Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari

Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari

Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari

‘Vavarirai nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu.’—VAEF. 4:3.

1. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vomuEfeso vakakudza Mwari sei?

KUBATANA kwakanga kwakaita ungano yechiKristu muEfeso yekare kwaikudza Mwari wechokwadi, Jehovha. Muguta iroro rakanga rakabudirira rezvokutengeserana, dzimwe hama dzechiKristu dzinofanira kunge dzaive vapfumi dziine varanda, asi dzimwe dzaiva varanda uye pamwe dziri varombo. (VaEf. 6:5, 9) Vamwe vaiva vaJudha vakanga vadzidza chokwadi mumwedzi mitatu yakanga yaparidzwa naPauro musinagogi mavo. Vamwe vaimbonamata Atemisi uye vakanga vamboita zvemashiripiti. (Mab. 19:8, 19, 26) Zviri pachena kuti chiKristu chakaunza vanhu vaibva kwakasiyana-siyana. Pauro aiziva kuti Jehovha aikudzwa nokubatana kweungano. Akanyora kuti: “Ngaakudzwe pachishandiswa ungano.”—VaEf. 3:21.

2. Zvii zvaida kukanganisa kubatana kwevaKristu vokuEfeso?

2 Zvisinei pane zvimwe zvakanga zvava kuda kukanganisa kubatana kwakanaka kweungano yeEfeso. Pauro akanyevera vakuru veko kuti: “Pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.” (Mab. 20:30) Zvakare dzimwe hama dzakanga dzisina kusiya zvachose mafungiro anoparadzanisa, ayo Pauro akanyevera nezvawo kuti “anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.”—VaEf. 2:2; 4:22.

Tsamba Inokurudzira Kubatana

3, 4. Tsamba yaPauro kuvaEfeso inosimbisa sei kubatana?

3 Pauro aiziva kuti, kuti vaKristu varambe vachishandira pamwe, mumwe nomumwe wavo anofanira kuedza nemwoyo wose kubatana nevamwe. Mwari akafuridzira Pauro kunyora tsamba yake kuVaEfeso achisimbisa nyaya yokubatana. Somuenzaniso, Pauro akanyora nezvechinangwa chaMwari ‘chokuunganidzazve zvinhu zvose muna Kristu.’ (VaEf. 1:10) Akafananidzawo vaKristu nematombo akasiyana-siyana anovaka chivako. “Chivako chose chiri pamwe naye, chichinyatsobatanidzwa pamwe chete, chiri kukura kuva temberi tsvene yaJehovha.” (VaEf. 2:20, 21) Uyezve Pauro akasimbisa kubatana kwevaKristu vechiJudha nevemamwe marudzi akayeuchidzawo hama kuti dzaiva nomusiki mumwe chete. Akataura nezvaJehovha sa“Baba, avo mhuri dzose dziri kudenga nedziri panyika dzinowana mazita adzo kubva kwavari.”—VaEf. 3:5, 6, 14, 15.

4 Sezvatinoongorora chitsauko 4 chaVaEfeso, tichaona kuti sei riri basa chairo kuti tibatane, Jehovha anotibatsira sei kuti tibatane, uye kuti tinofanira kuva neunhu hwakaita sei kuti tirambe takabatana. Wadii kuverenga chitsauko chacho chose kuti unyatsobatsirwa nezvatichadzidza?

Chinoita Kuti Kubatana Rive Basa Chairo

5. Chii chinoita kuti ngirozi dzaMwari dzikwanise kushumira dzakabatana, asi sei kubatana kuchitiomera?

5 Pauro akateterera hama dzake dzokuEfeso kuti dzi‘vavarire nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu.’ (VaEf. 4:3) Kuti tinzwisise kuti ibasa chairo kuti izvi zviitike, ngatifungei nezvengirozi dzaMwari. Hapana zvinhu zvipenyu pasi pano zvakanyatsofanana, saka tinogona kuti Jehovha akakomborera ngirozi imwe neimwe pamamiriyoni adzo kuti ive yakasiyana nedzimwe. (Dhan. 7:10) Asi dzinoshumira Jehovha dzakabatana nokuti dzinomuteerera uye dzinoita kuda kwake. (Verenga Pisarema 103:20, 21.) Kuwedzera pakusiyana-siyana sezvakaita ngirozi, isu vaKristu tinotadza nenzira dzakasiyana-siyana. Izvi zvinobva zvaita kuti kubatana kuome chaizvo.

