Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shingairira Kunamata Kwechokwadi

Shingairira Kunamata Kwechokwadi

Shingairira Kunamata Kwechokwadi

“Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.”—MAT. 9:37.

1. Munhu anoita sei kana achitandanisana nenguva?

UNE tsamba yauri kuda kuti isvike kumusha musi iwoyo. Uchaita sei? Unoenda nayo kumunhu ari kuendako womuudza kuti, “Ndapota ndisvitsireiwo nhasi chaiye!” Wakarangana kusangana nomumwe munhu pane imwe nzvimbo asi wava kutandanisana nenguva. Uchaita sei? Wotofambisa! Chokwadi kana uine chimwe chinhu chaunofanira kuita asi uri mumashure menguva, haunzwi zvakanaka. Unonzwa uchishushikana, uye unomhanya-mhanya wowedzera kushanda nesimba. Zvose zvataurwa izvi zvinoratidza kupererwa nenguva.

2. Nderipi basa rinofanira kukurumidza kuitwa nevaKristu vechokwadi mazuva ano?

2 Pamabasa ose anofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi mazuva ano, rokuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi ndiro rinofanira kukurumidza kuitwa. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Achinyora nezvemashoko akataurwa naJesu, mudzidzi Mako akati basa iri rinofanira “kutanga” kuitwa mugumo usati wasvika. (Mako 13:10) Izvozvo ndizvo zvinofanira kuitwa. Jesu akati: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma.” Zvirimwa hazvigoni kungosiyiwa zviri mumunda, zvinofanira kukohwewa mwaka wacho usati wapera.—Mat. 9:37.

3. Vakawanda vakaita sei pavakaziva kuti kuparidza kunofanira kukurumidza kuitwa?

3 Sezvo basa rokuparidza richikosha zvakadaro kwatiri, ndiro rinofanira kutora nguva yedu yakawanda, uye simba redu rose nepfungwa zvinofanira kuva pariri. Zvinofadza kuti izvi ndizvo zviri kuitwa nevakawanda. Vamwe vakarega kuzviwanzira zvokuita kuti vaite basa renguva yakazara semapiyona, mamishinari kana kuti vashumire pane mumwe wemisha yeBheteri iri pasi rose. Vakabatikana chaizvo. Vangava vakatosiya zvakawanda, uye vachisangana nezvipingamupinyi zvakawanda. Asi Jehovha anovakomborera chaizvo. Tinofarawo kuti vari kukomborerwa. (Verenga Ruka 18:28-30.) Vamwe, kunyange vasingakwanisi kuva mubasa renguva yakazara, vanoshandisa nguva yakawanda kuita basa iri rinoponesa upenyu, iro rinosanganisira kubatsira vana vedu kuti vapone.—Dheut. 6:6, 7.

4. Chii chingatadzisa vamwe kuramba vachiona kuti nguva yapera?

4 Sezvataona, kana tichiita chinhu tichikurumidza pane nguva yatinenge tisingadi kuti ipfuure tisati tachipedza. Pane uchapupu hwakawanda huri muMagwaro nehwatiri kuzvionera toga hwokuti tiri kurarama munguva yomugumo. (Mat. 24:3, 33; 2 Tim. 3:1-5) Kunyange zvakadaro, hapana munhu anonyatsoziva pachauya mugumo. Paaitsanangura nezve“chiratidzo . . . chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva” ino, Jesu akataura pachena kuti: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mat. 24:36) Izvozvo zvinoita kuti vamwe vaone zvakaoma kuramba vachitandanisana nenguva gore negore, zvikuru kana makore apindana vachingozviita. (Zvir. 13:12) Zvinomboitikawo kwauri here? Chii chingatibatsira kuti tirambe tichiita basa iro Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoda kuti tiite, tichiziva kuti nguva yaro yapera?

Funga nezvaJesu, Muenzaniso Wedu

5. Jesu akaratidza sei kuti aiita ushumiri hwake achiziva kuti nguva yakanga yapera?

5 Pane vose vakashumira Mwari vachiziva kuti nguva yakanga yapera, hakuna akaita sezvakaitwa naJesu Kristu. Chimwe chakaita kuti adaro ndechokuti aiva nezvakawanda zvokuita mumakore matatu nehafu chete. Zvisinei, Jesu akaita zvakawanda pakunamata kwechokwadi kupfuura ani naani zvake. Akazivisa zita raBaba vake uye chinangwa chavo, akaparidza mashoko akanaka oUmambo, akafumura unyengeri uye dzidziso dzenhema dzevatungamiriri vechitendero, uye akatsigira uchangamire hwaJehovha kusvikira pakutofa chaipo. Akapedza nyika achidzidzisa vanhu, achivabatsira uye achivarapa. (Mat. 9:35) Hapana munhu akamboita zvakawanda saizvozvo munguva pfupi yakadaro. Jesu akashanda zvakaoma zvisina mukare akamboona.—Joh. 18:37.

