Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mutungamiriri Wenyu Mumwe Chete, Iye Kristu”

“Mutungamiriri Wenyu Mumwe Chete, Iye Kristu”

“Mutungamiriri Wenyu Mumwe Chete, Iye Kristu”

“Musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.”—MAT. 23:10.

1. Ndiani anonzi neZvapupu zvaJehovha Mutungamiriri wavo, uye sei zvakadaro?

MACHECHI echiKristudhomu anotungamirirwa nevanhu, vakadai savanapapa veRoma, mabhishopi echechi dzeEastern Orthodox, nevamwe vakuru vakuru vezvimwe zvitendero. Zvapupu zvaJehovha hazvina munhu wazvinoti ndiye mutungamiriri wazvo. Havasi vadzidzi kana kuti vateveri vomumwe munhu. Izvi zvinoenderana nouprofita hwakataurwa naJehovha nezvoMwanakomana wake kuti: “Tarirai! Ndakaita kuti iye ave chapupu kumapoka emarudzi, kuti ave mutungamiriri nomudzori wemapoka emarudzi.” (Isa. 55:4) Ungano yomunyika yose yevaKristu vakazodzwa nevamwe vavo ve“mamwe makwai” haidi mutungamiriri kunze kwewayakapiwa naJehovha. (Joh. 10:16) Vanotevedzera mashoko aJesu okuti: “Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.”—Mat. 23:10.

Ngirozi Yaitungamirira vaIsraeri

2, 3. Mwanakomana waMwari akaita basa ripi muna Israeri?

2 Mazana emakore ungano yechiKristu isati yavako, Jehovha aiva nengirozi yaitungamirira vanhu vake vaIsraeri. Pashure pokubudisa vaIsraeri muIjipiti, Jehovha akavaudza kuti: “Tarira ndiri kutuma ngirozi mberi kwako kuti ikuchengete uri mumugwagwa, kuti ikusvitse munzvimbo yandakagadzira. Zvichenjerere nokuda kwayo, uteerere inzwi rayo. Musaipandukira, nokuti haingaregereri kudarika kwenyu; nokuti zita rangu riri mairi.” (Eks. 23:20, 21) Zviri pachena kuti ngirozi iyi, yaiva ‘nezita raJehovha mairi,’ Mwanakomana waMwari wedangwe.

3 Asati aberekwa somunhu, Mwanakomana waMwari aiva nezita rokuti Mikaeri. Mubhuku raDhanieri, Mikaeri anonzi “muchinda we[vanhu vaDhanieri],” vaIsaeri. (Dhan. 10:21) Mudzidzi Judha anoratidza kuti Mikaeri akanga abvira kare achitungamirira vaIsraeri, Dhanieri asati ambovako. Pakafa Mosesi, zvinoratidza kuti Satani aida kushandisa chitunha chake kuti afambisire mberi zvido zvake, zvichida achiita kuti vaIsraeri vachinamate. Mikaeri akapindira kuti izvi zvisaitike. Judha anoti: “Mikaeri ngirozi huru paakapesana naDhiyabhorosi uye achiita nharo pamusoro pomutumbi waMosesi, haana zvake kuda kumutonga nemashoko okutuka, asi akati: ‘Jehovha ngaakutsiure.’” (Jud. 9) Pava paya, Jeriko rava kuda kuparadzwa, zviri pachena kuti Mikaeri “mukuru weuto raJehovha,” ndiye akaonekwa naJoshua akamuzivisa kuti akanga achitsigirwa naMwari. (Verenga Joshua 5:13-15.) Rimwe dhimoni parakaedza kutadzisa imwe ngirozi kusvitsa mashoko aikosha kunaDhanieri, ngirozi huru Mikaeri yakauya kuzobatsira ngirozi yacho.—Dhan. 10:5-7, 12-14.