6. Tinofanira kuva nounhu hwakaita sei kuti tishandire pamwe nehama dzine zvadzowo zvadzinokanganisa zvakasiyana nezvedu?

6 Vanhu vasina kukwana pavanoedza kushandira pamwe, zviri nyore kuti pave nezvinetso. Somuenzaniso, zvakadini kana imwe hama yakazvinyararira zvayo, isingabati nguva, ichishumira pamwe chete neimwe inobata nguva chaizvo asi isingatani kushatirwa? Mumwe nomumwe wavo anogona kufunga kuti mumwe wake ane paanofanira kugadzirisa asi anogona kukanganwa kuti zvake zvaanoitawo hazvina kunaka. Hama dzakadaro dzingashande sei pamwe chete dzichiwirirana? Cherechedza kuti mashoko aPauro akazotevera angavabatsira sei, wozofunga kuti isu tingaita sei kuti tibatane nevamwe nokuedza kuva nounhu hwakadaro. Pauro akanyora kuti: “Ndinokutetererai kuti mufambe zvakakodzera . . . nepfungwa dzinozvininipisa zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu, muchishivirirana murudo, muchivavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.”—VaEf. 4:1-3.

7. Sei zvichikosha kuti tiedze kubatana nevamwe vaKristu vasina kukwana?

7 Kudzidza kushumira Mwari takabatana nevamwe vanhu vasina kukwana kunokosha nokuti kunongova nesangano rimwe chete rokunamata kwechokwadi. “Kune muviri mumwe chete, nomudzimu mumwe chete, sokudanwa kwamakaitwa mutariro imwe chete yamakadanirwa; Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete; Mwari mumwe chete uye Baba vevanhu vose.” (VaEf. 4:4-6) Mudzimu waJehovha nechikomborero zviri pasangano rimwe chete rehama riri kushandiswa naMwari. Kunyange kana tikagumburwa nomumwe munhu ari muungano, ndokupi kumwe kwatingaenda? Hapana kumwe kwatingawana mashoko oupenyu husingaperi.—Joh. 6:68.

“Zvipo Zviri Varume” Zvinoita Kuti Vanhu Vabatane

8. Kristu anoshandisa chii kutibatsira kuti tisaparadzaniswa?

8 Pauro akashandisa maitiro aizivikanwa aiitwa nemauto makarekare achienzanisira mapiro akaita Jesu “zvipo zviri varume” kuti zvibatsire pakuita kuti ungano ibatane. Muuto ainge akurira aigona kuuya nenhapwa ava kudzoka kumusha kuti aishandise somuranda aibatsira mudzimai wake kuita mabasa omumba. (Pis. 68:1, 12, 18) Saizvozvowo kukunda kwakaita Jesu nyika kwakamuita kuti awane varanda vakawanda vakazviisa voga mumaoko ake. (Verenga VaEfeso 4:7, 8.) Akashandisa sei nhapwa idzodzo dzokufananidzira? “Akapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vaevhangeri, vamwe kuti vave vafudzi nevadzidzisi, kuti vatsvene varuramiswe, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu, kusvikira tose tasvika pakubatana mukutenda.”—VaEf. 4:11-13.

9. (a) “Zvipo zviri varume” zvinotibatsira sei kuti tirambe takabatana? (b) Sei mumwe nomumwe ari muungano achifanira kuedza kubatana nevamwe?