6. Jesu aiisa pfungwa dzake pachii muupenyu hwake?

6 Chii chakaita kuti Jesu ashande zvakaoma muushumiri hwake hwose? Jesu angave aiziva kubva muuprofita hwaDhanieri kuti aiva nenguva yakadini yokuita basa rake maererano neurongwa hwaJehovha. (Dhan. 9:27) Saka, sezvambotaurwa, ushumiri hwake hwepasi pano hwaizoguma “pakati pevhiki,” kana kuti pashure pemakore matatu nehafu. Nguva pfupi apinda muJerusarema akatasva mbongoro muchirimo cha33 C.E., Jesu akati: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe.” (Joh. 12:23) Kuziva kwaiita Jesu kuti rufu rwake rwakanga rwava pedyo, handiko chete kwaiita kuti ashande nesimba. Asi ainyanya kufunga nezvekushandisa mukana wose waaiwana kuti aite kuda kwaBaba vake uye aratidze kuti aida vamwe vanhu. Rudo irworwo rwakaita kuti atsvake vadzidzi, avadzidzise, uye avatume kunoparidza. Aiitira kuti vapfuudzire basa raakanga atanga uye kuti vaite mabasa makuru akatopfuura aakanga aita.—Verenga Johani 14:12.

7, 8. Jesu paakachenesa temberi, vadzidzi vakafungei, uye Jesu akazviitirei?

7 Zvakaitwa naJesu mumwe musi zvinonyatsoratidza kuti aishingaira zvakadini. Pakanga pari pakutangatanga kweushumiri hwake, mumwaka wePaseka ya30 C.E. Jesu nevadzidzi vake vakasvika kuJerusarema vakaona “vaya vakanga vachitengesa mombe nemakwai nenjiva uye vatsinhanisi vemari vari pazvigaro zvavo” mutemberi. Jesu akaita sei nazvo, zvikaita kuti vadzidzi vake vafunge nezvechii?—Verenga Johani 2:13-17.

8 Zvakaitwa naJesu uye zvaakataura musi iwoyo zvakanyatsoyeuchidza vadzidzi vake nezvemashoko ouprofita ari mune rimwe pisarema rakanyorwa naDhavhidhi anoti: “Kushingairira imba yenyu kwandipedza.” (Pis. 69:9) Nei zvakavayeuchidza mashoko aya? Nokuti Jesu aizviisa pangozi yakakura nezvaakaita. Ngozi yacho yaibva pakuti bhizimisi reuori raiitwa patemberi raiunza mari, raiva revakuru vakuru vakadai sevapristi, vanyori, nevamwe. Jesu aizviita muvengi wevanhu ivavo nokufumura uye kuvhiringidza kwaaiita urongwa hwavo. Vadzidzi vakafunga nomazvo kuti ‘aishingairira imba yaMwari,’ kana kuti aishingairira kunamata kwechokwadi. Asi kushingaira kunomborevei? Kwakasiyana nokuita zvinhu munhu achitandanisana nenguva here?

Kutandanisana Nenguva Kwakasiyana Nokushingaira

9. Ungarondedzera sei shoko rokuti kushingaira?

9 Rimwe duramazwi rinoti “kushingaira” kunoreva “chido chemwoyo wose uye shungu dzakanyanya pakuita chimwe chinhu.” Zvechokwadi, ndizvo chaizvo zvakaitwa naJesu muushumiri hwake. Saka, pandima iyi, Bhaibheri Rinoera rinoti: “Chido chandinacho neimba yenyu chinopisa somoto.” Mune mimwe mitauro yokuMabvazuva, shoko rokuti “shingaira” rinoumbwa nemashoko maviri anoreva “kutsva mumwoyo,” sokunge kuti mumwoyo mune moto. Ndokusaka vadzidzi vakayeuka mashoko aDhavhidhi pavakaona zvakaitwa naJesu patemberi. Asi chii chakamboita kuti Jesu aite saizvozvo, achinzwa sokunge mumwoyo make makanga muchipisa?

