Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?

Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?

Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?

“Pamunoungana, . . . zvinhu zvose ngazviitike nokuda kwokuvaka.”—1 VAK. 14:26.

1. Maererano na1 VaKorinde chitsauko 14, ndechipi chinangwa chinokosha chemisangano yechiKristu?

‘MUSANGANO uyu wandibatsira zvokuti!’ Wakambotaura mashoko akadaro wapinda musangano paImba yoUmambo here? Unofanira kunge wakambodaro! Misangano yeungano zvechokwadi inokurudzira. Izvozvo hazvitishamisi nokuti mumazuva evaKristu vekutanga, chinangwa chavaiitira misangano chaiva chokusimbisa vanhu pakunamata, chinova ndicho chinangwa cheduwo. Cherechedza kuti muapostora Pauro akasimbisa sei chinangwa chemisangano yechiKristu mutsamba yake yokutanga kuvaKorinde. Muchitsauko 14 chose, anotaura ataurazve kuti zvose zvinoitwa pamisangano yeungano zvinofanira kuva nechinangwa chimwe chete, “kuti ungano ivakwe.”Verenga 1 VaKorinde 14:3, 12, 26. *

2. (a) Chii chinoita kuti misangano ivake? (b) Mubvunzo upi watichakurukura?

2 Tinoziva kuti mudzimu waMwari ndiwo unoita kuti misangano ivake uye idzidzise. Saka tinotanga misangano yedu nomunyengetero unobva pamwoyo tichikumbira Baba vedu vokudenga Jehovha kuti vakomborere kuungana kwedu nomudzimu wavo mutsvene. Kunyange zvakadaro tinoziva kuti vanhu vose vari muungano vanogona kuita kuti misangano ivake. Saka kana zvakadaro mumwe nomumwe wedu angatora nhanho dzipi kuti misangano yevhiki nevhiki inoitwa paImba yoUmambo igare ichibatsira vanhu uye ichikurudzira panyaya dzokunamata?

3. Misangano yechiKristu inokosha zvakadini?

3 Kuti tipindure mubvunzo uyu, tichaongorora mimwe misangano yatinoita nezvinofanira kuyeukwa nevanoiitisa. Tichakurukurawo kuti ungano yose ingaita sei kuti misangano ikurudzire vose vanenge varipo. Nyaya iyi inokosha zvikuru kwatiri nokuti misangano mitsvene. Chaizvoizvo kupinda uye kuita zvimwe zvinhu pamisangano kunotova kunamata Jehovha kwatinenge tichiita.—Pis. 26:12; 111:1; Isa. 66:22, 23.

Musangano Wakarongwa Kuti Ubatsire Pakudzidza Bhaibheri

4, 5. Chinangwa cheChidzidzo cheNharireyomurindi ndechei?

4 Tose tinoda kubatsirwa zvakazara neChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki. Saka kuti tinyatsonzwisisa chinangwa chikuru chemusangano iwoyo, ngationgororei zvimwe zvinhu zvakagadziridzwa pamagazini yeNharireyomurindi uye panyaya dzokudzidza.

5 Kutangira pamagazini yokudzidza yeNharireyomurindi, yaJanuary 15, 2008, pane chimwe chinhu chikuru chakawedzerwa pabutiro remagazini ino. Wakachicherechedza here? Nyatsotarira magazini yawakabata. Nechepazasi pomufananidzo wenharire apo, pane Bhaibheri rakavhurika. Mufananidzo iwoyo wakawedzerwa unoratidza chinangwa chikuru chinoitirwa Chidzidzo cheNharireyomurindi. Ndechokudzidza Bhaibheri tichibatsirwa nemagazini iyi. Izvi zvinoreva kuti paChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki, Shoko raMwari rinenge ‘richitsanangurwa,’ uye sezvaiitwa mumazuva aNehemiya, rinenge ‘richidudzirwa.’—Neh. 8:8; Isa. 54:13.

6. (a) Chii chakagadziridzwa paChidzidzo cheNharireyomurindi? (b) Chii chinofanira kuyeukwa nezvemagwaro akanzi “verenga”?