9 Sevafudzi vane rudo, “zvipo zviri varume” izvi zvinobatsira kuti tirambe takabatana. Somuenzaniso, kana mukuru muungano akacherechedza hama mbiri ‘dzichikwikwidzana,’ anogona kuita kuti ungano ibatane nokudzipa zano padzo dzoga, ‘achiruramisa vanhu vakadaro nounyoro.’ (VaG. 5:26–6:1) Sevadzidzisi “zvipo zviri varume” izvi zvinobatsira kuti pave nokutenda kwakasimba kwakavakirwa padzidziso dzeBhaibheri. Saka pavanodaro vanoita kuti pave nokubatana uye vanotibatsira kuti tive vaKristu vanoziva zvavanoita. Pauro akanyora kuti izvi zvinoitwa “kuti tirege kuvazve vacheche, tichikandwa kwose kwose sokunge tinokandwa nemafungu uye tichitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.” (VaEf. 4:13, 14) MuKristu wose anofanira kuedza kubatana nedzimwe hama, sezvo nhengo yose yomuviri wemunhu ichivaka dzimwe dzayo nokudziitira zvadzinoda.—Verenga VaEfeso 4:15, 16.

Iva Nemafungiro Matsva

10. Unzenza hunokanganisa sei kubatana?

10 Wacherechedza here kuti chitsauko 4 chetsamba yaPauro kuVaEfeso chinoratidza kuti kuratidza rudo ndiwo musimboti wokuti vaKristu vabatane? Chinozoenderera mberi chichiratidza kuti chii chinonzi kuratidza rudo. Chimwe chezvinhu zvisingaitwi nomunhu ane rudo kuita ufeve nokusazvibata. Pauro akakurudzira hama dzake kuti dzisarambe “[dzi]chifambazve sokufamba kunoita mamwe marudzi.” Marudzi iwayo akanga “asisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika,” uye akanga “akazviregerera asingazvibati.” (VaEf. 4:17-19) Nyika yatiri yakazara unzenza inoda kukanganisa kubatana kwedu. Vanhu vanoita majee nezveufeve, vanoimba nezvahwo, vanohuona pavanenge vachivarairwa, uye vanohuita pachivande kana kuti vachionekwa. Asi, kunyange kutamba nomunhu uchiita sounomuda iwe usina chinangwa chokuroora kana kuroorwa, kunogona kukubvisa pana Jehovha neungano. Zvingadaro sei? Nokuti kutamba kwakadaro ndidzo mviromviro dzoufeve. Zvakare kutamba kwakadaro kukaitwa nomunhu anemba kunoita kuti aite upombwe zvigosiya vana vasisina vabereki uye uya atadzirwa asisina murume kana kuti mukadzi. Chokwadi zvinoparadzanisa! Ndosaka Pauro akanyora kuti: “Hamuna kudzidza Kristu kuti akadaro.”—VaEf. 4:20, 21.

11. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuchinja zvakadini?

11 Pauro akasimbisa kuti tinofanira kukanda pasi mafungiro anodzorera shure tova neaya anoita kuti tigarisane zvakanaka nevamwe. Akati: “Munofanira kubvisa unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa maererano nokuchiva kwahwo kunonyengera; . . . munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande, uye munofanira kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEf. 4:22-24) Tingaitwa sei “vatsva musimba rinoita kuti pfungwa [dzedu] dzishande”? Kana tichiratidza kuti tinoonga nokufungisisa zvatinodzidza muShoko raMwari uye muenzaniso wakanaka wevaKristu vava nenguva vachinamata, uye tikashanda nesimba, tinogona kupedzisira tava nounhu utsva “hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari.”

Dzidza Matauriro Matsva

12. Kutaura chokwadi kunobatsira sei kuti tibatane, uye sei zvakaomera vamwe kutaura chokwadi?

12 Kutaura chokwadi kunokosha mumhuri uye muungano nokuti vanhu vacho inhengo yomumwe nomumwe. Kubudirana pachena uye kutaura nomutsa kunoita kuti vanhu vabatane. (Joh. 15:15) Asi, ko kana munhu achinyepera hama yake? Kana hama yake ikazozviziva, kuwirirana kwacho kunenge kwava zinyekenyeke. Unogona kunzwisisa kuti sei Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake, nokuti isu tiri nhengo yomumwe nomumwe.” (VaEf. 4:25) Munhu anenge akajaira kunyepa, zvichida kubvira ari muduku, anogona kuona zvichimuomera kutaura chokwadi. Asi Jehovha achafadzwa nezvaanoedza kuita kuti achinje uye achamubatsira.

