Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zviri Kuitwa Nomutungamiriri Wedu Nhasi

Zviri Kuitwa Nomutungamiriri Wedu Nhasi

Zviri Kuitwa Nomutungamiriri Wedu Nhasi

“Akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.”—ZVAK. 6:2.

1, 2. (a) Kristu anofananidzirwa sei muBhaibheri kubvira paakagadzwa saMambo muna 1914? (b) Zvinhu zvipi zvakaitwa naKristu kubvira pakugadzwa kwake?

KRISTU akagadzwa saMambo Mesiya woUmambo hwaJehovha muna 1914. Kana tichiita zvokufungidzira, tinomuona seari kuitei? Ari mambo akagara zvake pachigaro chake achifungisisa chinyararire here, achimbokanda ziso pasi pano kuti aone kuti ungano yake yakadii? Kana ari iwo mafungiro atinoita tinofanira kuagadziridza. Mapisarema nebhuku raZvakazarurwa zvinomufananidzira ari mambo ane simba akatasva bhiza, achienda “achikunda kuti apedzise kukunda kwake,” kusvikira ‘abudirira.’—Zvak. 6:2; Pis. 2:6-9; 45:1-4.

2 Kristu achingogadzwa saMambo akatanga nokukunda “dhiragoni nengirozi dzayo.” Sengirozi huru, Mikaeri, achitungamirira ngirozi dzake, Kristu akabvisa Satani nemadhimoni ake kumatenga matsvene achivakandira pasi pano. (Zvak. 12:7-9) Adaro, se“nhume [yaJehovha] yesungano,” Jesu akauya naBaba vake kuti vaongorore temberi yokufananidzira. (Mar. 3:1) Akatonga chiKristudhomu, chinova chikamu chine mhosva kupfuura zvimwe zvose che“Bhabhironi Guru,” akachiwana chiine mhosva yeropa uye youpombwe hwokunamata hwachaiita nevezvematongerwo enyika ino.—Zvak. 18:2, 3, 24.

Kuchenesa Muranda Wake Wepasi Pano

3, 4. (a) Jesu akaita basa ripi se“nhume” yaJehovha? (b) Kuongororwa kwakaitwa temberi kwakaita kuti paonekwe chii, uye kugadza kupi kwakaitwa naJesu soMusoro weungano?

3 Kuongorora kwakaitwa naJehovha ne“nhume” yake kwakaratidza kuti pachivanze chepasi pano chetemberi iyoyo yokufananidzira paiva neboka revaKristu vechokwadi, vakanga vasiri imwe yemachechi echiKristudhomu. Zvisinei, kunyange vaKristu ivava vakazodzwa, kana kuti “vanakomana vaRevhi,” vaifanira kucheneswa. Zvakanga zvakaita sezvakanga zvafanotaurwa nomuprofita Maraki kuti: “[Jehovha] achagara pasi sezvinoita munatsi nomuchenesi wesirivha, ochenesa vanakomana vaRevhi; achavachenesa sezvinoitwa ndarama uye sezvinoitwa sirivha, uye kuna Jehovha vachava vanhu vanouya nechipo chinopiwa mukururama.” (Mar. 3:3) Jehovha akashandisa “nhume [yake] yesungano,” Kristu Jesu, kuchenesa ava vaIsraeri vokufananidzira.

4 Kunyange zvakadaro, Kristu akawana vaKristu ivavo vakazodzwa vachiita nepavaigona kuti vawanise veimba yokutenda zvokudya zvinosimbisa pakunamata. Kubvira muna 1879, vakanga vachibudisa chokwadi cheBhaibheri nezvoUmambo hwaMwari mumagazini ino, mumamiriro ezvinhu akaoma neasina. Jesu akanga aprofita kuti ‘paaizosvika’ achiongorora veimba yake pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” aizowana muranda achivawanisa “zvokudya zvavo panguva yakakodzera.” Aizotaura kuti muranda iyeye anofara uye aizomugadza “pazvinhu zvake zvose” pasi pano. (Mat. 24:3, 45-47) SoMusoro weungano yechiKristu, Kristu ari kushandisa “muranda akatendeka, akangwara” kuti afambise zvinhu zvine chokuita noUmambo pasi pano. Ari kupa “veimba yake” vakazodzwa mirayiridzo pamwe nevamwe vavo “mamwe makwai” achishandisa Dare Rinodzora.—Joh. 10:16.

