake” harisi kuzombodzokororwazve.—VaH. 9:26; Joh. 14:19.

2 Zvisinei, nguva dzino dzatiri kurarama dzinokoshawo. Sei tichidaro? Tiri kurarama munguva yakagara yataurwa muMagwaro kuti “nguva yokuguma” uye “mazuva okupedzisira.” (Dhan. 12:1-4, 9; 2 Tim. 3:1) Munguva iyi Satani akadzingwa kudenga, akakandwa pasi. Ava kubva osungwa, okandwa “mugomba rakadzikadzika.” (Zvak. 12:7-9, 12; 20:1-3) Munguva iyi ndimowo matiine ropafadzo inoshamisa yokuita basa risingazodzokororwizve rokuzivisa “mashoko akanaka oumambo” munyika yose, tichiudza vanhu nezvetariro yeParadhiso iri kuuya.—Mat. 24:14.

3. Jesu asati akwira kudenga akaudza vateveri vake kuti vaitei, uye izvozvo zvaizosanganisira chii?

3 Jesu ava pedyo kukwira kudenga akaudza vateveri vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Basa iroro raizosanganisira kudzidzisa vanhu munyika yose. Nechinangwa chei? Chokuti vanhu vave vadzidzi, vavewo vateveri vaKristu mugumo usati wasvika. (Mat. 28:19, 20) Tinofanira kuita sei kuti tibudirire kuita basa ratakapiwa naKristu?

4. (a) Mashoko aPetro ari pana 2 Petro 3:11, 12 anosimbisa kukosha kwechii? (b) Tinofanira kungwarira chii?

4 Cherechedza mashoko ane simba akataurwa nomuapostora Petro: “Imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha!” (2 Pet. 3:11, 12) Mashoko aPetro anosimbisa kukosha kwokugara takarinda mumazuva ano okupedzisira kuti tive nechokwadi chokuti upenyu hwedu ndehwokuita mabasa okuzvipira kuna Mwari. Mabasa iwayo anosanganisira kuparidza mashoko akanaka. Hakusi kufadza kwazvinoita kuona kushingaira kuri kuita hama dzedu munyika yose dzichiita basa rokuparidza ratakatumwa naKristu! Asiwo tinoziva kuti tinofanira kungwarira kuti nhamo dzomunyika yaSatani uye kusakwana kwatakazvarwa tiinako zvideredze kushingaira kwatiri kuita mubasa raMwari. Saka ngatimbokurukurai kuti tingava sei nechokwadi chokuti tiri kuramba tichitevera Kristu.

Bvuma Mabasa Aunenge Wapiwa naMwari

5, 6. (a) Pauro akarumbidzirei vaKristu vaiva muJerusarema, uye akavanyevera nezvei? (b) Sei tisingafaniri kutora mabasa edu echiKristu zvachero?

5 Mutsamba yaakanyorera vaKristu vaiva muJerusarema, Pauro akavarumbidza nokuti vakanga vabva kure vachitsungirira kutambudzwa. Akati: “Rambai muchiyeuka mazuva ekare amakatsungirira kurwisa kukuru muchitambura pashure pokunge mavhenekerwa.” Jehovha akanga achiyeuka kutendeka kwavo. (VaH. 6:10; 10:32-34) Zvakataurwa naPauro achivarumbidza zvinofanira kunge zvakakurudzira vaKristu ivavo vechiHebheru zvikuru. Asi mutsamba iyoyo, Pauro akataurawo nezvezvimwe zvinowanzoitwa nevanhu zvokuti zvikasadzorwa zvinogona kuderedza kushingaira mubasa raMwari. Akati vaKristu havafaniri kupa tuzvikonzero kana kuti kuzvipembedza kuti varege kutevera mirayiro yaMwari.

6 Mashoko iwayo okunyevera kuti tisapa tuzvikonzero twokuramba mabasa atinenge tapiwa naMwari anoshandawo kuvaKristu nhasi. Tinoziva kuti hatimbofaniri kufa takatora mabasa edu echiKristu zvachero kana kuti kubvumira kuti kushingaira kwedu kuderere. (VaH. 10:39) Hatifaniri kudaro nokuti kuita basa dzvene kunoreva upenyu kana kuti rufu.—1 Tim. 4:16.

7, 8. (a) Chii chichatibatsira kuramba tichishingaira mubasa raMwari? (b) Kana kushingaira kwataiita pakutanga kwaderera, tinofanira kuyeukei nezvaJehovha naJesu?