13. Kubvisa kutuka kunosanganisira kudii?

13 Jehovha anotidzidzisa kuisa miganhu pamatauriro atinoita kuitira kuti tiremekedzane uye tibatane muungano nomumhuri. “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu . . . Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEf. 4:29, 31) Imwe nzira yokuti tisarasa muromo ndeyokuremekedza vamwe. Somuenzaniso, murume anongoregedzera mashoko achitaura nomudzimai wake anofanira kuchinja maonero aanomuita, zvikurukuru sezvaanodzidza makudziro anoita Jehovha vakadzi. Mwari anotozodza vamwe vakadzi nomudzimu wake mutsvene, achivapa tariro yokuzonotonga semadzimambo naKristu. (VaG. 3:28; 1 Pet. 3:7) Saizvozvowo, mudzimai ane tsika yokupopotera murume wake anofanira kuchinja paanodzidza kuti Jesu akazvidzora sei paakadenhwa.—1 Pet. 2:21-23.

14. Kuratidza hasha kwakaipirei?

14 Chimwe chinoenderana nokutuka kutadza kudzora hasha. Ikowo zvakare kunogona kuparadzanisa vanhu vakabatana. Hasha dzakaita somoto. Dziri nyore kupedzisira dzisisadzoreki uye dzakonzera dambudziko. (Zvir. 29:22) Munhu anenge aine chikonzero chinonzwisisika chokutsamwa anofanira kudzora hasha dzake kuti asakuvadza ukama hunokosha. VaKristu vanofanira kuedza kukanganwira, kwete kuchengeta mafi uye kutaura nezvenyaya yacho zvakare. (Pis. 37:8; 103:8, 9; Zvir. 17:9) Pauro akapa vaEfeso zano rokuti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kutadza kudzora hasha kunopa Dhiyabhorosi mukana wokudyara kambeu kokupesanisa uye kunyange kemakakatanwa muungano.

15. Kutora zvinhu zvisiri zvedu kunogona kuita sei?

15 Kuremekedza zvinhu zvevamwe kunoita kuti vanhu vabatane muungano. Tinoverenga kuti: “Anoba ngaachirega kubazve.” (VaEf. 4:28) Vanhu vaJehovha vanowanzovimba nomumwe nomumwe. Kana muKristu akashandisa kuvimbwa kwaanoitwa naye otora zvinhu zvisiri zvake, anenge achikanganisa kubatana uye mufaro zviripo.

Kuda Mwari Kunotibatanidza

16. Tingashandisa sei kutaura kunovaka kuti tisimbise kubatana kwedu?

16 Kubatana kwevaKristu kunobva pakuda kwavanoita Mwari uko kunoita kuti vabate vamwe norudo. Kuonga mutsa waJehovha kunoita kuti tiedze nemwoyo wose kushandisa zano iri: “[Taurai] shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa. . . . Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.” (VaEf. 4:29, 32) Jehovha anokanganwira nomutsa vanhu vanotadza vakaita sesu. Hatifaniriwo here kukanganwira vamwe patinoona zvavanotadza?

17. Sei tichafanira kuedza nemwoyo wose kubatana nevamwe?

17 Kubatana kwevanhu vaMwari kunokudza Jehovha. Mudzimu wake unoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kutiita kuti tibatane nevamwe. Chokwadi hatidi kuramba zvatinonzi nomudzimu tiite. Pauro akanyora kuti: “Musashungurudza mudzimu mutsvene waMwari.” (VaEf. 4:30) Kubatana ipfuma yakakodzera kuchengetedzwa. Kunoita kuti vakabatana vacho vafare uye kunokudza Jehovha. “Naizvozvo, ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa, uye rambai muchifamba murudo.”—VaEf. 5:1, 2.

Ungapindura Sei?

• Mafungiro api anoita kuti vaKristu vabatane?

• Mufambiro wedu unogona sei kubatsira kuti ungano ibatane?

• Matauriro edu anogona sei kubatsira kuti tishandire pamwe nevamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vakabatana

[Mufananidzo uri papeji 18]

Unoziva zvakaipira kutamba nomunhu uchiita sounomuda here?