Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari

Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari

Vechiduku—Tungamirirwai Neshoko raMwari

“Wana uchenjeri, wana kunzwisisa.”—ZVIR. 4:5.

1, 2. (a) Chii chaibatsira muapostora Pauro kuti akunde makakatanwa aiitika maari? (b) Ungawana sei uchenjeri nenzwisiso?

“PANDINODA kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” Unoziva here kuti ndiani akataura mashoko aya? Hapana mumwe kunze kwemuapostora Pauro. Kunyange zvazvo Pauro aida Jehovha, pane dzimwe nguva dzaaiona riri basa chairo kuti aite zvakarurama. Ainzwa sei nemakakatanwa aya aiitika maari? “Ndiri munhu wenhamo!” akanyora kudaro. (VaR. 7:21-24) Unombonzwawo sezvaiita Pauro here? Unomboona zvichikuomera kuita zvakarurama here? Izvi zvinokukangaidza sezvazvaiita Pauro here? Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Pauro akabudirira paaitarisana nematambudziko saka iwe unogonawo kudaro.

2 Pauro akabudirira nokuti aibvuma kutungamirirwa ne“mashoko anopa utano.” (2 Tim. 1:13, 14) Izvi zvakaita kuti awane uchenjeri uye nzwisiso zvaaida kuti akurire matambudziko uye aite zvisarudzo zvakanaka. Jehovha Mwari anogona kukubatsira kuwana uchenjeri nenzwisiso. (Zvir. 4:5) Akatipa zano rakanakisisa muShoko rake, Bhaibheri. (Verenga 2 Timoti 3:16, 17.) Ngatikurukurei kuti ungabatsirwa sei nepfungwa dziri muMagwaro pakuteerera vabereki, pamashandisiro aunoita mari, uye kana uri woga.

Kutungamirirwa neShoko raMwari Mumhuri

3, 4. Chii chingava chichiita kuti uomerwe nokuteerera mitemo yevabereki vako, asi vabereki vanokupirei mitemo iyi?

3 Unoona zvichikuomera kutevedzera mitemo yevabereki vako here? Zvingava zvichikonzerwa nei? Chimwe chikonzero chingava chokuti unodawo kumboti sunungukei. Izvi zvinowanika mumunhu wose. Ndiko kunonzi kukura kwacho. Zvisinei, kana uchiri pamba unofanira kuteerera vabereki vako.—VaEf. 6:1-3.

4 Kunzwisisa chinangwa chaunopirwa mitemo nevabereki vako kunogona kuita kuti zvikuitire nyore kuiteerera. Ichokwadi kuti pane pamwe pokuti unonzwa sezvaiita Brielle ane makore 18, * uyo akati nezvevabereki vake: “Vakanganwa zvachose kuti munhu anonzwa sei kana ari pazera rangu. Havadi kuti nditomboti bufu, kana kuita chisarudzo, uye havasi kuda kuti ndikure.” Iwewo unogona kunzwa saBrielle, uchifunga kuti vabereki vako vari kukunyima rusununguko rwaunofunga kuti unofanira kuva narwo. Zvisinei, chinonyanya kuita kuti vabereki vako vagadze mitemo ndechokuti vane hanya newe. Uyezve, vabereki vechiKristu vanoziva kuti vachazvidavirira kuna Jehovha pamusoro pokuti vaikurera sei.—1 Tim. 5:8.

5. Kuteerera vabereki vako kungakubatsira sei?

5 Zviripo ndezvokuti, kuteerera mitemo yevabereki vako kwakafanana nokubhadhara chikwereti chawakapiwa nebhengi, pakuti mabhadhariro aunoita ndiwo anotaura kana bhengi racho richizokupa chimwezve chikwereti. Saizvozvowo iwe unofanira kuremekedza vabereki vako uye kuvateerera. (Verenga Zvirevo 1:8.) Kuteerera kwaunoita ndiko kunotaura kana vachizokupa rusununguko rwakawedzerwa. (Ruka 16:10) Zviri pachena kuti kana uchigara uchingotyora mitemo yacho, hazvingakushamisi kana vabereki vakaderedza rusununguko rwavanokupa kana kuti vakakunyima zvachose.