7 Chii chichatibatsira kuti tirege kutsvaka tuzvikonzero twokuramba zvatakanzi naMwari tiite? Imwe nzira iri nyore yokurwisa pfungwa iyoyo ndeyokugara tichifungisisa kuti kuzvitsaurira kwedu kunorevei. Patakazvitsaurira takavimbisa Jehovha kuti kuita kuda kwake ndicho chinhu chataizoisa pakutanga muupenyu hwedu, saka tinoda kuita zvatakavimbisa. (Verenga Mateu 16:24.) Saka dzimwe nguva tinofanira kumbonyatsoti zii, tozvibvunza kuti: ‘Ndichiine shungu dzokurarama maererano nokuzvitsaurira kwangu kuna Mwari sedzandaiva nadzo pandakabhabhatidzwa here? Kana kuti kushingaira kwangu kwadzikira here nokupindana kwemakore?’

8 Kana tazviongorora tisingazvinyengeri toona kuti pane pati dzikirei, tingaita zvakanaka tikayeuka mashoko anosimbaradza omuprofita Zefaniya. Akati: “Maoko ako ngaarege kushayiwa simba. Jehovha Mwari wako ari pakati pako. Somunhu ane simba, achaponesa. Achakufarira nomufaro.” (Zef. 3:16, 17) Mashoko aya anokurudzira akatanga kushanda kuvaIsraeri vakadzoka kuJerusarema vachibva kuBhabhironi kwavakanga vakatapwa. Asi mashoko aya achiri kushandawo nhasi pavanhu vaMwari. Sezvo basa ratiri kuita riri raJehovha, tinofanira kugara tichiziva kuti iye neMwanakomana wake vari kutitsigira uye kutisimbisa kuti tiite zvizere mabasa edu echiKristu. (Mat. 28:20; VaF. 4:13) Kana tichiedza kuramba tichishingaira mubasa raMwari, achatikomborera otibatsira kuti ukama hwedu naye hurambe huchisimba.

Kushingairira ‘Kutanga Kutsvaka Umambo’

9, 10. Jesu airevei nomufananidzo wemabiko makuru, uye chidzidzo chipi chatinowana pauri?

9 Jesu akapa muenzaniso wemabiko makuru emanheru paaidya ari mumba momumwe mutongi wechiFarisi. Mumuenzaniso iwoyo akatsanangura mukana waivapo wokuti vakasiyana-siyana vapinde muUmambo hwokudenga. Akaratidzawo zvinorehwa nokupa tuzvikonzero achishandisa mashoko okuti ‘kukumbira kusavapo.’ (Verenga Ruka 14:16-21.) Vanhu vakanga vakokwa vomumuenzaniso waJesu vakapa tuzvikonzero kuti vasauya kumabiko. Mumwe wacho akati aida kuenda kunomema munda waakanga achangotenga. Mumwe akati akanga atenga mombe saka aida kunodziona kuti dzakadini. Mumwezve akati: ‘Handikwanisi kuuya. Ndichangobva kuroora.’ Hapana aimbova nechikonzero chisvinu apa. Munhu anotenga munda kana kuti zvipfuwo anotanga azviongorora asati atenga, saka hapana chikonzero chokumhanyamhanya kunozviona izvo zvatotengwa kare. Ko iko kuroora kungatadzisa sei munhu kuenda kumabiko anokosha zvakadaro? Regai muridzi wemabiko acho azoviruka nehasha!

10 Vanhu vose vaMwari vanogona kuwana chidzidzo pamufananidzo waJesu. Ndechei? Hatifaniri kumborega tunhu twakadai setwakataurwa naJesu mumuenzaniso wake tuchiita setunokosha kupfuura basa raMwari. Kana muKristu asingakwanisi kuisa tunhu twakadaro panzvimbo yatwo, kushingaira kwake muushumiri kunoderera zvishoma nezvishoma. (Verenga Ruka 8:14.) Kuti izvozvo zvisaitika, tinotevedzera zvakataurwa naJesu paakati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mat. 6:33) Zvinokurudzira zvikuru kuona vashumiri vaMwari, vakuru nevaduku, vachishandisa zano iroro rinokosha. Tingatoti vamwe vakatotora matanho okuti vararame vasina zvinhu zvakawanda kuti vawane nguva yakawanda yokuita ushumiri. Vari kuzvionera voga kuti kutanga kutsvaka Umambo kunounza mufaro wechokwadi nokugutsikana.