Kukohwa Panyika

5. Johani akaratidzwa basa ripi raizoitwa naMambo?

5 Muapostora Johani ane zvimwe zvaakaratidzwa zvaizoitwa naMambo Mesiya “muzuva raShe,” pashure pokugadzwa muna 1914. Johani akanyora kuti: “Ndakaona, uye, tarira! gore jena, uye pagore racho pakanga pagere mumwe akafanana nomwanakomana womunhu, aine korona yendarama mumusoro make nejeko rakapinza muruoko rwake.” (Zvak. 1:10; 14:14) Johani akanzwa ngirozi yaibva kuna Jehovha ichiudza Mukohwi uyu kuti aise jeko rake nokuti “zvinokohwewa zvepanyika zvanyatsoibva.”—Zvak. 14:15, 16.

6. Jesu akati chii chaizoitika nokufamba kwenguva?

6 “Zvinokohwewa zvepanyika” izvi zvinotiyeuchidza nezvomufananidzo waJesu wegorosi nemasora. Jesu akazvifananidza nomurume akadyara gorosi mumunda make aine chinangwa chokuzokohwa pakuru gorosi rakanaka, iro rinomiririra “vanakomana voumambo,” vaKristu vechokwadi vakazodzwa vachatonga naye muUmambo. Asi “Dhiyabhorosi,” akaenda usiku akanomwaya masora, “vanakomana veakaipa.” Mudyari akaudza vashandi vake kuti vasiye gorosi richikura pamwe nemasora kusvikira nguva yokukohwa yasvika, pa“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Panguva iyoyo, aizotuma ngirozi dzake kuti dziparadzanise gorosi nemasora.—Mat. 13:24-30, 36-41.

7. Kristu ari kukohwa sei “zvinokohwewa zvepanyika”?

7 Achizadzisa zvakaonekwa naJohani, Jesu ari kuita basa rokukohwa munyika yose. “Zvinokohwewa zvepanyika” zvakatanga nokuunganidzwa kwe“vanakomana voUmambo,” vamwe ve144 000 vakanga vasara, vanova ndivo “gorosi” romumufananidzo waJesu. Kusiyana kwakaita vaKristu vechokwadi nevenhema kwakatanga kuramba kuchijeka pashure peHondo Yenyika I, zvokuti kwakaita kuti chikamu chechipiri che“zvinokohwewa zvepanyika,” kureva mamwe makwai, chitange kuunganidzwa. Ava havasi “vanakomana voumambo” asi kuti i“boka guru revanhu” vanozviisa pasi poUmambo. Vari kukohwewa kubva “kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” Vanozviisa pasi poUmambo hwaMesiya, hunoumbwa naJesu Kristu ne“vatsvene,” 144 000 vaachatonga navo muhurumende iyoyo yokudenga.—Zvak. 7:9, 10; Dhan. 7:13, 14, 18.

Kutungamirira Ungano

8, 9. (a) Chii chinoratidza kuti Kristu haangogumiri pakuongorora zvinoitwa neungano yose chete asi kuti anoongorora mararamiro omunhu mumwe nomumwe ari mairi? (b) Sezviri kuratidzwa papeji 26, “zvinhu zvakadzama zvaSatani” zvipi zvatinofanira kutambira kure nazvo?

8 Takaona munyaya yakapfuura kuti ziso raJesu rakanga risingabvi pamanamatiro aiita ungano imwe neimwe muzana remakore rokutanga. Iye zvino, saMambo ari kutonga uye akapiwa “simba rose kudenga nepanyika,” Kristu Mutungamiriri wedu ndiye musoro weungano dzose dziri pasi pose nevatariri vadzo. (Mat. 28:18; VaK. 1:18) Jehovha “akaita kuti iye ave musoro wezvinhu zvose kuungano” yevakazodzwa. (VaEf. 1:22) Sezvo zvakadaro, hapana chinoitika muungano dzinopfuura 100 000 dzeZvapupu zvaJehovha chaasingaoni.

