Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Anganunura Vaya Vari Kuchemera Kubatsirwa?

Ndiani Anganunura Vaya Vari Kuchemera Kubatsirwa?

Ndiani Anganunura Vaya Vari Kuchemera Kubatsirwa?

“Haiwa Mwari, ipai mambo zvamakatonga . . . Nokuti iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa.”—PIS. 72:1, 12.

1. Tinodzidzei nezvengoni dzaMwari panyaya yaDhavhidhi?

MASHOKO iwayo, anofanira kunge akanyorwa naMambo Dhavhidhi, anonyaradza zvikuru. Makore akanga apfuura asati anyora mashoko aya, akarwadziwa zvikuru aita upombwe naBhatishebha. Panguva iyoyo, Dhavhidhi akakumbira Mwari kuti: “Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu. . . . Chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose. . . . Tarirai! Ndakaberekwa nemarwadzo okusununguka ndiine kukanganisa, amai vangu vakandinambira muchivi.” (Pis. 51:1-5) Nengoni dzake Jehovha anofunga nezvokuti takazvarwa tiine chivi.

2. Pisarema 72 ringatibatsira sei?

2 Jehovha anonzwisisa mamiriro edu ezvinhu anonzwisa tsitsi. Zvisinei, sezvakagara zvataurwa Mambo akazodzwa waMwari “achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo.” (Pis. 72:12, 13) Achavanunura sei? Mhinduro yacho tinoiona muPisarema 72. Rwiyo urwu, rwakanyorwa ruchitaura nezvoumambo hwaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, runoratidza zvichaitwa noutongi hweMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, kuti anunure vanhu pamatambudziko avo.

Kufananidzirwa Kwoutongi hwaKristu

3. Soromoni akakumbirei, uye Mwari akamupei?

3 Pashure pokutaura kuti Soromoni aitwe mambo, mukweguru Dhavhidhi akazomupa mirayiridzo yaakanyatsotevedzera nemazvo. (1 Madz. 1:32-35; 2:1-3) Jehovha akazozviratidza kuna Soromoni kuhope akati: “Kumbira chandingakupa.” Soromoni akangokumbira chinhu chimwe chete: “Ipai mushumiri wenyu mwoyo unoteerera kuti atonge vanhu venyu, kuti azive chakanaka nechakaipa.” Kukumbira kwakaita Soromoni achizvininipisa kwakaita kuti Mwari amupe zvaakakumbira achitowedzera zvimwe.—1 Madz. 3:5, 9-13.

4. Utongi hwaSoromoni hwakarondedzerwa sei nomumwe mutongi wepanguva yake?

4 Utongi hwaSoromoni hwakakomborerwa naJehovha zvokuti nyika yacho yakava norunyararo nebudiriro zvisati zvamboitwa nehurumende ipi zvayo pasi pano. (1 Madz. 4:25) Mumwe wevakauya kuzoona kuti utongi hwaSoromoni hwakaita sei ndimambokadzi weShebha, nemudungwe wake wemachinda. Akaudza Soromoni kuti: “Shoko randakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu . . . nderechokwadi . . . Ndakanga ndisina kuudzwa kunyange hafu yazvo. Uchenjeri hwenyu nokubudirira zvinopfuura zvinhu zvandainzwa.” (1 Madz. 10:1, 6, 7) Asi uchenjeri hwaJesu hwaipfuura ipapo nokure, nokuti achitaura nezvake pachake akati: “Tarirai! mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.”—Mat. 12:42.

Kusunungurwa Pasi paSoromoni Mukuru

5. Pisarema 72 rinoratidzei, uye chii chatinofanoona mariri?

5 Iye zvino ngatimboongororai Pisarema 72 nechinangwa chokudzidza nezvezvikomborero zvichawanikwa pakutonga kwaJesu Kristu, Soromoni Mukuru. (Verenga Pisarema 72:1-4.) Pisarema iri rinoratidza manzwiro anoita Jehovha nezve“kutonga kwomuchinda” kweMwanakomana wake, “Muchinda Worugare,” Jesu Kristu. (Isa. 9:6, 7) Achitungamirirwa naMwari, Soromoni Mukuru ‘acharwira mhosva yevanotambudzika oponesa vanakomana vomurombo.’ Kutonga kwake kuchava kworunyararo nokururama. Paaiva pasi pano Jesu akaratidza zvichaitwa noKutonga Kwake Kwemakore Ane Chiuru.—Zvak. 20:4.

