Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Varume, Munozviisa Pasi Pomusoro Wenyu Here, Iye Kristu?

Varume, Munozviisa Pasi Pomusoro Wenyu Here, Iye Kristu?

Varume, Munozviisa Pasi Pomusoro Wenyu Here, Iye Kristu?

“Musoro womurume wose ndiKristu.”—1 VAK. 11:3.

1. Chii chinoratidza kuti Jehovha ndiMwari akarongeka?

“JEHOVHA, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba,” inodaro Zvakazarurwa 4:11, “nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Jehovha Mwari ndiChangamire wezvinhu zvose uye ane simba pazviri nokuti ndiye akazvisika. Marongerwo akaitwa ngirozi dzaJehovha anoratidza kuti haasi “Mwari wenyonganyonga, asi worugare.”—1 VaK. 14:33; Isa. 6:1-3; VaH. 12:22, 23.

2, 3. (a) Ndiani akatanga kusikwa naJehovha? (b) Ukama hweMwanakomana naBaba hwakamira sei?

2 Pasati pasikwa kunyange chinhu chimwe chete, Mwari akanga ari oga kwemakore asingaverengeki. Chaakatanga kusika chaiva chisikwa chomudzimu chinonzi “Shoko” nokuti raitaura richimiririra Jehovha. Shoko ndiro rakashandiswa kuti zvimwe zvinhu zvose zvivepo. Rakazouya pasi pano somunhu akakwana uye rakazozivikanwa saJesu Kristu.—Verenga Johani 1:1-3, 14.

3 Magwaro anotii nezveukama hwaMwari neMwanakomana wake wedangwe? Achinyora aita zvokufuridzirwa, muapostora Pauro anotiudza kuti: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaK. 11:3) Kristu ari pasi paBaba vake, vanova ndivo musoro wake. Kuti vanhu nengirozi vave norunyararo uye zvinhu zvavo zvirongeke, zvinokosha kuti mumwe nomumwe azviise pasi pomusoro wake. Kunyange iye ‘akashandiswa kuti zvimwe zvinhu zvose zvisikwe’ anofanirawo kuzviisa pasi pomusoro wake, Mwari.—VaK. 1:16.

4, 5. Jesu aiona sei chinzvimbo chake pamberi paJehovha?

4 Jesu ainzwa sei nezvokuzviisa pasi pomusoro wake, Jehovha, uye kuuya pasi pano? Magwaro anoti: “Kristu Jesu, uyo, kunyange zvazvo aivapo saMwari, haana kufunga nezvokubvuta, kureva kuti ave akaenzana naMwari. Aiwa, asi akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu. Kupfuura izvozvo, paakazviwana ava somunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, chokwadi, rufu padanda rokutambudzikira.”—VaF. 2:5-8.

5 Nguva dzose Jesu aiita zvaidiwa naBaba vake achizvininipisa. Akati: “Handingaiti chinhu chimwe chete chandinozvitangira ndoga; . . . kutonga kwandinoita kwakarurama, nokuti handitsvaki zvandinoda ini, asi zvinodiwa naiye akandituma.” (Joh. 5:30) “Ndinogara ndichiita zvinhu zvino[fadza Baba vangu],” akadaro Jesu. (Joh. 8:29) Ava pedyo nokufa, Jesu akanyengetera kuna Baba vake achiti: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.” (Joh. 17:4) Zviri pachena kuti hazvina kuomera Jesu kuziva uye kubvuma kuti Mwari ndiye aiva musoro wake.

Kuzviisa Pasi paBaba Kunobatsira Mwanakomana

6. Jesu airatidza zvakadini kuti ane unhu hwakanaka?

6 Paaive pasi pano Jesu aiva nounhu hwakazonaka. Airatidza kuti aida Baba vake zvikuru. Akati: “Ndinoda Baba.” (Joh. 14:31) Akaratidzawo kuti aida vanhu zvikuru. (Verenga Mateu 22:35-40.) Jesu aiva nomutsa, achifungawo zvakanakira vamwe, asina utsinye uye asingaremedzi vamwe. Akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Vanhu vakaita semakwai vemazera ose, zvikurukuru vaya vakanga vakadzvinyirirwa, vainyaradzwa nounhu hwaJesu hwaifadza uye mashoko ake aikurudzira.

7, 8. Mutemo waiti chii nezvomukadzi aibuda ropa, asi Jesu akamubata sei?

