Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuratidza Kunoita Jesu Kuti Mwari Akarurama

Kuratidza Kunoita Jesu Kuti Mwari Akarurama

Kuratidza Kunoita Jesu Kuti Mwari Akarurama

“Mwari akaita kuti [Kristu] ave sechinopiwa chokuyananisa nokutenda muropa rake. Izvi zvakaitirwa kuti aratidze kururama kwake.”—VAR. 3:25.

1, 2. (a) Bhaibheri rinotidzidzisa kuti vanhu vose vanei? (b) Nyaya ino ichakurukura mibvunzo ipi?

NHOROONDO yomuBhaibheri yokupanduka kwakaitwa muEdheni inozivikanwa zvikuru. Zvinotsanangurwa nemashoko aya zvinoitika kwatiri tose nemhaka yechivi chaAdhamu: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaR. 5:12) Pasinei nokuti tinoedza zvakadini kuita zvakarurama, tinokanganisa, izvo zvinoita kuti tide kukanganwirwa naMwari. Kunyange muapostora Pauro akachema-chema achiti: “Zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Ndiri munhu wenhamo!”—VaR. 7:19, 24.

2 Kuva kwedu vanhu vane chivi kunoita kuti tibvunze mibvunzo iyi inokosha: Zvakaitika sei kuti Jesu wokuNazareta azvarwe asina chivi, uye akabhabhatidzwei? Mararamiro aJesu akaratidza sei kuti Jehovha akarurama? Uye unokosha kupfuura yose ndewokuti, rufu rwaKristu rwakabatsirei?

Kushorwa Kwakaitwa Kururama kwaMwari

3. Satani akanyengedza sei Evha?

3 Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakaita zvoupenzi ndokuramba uchangamire hwaMwari vachida kutongwa ne“nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.” (Zvak. 12:9) Cherechedza maitikiro azvakaita. Satani akaratidza kusava nechokwadi nokururama kwenzira yaJehovha Mwari yokutonga. Akadaro paakabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Evha akadzokorora murayiro waMwari wakanga wakajeka wokuti paiva nomuti mumwe chete wokuti munhu akaubata aizofa. Satani akabva apomera Mwari kuti anonyepa. “Chokwadi hamungafi,” akadaro Dhiyabhorosi. Akabva aenderera mberi achinyengedza Evha kuti abvume kuti Mwari aivanyima chimwe chinhu chakanaka uye kuti, aizofanana naMwari, otanga kuzvisarudzira nzira yokuzvibata nayo.—Gen. 3:1-5.

4. Vanhu vakava sei pasi pouchangamire hwaSatani hunorwisana nehwaJehovha?

4 Satani aitoreva kuti vanhu vaizofara vachizviitira zvinhu zvavo vasingasweroudzwa zvokuita naMwari. Panzvimbo pokutsigira kururama kwouchangamire hwaMwari, Adhamu akateerera mudzimai wake ndokubatana naye pakudya muchero wakanga warambidzwa. Apa Adhamu akabva aita kuti arasikirwe noukama hwake hwakakwana naJehovha ndokutiisa tose pasi pejoko rinorwadza rechivi norufu. Izvi zvakabva zvaitawo kuti vanhu vave pasi pouchangamire hunorwisana nehwaJehovha, hwaSatani, “mwari wenyika ino.”—2 VaK. 4:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; VaR. 7:14.

5. (a) Jehovha akaratidza sei kuti muromo wake hauwiri pasi? (b) Mwari akapa vana vaAdhamu naEvha tariro yei?

5 Sezvo muromo wake usingawiri pasi, Jehovha akatongera Adhamu naEvha rufu. (Gen. 3:16-19) Asi izvozvo zvakanga zvisingarevi kuti chinangwa chaMwari chakanga chakundikana. Kana! Paakapa Adhamu naEvha mutongo, Jehovha akapa vana vavo chikonzero chakanaka chokuva netariro. Akazviita nokuzivisa chinangwa chake chokuti paizova ne“mbeu” yaizokuvadzwa chitsitsinho naSatani. Zvisinei, Mbeu iyoyo yakapikirwa, yaizopora chironda chayo chepachitsitsinho ‘yozopwanya musoro’ waSatani. (Gen. 3:15) Bhaibheri rinowedzera kutsanangura nyaya iyi richitaura mashoko anotevera nezvaJesu Kristu: “Nokuda kwaizvozvi Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Joh. 3:8) Asi kuzvibata kwaJesu uye rufu rwake zvakaratidza sei kururama kwaMwari?

