Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tichafamba Nokuperera Kwedu!

Tichafamba Nokuperera Kwedu!

Tichafamba Nokuperera Kwedu!

“Asi ini ndichafamba [nokuperera] kwangu.”—PIS. 26:11.

1, 2. Zvii zvakataurwa naJobho nezvekuperera kwake, uye Jobho chitsauko 31 inoratidzei nezvake?

KARE zvinhu zvaiwanzoyerwa pachikero chematanda. Chaiwanzogadzirwa nedanda raimiswa, pozova nerimwe rainge rakachinjika rakasungirirwa nepakati zvokuti rumwe rutivi rukakwirira rumwe rwaidzika. Chaiva nendiro mbiri, imwe yakasungirirwa kumucheto uku kwedanda rakachinjika yoiswa dombo rokuyeresa uye imwe kune rumwe rutivi yaiisirwa chaiyerwa chacho. Vanhu vaMwari vaifanira kuvimbika pamashandisiro avaiita zvikero.—Zvir. 11:1.

2 Murume aida Mwari, Jobho paaioneswa nhamo naSatani, akati: “[Jehovha] achandiyera pachikero chakarurama uye Mwari achaziva kuvimbika kwangu.” (Job. 31:6) Panyaya iyi Jobho akataura zvinhu zvakawanda zvinogona kuisa munhu akaperera kuna Mwari pamuedzo. Asi sezvinoratidzwa nemashoko ake akanyorwa pana Jobho chitsauko 31, Jobho akakunda muedzo wacho. Zvakanaka zvakaitwa naJobho zvinogona kutibatsirawo kuti tiite sezvaakaita totaura tiine chivimbo mashoko akataurwa nomunyori wepisarema Dhavhidhi okuti: “Asi ini ndichafamba [nokuperera] kwangu.”—Pis. 26:11.

3. Sei zvichikosha kuti tive vakatendeka kuna Mwari pazvinhu zvikuru uye pazviduku?

3 Kunyange zvazvo Jobho akaedzwa zvakaoma, akaramba akatendeka kuna Mwari. Vamwe vangatoti zvakaitwa naJobho hazviwanoitwi nevakawanda kuti munhu aedzwe zvakadaro oramba akaperera. Matamburiro edu haabvi anyatsofanana neaJobho. Zvisinei, kana tichida kusimbisa kuperera kwedu kuna Mwari tichitsigira uchangamire hwake, tinofanira kuramba takatendeka kwaari pazvinhu zvikuru kunyange zviduku.—Verenga Ruka 16:10.

Kuramba Tiine Tsika Dzakanaka Kunokosha

4, 5. Zvii zvisina kuitwa naJobho somunhu akaperera kuna Mwari?

4 Kuti tirambe takaperera kuna Jehovha tinofanira kugara tichiteerera mirayiro yake nezvokuzvibata sezvakangoitwa naJobho. Akatsidza kuti: “Ndakaita sungano nemaziso angu. Saka ndingaramba sei ndakatarira mhandara? . . . Kana mwoyo wangu wakanyengerwa kuti ude mumwe mukadzi, ndikaramba ndakavandira pasuo reshamwari yangu, mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume, uye vamwe varume ngavapfugame pamusoro pake.”—Job. 31:1, 9, 10.

5 Shungu dzokuti arambe akaperera kuna Mwari dzakaita kuti Jobho asatarisa munhukadzi zvokumuchiva. Somunhu akaroora haana kuita meso meso kana kuita gumbo mumba gumbo panze. PaMharidzo Yepagomo, Jesu akataura mashoko asingakanganwiki nezvokuzvibata ayo anofanira kuyeukwa nevanhu vanoda kuramba vakaperera kuna Mwari.—Verenga Mateu 5:27, 28.

Usambofa Wakaita Zvinhu Zvokunyengera

6, 7. (a) Sezvakaitika kuna Jobho, Mwari anoshandisei kuti ayere kuperera kwedu? (b) Sei tisingafaniri kunyengera?

6 Kana tichida kuva vanhu vakaperera hatifaniri kuita zvinhu zvokunyengera. (Verenga Zvirevo 3:31-33.) Jobho akati: “Kana ndakafamba nevanhu venhema, uye kana tsoka yangu ichimhanyira kuunyengeri, [Jehovha] achandiyera pachikero chakarurama uye Mwari achaziva kuvimbika kwangu.” (Job. 31:5, 6) Jehovha anoyera vanhu vose achishandisa “chikero chakarurama.” Sezvakangoitika kuna Jobho, Mwari anotiyera achishandisa mitemo yake yakarurama kuti aone kuperera kwedu sevashumiri vake.