7 Funga nezvemabatiro aiita Jesu vakadzi. Kugara nokugara varume vakawanda vanobata vakadzi zvisina kunaka. Ndizvo zvaiitwawo nevatungamiriri vezvitendero vomuIsraeri yekare. Asi Jesu airemekedza vakadzi. Izvi zvinooneka pamabatiro aakaita mumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 aine chirwere chokubuda ropa. “Akanga arwadziswa kazhinji” navanachiremba uye akanga apedza pfuma yake yose achizvirapisa. Pasinei nezvose izvozvo, ‘akatonyanyisa kurwara.’ Mutemo waiti akanga asina kuchena. Munhu wose aimubata aizovawo asina kuchena.—Revh. 15:19, 25.

8 Mukadzi wacho paakanzwa kuti Jesu akanga achirapa vairwara, akaenda paiva nevanhu vainge vakamuunganira, achiti: “Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichapora.” Akabata Jesu, akabva apora pakarepo. Jesu aizviziva kuti mukadzi wacho aisafanira kubata nguo yake, asi haana kumutuka. Akatomuratidza mutsa. Akanzwisisa kuti mukadzi wacho anofanira kunge ainzwa sei somunhu akanga arwara kwemakore ose iwayo, uye aiziva kuti aitsvaka chaizvo rubatsiro. Jesu akaratidza kumunzwira tsitsi ndokuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka.”—Mako 5:25-34.

9. Vadzidzi vaJesu pavakaedza kurambidza vana kuti vauye kwaari, akaita sei?

9 Kunyange vana vainzwa vakasununguka kana vaina Jesu. Mumwe musi vanhu vakauya nevana kwaari, vadzidzi vake vakavatsiura, vachifunga kuti akanga asingadi kunetswa nevana. Asi handiwo manzwiro aiita Jesu. Magwaro anotiudza kuti: “Jesu achiona izvi akatsamwa, akati kwavari [vadzidzi vake]: ‘Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwevakadai.’” Uye “akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” Jesu haana kungogumira pakubvumira kuti vana vauye paari; asi akavagamuchira noushamwari.—Mako 10:13-16.

10. Jesu akasvika sei pakuva neunhu hwaakaratidza?

10 Jesu akasvika sei pakuva nounhu hwaaiva nahwo paakararama pasi pano? Asati auya pasi pano, akacherechedza zvaiitwa naBaba vake vokudenga kwemakore asingaverengeki uye akadzidza kuzviita. (Verenga Zvirevo 8:22, 23, 30.) Ari kudenga, akanga aona nzira yorudo iyo Jehovha airatidza nayo zvose zvaakasika kuti ndiye musoro uye akabva aitevedzera. Jesu aizogona kuzviita here kudai aisazviisa pasi? Zvaimufadza kuva pasi paBaba vake, uye zvaifadzawo Jehovha kuva neMwanakomana akadaro. Paaiva pasi pano, Jesu akanyatsoratidza unhu hwakanaka hwaBaba vake vokudenga. Kuva pasi paKristu Mutongi woUmambo hwokudenga akasarudzwa naMwari kukudzwa chaiko!

Tevedzera Unhu hwaKristu

11. (a) Tinofanira kushanda zvakaoma kuti titevedzere ani? (b) Sei varume vari muungano vachifanira kunyanya kutevedzera Jesu?

11 Vose vari muungano yechiKristu, kunyanya varume, vanofanira kuramba vachishanda zvakaoma kuti vatevedzere unhu hwaKristu. Sezvatatoona, Bhaibheri rinozivisa kuti: “Musoro womurume wose ndiKristu.” Sezvo Kristu akatevedzera musoro wake, Mwari wechokwadi, varume vechiKristu vanofanira kuedza kutevedzera musoro wavo, Kristu. Ndizvo zvakanyatsoitwa nomuapostora Pauro paakava muKristu. Akaudza vaKristu vaainamata navo kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaK. 11:1) Uye muapostora Petro akati: “Makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Pet. 2:21) Pane chimwe chinoita kuti zano rokutevedzera Kristu rinyanye kushanda kuvarume. Ndivo vanozova vakuru uye vashumiri vanoshumira. Sezvo Jesu akafadzwa nokutevedzera Jehovha, varume vechiKristu vanofanirawo kufadzwa nokutevedzera Kristu uye unhu hwake.

12, 13. Vakuru vanofanira kubata sei makwai avanochengetedza?

12 Vakuru vari muungano yechiKristu vanofanira kudzidza kuti vave saKristu. Petro akarayira varume vakuru kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose; musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:1-3) Vakuru vechiKristu havafaniri kudzvinyirira vanhu vachingoti zvavataura hazvibvunzwi, vasingambofungi zvakanakira vanhu. Vanoedza kutevedzera muenzaniso waKristu nokuratidza rudo, kuva nehanya nevamwe, kuzvininipisa, uye kuva nomutsa pamabatiro avanoita makwai avakanzi vachengetedze.