6. Vabereki vangabatsira sei vechiduku kuti vateerere?

6 Imwe nzira yokuti vabereki vabatsire vana vavo kuteerera mitemo yavo ndeyokuti ivo vave nomuenzaniso wakanaka. Kana ivo vachiteerera Jehovha nemwoyo wose vacharatidza kuti mitemo yaMwari haina kuoma. Izvi zvichaita kuti zvive nyore kuti vechiduku vaone mitemo yevabereki vavo saizvozvo. (1 Joh. 5:3) Uyezve Bhaibheri rinotaura nezvepamwe pakabvumirwa naJehovha kuti vashumiri vake vataurewo zvavanofunga nezvedzimwe nyaya. (Gen. 18:22-32; 1 Madz. 22:19-22) Zvingavawo zvakanaka kuti vabereki vambopawo vana vavo mukana wokutaurawo zvavanofunga pane dzimwe nyaya.

7, 8. (a) Nderipi rimwe dambudziko rinotarisana nevechiduku? (b) Kuziva chii kunogona kukubatsira kuti ushandise chirango?

7 Vechiduku vanogonawo kutarisana nekwavanoona sokutsoropodzwa nevabereki vavo. Dzimwe nguva ungava wakanzwa sezvakaita mumwe mukomana anonzi Craig, akati, “Amai vangu vaiita somupurisa anofeyafeya nyaya, vachingotsvaka zvandinenge ndatadza.”

8 Kazhinji kana uchitsoropodzwa unenge uchitorangwa. Bhaibheri rinobvuma kuti chirango, kunyange kana paine zvatatadza, chinorwadza. (VaH. 12:11) Chii chingakubatsira kuti chirango chaunenge wapiwa chishande? Chinhu chinokosha kuti uyeuke ndechokuti zano raunopiwa nevabereki vako rinobva pakukuda kwavanoita. (Zvir. 3:12) Vanoda kuti usaita tsika dzakaipa asi kuti uve nedzakanaka. Pamwe vabereki vako vanoziva kuti vakarega kukudzora, zvakangofanana nokuratidza kuti vanokuvenga! (Verenga Zvirevo 13:24.) Nzwisisawo kuti kudzidza kunobva pakukanganisa. Saka kana ukagadziriswa zvawakanganisa, tsvaka uchenjeri huri mune zviri kutaurwa. “Kuva [nouchenjeri] sepfuma kuri nani kupfuura kuva nesirivha sepfuma, uye kuva nahwo sezvibereko kuri nani kupfuura ndarama.”—Zvir. 3:13, 14.

9. Pane kungoramba pfungwa dzavo dziri pazvinhu zvavangafunga kuti vatadzirwa, vechiduku vangaite sei?

9 Zvisinei, vabereki vanokanganisawo. (Jak. 3:2) Pavanokuranga, vanogona kurasa muromo. (Zvir. 12:18) Chii chingava chichiita kuti vabereki vako vaite saizvozvo? Vanogona kunge vaine zvimwe zviri kuvanetsawo, kana kuti vangave vachiona sokunge kuti kukanganisa kwako kukundikana kwavo. Pane kuti ungoramba pfungwa dzako dziri pane zvaunofunga kuti watadzirwa, wadii kuratidza kuti unotenda kuti vane chido chokukubatsira? Ukadzidza kubvuma chirango zvichazokubatsira kana wakura.

10. Zvingakuitira sei nyore kuteerera vabereki vako uye kubvuma chirango?

10 Unoda kuti zvikuitire nyore here kuteerera mitemo uye kubvuma chirango chevabereki vako? Kana zvakadaro unofanira kugadziridza matauriro ako uye nzira yaunoteerera nayo. Ungazviita sei? Chokutanga kuteerera. Bhaibheri rinoti: ‘Kurumidza kunzwa nonoka kutaura, nonoka kuva nehasha.’ (Jak. 1:19) Pane kukurumidza kupa tuzvikonzero, edza kuzvidzora uise mupfungwa zvauri kuudzwa nevabereki vako. Isa pfungwa dzako pane zviri kutaurwa kwete mataurirwo azviri kuitwa. Wadaro dzokorora zvataurwa nevabereki vako uchishandisa mashoko ako, woataura kwavari noruremekedzo. Ukadaro uchaita kuti vavimbe kuti wanzwa zvavataura. Ko kana uri kuda kupa chikonzero chezvawaita kana kuti zvawataura? Kazhinji zvakanaka kuti ‘udzore miromo’ yako kusvikira waita zviri kutaurwa nevabereki vako. (Zvir. 10:19) Kana vabereki vako vangoona kuti wavateerera, vachange vagadzirira kukuteerera. Kuita zvinhu nenzira yechikuru yakadai kunoratidza kuti uri kutungamirirwa neShoko raMwari.