7 Kana zvikaitika kuti tava kunyengera, zvinoreva kuti hatisisina kuperera kuna Mwari. Vanhu vakaperera ‘vanoramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadzisa’ uye ‘havafambi nemanomano.’ (2 VaK. 4:1, 2) Zvakadini kana tikaita kana kuti tikataura zvokunyengera mumwe muKristu, zvokuti anotosvika pakuteterera Mwari kuti abatsirwe? Pakadaro tinenge tazvikanda mumoto! Munyori wepisarema akaimba kuti: “Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika, iye akandipindura. Haiwa Jehovha, nunurai mweya wangu pamiromo yenhema, parurimi runonyengera.” (Pis. 120:1, 2) Zvakanaka kuyeuka kuti Mwari anogona kuongorora zviri pasi pemwoyo yedu ‘achiedza mwoyo yedu neitsvo’ kuti aone kana tiri vanhu vakaperera kwaari zvechokwadi.—Pis. 7:8, 9.

Bata Vamwe Zvakanaka

8. Jobho aibata sei vamwe?

8 Kuti tirambe takaperera tinofanira kuita sezvaiitwa naJobho, uyo aitonga nyaya zvakarurama, aizvininipisa uye aifungawo vamwe. Akati: “Kana ndairamba kururamisira mushandirume wangu kana kuti mushandikadzi wangu pamhosva yavo neni, saka ndingaiteiko Mwari paanosimuka? Ndingamupindureiko paanoita kuti ndizvidavirire? Iye akandiita mudumbu haasi iye akamuitawo here, haasi iye mumwe chete akatiumba muchibereko here?”—Job. 31:13-15.

9. Jobho aibata sei vashandi vake, uye isu tinofanira kuitawo sei?

9 Zvinoratidza kuti mumazuva aJobho kutonga nyaya kwainge kusina kunyanya kuoma. Nyaya dzaitongwa zvakanaka, kunyange varanda chaivo vaigonawo kuendesa nyaya dzavo kumatare. Jobho aibata vashandi vake zvakanaka uye nengoni. Kana tichida kuramba takaperera, tinofanira kuratidza unhu hwakadai, kunyanya kana tichishumira sevakuru muungano yechiKristu.

Iva Norupo, Usachiva

10, 11. (a) Tinoziva sei kuti Jobho akanga aine rupo uye achibatsira? (b) Jobho 31:16-25 ingatiyeuchidza nezverimwe zano ripi romuMagwaro rakazopiwa pava paya?

10 Jobho aiva norupo achibatsira, asingangozvifungi kana kuchiva zvevamwe. Akati: “Kana . . . ndainetesa maziso echirikadzi, kana ndaidya chimedu changu ndiri ndoga, nherera isingachidyiwo . . . Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nokuda kwokushayiwa nguo . . . Kana ndaivheyesera nherera ruoko rwangu, pandaiona kuti ndaifanira kubatsira pagedhi, bendekete rangu ngariwe richibva papfudzi raro, uye ruoko rwangu ngarutyoke nepapfupa rarwo repamusoro.” Uye Jobho aisazoramba akaperera kuna Mwari dai akanga ati kundarama: “Ndinovimba newe!”—Job. 31:16-25.

11 Mashoko aya okudetemba anogona kutiyeuchidza mashoko omudzidzi Jakobho okuti: “Kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu ndouku: kutarisira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo, uye kuzvichengeta usina ruvara rwenyika.” (Jak. 1:27) Tinogona kuyeuka nyevero yaJesu yokuti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose, nokuti kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” Jesu akabva ataura mufananidzo womurume aidisa pfuma akazopedzisira afa “asina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:15-21) Kuti tirambe takaperera kuna Mwari hatifaniri kubvuma kukurirwa nokuchochora kana kukara. Kuchochora kutonamata zvidhori nokuti chinhu chinenge chichichochorwa chacho chinoita kuti pfungwa dzomunhu dzibve pana Jehovha zvopedzisira zvaita kuti chive chidhori chaanonamata. (VaK. 3:5) Kuperera nokukara hazvifambidzani!

Batisisa Kunamata Kwechokwadi

12, 13. Zvii zvakanaka zvakaitwa naJobho panyaya yokusanamata zvidhori?

12 Vanhu vakaperera havatsauki pakunamata kwechokwadi. Jobho haana kudaro, nokuti akati: “Kana ndaiona chiedza pachaipenya, kana kuti mwedzi unokosha uchifamba, uye mwoyo wangu wakatanga kunyengerwa pakavanda ruoko rwangu rukatsvoda muromo wangu, izvozvowo zvaizova kukanganisa kunoda kutarisirwa nevatongi, nokuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.”—Job. 31:26-28.