13 Varume vanotungamirira muungano vanhu vanotadza, uye vanofanira kuramba vachiziva izvozvo. (VaR. 3:23) Saka vanofanira kudisisa kudzidza nezvaJesu uye kutevedzera rudo rwake. Vanofanira kufungisisa mabatiro anoitwa vanhu naMwari naKristu, voedza kuvatevedzera. Petro anotirayira kuti: “Imi mose zvenyu zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”—1 Pet. 5:5.

14. Vakuru vanofanira kukudza vamwe zvakadini?

14 Vakuru vakagadzwa muungano vanofanira kubata makwai aMwari zvakanaka. VaRoma 12:10 inoti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.” Vakuru nevashumiri vanoshumira vanokudza vamwe. Sezvo zviri izvo zvinofanira kungoitwa nomuKristu wose, varume ava havafaniri ‘kuita chinhu vachikakavara kana kuzvikudza asi nepfungwa dzinozvininipisa, vanofanira kufunga kuti vamwe vakuru kwavari.’ (VaF. 2:3) Zvechokwadi vaya vanotungamirira vanofanira kuona vamwe sevakuru kwavari. Pavanoita saizvozvo, varume vakagadzwa vanenge vachitevedzera zano raPauro rokuti: “Kunyange zvakadaro, isu takasimba tinofanira kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe. Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza.”—VaR. 15:1-3.

‘Kukudza Madzimai’

15. Varume vanofanira kubata sei madzimai avo?

15 Iye zvino cherechedza zano raPetro kuvarume vakaroora. Akanyora kuti: “Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo maererano nokuziva, muchikudza mukadzi sezvamunoita mudziyo usina simba.” (1 Pet. 3:7) Kukudza munhu zvinoreva kumuremekedza nokumukoshesa zvikuru. Saka munhu akadaro akataurawo maonero ake pane imwe nyaya kana kuti nhuna dzake uchafungawo nezvazvo kana kutomutevedzera kana pasina mutemo unenge uchityorwa. Ndizvo zvinofanira kuitwa nomurume kumudzimai wake.

16. Varume vanonyeverwa kutii neShoko raMwari panyaya yokukudza madzimai?

16 Paaiudza varume kuti vakudze madzimai avo, Petro akavanyeverawo kuti: “Kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Pet. 3:7) Izvi zvinoratidza pachena kuti Jehovha ane hanya zvikuru nemabatiro anoita varume madzimai avo. Kutadza kukudza mudzimai kunogona kuita kuti minyengetero yomurume isanzwikwa. Uyezve, handizvo here kuti madzimai anoita zvakanaka kana akabatwa norukudzo nevarume vawo?

17. Murume anofanira kuda mudzimai wake zvakadini?

17 Panyaya yokuratidza madzimai rudo, Shoko raMwari rinopa zano rokuti: “Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. . . . Nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano . . . Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.” (VaEf. 5:28, 29, 33) Varume vanofanira kuda madzimai avo zvakadini? Pauro akanyora kuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEf. 5:25) Izvi zvinoreva kuti murume anofanira kunge akagadzirira kufira mudzimai wake, sezvakaitwa naJesu achiitira vanhu vose. Kana murume wechiKristu achibata mudzimai wake zvinyoro-nyoro, achimunzwisisa, asingangofungi zvakamunakira iye chete, zvinovawo nyore kuti mudzimai wacho azviise pasi pake.

18. Varume vanogona kubatsirwa nei kuti vabate madzimai avo zvakanaka?

18 Kutarisira varume kuti vakudze madzimai avo zvakadai kuvaomesera here? Aiwa, Jehovha haangavaudzi kuti vaite zvinhu zvaanoziva kuti havakwanisi kuita. Asi, vanamati vaJehovha vanogona kubatsirwa nesimba rinopfuura rezvinhu zvose zvakasikwa, rinova mudzimu mutsvene waMwari. Jesu akati: “Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!” (Ruka 11:13) Varume vanogona kunyengetera kuna Jehovha vachimukumbira kuti mudzimu wake uvabatsire kubata vamwe zvakanaka, kusanganisira madzimai avo.—Verenga Mabasa 5:32.

19. Nyaya yatichadzidza inotevera ichakurukurei?

19 Zvechokwadi, varume vane basa rakakura rokudzidza kuzviisa pasi paKristu uye kutevedzera zvaanoita somusoro. Asi zvakadini nevakadzi, kunyanya vaya vakaroorwa? Nyaya inotevera ichakurukura maonero avanofanira kuita basa ravo muurongwa hwaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Unhu hupi hwaJesu hwatinofanira kutevedzera?

• Vakuru vanofanira kubata sei makwai?

• Murume anofanira kubata sei mudzimai wake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Tevedzera Jesu nokukudza vamwe