Zvairehwa Norubhabhatidzo rwaJesu

6. Tinoziva sei kuti Jesu haana kuberekwa aine chivi chaAdhamu?

6 Paaizenge akura, Jesu aifanira kuzova munhu akangofanana nezvakanga zvakaita Adhamu asati atadza. (VaR. 5:14; 1 VaK. 15:45) Saka izvi zvaireva kuti aifanira kuzvarwa asina chivi. Izvozvo zvaizoitika sei? Ngirozi Gabrieri yakatsanangurira Mariya amai vaJesu zvakajeka ichiti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Zviri pachena kuti Jesu achiri muduku Mariya aimuudza zvimwe zvinhu zvine chokuita nokuzvarwa kwake. Saka mumwe musi Mariya nababa vaJesu vokurera, Josefa, pavakamuwana ari mutemberi, mwana wacho muduku akavabvunza kuti: “Hamuna kuziva here kuti ndinofanira kuva mumba maBaba vangu?” (Ruka 2:49) Zvinoratidza kuti Jesu akatanga kuziva kuti aive Mwanakomana waMwari achiri muduku. Saka kuratidza kururama kwaMwari ndicho chinhu chaainyanya kukoshesa.

7. Zvinhu zvipi zvinokosha zvaiva naJesu?

7 Jesu akaratidza kuti aifarira zvikuru zvinhu zvine chokuita nokunamata nokupinda kwaaiita misangano yokunamata. Sezvo aiva nepfungwa dzisina chivi, anofanira kunge akapinza mumusoro zvose zvaainzwa uye zvaaiverenga muMagwaro echiHebheru. (Ruka 4:16) Aivawo nechimwe chinhu chinokosha zvikuru, iwo muviri usina chivi, waaizobayira kuti vanhu vabatsirwe. Paakabhabhatidzwa, Jesu ainyengetera uye angave aifunga nezvemashoko akaprofitwa ari pana Pisarema 40:6-8.—Ruka 3:21; verenga VaHebheru 10:5-10. *

8. Sei Johani mubhabhatidzi akaedza kurambidza Jesu kubhabhatidzwa?

8 Pakutanga Johani Mubhabhatidzi aida kuramba kuti Jesu abhabhatidzwe. Airambirei? Nokuti Johani aibhabhatidza vaJudha sechiratidzo chokupfidza kutyora kwavakanga vaita Mutemo. Sezvo aive hama yake yepedyo, Johani anofanira kunge aiziva kuti Jesu aiva munhu akarurama saka akanga asina chikonzero chokupfidza. Jesu akaudza Johani kuti zvakanga zvakakodzera kuti abhabhatidzwe. Akamutsanangurira kuti: “Saizvozvo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama.”—Mat. 3:15.

9. Kubhabhatidzwa kwaJesu kwaifananidzirei?

9 Sezvo aive munhu asina chivi, Jesu, aigona kufunga kuti, kufanana naAdhamu, aigona kuva nevana vasina chivi. Zvisinei, Jesu haana kumboda kuva neramangwana rakadaro nokuti aiziva kuti handiko kwaiva kuda kwaJehovha. Mwari akanga atumira Jesu pasi pano kuzozadzisa basa reMbeu yakanga yapikirwa, kana kuti Mesiya. Izvi zvaisanganisira kubayira muviri wake usina chivi. (Verenga Isaya 53:5, 6, 12.) Ichokwadi kuti kubhabhatidzwa kwaJesu kwakanga kusingarevi zvakafanana nokwedu. Kwakanga kusingasanganisiri kuzvitsaurira kuna Jehovha, sezvo Jesu akanga agara ari murudzi rwaMwari rwakanga rwakazvitsaurira rwevaIsraeri. Asi kubhabhatidzwa kwaJesu kwaifananidzira kuzvipa kuna Mwari kuti aite kuda kwake sezvakanga zvakarongwa muMagwaro kuti Mesiya aizoita.

10. Kuda kwaMwari kuna Mesiya kwaisanganisirei, uye Jesu akanzwa sei nezvokukuita?

10 Kuda kwaJehovha kwaisanganisira kuti Jesu aparidze mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, aite kuti vanhu vave vadzidzi, nokuvagadzirira kuti ivowo vazodzidzisawo vanhu. Kuzvipa kwaJesu kwaisanganisirawo kuti akanga akagadzirira kutsungirira kutambudzwa uye kuurayiwa zvoutsinye achitsigira uchangamire hwakarurama hwaJehovha Mwari. Jesu aida Baba vake vokudenga zvechokwadi, zvokuti ainakidzwa nokuita kuda kwaMwari uye akanzwa kugutsikana kwakadzama paakapa muviri wake sechibayiro. (Joh. 14:31) Zvaimufadzawo kuziva kuti upenyu hwake hwakakwana hwaizopiwa kuna Mwari sorudzikinuro kuti atitenge kubva kuuranda hwechivi norufu. Jehovha akabvuma here kuti Jesu azvipire kuita zvinhu izvi zvakanga zvakaoma? Hongu akabvuma.