9 Jesu akatumira mashoko kuungano yeTiyatira yekare kuti: “Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura Mwanakomana waMwari, iye ane maziso akafanana nomurazvo womoto, . . . ‘Ndinoziva mabasa ako.’” (Zvak. 2:18, 19) Akatsiura nhengo dzeungano iyoyo, nemhaka yemararamiro avo ounzenza uye kusazvibata, achiti: “Ndini iye anoongorora itsvo nomwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nomumwe maererano nemabasa enyu.” (Zvak. 2:23) Mashoko aya anoratidza kuti Kristu haangogumiri pakuona ungano yose seboka asi anoonawo mararamiro omunhu mumwe nomumwe ari mairi. Jesu akarumbidza vaKristu vomuTiyatira vakanga “vasina kusvika pakuziva ‘zvinhu zvakadzama zvaSatani.’” (Zvak. 2:24) Nhasiwo anofadzwa nevaya, vangava vakuru kana vaduku, vanoramba kuongorora “zvinhu zvakadzama zvaSatani” vachishandisa Indaneti kana kuti mitambo yemavhidhiyo yezvekurwa kana kuti nokutevedzera mafungiro evanhu okuti munhu anofanira kuita zvaanoda. Hakusi kufara kwaanoita paanoona kuedza uye kuzvipira kunoitwa nevaKristu vakawanda nhasi vanoita nepavanogona napo kuteerera zvaanotaura muupenyu hwavo!

10. Kutungamirira kunoita Kristu vakuru veungano kunofananidzirwa sei, asi urongwa hupi hunofanira kuzivikanwa?

10 Kristu anoshandisa vakuru vakagadzwa kuti atungamirire ungano nerudo. (VaEf. 4:8, 11, 12) Muzana remakore rokutanga, vatariri vose vaive vakazodzwa. Muna Zvakazarurwa vanofananidzwa nenyeredzi dziri muruoko rwaKristu rworudyi. (Zvak. 1:16, 20) Nhasi uno, vakuru veungano vakawanda ndevemamwe makwai. Vakagadzwa pashure pokunyengetera uye mudzimu mutsvene ndiwo waitungamirira, saka naivowo vanogona kunzi vari kutungamirirwa naKristu, kana kuti vari muruoko rwake. (Mab. 20:28) Zvisinei vanoziva kuti Kristu ari kushandisa boka duku revarume vechiKristu vakazodzwa seDare Rinodzora kuti atungamirire vadzidzi vake pasi pano.—Verenga Mabasa 15:6, 28-30.

“Uyai, Ishe Jesu”

11. Sei tiine shungu dzokuona Mutungamiriri wedu achiuya nokukurumidza?

11 Muzvakazarurwa zvakapiwa muapostora Johani, Jesu akataura kakati wandei kuti aizouya. (Zvak. 2:16; 3:11; 22:7, 20) Hapana mubvunzo kuti aireva kuuya kwake kuzotonga Bhabhironi Guru nenyika yose yaSatani yakaipa. (2 VaT. 1:7, 8) Nechido chokuona kuzadziswa kwezviitiko zvinoshamisa zvakanga zvataurwa, muapostora Johani akanga akwegura akati: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.” Isu tiri kurarama munguva yomugumo wenyika ino yakaipa tiri kurwarirawo kuona Mutungamiriri wedu uye Mambo achiuya musimba roUmambo kuti azotsvenesa zita raBaba vake nokureverera uchangamire hwavo.

12. Ibasa ripi richapedzwa naKristu mhepo dzokuparadza dzisati dzaregedzerwa?

12 Jesu asati aparadza sangano raSatani rinooneka, vokupedzisira ve144 000 vaIsraeri wokufananidzira vachaiswa chisimbiso chokupedzisira. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti mhepo dzokuparadza nyika yaSatani hadzisi kuzoregedzerwa, kuiswa zvisimbiso kwe144 000 uku kusati kwapera.—Zvak. 7:1-4.

13. Kristu achaita sei kuti kuvapo kwake kuoneke pachikamu chokutanga cho“kutambudzika kukuru”?

13 “Kuvapo” kwaKristu kubvira muna 1914 kwanga kusingaoneki nevakawanda vari pasi pano. (2 Pet. 3:3, 4) Zvisinei, munguva pfupi iri kutevera achaita kuti vamuone paachapa mutongo waJehovha pazvikamu zvakasiyana-siyana zvenyika yaSatani. Kuparadzwa kwo“munhu asingateereri mutemo,” ivo vafundisi vechiKristudhomu, kuchava “kuoneka kwokuvapo kwake” kusingasiyi mubvunzo. (Verenga 2 VaTesaronika 2:3, 8.) Kucharatidza zvakasimba kuti Kristu atanga basa rake soMutongi akagadzwa naJehovha. (Verenga 2 Timoti 4:1.) Kuparadzwa kwechikamu ichi chine mhosva kupfuura zvimwe zvose zveBhabhironi Guru ndiko kuchava mavambo okuparara kwakakwana kwemubatanidzwa iwoyo wezvitendero zvenhema. Jehovha achaisa mumwoyo yevatungamiriri vezvematongerwo enyika pfungwa yokuparadza hure iri rokunamata. (Zvak. 17:15-18) Ndicho chichava chikamu chokutanga cho“kutambudzika kukuru.”—Mat. 24:21.