Kutungamirirwa neShoko raMwari Pakushandisa Mari

11, 12. (a) Shoko raMwari rinotikurudzira kuita sei nemari, uye sei richidaro? (b) Vabereki vako vangakubatsira sei kuti uchengetedze mari yako?

11 “Mari inodzivirira,” rinodaro Bhaibheri. Asi ndima iyoyi inoratidzazve kuti uchenjeri hunotokosha kupfuura mari. (Mup. 7:12) Shoko raMwari rinotikurudzira kubata mari noungwaru, kwete kuida. Zvakaipirei kuti tide mari? Funga nezvomuenzaniso uyu: Kana richishandiswa naamai vachibika nounyanzvi, banga mudziyo une basa zvikuru. Asi banga iroro kana riri mumaoko momunhu asina kuisa pfungwa pane zvaari kuita rinogona kukuvadza. Kana mari ikashandiswa noungwaru, ine basa zvikuru. Asi, “vaya vakatsunga kupfuma” vanowanzopedzisira varasa mhuri dzavo, hama neshamwari, kunyange Mwari. Izvi zvinoita kuti vazvibaye “pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—Verenga 1 Timoti 6:9, 10.

12 Ungadzidza sei kushandisa mari noungwaru? Wadii kubvunza vabereki vako kuti ungaronga sei mashandisiro aungaita mari yako? “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo, uye munhu anonzwisisa ndiye anowana kutungamirira kwounyanzvi,” akanyora kudaro Soromoni. (Zvir. 1:5) Mumwe musikana anonzi Anna akabvunza mazano kuvabereki vake. Anoti, “Baba vangu vakandidzidzisa kunyora pasi mashandisiro andingaita mari yangu uye vakandiratidza kuti zvinokosha zvakadini kuva akarongeka pakushandisa mari mumhuri.” Amai vaAnna vakamuudza zvimwe zvidzidzo zvokushandisa. “Vakandiratidza kuti zvinokosha kutanga waenzanisa mitengo usati watenga,” anodaro Anna. Zvakamubatsira sei? Anopindura kuti: “Iye zvino ndinonyatsochengetedza mari dzangu. Handingopfachuri-pfachuri mari, saka handigari ndichitemeswa musoro nezvikwereti zvisina nebasa rose.”

13. Ungazvidzora sei panyaya yokushandisa mari?

13 Kana ukaita tsika yokutenga zvechivhurumukira kana kuti yokushandisa mari kuti ungofadza shamwari dzako unogona kuona wava kunyura muchikwereti. Chii chingakubatsira kuti usapinda mumisungo yakadaro? Unofanira kudzidza kuzvidzora panyaya yokushandisa mari. Ndizvo zvinoitwa naEllena, ane makore angoti pfuurei 20. Anoti, “Pandinoenda neshamwari dzangu kunotenga, ndinogara ndaronga kuti imarii yandisingadi kupfuudza pakushandisa. . . . Ndinoonawo zvichibatsira kuenda kunotenga ndiine shamwari dzinoshandisa mari noungwaru uye dzinondikurudzira kutanga ndamboenzanisa mitengo kwete kuti chandatanga kuona ndichocho.”

14. Sei uchifanira kungwarira “simba rinonyengera repfuma”?

14 Kuwana mari uye kuichengetedza chinhu chinokosha muupenyu. Zvisinei, Jesu akati vaya “vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu” ndivo vanofara zvechokwadi. (Mat. 5:3) Akanyevera kuti manamatiro omunhu anogona kuvhungwa nezvinhu zvakadai se“simba rinonyengera repfuma.” (Mako 4:19) Saka zvinokosha chaizvo kuti ubvume kutungamirirwa neShoko raMwari kuti usabva waona kunge mari inokosha kupfuura kunamata!

Kutungamirirwa neShoko raMwari Paunenge Uri Woga

15. Ndepapi panonyanya kuedzwa kuvimbika kwako kuna Mwari?

15 Unofunga kuti ndepapi panonyanya kuedzwa kuvimbika kwako kuna Mwari, paunenge uine vamwe kana kuti uri woga? Kana uri kuchikoro kana kuti kubasa unenge wakagadzirira kudzivirira kutenda kwako. Unenge wakangwarira zvinhu zvinogona kukanganisa ukama hwako naMwari. Paunenge wakapombonoka zvako usina kungwarira ndipo pari nyore kuti ukama hwako naJehovha hukanganiswe.