Mutungamiriri Akagara Ataurwa Anouya

4. Uprofita hupi hwakapiwa nezvokuuya kwaMesiya?

4 Izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga atuma ngirozi yake Gabrieri kumuprofita Dhanieri kunomuudza uprofita nezvokuuya kwa“Mesiya Mutungamiriri.” (Dhan. 9:21-25) * Nguva yacho ichingoti gedye, muchirimo cha29 C.E., Jesu akabhabhatidzwa naJohani. Mudzimu mutsvene wakadururwa pana Jesu, ukamuita Muzodziwa, Kristu, Mesiya. (Mat. 3:13-17; Joh. 1:29-34; VaG. 4:4) Sezvo aiva Mesiya, aizova Mutungamiriri asina waanoenzaniswa naye.

5. Jesu akaratidza sei kuti Mutungamiriri paaiita ushumiri hwake pasi pano?

5 Kubvira pakutanga kwoushumiri hwake pasi pano, Jesu akaratidza kuti ndiye “Mesiya Mutungamiriri.” Mumazuva mashomanana, akatanga kuunganidza vadzidzi, uye akaita chishamiso chake chokutanga. (Joh. 1:35–2:11) Vadzidzi vake vaimutevera paaipota nenyika yacho yose, achiparidza mashoko akanaka oUmambo. (Ruka 8:1) Akavadzidzisa basa rokuparidza, uye akatungamirira pakuparidza nokudzidzisa, achiratidza muenzaniso wakanaka. (Ruka 9:1-6) Vakuru vechiKristu mazuva ano vangaita zvakanaka vakamutevedzera panyaya iyi.

6. Kristu akaratidza sei kuti Mufudzi uye Mutungamiriri?

6 Jesu akataura chimwe chaanoita somutungamiriri paakazvifananidza nomufudzi ane rudo. Vafudzi vemakwai chaiwo vokunyika dzokumabvazuva vanoita zvokuenda pamberi pawo. Mubhuku rinonzi The Land and the Book, W. M. Thomson akanyora kuti: “Mufudzi anofamba ari pamberi, kwete zvokungoti aratidze nzira, asi kuti aone kana pachifambika uye pasina chinokuvadza. . . . Nemudonzvo [wake] anodzora uye anotungamirira makwai kumafuro akasvibira, achiadzivirira kuvavengi.” Achiratidza kuti aiva Mufudzi wechokwadi uye Mutungamiriri, Jesu akati: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai. Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera.” (Joh. 10:11, 27) Sezvaakataura, Jesu akafa rufu rwokuzvipira achifira makwai ake, asi Jehovha akamumutsa “akamuita mutungamiri nomusununguri.”—Mab. 5:31; Bhaibheri Dzvene; VaH. 13:20.

Mutariri Weungano yechiKristu

7. Jesu anoshandisa chii kutungamirira ungano yechiKristu?

7 Ava pedyo kukwira kudenga, Jesu paakamutswa akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” (Mat. 28:18) Jehovha akaita kuti Jesu ape vadzidzi vake mudzimu mutsvene kuti uvasimbise muchokwadi chechiKristu. (Joh. 15:26) Jesu akadurura mudzimu uyu pavaKristu vokutanga paPendekosti ya33 C.E. (Mab. 2:33) Kudururwa ikoko kwomudzimu mutsvene ndiko kwaiva kutanga kweungano yechiKristu. Jehovha akagadza Mwanakomana wake kuti atungamirire ungano yepasi pano ari kudenga. (Verenga VaEfeso 1:22; VaKorose 1:13, 18.) Jesu anotungamirira ungano yechiKristu achishandisa mudzimu mutsvene waJehovha, uye anoshandisa ngirozi ‘dzakaiswa pasi pake.’—1 Pet. 3:22.

8. Ndivanaani vaishandiswa naKristu kutungamirira vadzidzi vake muzana remakore rokutanga, uye ndivanaani vaanoshandisa nhasi uno?

