Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Sei?

Munyengetero—Tinofanira Kunyengetera Sei?

PANYAYA yokunyengetera, zvitendero zvakawanda zvinokoshesa zvinofanira kunge zvakaitwa nemunhu zvakadai sokunyengetera wakagara, wakamira, wakapfugama, wakasimudza maoko, wakatarisa kumabvazuva nezvimwewo. Asi Bhaibheri rinotibatsira kuti tisiyane nezvinhu izvi, tonyanya kufunga nezvemubvunzo unokosha wokuti “Tinofanira kunyengetera sei?”

Bhaibheri rinoratidza vashumiri vakatendeka vaMwari vachinyengetera vari munzvimbo dzakasiyana-siyana uye vamwe vacho vainge vakamira, vamwe vakapfugama, zvichingosiyana-siyana. Vainyengetera nechomumwoyo kana kuti zvinonzwika zvichienderana nokuti vainge vari papi. Vainyengetera vakatarira kudenga kana kuti vakakotamisa musoro. Pane kushandisa mifananidzo, marozari, kana kuti mabhuku eminyengetero, vainyengetera vachitaura zvaiva pasi pemwoyo yavo. Chii chakaita kuti minyengetero yavo inzwiwe?

Sezvataurwa munyaya yapfuura, vainyengetera kuna Mwari mumwe chete, Jehovha. Pane chimwezve chavaiita chinokosha. Pana 1 Johani 5:14 panoti: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” Minyengetero yedu inofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari. Izvozvo zvinorevei?

Kuti tinyengetere maererano nezvinodiwa naMwari, tinofanira kuziva kuti zvaanoda ndezvipi. Kudzidza Bhaibheri ndiko kuchatibatsira pakunyengetera. Izvi zvinoreva here kuti kana tisiri nyanzvi dzeBhaibheri Mwari haachateereri minyengetero yedu? Aiwa, Mwari anotarisira kuti tidzidze zvaanoda, tozvinzwisisa tobva tazviita. (Mateu 7:21-23) Tinofanira kunyengeterera zvinoenderana nezvatinodzidza.

Minyengetero inoenderana nezvinodiwa naMwari, inopiwa nokutenda uye muzita raJesu, ndiyo inopindurwa

Patinodzidza nezvaJehovha uye zvaanoda, tinokura pakutenda kunova chinhu chinokosha pakunyengetera. Jesu akati: “Zvinhu zvose zvamunokumbira mumunyengetero, muine kutenda, muchazvigamuchira.” (Mateu 21:22) Kutenda hazvirevi kungobvuma zvose zvose. Asi zvinoreva kubvuma chimwe chinhu kunyange usati wachiona, nokuti panenge pane uchapupu hunoratidza kuti ndechechokwadi. (VaHebheru 11:1) Bhaibheri rakazara neuchapupu hwokuti Jehovha kunyange tisingamuoni ariko zvechokwadi, tinogona kuvimba naye, uye anoda kupindura minyengetero yevaya vane kutenda maari. Uyezve tinogona kuramba tichikumbira kuti tiwedzerwe kutenda, uye Jehovha anoda chaizvo kutipa zvatinokumbira.—Ruka 17:5; Jakobho 1:17.

Pane chimwezve chinokosha pakuziva kuti tonyengetera sei. Jesu akati: “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Saka Jesu ndiye anokwanisa kuita kuti titaure naBaba Jehovha. Ndokusaka Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengetere muzita rake. (Johani 14:13; 15:16) Izvi hazvirevi kuti tonyengetera kuna Jesu. Asi tinonyengetera muzita raJesu, tichiyeuka kuti Jesu ndiye anoita kuti tikwanise kutaura naBaba vedu vatsvene uye vakakwana.

Pane imwe nguva vateveri vaJesu vepedyo vakamukumbira kuti: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” (Ruka 11:1) Zviri pachena kuti vakanga vasiri kubvunza nezvezvinhu zvatanga tichitaura nezvazvo. Vakanga vachida kuziva zvacho zvokutaura, nemamwe mashoko vaiti, ‘Zvii zvatinganyengeterera?’