13 Jobho haana kunamata zvinhu zvisina upenyu. Dai mwoyo wake waizoona zvinhu zvakasikwa zviri kudenga zvakadai semwedzi, uye dai ‘ruoko rwake rwaizotsvoda muromo wake,’ zvimwe achitotsvoda ruoko rwake orutambanudza achiita seari kunamata zvinhu izvi, zvaizoratidza kuti aiva munamati wezvidhori akaramba Mwari. (Dheut. 4:15, 19) Kuti tirambe takaperera kuna Mwari, hatifaniri kunamata zvidhori zvachose.—Verenga 1 Johani 5:21.

Usatsiva Kana Kuva Munyengeri

14. Sei tingati Jobho akanga asingaiti zvoutsinye?

14 Jobho akanga asingaiti zvoutsinye. Aiziva kuti kudaro kwaizoita kuti asaramba akaperera kuna Mwari, nokuti akati: “Kana ndaifarira kutsakatika kwomunhu anondivenga kwazvo, kana ndaifara kwazvo kuti zvakaipa zvamuwana . . . , Handina kubvumira mukanwa mangu kuti mutadze nokukumbira kuti mweya wake utukwe.”—Job. 31:29, 30.

15. Sei zvisina kunaka kuti tifare kana munhu anotivenga akawirwa nedambudziko?

15 Murume akarurama Jobho akanga asingati kana munhu aimuvenga akawirwa nedambudziko oti zvaiwana ngwarati. Chimwe chirevo chakazonyevera kuti: “Muvengi wako paanowa, rega kufara; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara, kuti Jehovha arege kuzviona zvikava zvakaipa mumaziso ake, akarega kumutsamwira.” (Zvir. 24:17, 18) Sezvo Jehovha achigona kuona zvakaita mwoyo, anoziva kana tiri kufarira nechomumwoyo kutambura kwevamwe uye zvechokwadi haafadzwi nemaitiro akadaro. (Zvir. 17:5) Mwari anogona kupedzerana nevaya vanotivenga, nokuti anoti: “Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.”—Dheut. 32:35.

16. Kunyange tiri vanhu vanoshayiwa tingaratidza sei kuti tinogamuchira vaeni zvakanaka?

16 Jobho aibata vaenzi zvakanaka. (Job. 31:31, 32) Kunyange hazvo tingasava vapfumi, tinogona kuvawo netsika “yokugamuchira vaeni zvakanaka.” (VaR. 12:13) Tinogona kudya nevamwe zvishoma zvatinenge tiinazvo, tichiyeuka kuti “zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo paine rudo pane kuva nenzombe yakakodzwa asi paine ruvengo.” (Zvir. 15:17) Kudya pamwe chete murudo nomunhu akaperera kuchaita kuti tinakidzwe chaizvo uye tisimbisane pakunamata kunyange zvokudya zvacho zvisingashamisiri.

17. Sei tisingafaniri kuedza kuda kuvanza chivi chakakura?

17 Kuva muenzi kumba kwaJobho kunofanira kunge kwaisimbisa pakunamata nokuti akanga asiri munyengeri. Akanga asina kufanana nevamwe varume vakaipa vakanga vapinda chinyararire muungano yomuzana remakore rokutanga uye ‘vaiyemura vanhu kuti ivo pachavo vabatsirwe.’ (Jud. 3, 4, 16) Uyewo Jobho haana kumbobvira avanza kudarika kwake kana ‘kuvanza kukanganisa kwake muhomwe yehembe yake,’ achityira kuti aizonyara kana zvikazivikanwa nevamwe. Sezvo aizofanira kureurura kuna Mwari, Jobho aida kuti Mwari amuongorore. (Job. 31:33-37) Kana tikaita chivi chakakura, ngatisamboedza kuchivanza nokunyara vanhu. Tingaratidza sei kuti tiri kuedza kuramba takaperera? Kubvuma kukanganisa kwatinenge taita, topfidza, totsvaka kubatsirwa nevakuru muungano, uye kuita zvose zvatingagona kuti tigadzirise nyaya yacho.—Zvir. 28:13; Jak. 5:13-15.

Jobho Anobvuma Kutongwa Kuti Aratidze Kuperera Kwake

18, 19. (a) Sei zvinganzi Jobho haana waakambobiridzira? (b) Jobho aida kuti zvifambiswe sei kudai aizobatwa nemhosva?