6. Zvii zvakaitwa naJesu zvinotiratidza zvichange zvakaita kutonga kwoUmambo?

6 Ngatikurukurei zvimwe zvakaitwa naJesu Kristu zvinotiratidza zvaachaitira vanhu kuti azadzise Pisarema 72. Hatingambotadzi kupedzwa mate mukanwa patinoverenga nezvetsitsi dzaainzwira vanhu vanotambura. (Mat. 9:35, 36; 15:29-31) Somuenzaniso mumwe murume airwara nemaperembudzi akauya kuna Jesu akamuteterera achiti: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu akamupindura kuti: “Ndinoda. Cheneswa.” Maperembudzi aya ndiye hwa! (Mako 1:40-42) Jesu akazosangana neimwe chirikadzi yakanga yafirwa nemwanakomana wayo zai regondo. ‘Asiririswa,’ Jesu akati “Muka!,” mwanakomana wacho ndiye kwanyanu. Vaone hoyu ava kutoraramazve!—Ruka 7:11-15.

7, 8. Ndezvipi zvimwe zvinoratidza simba rokuporesa rina Jesu?

7 Jehovha akapa Jesu simba rokuita zvishamiso. Izvi zvinooneka pane zvakaitika kune “mukadzi aibuda ropa kwemakore gumi nemaviri.” Kunyange zvazvo “akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose,” zvaitowedzera. Mukadzi wacho akapinda mumhomho yevanhu akabata Jesu, zvinova zvairambidzwa noMutemo kana mukadzi aine “zvinoyerera zveropa.” (Revh. 15:19, 25) Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari, saka akabvunza kana mumwe munhu akanga amubata. “Achitya uye achidedera,” mukadzi wacho “akawira pasi pamberi pake, akamuudza chokwadi chose.” Paakaona kuti Jehovha akanga aporesa mukadzi uyu, Jesu akamubata nomutsa ndokuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”—Mako 5:25-27, 30, 33, 34.

8 Simba raJesu rokuporesa raakapiwa naMwari rakarapa mukadzi wacho airwara asi rinofanira kunge rakashamisawo vaiona achirishandisa. Somuenzaniso, vakawanda vanofanira kunge vakaoma mate mukanwa pavakaona Jesu achiporesa vanhu asati apa mharidzo yake yepagomo yakakurumbira. (Ruka 6:17-19) Johani muBhabhatidzi paakatuma nhume mbiri kunonzwa kuti Jesu ndiye zvechokwadi here aiva Mesiya, vakawana Jesu ‘achirapa zvirwere zvizhinji nehosha dzinotambudza nemidzimu yakaipa, achisvinudza mapofu mazhinji.’ Jesu akazoudza vaviri ivavo kuti: “Endai, muudze Johani zvamaona nokunzwa, zvinoti: mapofu ari kuona, vanokamhina vari kufamba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.” (Ruka 7:19-22) Johani anofanira kunge akakurudzirwa zvechokwadi nemashoko iwayo!

9. Zvishamiso zvaJesu zvaifanoratidza chii?

9 Ichokwadi kuti vanhu vakaporeswa uye vakamutswa naJesu paaiita ushumiri hwake pasi pano vakazongofa. Kunyange zvakadaro, zvishamiso zvakaitwa naJesu paaiva pasi pano zvairatidza zvaachaitira vanhu nokusingaperi paanenge ava kutonga saMesiya.

Paradhiso Yenyika Yose Iri Pamberi Apa!

10, 11. (a) Zvikomborero zvoUmambo zvichavako kwenguva yakadini, uye kutonga kwaJesu kuchange kwakaita sei? (b) Ndiani achava naJesu muParadhiso, uye achaita sei kuti azorarama nokusingaperi?

10 Edza kufungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei muParadhiso pasi pano. (Verenga Pisarema 72:5-9.) Vanamati vaMwari mumwe chete wechokwadi vachakwanisa kurarama muParadhiso chero bedzi zuva nemwedzi zvichiripo, kureva kuti nokusingaperi! Mambo Jesu Kristu achange achizorodza “semvura inonaya pauswa hwakachekwa, semvura zhinji inonyorovesa nyika.”

11 Mwoyo wako haufadzwi here netariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano, sezvaunoita souri kuona kuzadziswa kuchaita pisarema iri? Zvechokwadi mutadzi akanga akarovererwa anofanira kunge akafara zvokufara zviya paakaudzwa naJesu kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Mukutonga kwaJesu Kwemakore Ane Chiuru, murume iyeye achamutswa. Akazviisa pasi pokutonga kwaKristu, achakwanisa kurarama pasi pano nokusingaperi aine utano hwakakwana uye achifara.

12. Mukutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, mukana upi uchapiwa vasina kururama vanenge vamutswa?

12 Mukutonga kwaSoromoni Mukuru, Jesu Kristu, “munhu akarurama achamera,” kureva kuti achabudirira. (Pis. 72:7) Kristu acharatidza kuti ane rudo uye ane hanya sezvaaingoita paaiva pasi pano. Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, kunyange “vasina kururama” vanenge vamutswa vacharatidzwa rudo vopiwa mukana wokuita zvinodiwa naJehovha vorarama. (Mab. 24:15) Zviri pachena kuti vanenge varamba kutevedzera zvinodiwa naMwari havazobvumirwi kuramba vachirarama kuti vakanganise rugare norunyararo zvinenge zviri munyika itsva.

13. Kutonga kwoUmambo kuchasvika kure zvakadini, uye sei pasina chichakanganisa rugare runenge rwavapo?

13 Mashoko aya anoratidza kuti kutonga kwaSoromoni Mukuru kuchasvika munyika yose: “Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi [Yufratesi] kusvikira kumigumo yenyika. Vagari vomunzvimbo dzisina mvura vachamukotamira, vavengi vake vachananzva guruva.” (Pis. 72:8, 9) Izvi zvinoreva kuti Jesu Kristu achatonga pasi pose. (Zek. 9:9, 10) Vaya vanobvuma utongi hwake uye vanokoshesa zvikomborero zvahwo “vachamukotamira” vachizviisa pasi pake nemwoyo wose. Ukuwo vatadzi vasingapfidzi vachabviswa, kunyange vava “nemakore zana.” (Isa. 65:20) “Vachananzva guruva.”

Anotinzwira Tsitsi

14, 15. Tinoziva sei kuti Jesu anonzwisisa kuti vanhu vari kunzwa sei uye “achanunura murombo anochemera kubatsirwa”?

14 Vanhu vane chivi vari mumamiriro ezvinhu anosiririsa uye vari kuda kubatsirwa. Asi isu tine tariro. (Verenga Pisarema 72:12-14.) Jesu, Soromoni Mukuru, anotinzwira tsitsi nokuti anoziva kuti tine chivi. Uyezve Jesu akatamburira kururama, uye Mwari akamubvumira kuti atarisane nemiedzo ari oga. Jesu akatotambura mupfungwa zvokuti “ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Ava padanda rokutambudzikira, akachema achiti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” (Mat. 27:45, 46) Pasinei nenhamo yose yaakaona, uye kunyange zvazvo Satani akaedza zvose zvaaigona kumuita kuti abve kuna Jehovha, Jesu akaramba akatendeka kuna Jehovha Mwari.

15 Tine chokwadi kuti Jesu anoona kurwadziwa kwatiri kuitwa uye “achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri.” Norudo rwaainarwo rwakafanana nerwaBaba vake, Jesu ‘achateerera varombo’ uye ‘vakaora mwoyo, achavasunga panovarwadza.’ (Pis. 69:33; 147:3) Jesu anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu,” nokuti “akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu.” (VaH. 4:15) Hakusi kufadza kwazvinoita kuziva kuti Mambo Jesu Kristu ava kutotonga kudenga uye kuti chido chake ndechokusunungura vanhu vari kutambura!

16. Chii chaiita kuti Soromoni akwanise kunzwira tsitsi vanhu vaaitonga?

16 Sezvo aiva nouchenjeri uye ainzwisisa, zviri pachena kuti Soromoni ‘akanzwira tsitsi munhu akaderera.’ Uye upenyu hwake chaihwo hwakanga hwakazara nezvinhu zvinosuwisa uye zvinokangaidza. Mukoma wake Amnoni akabata hanzvadzi yake Tamari chibharo, uye mumwe mukoma waSoromoni, Absaromu akaita kuti Amnoni aurayirwe mhosva iyoyo yaakanga apara. (2 Sam. 13:1, 14, 28, 29) Absaromu akatorera Dhavhidhi chigaro choumambo, asi zvakazobondera akaurayiwa naJoabhi. (2 Sam. 15:10, 14; 18:9, 14) Mukoma waSoromoni, Adhonija akazoedza kuzviita mambo. Dai akangobudirira, ndiko kwaitova kufa kwaSoromoni. (1 Madz. 1:5) Zvakazotaurwa naSoromoni mumunyengetero wake paaitsaurira temberi yaJehovha zvinoratidza kuti ainzwisisa kutambura kwevanhu. Nezvematambudziko evanhu, mambo wacho akanyengetera kuti: “Mumwe nomumwe anoziva dambudziko rake nokurwadziwa kwake . . . Mukanganwire uye mupe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake dzose.”—2 Mak. 6:29, 30.

