Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Kuna Ani?

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Kuna Ani?

MINYENGETERO yose inoenda kumunhu mumwe chete here pasinei nokuti tanyengetera kuna ani? Mazuva ano vanhu vakawanda vanofunga kuti mhinduro ndihungu. Pfungwa iyi inofarirwa nevakawanda vanoda kuti machechi ose awadzane uye anzi akanaka, pasinei nokusiyana kwaakaita. Kuti pfungwa iyi ingava yenhema here?

Bhaibheri rinodzidzisa kuti nguva zhinji vanhu havanyengeteri kune munhu akakodzera. Kare panguva yainyorwa Bhaibheri, zvakanga zvakajairika kuti vanhu vanyengetere kuzvidhori. Asi Mwari aigara achivanyevera kuti vasaita tsika iyoyo. Somuenzaniso, Pisarema 115:4-6 richitaura nezvezvidhori rinoti: “Zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa.” Zviri kurehwa pano zvakajeka. Ungazvinetserei nokunyengetera kuna mwari asingazombokunzwi?

Imwe nyaya iri muBhaibheri inonyatsojekesa zviri kurehwa pano. Muprofita wechokwadi Eriya akaudza vaprofita vaBhaari kuti vanyengetere kuna mwari wavo, iye ozonyengeterawo kune wake. Eriya akati Mwari wechokwadi aizopindura uye wenhema hapana chaaizoita. Vaprofita vaBhaari vakabvuma vakanyengetera vanyengeterazve, vachishevedzera, asi zvakashaya basa. Nyaya yacho inoti: “Hapana aipindura, uye hapana aiteerera.” (1 Madzimambo 18:29) Ko Eriya zvakamufambira sei?

Pashure pokunge Eriya anyengetera, Mwari wake akabva amupindura ipapo, achitumira moto kubva kudenga kuti upise chibayiro chaakanga aisa. Musiyano waiva papi? Waiva pane zvakaitwa naEriya paainyengetera, zvakanyorwa pana 1 Madzimambo 18:36, 37. Munyengetero wake wakanga usina kuita murabaraba, waingova nemashoko anenge 30 muchiHebheru chepakutanga-tanga. Asi, nemashoko mashomanana iwayo Eriya akadana Mwari nezita rake rokuti Jehovha, katatu.

Bhaari, zita rinoreva kuti “muridzi” kana kuti “tenzi,” aiva mwari ainamatwa nevaKenani, uye kwaiva nanaBhaari vakasiyana-siyana munyika iyoyo. Asi Jehovha izita rakasiyana nemamwe ose, nderake oga. Mwari uyu akaudza vanhu vake kuti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu.”—Isaya 42:8.

Munyengetero waEriya neyevaprofita vaBhaari yakaenda kumunhu mumwe chete here? Tsika dzaiitwa nevanamati vaBhaari dzoupfambi uye kupisira vanhu sezvibayiro dzaiita kuti vanhu vatarisirwe pasi. Asi kunamata Jehovha kwaiita kuti vanhu vake vaIsraeri vakwidziridzwe uye kwaivasunungura patsika idzi dzaiita kuti vatarisirwe pasi. Saka chimbofunga izvi: Kana ukanyorera shamwari yako yepamwoyo tsamba, ungada here kuti inopiwa mumwe munhu ane zita rakatosiyana nereshamwari yako, uye anozivikanwa kuti munhu akashata anoita zvinopesana nezvinodiwa neshamwari yako? Chokwadi haungambodi!

Zvakaitwa naEriya kuvaprofita vaBhaari zvakaratidza kuti minyengetero yose haiendi kune munhu mumwe chete

Kana ukanyengetera kuna Jehovha, unenge uchinyengetera kuMusiki, Baba vevanhu vose. * Muprofita Isaya paainyengetera akati: “Imi, haiwa Jehovha, ndimi Baba vedu.” (Isaya 63:16) Mwari uyu ndiye airehwa naJesu Kristu paakaudza vateveri vake kuti: “Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johani 20:17) Jehovha ndiBaba vaJesu. Ndiye Mwari uyo Jesu ainyengetera kwaari uye waaidzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kwaari.—Mateu 6:9.

Bhaibheri rinotiudza kuti tinyengetere kuna Jesu, Mariya, vasande, kana kuti kungirozi here? Aiwa, tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete. Chimboona zvikonzero zviviri nei tichidaro. Chokutanga, munyengetero ndeimwe nzira yokunamata, uye Bhaibheri rinoti tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete. (Eksodho 20:5) Chechipiri, Bhaibheri rinoti Mwari “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Kunyange hazvo Jehovha achipa vamwe zvokuita, haana kumbobvira apa mumwe munhu basa iroro. NdiMwari anovimbisa kuti iye mbune ndiye anonzwa minyengetero yedu.

Saka kana uchida kuti minyengetero yako inzwiwe naMwari, yeuka izvi zvinotaurwa neMagwaro: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (Mabasa 2:21) Asi zvinoreva here kuti Jehovha anoteerera minyengetero yose yose? Kana kuti pane zvimwe zvatinofanira kuziva kana tichida kuti ateerere minyengetero yedu?

^ ndima 9 Mamwe machechi anoti hazvina kunaka kutaura zita raMwari, kunyange paunenge uchinyengetera. Asika zita iroro rinowanika kanenge ka7 000 mumitauro yepakutanga-tanga yakashandiswa pakunyora Bhaibheri, uye kakawanda kacho muri muminyengetero uye nziyo dzevashumiri vaJehovha vakatendeka.