11. Jehovha akaratidza sei kuti akabvuma Jesu saMesiya akapikirwa kana kuti Kristu?

11 Evhangeri dzose dziri ina dzinopupurira kuti Jehovha Mwari akabvuma zvakajeka pakabuda Jesu mumvura yeRwizi rwaJodhani. “Ndakaona mudzimu uchiburuka senjiva uchibva kudenga,” akapupura kudaro Johani Mubhabhatidzi, “uye wakaramba uri pamusoro [paJesu] . . . Ini ndakauona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.” (Joh. 1:32-34) Uyezve pachiitiko ichocho Jehovha akazivisa kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.”—Mat. 3:17; Mako 1:11; Ruka 3:22.

Kuramba Akatendeka Kusvika Parufu

12. Jesu akaitei mumakore matatu nehafu abhabhatidzwa?

12 Mumakore matatu nehafu akatevera, Jesu akashanda nesimba rake rose achidzidzisa vanhu nezvaBaba vake uye nezvokururama kwakaita uchangamire hwaMwari. Kufamba neNyika Yakapikirwa yose netsoka kwakamunetesa, asi hapana chaigona kumumisa kupupura chokwadi. (Joh. 4:6, 34; 18:37) Jesu akadzidzisa vamwe nezvoUmambo hwaMwari. Achiratidza zvichaitirwa vanhu noUmambo, akaporesa vanorwara, akapa vanhu vakawanda vaiva nenzara zvokudya, akatomutsa vakafa.—Mat. 11:4, 5.

13. Jesu akadzidzisei nezvomunyengetero?

13 Panzvimbo pokuita kunge kudzidzisa vanhu kwaaiita uye kuporesa zvaibva pasimba rake, Jesu akaratidza muenzaniso unoshamisa wokuzvininipisa nokuita kuti Jehovha arumbidzwe. (Joh. 5:19; 11:41-44) Jesu akaitawo kuti tizive nyaya dzatinofanira kunyengeterera dzinokosha kupfuura dzimwe. Minyengetero yedu inofanira kusanganisira kukumbira kuti zita raMwari, Jehovha, ‘ritsveneswe,’ uye kuti uchangamire hwaMwari hwakarurama huzotsiva kutonga kwakaipa kwaSatani kuitira kuti ‘kuda kwaMwari kuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’ (Mat. 6:9, 10) Jesu akatidzidzisawo kuti tiite zvinoenderana neminyengetero yedu ‘nokuramba tichitanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari.’—Mat. 6:33.

14. Kunyange zvazvo Jesu aiva munhu asina chivi, sei zvainge zvakaoma kuti azadzise basa rake muchinangwa chaMwari?

14 Rufu rwake rwechibayiro parwaiswedera, Jesu airamba achiwedzera kuziva kuti akanga akatarisana nomutoro unorema. Chinangwa chaBaba vake uye mukurumbira wavo zvaizotsamira pakuti Jesu aizotsungirira here muedzo uye rufu rwoutsinye. Pasara mazuva mashanu kuti afe, Jesu akanyengetera kuti: “Zvino mweya wangu unonetseka, ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino. Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino.” Pashure pokutaura mashoko aya anoratidza kuti aivawo munhu wenyama, Jesu akaisa pfungwa dzake panyaya yainyanya kukosha, akanyengetera kuti: “Baba, kudzai zita renyu.” Jehovha akabva angodavira pakarepo: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.” (Joh. 12:27, 28) Ichokwadi kuti Jesu akanga akagadzirira kutarisana nomuedzo wakakura wakanga usati wambosangana nomunhu chero upi zvake. Asi kunzwa mashoko aBaba vake vokudenga, kunofanira kunge kwakapa Jesu chivimbo chakasimba chokuti aizobudirira pakukudza uye kureverera uchangamire hwaJehovha. Uye zvechokwadi akabudirira!