16. Sei uchifanira kuteerera Jehovha kunyange uri woga?

16 Sei uchifanira kuteerera Jehovha kunyange uri woga? Yeuka izvi: Unogona kurwadzisa Jehovha kana kuti kumufadza. (Gen. 6:5, 6; Zvir. 27:11) Zvaunoita zvinogona kurwadzisa kana kuti kufadza Jehovha nokuti ‘ane hanya newe.’ (1 Pet. 5:7) Anoda kuti umuteerere kuti zvikunakire. (Isa. 48:17, 18) Vamwe vashumiri vaJehovha muIsraeri pavakaisa zvimiti munzeve achivapa zano, vakaita kuti arwadziwe. (Pis. 78:40, 41) Ukuwo Jehovha aida Dhanieri zvikuru, zvokuti imwe ngirozi yakamuudza kuti “murume anodiwa kwazvo.” (Dhan. 10:11) Aimudirei? Dhanieri akaramba akavimbika kuna Mwari kwete pane vanhu chete asiwo ari oga.—Verenga Dhanieri 6:10.

17. Mibvunzo ipi yaungazvibvunze paunosarudza zvokuvarairwa nazvo?

17 Kuti urambe wakavimbika kuna Mwari uri woga, unofanira kuwedzera ‘simba rako rokunzwisisa kuti usiyanise zvakanaka nezvakaipa’ worovedza simba iroro “nokurishandisa” uchiita zvaunoziva kuti ndizvo zvakarurama. (VaH. 5:14) Somuenzaniso, pakusarudza nziyo dzokuteerera, mafirimu okuona, zvinhu zvokuvhura paIndaneti, mibvunzo inotevera ichakubatsira kusarudza zvakanaka uye kusiyana nezvakaipa. Zvibvunze kuti: ‘Zvinhu izvi zvichandikurudzira kuti ndive munhu ane tsitsi here kana kuti zvichaita kuti ndifarire “njodzi yomumwe”?’ (Zvir. 17:5) “Zvichandibatsira kuti ‘ndide zvakanaka’ here kana kuti zvichaita kuti zvindiomere ‘kuvenga zvakaipa’?” (Amo. 5:15) Zvaunoita uri woga zvinobudisa pachena zvaunonyatsokoshesa.—Ruka 6:45.

18. Ungaite sei kana wanga uchiita chivi pachivande, uye sei uchifanira kudaro?

18 Unofanira kuita sei kana wanga uchiita pachivande zvinhu zvaunoziva kuti zvakaipa? Yeuka kuti, “munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.” (Zvir. 28:13) Kungava kusangwara kwakadini kuti urambe uchiita zvakaipa ‘uchishungurudza mudzimu mutsvene waMwari’! (VaEf. 4:30) Mwari uye vabereki vako vanoda kuti ureurure, uye izvi zvakanakirawo kunyange iwe. Panyaya iyi, “varume vakuru veungano” vanogona kukubatsira zvikuru. Mudzidzi Jakobho anoti: “Ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa.” (Jak. 5:14, 15) Ichokwadi zvacho kuti izvi zvinogona kumboti nyadzisei, uye kusafadza. Asi ukangorovera mwoyo kudombo wokumbira kuti ubatsirwe, zvichaita kuti usaramba uchitadza uye uchawana zororo rinobva pakuvazve nehana yakachena.—Pis. 32:1-5.

Fadza Mwoyo waJehovha

19, 20. Jehovha anoda kuti uve noupenyu hwakadini, asi iwe unofanira kuita sei?

19 Jehovha ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti ufare. (1 Tim. 1:11) Anokufarira zvikuru. Kunyange kana vamwe vanhu vasiri kucherechedza zvakarurama zvauri kuedza kuita, iye anozviona. Hapana chinhu chaasingaoni. Akatarisa, kwete kuti awane mhosva, asi kuti akutsigire pauri kuedza kuita zvakanaka. “Maziso ake anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.”—2 Mak. 16:9.

20 Saka bvuma kutungamirirwa neShoko raMwari, woshandisa zano raro. Izvi zvichaita kuti uwane uchenjeri nenzwisiso zvinodiwa kuti ukunde nhamo nematambudziko zvoupenyu uye uite zvisarudzo zvakaoma. Hakusi kuti uchangofadza vabereki vako naJehovha chete asi kuti uchavawo noupenyu hunofadza zvechokwadi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Mazita akachinjwa.

Ungapindura Sei?

• Vechiduku vangaita sei kuti vabatsirwe nemitemo yevabereki uye chirango?

• Sei zvichikosha kuti uzive kuti mari haiiti zvinhu zvose?

• Ungaramba sei wakavimbika kuna Jehovha kunyange paunenge uri woga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 6]

Ucharamba wakavimbika kuna Mwari paunenge uri woga here?