8 Achishandisawo mudzimu mutsvene, Kristu akapa “zvipo zviri varume,” vamwe “kuti vave vafudzi nevadzidzisi” muungano. (VaEf. 4:8, 11) Muapostora Pauro akakurudzira vatariri vechiKristu kuti: “Zvichenjererei imi neboka rose, ramakagadzwa pariri nomudzimu mutsvene kuti muve vatariri varo, kuti mufudze ungano yaMwari.” (Mab. 20:28) Pakatanga ungano yechiKristu, vatariri vose ava vaiva varume vakazodzwa nomudzimu. Vaapostora nevakuru vaiva muungano yeJerusarema vaishanda sedare rinodzora. Kristu akashandisa varume ava kutungamirira boka rose re“hama” dzakazodzwa raiva pasi pano. (VaH. 2:11; Mab. 16:4, 5) Munguva ino yomugumo, Kristu akaisa “zvinhu zvake zvose,” kureva zvose zvine chokuita noUmambo, mumaoko o“muranda akatendeka, akangwara” neDare Rinodzora rinomumiririra, rinoumbwa nevarume vechiKristu vakazodzwa. (Mat. 24:45-47) Vakazodzwa nevamwe vavo vemamwe makwai vanoziva kuti kana vachitevera utungamiriri hweDare Rinodzora ririko iye zvino, vanenge vachitotevera Mutungamiriri wavo, Kristu.

Kristu Anotanga Basa Rokuparidza

9, 10. Jesu akatungamirira sei kuparadzirwa kwemashoko akanaka oUmambo?

9 Kubva pakutanga chaipo Jesu pachake ndiye akatungamirira basa rokuparidza nokudzidzisa munyika yose. Ndiye akatanga nzira yaizoshandiswa kuita kuti mashoko akanaka oUmambo asvitswe kuvanhu vose pasi pano. Paaiita ushumiri hwake, akarayiridza vaapostora vake achiti: “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye musapinda muguta revaSamariya; asi, panzvimbo paizvozvo, rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’” (Mat. 10:5-7) Izvi vakazviita vachishingaira vachiparidzira vaJudha nevanhu vakanga vakatendeukira kuchiJudha, zvikurukuru pashure pePendekosti ya33 C.E.—Mab. 2:4, 5, 10, 11; 5:42; 6:7.

10 Achishandisa mudzimu mutsvene, Jesu akazopawo basa rokuparidza Umambo kuvaSamariya nevamwe vasiri vaJudha. (Mab. 8:5, 6, 14-17; 10:19-22, 44, 45) Nechinangwa chokuti mashoko akanaka apararire kumamwe marudzi, Jesu akatendeutsa oga Sauro weTaso kuti ave muKristu. Jesu akarayiridza mudzidzi Ananiyasi kuti: “Simuka, enda kumugwagwa unonzi Wakarurama, uye tsvaka murume anonzi Sauro anobva kuTaso, pamba paJudhasi. . . . Chienda hako, nokuti kwandiri murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.” (Mab. 9:3-6, 10, 11, 15) Ari kunzi “murume uyu” ndiye akazova muapostora Pauro.—1 Tim. 2:7.

11. Kristu akashandisa sei mudzimu mutsvene kuita kuti basa rokuparidza riwedzere?

11 Pakasvika nguva yokuti basa rokuparidza Umambo ripararire kusvika kunyika dzisiri dzevaJudha, Jesu, achishandisa mudzimu mutsvene, akatuma Pauro parwendo rwoumishinari kuAsia Minor nokuEurope. Nhoroondo yakanyorwa naRuka muna Mabasa inoti: “Zvavakanga vachishumira Jehovha uye vachitsanya pachena [vaprofita vechiKristu nevadzidzisi vomuungano yeAndiyoki yeSiriya], mudzimu mutsvene wakati: ‘Pavanhu vose nditsaurirei Bhanabhasi naSauro nokuda kwebasa randakavashevedzera.’ Vakabva vatsanya, vakanyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakavarega vachienda.” (Mab. 13:2, 3) Jesu akanga adana oga Sauro weTaso kuti ave “mudziyo wakasarudzwa” kuti apupurire zita rake kumamwe marudzi; saka kuwedzera uku pabasa rokuparidza kwakabva kuna Kristu, Mutungamiriri weungano. Kushandisa kwaiita Jesu mudzimu mutsvene kwakanyatsova pachena pakaenda Pauro kurwendo rwake rwoumishinari rwechipiri. Nhoroondo yacho inoti “mudzimu waishandiswa naJesu” wakatungamirira Pauro nevamwe vake pakusarudza mafambiro avaizoita nenzvimbo dzavaizomira, uye vakaratidzwa zvimwe vachiita sevari kurota vachinzi vaende muEurope.—Verenga Mabasa 16:6-10.