17, 18. Vamwe vashumiri vaMwari vanorwadziwa nechii, uye chii chinovabatsira kutsungirira?

17 ‘Kurwadziwa kwedu’ kungabva pane zvimwe zvakamboitika kwatiri muupenyu. Mary, * chimwe Chapupu chaJehovha chine makore okuma30, anonyora kuti: “Ndine zvakawanda zvinoita kuti ndifare, asi pandinombodzorera pfungwa dzangu pane zvandakamboita ndinonzwa kunyara uye ndinosemeswa. Ndinobva ndasuwa zvokunge ndichachema sokunge kuti zvakatoitika nezuro chaiye. Ndangariro dzichiri kuita kuti ndikurirwe nepfungwa yokuti handibatsiri uye ndine mhaka.”

18 Vashumiri vaMwari vakawanda vanonzwa saizvozvo, asi chii chingavabatsira kuwana simba rokutsungirira? “Shamwari dzechokwadi uye hama nehanzvadzi dzinoita kuti ndifare,” anodaro Mary. “Ndinoedzawo kugara ndakaisa pfungwa dzangu pazvipikirwa zvaJehovha nezveramangwana uye ndine chivimbo chokuti misodzi yangu yokuchema ichava misodzi yokufara.” (Pis. 126:5) Tinofanira kuisa tariro yedu pakupiwa kwatakaitwa naMwari Mwanakomana wake, Mutongi wake waakagadza. Akagara ataurwa nezvake kuti: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.” (Pis. 72:13, 14) Izvi zvinokurudzira zvechokwadi!

Nyika Ine Machikichori Yakatimirira

19, 20. (a) Sezvinoratidzwa nePisarema 72, idambudziko ripi richagadziriswa nokutonga kwoUmambo? (b) Ndiani zvikuru-kuru acharumbidzwa nokuda kwoutongi hwaKristu, uye iwe unonzwa sei nezvezvahuchagadzirisa?

19 Edzazve kuita souri kutoona vanhu vakarurama vari munyika itsva yaMwari vachitongwa naSoromoni Mukuru. Tinovimbiswa kuti: “Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.” (Pis. 72:16) Sezvo tichiziva kuti mbesa hadziwanzorimwi pamusoro pemakomo, mashoko aya anosimbisa maberekero achange ava kuita nyika. Zvibereko zvayo zvichange zvaita ‘sezvakaita zviri muRebhanoni,’ inova nzvimbo yaiita goho rakakura mazuva aitonga Soromoni. Pafunge! Panenge pasisina kushomeka kwezvokudya, pasisina anodya zvisingavaki muviri, kana anoziya! Vanhu vose ipapo vachava ne“mabiko ezvokudya zvine mafuta.”—Isa. 25:6-8; 35:1, 2.

20 Ndiani acharumbidzwa nokuda kwezvikomborero zvose izvi? Achanyanya kurumbidzwa ndiMambo Asingagumi, uye Mutongi Wezvinhu Zvose, Jehovha Mwari. Izvi zvichaita kuti tose tiwedzerewo mazwi edu pamashoko okupedzisira orwiyo urwu rwakanaka uye runofadza tichiti: “Zita rake [raMambo Jesu Kristu] ngarivepo nokusingagumi; zita rake ngariwedzere zuva parinenge riripo, ivo ngavazvikomborere nomaari; marudzi ose ngaamuti anofara. Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye oga ari kuita mabasa anoshamisa. Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nokusingagumi, kubwinya kwake ngakuzadze nyika yose. Ameni uye Ameni.”—Pis. 72:17-19.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Zita rakachinjwa.

Ungapindura Sei?

Pisarema 72 rine uprofita hwakafanoratidza chii?

• Soromoni Mukuru ndiani, uye kutonga kwake kuchange kwakakura zvakadini?

• Pazvikomborero zvakataurwa pana Pisarema 72 kuti zvichavapo, ndechipi chinonyanya kukufadza?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Chii chaifananidzirwa nebudiriro yakavapo paitonga Soromoni?

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kuedza nepatinogona napo kuti tigowana upenyu muParadhiso pasi pokutonga kwaSoromoni Mukuru kushandira zviripo