14. (a) Mazuva echikamu chokutanga chokutambudzika kukuru achapfupikisirwei? (b) “Chiratidzo choMwanakomana womunhu” chichaita kuti vanhu vaJehovha vaite sei?

14 Jesu akati mazuva echikamu ichocho chokutambudzika achapfupikiswa “nokuda kwevakasarudzwa,” vaKristu vakazodzwa vanenge vachiri pasi pano. (Mat. 24:22) Jehovha haazobvumiri kuti kurwisa uku kwokuparadza chitendero chenhema kutsvaire vaKristu vakazodzwa nevamwe vavo vemamwe makwai. Jesu akawedzera kuti pashure po“kutambudzika kwemazuva iwayo,” kuchaitika zviratidzo pazuva, mwedzi, nenyeredzi, zvadaro “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka kudenga.” Izvi zvichaita kuti marudzi epanyika ‘azvirove achichema.’ Asi kwete vakazodzwa, avo vane tariro yokuenda kudenga, nevamwe vavo vane tariro yokurarama pasi pano. ‘Vachasimudza misoro yavo, nokuti kununurwa kwavo kunenge kuchiswedera pedyo.’—Mat. 24:29, 30; Ruka 21:25-28.

15. Kristu achaita basa rei kana auya?

15 Asati apedzisa kukunda kwake, Mwanakomana womunhu ane mamwezve mauyiro aanoita. Akaprofita kuti: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.” (Mat. 25:31-33) Apa pari kutaura nezvokuuya kwaKristu soMutongi achiparadzanisa vanhu ve“marudzi ose” achivaita mapoka maviri: “makwai,” kureva vaya vanenge vakatsigira hama dzake (vaKristu vakazodzwa vari pasi pano) uye “mbudzi,” vaya “vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaT. 1:7, 8) Makwai, ayo akatsanangurwa se“vakarurama,” achawana “upenyu husingaperi” pasi pano, asi vanonzi mbudzi “vachaenda mukugurwa kusingaperi,” kana kuti kuparadzwa.—Mat. 25:34, 40, 41, 45, 46.

Jesu Anopedzisa Kukunda Kwake

16. Mutungamiriri wedu Kristu achapedzisa sei kukunda kwake?

16 Apedza kuisa chisimbiso pamadzimambo nevapristi vaachatonga navo uye aratidza kuti aya ndiwo makwai ake oaisa kurudyi rwake kuti aaponese, Kristu anenge ava kuenderera mberi kuti “apedzise kukunda kwake.” (Zvak. 5:9, 10; 6:2) Achitungamirira uto rine simba rengirozi, uye pasina mubvunzo, aine hama dzake dzakamutswa, achaparadza nyika yose yaSatani yezvematongerwo enyika, mauto ayo, nevezvokutengeserana. (Zvak. 2:26, 27; 19:11-21) Kukunda kwaKristu kuchange kwapera kana aparadza nyika yaSatani yakaipa. Anozoisa Satani nemadhimoni mugomba rakadzikadzika kwechiuru chemakore.—Zvak. 20:1-3.

17. Kristu achatungamirira mamwe makwai kuti awane chii muKutonga Kwemakore Ane Chiuru, uye shungu dzedu ndedzokuti tidini?

17 Achitaura nezve“boka guru” remamwe makwai achapona panouya kutambudzika kukuru, muapostora Johani akaprofita kuti “Gwayana, riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu.” (Zvak. 7:9, 17) Izvi zvinoreva kuti muMakore Ane Chiuru Okutonga kwake, Kristu acharamba achitungamirira mamwe makwai, anoteerera nemwoyo wose izwi rake, achivatungamirira kuupenyu husingaperi. (Verenga Johani 10:16, 26-28.) Dai tikaramba tichitevera Mambo wedu Mutungamiriri takatendeka, iye zvino uye kusvikira munyika itsva yakapikirwa naJehovha!

Kudzokorora

• Kristu akaitei paakagadzwa?

• Ndivanaani vanooneka vari kushandiswa naKristu kutungamirira ungano?

• Ndokupi kumwe kuuya kuchaitwa noMutungamiriri wedu Kristu?

• Kristu acharamba achititungamirira sei munyika itsva?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuparadzwa kwenyika yaSatani yakaipa kuchaita kuti kuvapo kwaKristu kuoneke