6 Chidzidzo cheNharireyomurindi chakagadziridzwa nokuti Bhaibheri ndiro musimboti wezvatinenge tichidzidza. Magwaro akati wandei ari munyaya dzokudzidza akanzi “verenga.” Tose tinokurudzirwa kuverengawo mumaBhaibheri edu magwaro aya pamwe chete neanenge anzi averenge mumusangano uyu. (Mab. 17:11) Zvakanakirei? Kana tichiona zano raMwari muBhaibheri redu pachedu, rinobva ranyatsodzika midzi matiri. (VaH. 4:12) Saka magwaro akadaro asati atanga kuverengwa, anenge achiitisa anofanira kupa vanhu nguva yakakwana yokuti vaavhure kuti vaverengewo paanenge achiverengwa.

Pava Nenguva Yakawanda Yokuti Tipindure

7. Tine mukana wokuita sei paChidzidzo cheNharireyomurindi?

7 Pane chimwezve chinhu chakagadziridzwa panyaya dzokudzidza dzeNharireyomurindi nezveurefu hwadzo. Mumakore achangopfuura, dzava pfupi. Saka paChidzidzo cheNharireyomurindi, nguva yakawanda haichapedzerwi pakuverenga ndima asi kuti yava kushandiswa pakupindura. Vakawanda vari muungano vava nomukana wokuudzawo vamwe kutenda kwavo vachipindura mibvunzo iri munyaya yacho, vachitsanangura kushanda kunoita rugwaro, kana kuti vachirondedzera chimwe chinhu chakamboitika chinoratidza kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuchenjera, kana kuti vachipindurawo nedzimwe nzira. Panofanirawo kuva nenguva yokukurukura mifananidzo.—Verenga Pisarema 22:22; 35:18; 40:9.

8, 9. Muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi anoita basa rei?

8 Zvisinei, kuti nguva iyoyo yokupindura mhinduro dzakasiyana-siyana ivepo ndokunge vanhu vachipa mhinduro pfupi uye ari kuitisa wacho asingataurisi pachidzidzo chacho. Saka muitisi angaite sei kuti azive pokugumira pakuwanda kwemashoko aanotaura nepaanosiyira ungano kuitira kuti musangano wacho uvake?

9 Kuti tipindure mubvunzo uyu ngatifungei nezvomuenzaniso unotevera. Chidzidzo cheNharireyomurindi chakafanana nesumbu remaruva okushongedza akasunganidzwa pamwe chete rinoyevedza. Sezvakangoitawo zisumbu guru kuti rinenge riine maruva akawanda akasiyana-siyana, ndizvo zvakangoita Chidzidzo cheNharireyomurindi pakuti chinoumbwa nemhinduro dzakasiyana-siyana. Uye sezvo maruva ari musumbu racho akakura zvakasiyana-siyana uye aine ruvara rwakasiyana, mhinduro dzinopiwa pamusangano wacho dzine urefu nemapirwo zvakasiyana-siyana. Ko muitisi angafananidzwa nei ipapa? Mashoko ake aanopa pano neapo akafanana nemashizha akasvibira ari pakati pemaruva iwayo. Mashizha aya haabve awandisa; asi kuti anoita kuti sumbu iri riratidzike uye rioneke sechinhu chimwe. Saizvozvowo, anenge achiitisa anofanira kuyeuka kuti basa rake harisi rokuvharidzira mhinduro dzevanhu dzokurumbidza asi kuti kudziita kuti dzinyatsonzwika. Kureva kuti mashoko akawanda anotaurwa neungano akasangana nemashomanana anotaurwa nomuitisi panguva yakafanira, anobva aita sesumbu remaruva rakanaka rinofadza vose varipo pamusangano.

