Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munyengetero—Mwari Achanzwa Uye Achapindura Here?

Munyengetero—Mwari Achanzwa Uye Achapindura Here?

MUBVUNZO uri pamusoro apa unoita kuti vanhu vafare uye vade kuziva kuti zvinofamba sei. Bhaibheri rinoratidza kuti mazuva ano Jehovha anoteerera minyengetero. Zvatinoita ndizvo zvinoita kuti ateerere minyengetero yedu kana kuti asaiteerera.

Jesu akashora vatungamiriri vezvitendero vemuzuva rake avo vainyengetera zvounyengeri, chavaingoda chete kuzviita sokunge vanhu vanonamata. Akati vanhu ivavo vaizowana “mubayiro wavo wakakwana,” kureva kuti chavakanga vari kuzowana kurumbidzwa nevanhu chete, kwete zvavaida zvokuti Mwari avateerere. (Mateu 6:5) Ndizvowo zvinongoitika mazuva ano, vakawanda vanonyengeterera zvinoenderana nezvavanoda kwete zvinodiwa naMwari. Kusateerera mitemo inotaurwa muBhaibheri yatakurukura nezvayo kunoita kuti Mwari asavanzwa.

Ko iwewo? Mwari achanzwa uye achapindura minyengetero yako here? Mhinduro yacho hainei nokuti uri werudzi rupi, unobva kunyika ipi, kana kuti une chinzvimbo chakadini. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Mashoko iwayo anorondedzera zvauri here? Kana uchiremekedza Mwari ucharega kuita zvinhu zvinomugumbura. Kuita zvakarurama zvinoreva kuedza kuita zvinonzi naMwari zvakanaka, pane kungoita zvido zvedu kana kuti zvevamwe vanhu. Unoda here zvechokwadi kuti Mwari anzwe minyengetero yako? Bhaibheri rinokubatsira kuti ungazviita sei. *

Ichokwadi kuti vakawanda vanoda kuti Mwari aite chishamiso pakupindura minyengetero yavo. Kunyange panguva dzakanyorwa Bhaibheri, kashoma paaiita zvishamiso zvakadaro. Dzimwe nguva paitopera mazana emakore pasati paitika chimwe chishamiso. Uyezve Bhaibheri rinoratidza kuti nguva yezvishamiso yakaguma pashure pekufa kwevaapostora. (1 VaKorinde 13:8-10) Saka zvinoreva here kuti mazuva ano Mwari haachapinduri minyengetero yedu? Aiwa, hazvisizvo zvazvinoreva. Chimboona mimwe minyengetero yaanopindura.

Mwari anopa uchenjeri. Uchenjeri hwechokwadi hwose hunobva kuna Jehovha. Haanyimi uchenjeri uhwu, asi anohupa akasununguka kune vaya vanoda kutungamirirwa naye uye vanoda kurarama zvinoenderana nahwo.—Jakobho 1:5.

Mwari anopa mudzimu wake mutsvene uye anoita kuti tibatsirwe nezvibereko zvawo. Mudzimu mutsvene isimba raMwari rinoita basa. Hapana simba rinopfuura iri. Unogona kutibatsira kuti titsungirire miedzo. Unogona kutipa rugare kana tichishungurudzika. Unogona kutibatsira kuti tive nounhu hwakanaka uye hunoyemurika. (VaGaratiya 5:22, 23) Jesu akavimbisa vateveri vake kuti Mwari haanyimi chipo ichi.—Ruka 11:13.

Mwari anopa zivo kune vaya vanomutsvaka nomwoyo wose. (Mabasa 17:26, 27) Pasi rose kune vanhu vanotsvaka chokwadi nomwoyo wose. Vanoda kuziva nezvaMwari, kureva zita rake, chinangwa chake pamusoro penyika uye vanhu, uye kuti vangaswedera sei pedyo naye. (Jakobho 4:8) Zvapupu zvaJehovha zvinowanzosangana nevanhu vakadaro uye zvinofara chaizvo kuudza vamwe mhinduro dzemibvunzo yakadaro.

Ndizvo zvaita kuti utore magazini ino here? Uri kutsvaka Mwari here? Zvimwe aya ndiwo mapinduriro aari kuita munyengetero wako.

^ ndima 5 Kuti unzwe zvimwe zvine chokuita nekuti unganyengetera sei kuti unzwiwe naMwari, ona chitsauko 17 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.