10. MuBhaibheri, shoko rokuti “kushingaira” rinorevei?

10 Shoko rokuti ‘kushingaira’ riri mupisarema raDhavhidhi rinobva pashoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “godo” kana kuti “kunzwa godo” mune dzimwe ndima dzeBhaibheri. Shanduro yeNyika Itsva dzimwe nguva inorishandura kuti ‘kuda kuzvipira kwakazara.’ (Verenga Eksodho 20:5; 34:14; Joshua 24:19.) Rimwe duramazwi rinotsanangura mashoko omuBhaibheri rinoti nezveshoko iri: “Rinowanzoshandiswa pavanhu vakaroorana . . . Sezvo murume nomudzimai vaine kodzero yokunzwirana godo, Mwari anewo kodzero yokunzwira godo vanhu vaanoti ndevake.” Saka shoko rokuti kushingaira parinoshandiswa muBhaibheri haringorevi chido chete pakuita chimwe chinhu sezvinoita vanhu vakawanda vanotsigira mutambo wavanofarira. Kushingaira kwaDhavhidhi kwaiva godo rakanaka rokusada kuona munhu achikwikwidzana naMwari kana kuti achimushora uye rokunzwa shungu dzokumureverera.

11. Chii chakaita kuti Jesu ashingaire?

11 Chokwadi vadzidzi havana kukanganisa pavakaona zvakaitwa naJesu patemberi vachibva vafunga nezvemashoko aDhavhidhi. Kushanda kwaJesu nesimba kwaisabva pakuti akanga apererwa nenguva chete asi kuti kwaibva pakushingairira kana kuti kunzwira godo zita raBaba vake uye kunamata kwakachena. Paishorwa uye paimhurwa zita raMwari, akashingaira kana kuti akanzwa godo ndokuedza kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu. Jesu paakaona vanhu vanozvininipisa vachidzvinyirirwa uye vachibiridzirwa nevatungamiriri vechitendero, kushingaira kwakaita kuti avabatsire uye kuti atsoropodze zvakasimba vatungamiriri vacho vaiva noudzvinyiriri.—Mat. 9:36; 23:2, 4, 27, 28, 33.

Shingairira Kunamata Kwechokwadi

12, 13. Vafundisi vechiKristudhomu vari kuita sei panyaya ine chokuita (a) nezita raMwari? (b) neUmambo hwaMwari?

12 Zviri kuitwa nevanhu nhasi uno panyaya dzechitendero zvakaipa kufanana nezvaiitwa mazuva aJesu kana kuti zvinotopfuura. Somuenzaniso, yeuka kuti Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti pane zvavainyengeterera, vatange nezita raMwari achiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mat. 6:9) Tinoona here vatungamiriri vezvitendero, kunyanya vafundisi vechiKristudhomu, vachidzidzisa vanhu kuti vazive Mwari nezita rake uye kuti vatsvenese, kana kukudza zita iroro? Vanototaura zvisizvo nezvaMwari vachiti Mwari Utatu, mweya haufe, uye vanhu vachanotsva, izvo zvinoita kuti Mwari aonekwe seasingatsananguriki, asinganzwisisiki, ane utsinye. Vakaitawo kuti Mwari ashorwe nenyaya dzinonyadzisa dzavanoita uye unyengeri. (Verenga VaRoma 2:21-24.) Uyezve, vakaedza zvose zvavanokwanisa kuti vanhu vasaziva zita raMwari, uye vakatoribvisa mumaBhaibheri avo. Saka vanotadzisa vanhu kuswedera pedyo naMwari uye kuita ushamwari naye.—Jak. 4:7, 8.

13 Jesu akadzidzisawo vateveri vake kuti vanyengeterere Umambo hwaMwari achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:10) Kunyange zvazvo vafundisi vechiKristudhomu vachidzokorora munyengetero iwoyo, vanokurudzira vanhu kutsigira masangano ezvematongerwo enyika nemamwewo. Uyewo vanotarisira pasi vaya vanoedza kuparidza uye kupupura nezvoUmambo uhwu. Saka, vanhu vakawanda vanozviti vaKristu, havambokurukuri nezvoUmambo hwaMwari uye havatombotendi kuti huriko.