“Ngatigarei Tichipa Mwari Chibayiro Chokurumbidza”

10. VaKristu vokutanga vaiona sei misangano yeungano?

10 Marondedzerero anoita Pauro misangano yechiKristu pana 1 VaKorinde 14:26-33 anotibatsira kunzwisisa kuti misangano iyoyo yaiitwa sei muzana remakore rokutanga. Ichitsanangura ndima idzi, imwe nyanzvi yeBhaibheri yakanyora kuti: “PaChechi yokutanga zvinofanira kunge zvaioneka kuti munhu wose aiuya achiziva kuti yaiva ropafadzo uye basa rake kuti ataure chimwe chinhu chichabatsira vamwe. Munhu akanga asingauyi nechinangwa chokungoteerera akagara; akanga asingauyi kuzogamuchira, asi kuti aiuya kuzopa.” Zvechokwadi vaKristu vokutanga vaiona misangano semikana yokutaura zvavanotenda.—VaR. 10:10.

11. (a) Chii chinonyanya kuita kuti misangano ivake, uye sei zvakadaro? (b) Mazano api atingashandise kuti mhinduro dzedu pamisangano dzivandudzike? (Ona mashoko omuzasi.)

11 Kutaura zvatinotenda pamisangano kunobatsira zvikuru “kuti ungano ivakwe.” Zvechokwadi unobvuma kuti pasinei nokuti tapinda misangano kwemakore akawanda sei, hatineti kunakidzwa nemhinduro dzinopiwa nehama dzedu nehanzvadzi. Zvinotifadza patinonzwa mhinduro inobva pamwoyo inopiwa nehama kana hanzvadzi yechikuru; tinokurudzirwa nemashoko ouchenjeri anotaurwa nomukuru; uye tinonyemwerera patinonzwa mwana chitaura kuda kwaanoita Jehovha asingaiti zvokuverenga. Zviri pachena kuti tose patinopa mhinduro, tinoita kuti misangano yeungano ivake. *

12. (a) Tinodzidzei pamuenzaniso waMosesi naJeremiya? (b) Munyengetero unobatsira sei pakupindura?

12 Zvisinei, pane vamwe vanonyara zvokuti kupindura ibasa chairo. Kana zviri izvo zvauri, zvinogona kukubatsira kana ukayeuka kuti hausi iwe watanga nedambudziko iri. Tingatoti kunyange vashumiri vaMwari vakatendeka vakadai saMosesi naJeremiya vakaratidza kuti vakanga vasina chivimbo chokuti vangakwanisa kutaura nevanhu. (Eks. 4:10; Jer. 1:6) Asi sezvo Jehovha akabatsira vashumiri vake ivavo vekare kuti vamurumbidze, achakubatsirawo kupa zvibayiro zvokumurumbidza. (Verenga VaHebheru 13:15.) Ungabatsirwa sei naJehovha kuti ukurire kutya kwaunoita kupindura? Chokutanga, nyatsogadzirira musangano wacho. Kana wagadzirira, usati waenda kuImba yoUmambo, nyengetera kuna Jehovha uchimuteterera kuti akupe ushingi hwokupindura. (VaF. 4:6) Unenge uchikumbira chimwe chinhu “maererano nezvaanoda,” saka unogona kuva nechivimbo kuti Jehovha achapindura munyengetero wako.—1 Joh. 5:14; Zvir. 15:29.

Misangano Ine Chinangwa ‘Chokuvaka Nokukurudzira Nokunyaradza’

13. (a) Misangano yedu inofanira kuita sei vanenge varipo? (b) Mubvunzo upi unokosha kuvakuru?

13 Pauro anoti chinangwa chikuru chemisangano yeungano ‘ndechokuvaka, kukurudzira uye kunyaradza’ vanenge varipo. * (1 VaK. 14:3) Vakuru vechiKristu nhasi vangava sei nechokwadi kuti hurukuro dzavanopa pamisangano dzinokurudzira uye dzinonyaradza hama dzavo nehanzvadzi? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatifungei nezvomusangano wakaitiswa naJesu achangomutswa.

14. (a) Zvii zvakanga zvaitika Jesu asati aronga mumwe musangano? (b) Chii chingave chakaita kuti vaapostora vazorodzwe apo “Jesu akaswedera pedyo, akataura navo”?