18 Jobho akanga akatendeseka uye asingaiti zvetsvete. Saka aigona kuti: “Kana munda wangu ukachema kwandiri kuti ubatsirwe, uye miforo yawo ikasvimha misodzi pamwe chete; kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kubhadhara mari, uye ndaita kuti mweya yevaridzi vawo ifemereke, utumbambeva ngahumere panzvimbo pegorosi, sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.” (Job. 31:38-40) Jobho haana kutorera vamwe minda yavo kana kunyima vashandi vake zvavafondokera. Sezvaiita Jobho tinofanira kuramba takaperera kuna Jehovha pazvinhu zvikuru uye zviduku.

19 Jobho akanga ataurira shamwari dzake nhatu pamwe chete nemurume wechiduku Erihu nezvemararamiro aakanga aita. Jobho akakumbira ani naani zvake angava aida kumupomera pane zvaakaita muupenyu kuti ataure. Kana zvaizoonekwa kuti Jobho ane mhosva aizobvuma kurangwa. Saka akasiyira nyaya yacho kudare achimirira kuti Mwari atonge. Ndopakabva papererawo mashoko aJobho.—Job 31:35, 40.

Unogona Kuramba Wakaperera

20, 21. (a) Chii chakabatsira Jobho kuti arambe akaperera? (b) Zvii zvatingaita kuti tide Mwari?

20 Jobho akakwanisa kuramba akaperera nokuti aida Mwari, uye Jehovha aimudawo uye akamubatsira. Jobho akati: “[Jehovha] makandipa upenyu mukandiratidzira mutsa worudo; uye kutarisira kwenyu kwakarinda simba roupenyu hwangu.” (Job. 10:12) Uyezve Jobho airatidza rudo kune vamwe, nokuziva kuti ani naani asingaratidziri vamwe rudo anenge asingachatyi Wemasimbaose. (Job. 6:14) Vanhu vakaperera vanoda Mwari nemuvakidzani.—Mat. 22:37-40.

21 Tinogona kushanda nesimba kuti tide Mwari nokuverenga Shoko rake zuva nezuva uye kufungisisa zvatinodzidza nezvake. Tinogona kunyengetera zvinobva pasi pemwoyo tichirumbidza Jehovha uye tichimutenda nezvakanaka zvaanotiitira. (VaF. 4:6, 7) Tinogona kuimbira Jehovha tobatsirwa nokugara tichiwadzana nevanhu vake. (VaH. 10:23-25) Tikadaro, kuda kwatinoita Mwari kuchakurawo sezvatinoita basa rokuparidza nokuzivisa “mashoko akanaka okuponesa kwaanoita.” (Pis. 96:1-3) Nokuita izvozvo, tinogona kuramba takaperera, sezvakaitwa nomunyori wepisarema akaimba kuti: “Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.”—Pis. 73:28.

22, 23. Sevanhu vanotsigira uchangamire hwaJehovha, mabasa edu akafanana papi neevamwe vakanga vakaperera vakararama kare?

22 Kubva kare nakare, Jehovha anga achipa vanhu vakaperera mabasa akasiyana-siyana. Noa akavaka areka uye akanga ari “muparidzi wokururama.” (2 Pet. 2:5) Joshua akatungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa, asi kuverenga ‘bhuku romutemo masikati nousiku’ uye kuita zvaaiverenga zvacho ndizvo zvakaita kuti abudirire. (Josh. 1:7, 8) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaita kuti vanhu vave vadzidzi uye vaigara vachiungana kuti vadzidze Magwaro.—Mat. 28:19, 20.

23 Tinotsigira uchangamire hwaJehovha uye tinoramba takaperera nokuparidza kururama, nokuita kuti vanhu vave vadzidzi, nokushandisa mazano ari muMagwaro uye nokuwadzana nevatinonamata navo kumisangano, uye kumagungano. Zvose izvi zvinotibatsira kuti tive noushingi, tisimbise ukama hwedu naMwari uye tibudirire pakuita kuda kwake. Izvi hazvitiomeri nokuti Baba vedu vokudenga neMwanakomana wavo vanotitsigira. (Dheut. 30:11-14; 1 Madz. 8:57) Uyezve tinobatsirwa ne“sangano rose rehama,” iro riri kurambawo richifamba nokuperera richikudza Jehovha saChangamire Ishe wavo.—1 Pet. 2:17.

Ungapindura Sei?

• Tinofanira kuona sei mirayiro yaJehovha pamusoro pokuzvibata?

• Unhu hupi hwaiva naJobho hwaunonyanya kufarira?

• Pana Jobho 31:29-37 panoratidza kuti Jobho aizvibata sei?

• Sei tichikwanisa kuramba takaperera kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Jobho akaramba akaperera kuna Jehovha. Nesuwo tinogona kudaro!

[Mufananidzo uri papeji 32]

Tinogona kuramba takaperera!