11. Inhoroondo ipi iri muBhaibheri inoratidza kuti zvinokosha kuti tishumire Mwari nemwoyo wose uye tichishingaira?

11 Kuti tione kukosha kwokushingaira mubasa raMwari, ngationgororei zvakamboitika muupenyu hwaMambo Jehoashi weIsraeri. Achityira kuti vaIsraeri vaizotsvairwa neSiriya, Jehoashi akaenda kuna Erisha misodzi iri mokoto-mokoto. Akanzi nomuprofita wacho apfure museve nepahwindo kwakadziva kuSiriya, zvichiratidza kukunda kwaaizoita achitsigirwa noruoko rwaJehovha. Zvechokwadi izvi zvinofanira kunge zvakasimbaradza mambo uyu. Erisha akazoudza Jehoashi kuti arove pasi nemiseve yake. Jehoashi akarova katatu. Izvi zvakashatirisa Erisha, nokuti kurova pasi kashanu kana katanhatu kwaizoreva kuti ‘aizokunda Siriya kusvikira aiparadza chose.’ Asi iye zvino Jehoashi aizongokunda katatu asingavaparadzi. Jehoashi haana kunyatsobudirira nokuti haana kuita zvinhu zvake achishingaira. (2 Madz. 13:14-19) Tinowana chidzidzo chei panhoroondo iyi? Jehovha anongotikomborera chete kana tichiita basa rake nomwoyo wose uye tichishingaira.

12. (a) Chii chichatibatsira kuramba tichishingaira mubasa raMwari pasinei nokuti tinotarisana nematambudziko? (b) Tsanangura kuti uri kubatsirwa sei nokugara wakabatikana muushumiri.

12 Matambudziko atinotarisana nawo muupenyu anoita kuti tiratidze kuti tinoshingairira basa raMwari uye takazvipira kuriita. Hama dzakawanda nehanzvadzi dziri kuoneswa chitsvuku nenhamo yemari. Vamwe vayaura nokurwara zvokuti havachagoni kuita zvakawanda mubasa raJehovha. Kunyange zvakadaro mumwe nomumwe wedu anogona kutora matanho kuti ave nechokwadi chokuti anoramba achishingaira achitevera Kristu zvakazara. Tapota ona zvimwe zvaunogona kuita uye magwaro akarongwa mubhokisi rakanzi, “Chii Chichakubatsira Kuramba Uchitevera Kristu?” Funga kuti ungaashandisa sei zvakakwana. Kana ukadaro uchabatsirwa zvikuru. Kuramba takabatikana muushumiri kunoita kuti tisazununguka, tive noupenyu hunofadza, uye kunounza mufaro mukuru norugare. (1 VaK. 15:58) Uyezve kuita basa raMwari nomweya wose kunotibatsira ‘kuramba tichinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.’—2 Pet. 3:12.

Nyatsoongorora Mamiriro Ako Ezvinhu

13. Tingaziva sei zvinorehwa nokuita zvinhu nemweya wose?

13 Zvisinei, zvinokosha kuti tiyeuke kuti nguva yatinopedza tichiita ushumiri haisi iyo inoratidza kuti tiri kuita zvinhu nemweya wose. Mamiriro edu ezvinhu akasiyana-siyana. Munhu anoita awa imwe kana maviri chete pamwedzi mubasa romumunda angava achifadza Jehovha zvikuru kana zviri izvo zvinobvumirwa noutano hwake. (Enzanisa naMako 12:41-44.) Saka kuti tizive kuti chinonzi kuita basa raMwari nomweya wose chii, tinofanira kuongorora zvatinokwanisa uye mamiriro edu ezvinhu tisingazvinyengeri. Sevateveri vaKristu, tinodawo kuti maonero atinoita zvinhu afanane neake. (Verenga VaRoma 15:5; 1 VaK. 2:16) Chii chakaiswa panzvimbo yokutanga naJesu muupenyu hwake? Akaudza vanhu vaibva kuKapenaume kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43; Joh. 18:37) Uchifunga nezvokushingaira kwaiita Jesu muushumiri, ongorora mamiriro ako ezvinhu uone kana uchigona kuwedzera nguva yaunopedza uchiita ushumiri.—1 VaK. 11:1.