14 Kutanga, cherechedza zvakanga zvaitika asati aita musangano wacho. Jesu ava pedyo kuurayiwa, vaapostora “vakamusiya, vakatiza,” uye sezvakanga zvagara zvataurwa ‘vakapararira mumwe nomumwe kumba kwake.’ (Mako 14:50; Joh. 16:32) Paakazomutswa, Jesu akakoka vaapostora vake vakanga vakasuruvara kuti vazovapo pamusangano uyu unokosha. * Pavakazvinzwa, “vadzidzi vane gumi nomumwe chete vakaenda kuGarireya kugomo uko Jesu akanga arangana navo.” Pavakasvika, “Jesu akaswedera pedyo, akataura navo.” (Mat. 28:10, 16, 18) Imbofungidzira kuti vaapostora vanofanira kunge vakatura mafemo sei Jesu paakatanga iye kutaura navo! Jesu akakurukura nezvei?

15. (a) Jesu akakurukura nezvei, asi chii chaasina kutaura nezvacho? (b) Musangano iwoyo wakaita kuti vaapostora vanzwe sei?

15 Jesu akatanga nokuzivisa kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Adaro akabva avapa basa achiti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Akazopedzisa nokuvasimbaradza norudo achiti: “Ndinemi mazuva ose.” (Mat. 28:18-20) Asi wacherechedza here zvisina kuitwa naJesu? Haana kupopotera vaapostora vake; haanawo kushandisa musangano wacho kuvaongorora kana vaiva nevavariro dzakanaka kana kuvaita kuti vawedzere kunzwa vaine mhosva yokumusiya kwavakanga vamboita. Panzvimbo paizvozvo Jesu akavapa chivimbo chokuti iye naBaba vake vaivada saka vakavapa basa rakakura zvikuru. Zvakaitwa naJesu izvi zvakaita kuti vaapostora vanzwe sei? Vakavakwa, vakakurudzirwa, uye vakanyaradzwa zvokuti pashure pemazuva akati kuti vakatangazve ku“dzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka.”—Mab. 5:42.

16. Vakuru vechiKristu vanotevedzera Jesu sei pakuitisa misangano inozorodza?

16 Vakuru nhasi uno vanotevedzera Jesu nokuona misangano semikana yokupa vavanonamata vano chivimbo chokuti Jehovha anoda vanhu vake. (VaR. 8:38, 39) Saka kana vaine hurukuro, vakuru vanofanira kuisa pfungwa dzavo pazvakanaka zviri kuitwa nehama dzavo kwete zvadziri kukundikana. Havadi kuona hama kunge dzine vavariro dzakaipa. Panzvimbo pokudaro mashoko avo anoratidza kuti vanoona hama dzavo sevanhu vanoda Jehovha uye vanoda kuita zvakarurama. (1 VaT. 4:1, 9-12) Ichokwadi kuti vakuru vane imwe nguva havo yavanofanira kupa zano rokugadzirisa zvinhu kuungano yose, asi kana vari vanhu vashomanana vari kukanganisa, zvinowanzova zvakanaka kupa zano rakadaro vanhu vacho vari voga. (VaG. 6:1; 2 Tim. 2:24-26) Pavanenge vachitaura neungano yose, vakuru vanofanira kuvavarira kurumbidza zvakanaka zvinenge zvichiitwa. (Isa. 32:2) Vanoedza kutaura zvokuti munhu wose aripo anonzwa azorodzwa uye asimbaradzwa panopera musangano wacho.—Mat. 11:28; Mab. 15:32.

Misangano Inonyaradza

17. (a) Sei iye zvino zvichikosha kupfuura zvazvaiita kare kuti misangano yedu inyaradze? (b) Iwe ungaita sei kuti misangano ivake? (Ona bhokisi rakanzi “Nzira Gumi Dzokuita Nadzo Kuti Misangano Ikuvake Uye Ivakewo Vamwe.”)

