Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Zvine Basa Here Kuti Tiri Kunyengetera Tiripi Uye Nguvai?

Munyengetero—Zvine Basa Here Kuti Tiri Kunyengetera Tiripi Uye Nguvai?

UNOFANIRA kunge wakacherechedza kuti machechi akawanda anokoshesa kuva nenzvimbo dzakakura dzokunyengeterera uye kuva nenguva yaunofanira kunyengetera. MuBhaibheri pane here dzinonzi idzi ndidzo nguva uye nzvimbo dzokunyengeterera chete?

Bhaibheri rinoratidza kuti pane nguva dzakakodzera kuti tinyengetere. Somuenzaniso, Jesu asati adya pamwe nevateveri vake, akatenda Mwari nomunyengetero. (Ruka 22:17) Uye vadzidzi vake pavakaungana kuti vanamate, vakanyengetera vose. Vakaramba vachiita tsika yainge yagara ichiitwa nevaJudha mumasinagogi uye mutemberi kuJerusarema. Mwari aiva nechinangwa chokuti temberi ive “imba yokunyengeterera yemarudzi ose.”—Mako 11:17.

Vashumiri vaMwari pavanoungana vonyengetera pamwe chete, zvikumbiro zvavo zvinonzwika. Kana boka rikaungana riine mafungiro mamwe uye munyengetero ukapiwa uchivamiririra uchiratidza zvinotaurwa neMagwaro, Mwari anofadzwa nazvo. Munyengetero unotogona kuita kuti aite zvimwe zvinhu zvaaisazoita. (VaHebheru 13:18, 19) Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichinyengetera pamisangano yazvo. Unokokwa noushamwari kuImba yoUmambo iri pedyo newe kuti uzvinzwire minyengetero iyi.

Bhaibheri haritauri kuti tinofanira kunyengetera tiri panzvimbo yakati kana kuti panguva yakati chete. MuBhaibheri mune nhoroondo yevashumiri vaMwari vachinyengetera chero panguva yavaida uye nzvimbo yavaida. Jesu akati: “Paunonyengetera, pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda; ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.”—Mateu 6:6.

Tinogona kunyengetera chero nguva uye chero patinenge tiri

Izvi hazvifadzi kunzwa here? Unogona kutaura naChangamire wezvakasikwa chero nguva ipi, uri pasina vanhu, uye uchiva nechokwadi chokuti achakuteerera. Ndokusaka dzimwe nguva Jesu aimboenda kwake oga kuti anyengetere. Pane imwe nguva akapedza husiku hwose achinyengetera kuna Mwari kuti atungamirirwe pakuita chisarudzo chaikosha.—Ruka 6:12, 13.

Vamwe varume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri vakanyengetera pavaida kuita zvisarudzo zvakaoma kana kuti pavaisangana nematambudziko. Dzimwe nguva vainyengetera zvainzwika, pamwe pacho nechomumwoyo; vainyengetera vari mapoka, pamwe vari voga. Chinokosha ndechokuti vainyengetera. Mwari anotokurudzira vashumiri vake kuti: “Rambai muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17) Anoda kuramba achiteerera vaya vanoita kuda kwake. Uku hakusi kuratidza kuti anotida here?

Ichokwadi kuti munyika ino ine vanhu vasina hanya, vakawanda havana chokwadi kana munyengetero uchinyatsokosha. Zvimwe ungabvunza kuti, ‘Munyengetero unonyatsondibatsira here?’