Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Nei Tichifanira Kunyengetera?

Munyengetero—Nei Tichifanira Kunyengetera?

MUBHAIBHERI hapana nyaya inofarirwa uye inoita kuti munhu ave neshungu dzokuda kuziva kupfuura nyaya yomunyengetero. Chimboona mibvunzo minomwe inobvunzwa nezvemunyengetero, toongorora pamwe chete mhinduro dzacho dziri muBhaibheri. Nyaya idzi dzakanyorerwa kuti dzikubatsire kunyengetera, kureva kuti kutanga kunyengetera kana kuita kuti minyengetero yako ive nezvainonyatsoreva.

PASI rose, vanhu vemarudzi ose uye vezvitendero zvose vanonyengetera. Vanonyengetera vari voga kana kuti semapoka. Vanonyengetera mumachechi, mutemberi, mumasinagogi, kana kuti munzvimbo dzavanonamatira. Pakunyengetera vanogona kushandisa micheka yeminamato, marozari, mifananidzo, mabhuku eminamato, kana kuti minamato inenge yakaitwa zvokunyorwa yobva yakochekerwa kumadziro nezvimwewo.

Munyengetero unoita kuti tisiyane nezvimwe zvinhu zvose zvipenyu zviri pasi pano. Kunyange zvakadaro, pane zvakawanda zvatakafanana nemhuka. Tinoda zvokudya, mhepo yokufema uye mvura, sezvadzinongoitawo. Kungofanana nemhuka tinozvarwa, tinorarama uye tinofa. (Muparidzi 3:19) Asi vanhu chete ndivo vanonyengetera. Nemhaka yei?

Zvimwe chinoita kuti zvidaro ndechokuti ndiwo masikirwo atakaitwa. Pakuti munyengetero unowanzoonekwa senzira yokuti vanhu vataure nemasimba asingaoneki, avanoona sechinhu chitsvene, chinoyera kana kuti chisingafi. Bhaibheri rinoratidza kuti takasikwa tiine chido ichocho. (Muparidzi 3:11) Jesu Kristu akamboti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

Zvivako zvihombe zvemachechi zvatinoona uye maawa akawanda anopedzerwa muminamato, zvinoratidza kuti vanhu vakasikwa vane chido chokunamata. Vamwe vanoda kuzvinyengeterera voga uye vamwe vanoda kunyengetererwa nevamwe kuti vazadzise chido chavo chokunamata. Kunyange zvakadaro hauoni here kuti vanhu pachavo havagoni kubatsira zvakakwana? Simba hatina, tinongorarama kwemakore mashoma uye hatigoni kufanoona zvichaitika mune ramangwana. Munhu akachenjera, ane simba uye anorarama kwenguva isingagumi kupfuura zvatiri ndiye chete anogona kutipa zvatinoda. Chii chinomboita kuti tive nechido chokunyengetera?

Chimbofunga izvi: Wakambonzwa uchida kutungamirirwa, kuva nouchenjeri, kana kuti kuwana mhinduro dzemibvunzo isingagoni kupindurwa nevanhu here? Wakambonzwa uchida kunyaradzwa here mushure mokunge warasikirwa nechimwe chinhu, kunzwa uchida kutungamirirwa pakuita chisarudzo chakaoma, kana kuti kunzwa uchida kuregererwa mushure mokunge waremerwa nechivi?

Maererano nezvinotaurwa muBhaibheri, zvose izvozvo zvinhu zvaunogona kunyengeterera. Panyaya iyi Bhaibheri ndiro bhuku rokuvimba naro, uye rine minyengetero yevamwe varume nevakadzi vakatendeka vakawanda. Vakanyengetera kuti vanyaradzwe, vatungamirirwe, vakanganwirwe uye kuti vawane mhinduro dzemibvunzo yakaoma yavaiva nayo.—Pisarema 23:3; 71:21; Dhanieri 9:4, 5, 19; Habhakuki 1:3.

Kunyange hazvo minyengetero iyi yakanga yakasiyana, pane chimwe chinhu chakanga chakafanana pairi. Vainyengetera vacho vaiziva chinhu chinokosha chaiita kuti minyengetero yavo inzwiwe, chisingachawanzokosheswa mazuva ano. Vaiziva kuti minyengetero yavo yaifanira kuendeswa kuna ani.