Matungamiriro Anoita Jesu Ungano Yake

12, 13. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza sei kuti ziso raKristu riri pane zvose zvinoitika muungano imwe neimwe?

12 Ziso raJesu rakanga riri pazvose zvaiitika muungano yevateveri vake vakazodzwa muzana remakore rokutanga C.E. Ainyatsoziva manamatiro aiita ungano imwe neimwe. Izvi zvinova pachena patinoverenga zvitsauko 2 ne3 zvaZvakazarurwa. Anotaura ungano nomwe, dzose dzaiva muAsia Minor. (Zvak. 1:11) Hatina chikonzero chokufunga kuti akanga asingazivi manamatiro aiita dzimwe ungano dzevateveri vake dzaive pasi pano nguva iyoyo.—Verenga Zvakazarurwa 2:23.

13 Jesu akarumbidza dzimwe ungano nokuti dzaitsungirira, dzaive dzakatendeka padzaiedzwa, dzakavimbika kushoko rake, uye dzairamba kutsauka pakutenda. (Zvak. 2:2, 9, 13, 19; 3:8) Ukuwo akatsiura nesimba dzimwe dzaive norudo rwakanga rwatonhora, dzaisekerera vanhu vainamata zvidhori nevaiita ufeve, uye dzaisiya vanhu vachiita tumapoka. (Zvak. 2:4, 14, 15, 20; 3:15, 16) Somutariri ane rudo, kunyange kune vaya vaakatsiura zvine simba Jesu akati: “Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo shingaira upfidze.” (Zvak. 3:19) Kunyange zvazvo aive kudenga, Jesu aitungamirira ungano yevadzidzi vake pasi pano achishandisa mudzimu mutsvene. Panoperera mashoko aakanyorera ungano idzodzo akazivisa kuti: “Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano.”—Zvak. 3:22.

14-16. (a) Jesu anga achiratidza sei kuti Mutungamiriri akashinga wevanhu vaJehovha pasi pano? (b) Kuva kwaJesu nevateveri vake “mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino kwaita kuti basa riitwe zvakadini? (c) Tichakurukura nezvei munyaya inotevera?

14 Taona kuti Mikaeri (Jesu) akaratidza kuti aive Mutungamiriri akashinga wevaIsraeri. Akazovazve Mutungamiriri ane ushingi uye Mufudzi ane rudo wevadzidzi vake vokutanga. Paaiita ushumiri hwake pasi pano, akatungamirira pabasa rokuparidza. Uye amutswa, akava mutariri pakupararira kwemashoko akanaka oUmambo.

15 Achishandisa mudzimu mutsvene, Jesu aizopedzisira aita kuti basa rokuparidza risvike pasi kwenyika. Asati adzokera kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8; verenga 1 Petro 1:12.) Pachitungamirirwa naKristu, basa rokuparidza rakaitwa zvisina mukare akamboona muzana remakore rokutanga.—VaK. 1:23.

16 Asi Jesu pachake akaratidza kuti basa iri raizoramba richiitwa kusvikira mugumo wasvika. Pashure pokuudza vadzidzi vake kuti vaparidze uye vadzidzise vanhu munyika dzose, Jesu akavavimbisa kuti: “Ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 28:19, 20) Kubva paakapiwa simba roUmambo muna 1914, Kristu ari kutungamirira vadzidzi vake kupfuura zvaati amboita uye anavo. Basa rake rokushingaira kubvira muna 1914 richaongororwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Uprofita uhwu hwakatsanangurwa muchitsauko 11 chaFungisisa Uprofita hwaDhanieri!

Kudzokorora

• Mwanakomana waMwari akaratidza sei kuti aiva Mutungamiriri wevaIsraeri?

• Kristu anoshandisa chii kutungamirira ungano yake pasi pano?

• Kristu ari kutungamirira sei kupararira kwemashoko akanaka?

• Chii chinoratidza kuti ziso raKristu riri pamanamatiro ari kuita ungano imwe neimwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

“Ndiri kutuma ngirozi mberi kwako”

[Mufananidzo uri papeji 23]

Sezvaaingoita kare, Kristu anoshandisa “zvipo zviri varume” kuti afudze boka remakwai ake