Zvakagadziriswa Nerufu rwaJesu

15. Sei Jesu akati: “Zvaitika” paakanga ava kutandadza?

15 Sezvaakanga akarembera padanda rokutambudzikira ava kuda kufema kokupedzisira, Jesu akati: “Zvaitika!” (Joh. 19:30) Mumakore matatu nehafu, kubvira pakubhabhatidzwa kwake kusvika parufu, zvechokwadi Jesu akanga aita zvinhu zvikuru achibatsirwa naMwari! Pakafa Jesu, pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru, uye muuto weRoma akatungamirira pakuurayiwa kwaJesu akazoti: “Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” (Mat. 27:54) Zviri pachena kuti muuto wacho akanga aona Jesu achinyombwa nokuti akanga azviti Mwanakomana waMwari. Pasinei nenhamo yose yaakaona, Jesu akaramba akaperera kuna Mwari akaratidza kuti Satani zimurevi renhema. Satani akanga ataura mashoko anotevera nezvevaya vanotsigira uchangamire hwaMwari: “Munhu acharasikirwa nezvose zvaanazvo kuti awane upenyu hwake.” (Job. 2:4, Bhaibheri Rinoera.) Jesu akaratidza nokutendeka kwake kuti Adhamu naEvha vaigona kuramba vakatendeka mumuedzo wavo waitova nyore pane wake. Chinokosha kupfuura zvose ndechokuti upenyu hwaJesu uye rufu rwake zvakatsigira uye zvakaratidza kuti uchangamire hwaJehovha hwakarurama. (Verenga Zvirevo 27:11.) Pane zvimwe here zvakagadziriswa norufu rwaJesu? Zviripo zvechokwadi!

16, 17. (a) Zvakakwanisika sei kuti zvapupu zvaJehovha zvakararama chiKristu chisati chavapo zvinzi naJehovha zvakarurama? (b) Jehovha akapa Mwanakomana wake mubayiro weyi uye Ishe Jesu Kristu achiri kuitei?

16 Pane vashumiri vaJehovha vakawanda vakararama Jesu asati auya pasi pano. Vakanzi naMwari vakarurama uye vakapiwa tariro yorumuko. (Isa. 25:8; Dhan. 12:13) Asi Mwari mutsvene Jehovha aishandisa mutemo upi kuti azokomborera zvakadaro vanhu vane chivi? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mwari akaita kuti [Jesu Kristu] ave sechinopiwa chokuyananisa nokutenda muropa rake. Izvi zvakaitirwa kuti aratidze kururama kwake, nokuti Mwari akanga achikanganwira zvivi zvakaitika munguva yakapfuura, paakanga achishivirira; kuti aratidze kururama kwake mumwaka uno uripo, kuti ave akarurama kunyange pakuti munhu anotenda muna Jesu akarurama.”—VaR. 3:25, 26. *

17 Jehovha akapa Jesu mubayiro wokumumutsa nokumupa chinzvimbo chinopfuura chaaiva nacho asati auya pasi pano. Iye zvino Jesu chisikwa chisingaoneki nemaziso edu chisingafi uye chinokudzwa. (VaH. 1:3) SoMupristi Mukuru uye Mambo, Ishe Jesu Kristu achiri kubatsira vateveri vake kuti varatidze kuti Mwari akarurama. Uye tinotenda zvikuru kuti Baba vedu vokudenga Jehovha, Mupi wemibayiro wevaya vose vanoita izvozvo, uye vanomushumira nokuvimbika vachitevedzera Mwanakomana wake!—Verenga Pisarema 34:3; VaHebheru 11:6.

18. Nyaya inotevera ichakurukura nezvei?

18 Vanhu vakatendeka kubvira kuna Abheri chaiko vakava noukama hwepedyo naJehovha nokuti vaiva nokutenda uye vaivimba neMbeu yakapikirwa. Jehovha aiziva kuti Mwanakomana wake aizoramba akaperera kwaari, uye kuti rufu rwake rwaizoripa zvakakwana “chivi chenyika.” (Joh. 1:29) Rufu rwaJesu runobatsirawo vanhu vari kurarama iye zvino. (VaR. 3:26) Saka rudzikinuro rwaKristu runogona kukuunzira zvikomborero zvipi? Izvozvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Pano muapostora Pauro akatora mashoko ari pana Pisarema 40:6-8 mushanduro yechiGiriki yeSeptuagint, iyo ine mashoko okuti “makandigadzirira muviri.” Mashoko aya haawaniki muzvinyorwa zviripo iye zvino zveMagwaro echiHebheru ekare.

Ungapindura Sei?

• Kururama kwaMwari kwakashorwa sei?

• Kubhabhatidzwa kwaJesu kwaifananidzirei?

• Rufu rwaJesu rwakabatsirei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unoziva chaifananidzirwa nokubhabhatidzwa kwaJesu here?