14. Vatungamiriri vechiKristudhomu vakadira sei mvura Shoko raMwari?

14 Paainyengetera kuna Mwari, Jesu akataura pachena kuti: “Shoko renyu ichokwadi.” (Joh. 17:17) Uye asati adzokera kudenga, Jesu akaratidza kuti aizogadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape vanhu vake zvokudya zvinosimbisa pakunamata. (Mat. 24:45) Kunyange zvazvo vachikambira kuva vadzidzisi veShoko raMwari, vafundisi vechiKristudhomu vari kuita here zvavakanzi naTenzi vaite? Aiwa. Vanowanzotaura kuti zviri muBhaibheri ingano. Pane kudyisa makwai avo zvinosimbisa pakunamata, vachianyaradza uye kuita kuti avhenekerwe, vafundisi vacho vanofadza vatendi neuzivi hwevanhu. Uyezve vakadira mvura mirayiro yaMwari ine chokuita nokuzvibata vachibvumira tsika dzinonzi ndedzechizvinozvino.—2 Tim. 4:3, 4.

15. Unonzwa sei nezviri kuitwa nevafundisi muzita raMwari?

15 Nemhaka yezvose zvakaitwa, zvichinzi zviri kuitwa muzita raMwari weBhaibheri, vakawanda vakaodzwa mwoyo kana kuti vakarega zvachose kutenda muna Mwari uye Bhaibheri. Vakabva vapinda mumusungo waSatani nenyika yake yakaipa. Paunoona nokunzwa zvinhu zvakadaro zvichiitika zuva nezuva, unonzwa sei? Semushumiri waJehovha, paunoona zita raMwari richishorwa nokumhurwa, hazviiti kuti ude kumureverera here? Paunoona vanhu vanoda zvakarurama vachinyengerwa nokubiridzirwa, hazviiti kuti ude kunyaradza vanhu ivavo vakaora mwoyo here? Jesu paakaona vanhu vepanguva yake “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi,” haana kungovanzwira tsitsi chete. “Akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mat. 9:36; Mako 6:34) Nesuwo tinofanira kushingairira kunamata kwechokwadi, sezvakaitwa naJesu.

16, 17. (a) Chii chinofanira kuita kuti tishande zvakaoma muushumiri? (b) Tichaongorora nezvei munyaya inotevera?

16 Tikaona ushumiri hwedu saizvozvo, tinotanga kunyatsonzwisisa zvinorehwa nemashoko omuapostora Pauro ari pana 1 Timoti 2:3, 4. (Verenga.) Kushanda kwedu zvakaoma muushumiri hakungobvi pakuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira asi kunobvawo pakuti tinoziva kuti kuda kwaMwari. Anoda kuti vanhu vasvike pakuziva chokwadi, vadzidze kumunamata uye kumushumira vokomborerwa. Kupera kwaita nguva handiko chete kunoita kuti tide kushanda zvakaoma muushumiri, asiwo tinoda kukudza zita raMwari uye kubatsira vanhu kuti vazive kuda kwake. Tinoshingairira kunamata kwechokwadi.—1 Tim. 4:16.

17 Sevanhu vaJehovha, takakomborerwa nokuziva chokwadi nezvechinangwa chaMwari chaakasikira vanhu nenyika. Tine nzira yokubatsira nayo vanhu kuti vafare uye vave netariro yechokwadi yeramangwana. Tinogona kuvaratidza zvavangaita kuti vadzivirirwe pachaparadzwa nyika ino yaSatani. (2 VaT. 1:7-9) Pane kuti tisuwe kana kuora mwoyo nokuti zuva raJehovha rinoita seranonoka, tinofanira kufara kuti nguva yokuti tishingairire kunamata kwechokwadi ichiripo. (Mika 7:7; Hab. 2:3) Tingava sei vanoshingaira zvakadaro? Tichaongorora nezveizvi munyaya inotevera.

Ungatsanangura Here?

• Chii chakaita kuti Jesu ashande zvakaoma muushumiri hwake hwose?

• MuBhaibheri, shoko rokuti “kushingaira” rinorevei?

• Zvii zvatiri kuona nhasi zvinofanira kuita kuti tishingairire kunamata kwechokwadi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Jesu aiisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaBaba vake uye pakuratidza kuti anoda vanhu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Tine zvikonzero zvakakodzera zvokushingairira kunamata kwechokwadi