14. Tingawedzera sei ushumiri hwedu?

14 Tikanyatsoongorora mamiriro edu ezvinhu tinogona kuona kuti tinokwanisa kuwedzera nguva yatinopedzera muushumiri. (Mat. 9:37, 38) Somuenzaniso zviuru zvevechiduku vedu vachangopedza chikoro zvakawedzera ushumiri uye iye zvino vari kuona kufadza kwazvinoita kushingaira semapiyona. Unodawo kumbonzwa kuti mufaro wacho wakadini here? Dzimwe hama nehanzvadzi dzakaongorora mamiriro adzo ezvinhu dzikasarudza kutamira kune imwe nzvimbo munyika mavo, kana kuti kunze kwenyika, kunodiwa vamwe vaparidzi voUmambo. Vamwewo vakadzidza mumwe mutauro kuti vabatsire vanhu vanobva kune dzimwe nyika. Kunyange zvazvo zvisiri nyore kuwedzera ushumiri hwedu, tinowana zvikomborero, uye tinogona kubatsira vakawanda kuti “vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:3, 4; 2 VaK. 9:6.

Vanhu Vari muBhaibheri Vatingatevedzera

15, 16. Mienzaniso yavanaani yokuva vateveri vaKristu vanoshingaira yatingatevedzera?

15 Vamwe vakazova vaapostora vakaita sei pavakadanwa naKristu kuti vave vateveri vake? Bhaibheri rinotaura nezvaMateu richiti: “Achisiya zvinhu zvose akasimuka, akatanga kumutevera.” (Ruka 5:27, 28) Rinozotizve nezvaPetro naAndreya, avo vaibata hove: “Vakabva vangosiya mambure acho, vakamutevera.” Jesu akazoonazve Jakobho naJohani vachigadzira mambure avo vaina baba vavo. Vakaita sei paakavadana? “Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.”—Mat. 4:18-22.

16 Mumwe muenzaniso wakanaka zvikuru ndouya waSauro, akazova muapostora Pauro. Kunyange zvazvo akanga atambudza vateveri vaKristu zvakanyanyisa, akachinja akava “mudziyo wakasarudzwa” kutakura zita raKristu. “[Pauro] akabva atanga kuparidza Jesu mumasinagogi, kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Mab. 9:3-22) Uye pasinei nenhamo yaakazoona nokutambudzwa, Pauro haana kumborega kushingaira kwake.—2 VaK. 11:23-29; 12:15.

17. (a) Shungu dzako ndedzokuti uite sei panyaya yokutevera Kristu? (b) Zvikomborero zvipi zvatinowana nokuti tiri kuita kuda kwaJehovha nemwoyo wedu wose nesimba redu rose?

17 Zvechokwadi tinoda kutevedzera mienzaniso yakanaka yevadzidzi ivavo tobvuma zvatinenge tanzi tiite pakarepo tisingazenguriri. (VaH. 6:11, 12) Tinowana zvikomborero zvipi kana tichiramba tichitevera Kristu zvakazara uye tichishingaira? Tinowana mufaro wechokwadi pakuita kuda kwaMwari uye tinonzwa kugutsikana kunobva pakubvuma mamwe mabasa okuwedzera muungano. (Pis. 40:8; verenga 1 VaTesaronika 4:1.) Kushanda zvakasimba pakutevera Kristu kunoita kuti tifare zvikuru uye tikomborerwe nekuva nepfungwa dzakagadzikana, tigutsikane, tifarirwe naMwari, uye tive netariro youpenyu husingaperi.—1 Tim. 4:10.

Unoyeuka Here?

• Ibasa ripi rinokosha ratakapiwa uye tinofanira kuriona sei?

• Ndezvipi zvinowanzoitwa nevanhu zvatisingafaniri kuita, uye sei tisingafaniri kuzviita?

• Tinofanira kunyatsozviongorora sei?

• Chii chichatibatsira kuramba tichitevera Kristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

Chii Chichakubatsira Kuramba Uchitevera Kristu?

▪ Verenga Shoko raMwari zuva nezuva, uye fungisisa zvaunoverenga.—Pis. 1:1-3; 1 Tim. 4:15.

▪ Gara uchinyengeterera kuti mudzimu waMwari ukutsigire uye ukutungamirire.—Zek. 4:6; Ruka 11:9, 13.

▪ Shamwaridzana nevanhu vanoshingaira muushumiri nemwoyo wose.—Zvir. 13:20; VaH. 10:24, 25.

▪ Ziva kuti mazuva atiri kurarama ari kuratidza kuti nguva yapera.—VaEf. 5:15, 16.

▪ Ziva kuti kupa tuzvikonzero twokuti urege kuteerera kune ngozi.—Ruka 9:59-62.

▪ Fungisisa nezvemhiko yako yokuzvitsaurira uye nezvezvikomborero zvakawanda zvinobva mukushumira Jehovha uye kutevera Kristu nemwoyo wose.—Pis. 116:12-14; 133:3; Zvir. 10:22.