17 Nyika yaSatani pairi kuwedzera kudzvinyirira, tinoda kuva nechokwadi kuti kuungana kwedu kwechiKristu kunonyaradza vose vanenge varipo. (1 VaT. 5:11) Imwe hanzvadzi yakasangana nemuedzo wakakura pamwe nomurume wayo makore akapfuura inoyeuka kuti: “Kuva paImba yoUmambo kwakanga kwakaita sokunge tiri mumaoko aJehovha ane rudo. Panguva yataivepo, takakombwa nehama dzedu nehanzvadzi, taiona kuti taikwanisa kukanda mutoro wedu pana Jehovha, uye tainzwa tamboti zorodzwei.” (Pis. 55:22) Dai vose vanopinda misangano yedu vakakurudzirwa uye vakanyaradzwawo saizvozvo. Kuti tive nechokwadi kuti izvozvo zvaitika, ngatirambei tichiita kuti misangano yedu yechiKristu ivake.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Zvakagara zvataurwa kuti zvimwe zvinhu zvaiitwa pamisangano yechiKristu zvaizoguma. Somuenzaniso, haticha“taura nendimi” kana “kuprofita.” (1 VaK. 13:8; 14:5) Kunyange zvakadaro, mirayiridzo yaPauro inoita kuti tinzwisise kuti misangano yechiKristu inofanira kuitwa sei nhasi uno.

^ ndima 11 Kuti uwane mazano okuti ungavandudza sei mhinduro dzako pamisangano, ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 2003, mapeji 19-22.

^ ndima 13 Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinotsanangura nezvokusiyana kwakaita shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kurudzira” nerakashandurwa kuti “nyaradza” richiti “nyaradza” rinopa “pfungwa younyoro kupfuura [kurudzira].—Enzanisa naJohani 11:19.

^ ndima 14 Ichi chinogona kuva ndicho chiitiko chakanyorwa nezvacho naPauro paakati Jesu “akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu.”—1 VaK. 15:6.

Ungapindura Sei?

• Misangano yechiKristu inokosha zvakadini?

• Sei mhinduro dzinopiwa pamisangano dzichibatsira kuita “kuti ungano ivakwe”?

• Chii chinogona kudzidzwa pamusangano wakaitwa naJesu nevateveri vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 22, 23]

NZIRA GUMI DZOKUITA NADZO KUTI MISANGANO IKUVAKE UYE IVAKEWO VAMWE

Gadzirira nguva ichiripo. Kana ukagara wadzidza nyaya dzichakurukurwa kuImba yoUmambo, uchanyatsonakidzwa nemisangano zvokuti zvaunenge wadzidza hazvibvi mumusoro.

Gara uchipinda. Sezvo munhu wose achifara kana vanhu vauya kumisangano vakawanda, kana iwe wauya unenge watowedzerawo varipo.

Svika nenguva. Kana musangano ukatanga watogara pasi, uchakwanisa kubatana nevamwe pakuimba nepamunyengetero, izvo zvinobatanidzwa pakunamata kwatinoita Jehovha.

Uya nezvose zvichashandiswa. Uya neBhaibheri rako nemabhuku achadzidzwa pamusangano wacho kuitira kuti utarisewo unyatsobata zvinenge zvichidzidzwa.

Usaita zvinokutadzisa kuteerera. Somuenzaniso, mashoko aunenge watumirwa panhare yeserura unofanira kuzoaverenga misangano yapera. Uku ndiko kuisa nyaya dzako woga panguva yakadzifanira.

Pindurawo. Kana vanhu vakawanda vachipindura, vakawanda vachakurudzirwa uye vachavakwa nemashoko akasiyana-siyana okutenda.

Usanyanyorebesa mhinduro dzako. Izvi zvinopa vakawanda mukana wokupindurawo.

Ipa hurukuro dzawakapiwa uye mienzaniso. Kana wakapiwa hurukuro paChikoro chaMwari choUshumiri kana kuti uine zvauchaitawo pamusangano webasa, nyatsogadzirira, dzidzira zvauchada kuzoita pahurukuro yacho nguva ichiripo, uye edza kuuya kuzopa hurukuro yako kana kuti muenzaniso.

Rumbidza vanenge vaine zvavaita. Udza vaya vane hurukuro kana kuti vanopa mhinduro kuti unofadzwa chaizvo nezvavanoita.

Shamwaridzana nevamwe. Kukwazisa noushamwari uye hurukuro dzinovaka misangano isati yatanga uye pashure pacho zvinoita kuti misangano inyanye kunakidza uye ibatsire.