Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ino Ndiyo Nguva Yakakodzera Chaizvo”

“Ino Ndiyo Nguva Yakakodzera Chaizvo”

“Ino Ndiyo Nguva Yakakodzera Chaizvo”

“Tarirai! Ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo. Tarirai! Rino ndiro zuva roruponeso.”—2 VAK. 6:2.

1. Zvakakosherei kuti tizive kuti ndechipi chatinofanira kutanga kuita panguva yatinenge tiinayo?

“CHIMWE nechimwe chine nguva yakatarwa, uyewo zvose zvinoitwa pasi pematenga.” (Mup. 3:1) Soromoni ainyora nezvokukosha kwokunzwisisa nguva yakanyatsonaka yokuita zvatinenge tichida, kungava kurima, kufamba rwendo, kuita bhizimisi, kana kuti kukurukura nevamwe. Zvisinei tinofanira kunzwisisawo kuti pamabasa ose atinofanira kuita chero panguva ipi, rinokosha kupfuura ose nderipi. Izvi zvinoreva kuti tinofanira kunyatsoziva zvatinoisa pakutanga muupenyu.

2. Tinoziva sei kuti Jesu paaiparidza, ainyatsonzwisisa nguva yaairarama?

2 Paaive pasi pano, Jesu ainyatsoziva nguva yaairarama nezvaaifanira kuita. Sezvo ainyatsonzwisisa kuti ndezvipi zvaaifanira kuisa pokutanga muupenyu, aiziva kuti nguva yakanga yazosvika yokuti uprofita hwakawanda pamusoro paMesiya huzadziswe. (1 Pet. 1:11; Zvak. 19:10) Pane basa raaifanira kuita kuti vanhu vanyatsoona kuti ndiye aive Mesiya akanga apikirwa. Aifanira kunyatsopupura chokwadi nezvoUmambo uye kutsvaka vaya vaaizotonga navo muUmambo hwacho. Aifanirawo kuvaka nheyo yeungano yechiKristu yaizoparidza nokudzidzisa vanhu kumativi mana enyika.—Mako 1:15.

3. Kunzwisisa kwaJesu nguva yaairarama kwakaita kuti aite sei?

3 Kunzwisisa nguva yaairarama kwaipa Jesu simba, kuchiita kuti ashingaire pakuita kuda kwaBaba vake. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Ruka 10:2; Mar. 4:5, 6) Pavadzidzi vake, Jesu akatanga asarudza 12 ndokuzosarudza 70, akanyatsovarayiridza, ndokuvatuma kunoparidza shoko raikurudzira rokuti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” Tinoverengawo nezvaJesu kuti: “Paakanga apedza kupa mirayiridzo kuvadzidzi vake vane gumi nevaviri, akabva ipapo akaenda kunodzidzisa nokuparidza mumaguta avo.”—Mat. 10:5-7; 11:1; Ruka 10:1.

4. Pauro aitevedzera sei Jesu Kristu?

4 Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana wokushingaira uye kuzvipira wokuti vateveri vake vatevedzere. Muapostora Pauro akataura nezvawo paakakurudzira vamwe vaKristu achiti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaK. 11:1) Pauro aitevedzera sei Jesu Kristu? Zvikurukuru pakuita zvose zvaaigona pakuparidza mashoko akanaka. Mutsamba dzaainyorera ungano tinowana mashoko akadai seokuti “musava nousimbe pabasa renyu,” “shandirai Jehovha,” “muchigara muine zvizhinji zvokuita mubasa raShe” uye “zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha.” (VaR. 12:11; 1 VaK. 15:58; VaK. 3:23) Pauro haana kumbobvira akanganwa kusangana kwaakanga aita naIshe Jesu Kristu mumugwagwa waibva kuDhamasiko uye mashoko aJesu aanofanira kunge akaudzwa nomudzidzi Ananiyasi okuti: “Murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.”—Mab. 9:15; VaR. 1:1, 5; VaG. 1:16.

“Nguva Yakakodzera Chaizvo”

5. Chii chaiita kuti Pauro ashingaire muushumiri hwake?

5 Patinoverenga bhuku raMabasa, tinonyatsoona kushinga uye kushingaira kwaiita Pauro paaiita ushumiri hwake. (Mab. 13:9, 10; 17:16, 17; 18:5) Pauro ainzwisisa kukosha kwenguva yaairarama. Akati: “Tarirai! Ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo. Tarirai! Rino ndiro zuva roruponeso.” (2 VaK. 6:2) Muna 537 B.C.E., yaiva nguva yakakodzera yokuti vanhu vakanga vakatapwa kuBhabhironi vadzoke kumusha kwavo. (Isa. 49:8, 9) Asi pano Pauro aitaura nezvei? Kuri kubva nemashoko ake kunotibatsira kuona kuti airevei.

6, 7. VaKristu vakazodzwa vakapiwa basa ripi rinokudzwa mazuva ano, uye vari kushanda nevamwe vapi?

6 Kwokutanga kwetsamba yake Pauro akataura nezvokukudzwa kukuru kwaakanga aitwa pamwe nevamwe vaKristu vakazodzwa. (Verenga 2 VaKorinde 5:18-20.) Akatsanangura kuti Mwari aiva nechinangwa chaakavadanira, chokuita “ushumiri hwokuyananisa,” chokukumbira vanhu kuti ‘vayananiswe naMwari.’ Izvozvo zvaireva kudzorera ushamwari kana kuti kuwirirana kwaimbovapo pakati pevanhu naMwari.

7 Kubvira pakapanduka vanhu muEdheni, vanhu vose vanga vakaparadzana naJehovha. (VaR. 3:10, 23) Kuparadzana ikoko kwakapinza vanhu murima rokusaziva Mwari, zvikakonzera kutambura norufu. Pauro akanyora kuti: “Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaR. 8:22) Asi Mwari akatora matanho okukurudzira vanhu, kana kuti tingatoti “kuvakumbira,” kuti vadzoke vazoyanana naye. Ihwohwo ndihwo ushumiri hwakapiwa Pauro nevamwe vake vakazodzwa. “Nguva yakakodzera” iyoyo yaigona kuva “zuva roruponeso” kune vaya vainge vatenda muna Jesu. VaKristu vose vakazodzwa nevamwe vavo ve“mamwe makwai” vavari kushanda navo vari kuramba vachikoka vanhu kuti vabatsirwe ne“nguva yakakodzera” iyoyo.—Joh. 10:16.

8. Chii chinoita kuti kukumbirwa kwevanhu kuti vayanane naMwari kushamise?

8 Chinoita kuti kukumbirwa kwevanhu kuti vayanane naMwari kushamise ndechokuti vanhu vacho ndivo vakakanganisa ukama uhwu pavakapanduka muEdheni asi Mwari ndiye akazotanga iye kutora matanho okugadzirisa zvinhu. (1 Joh. 4:10, 19) Akazviita sei? Pauro akapindura kuti: “Mwari akanga achizviyananisa nenyika achishandisa Kristu, asingavaverengeri kudarika kwavo, uye akatironzesa shoko rokuyananisa.”—2 VaK. 5:19; Isa. 55:6.

9. Kunzwisisa kwaPauro ngoni dzaMwari kwakaita kuti aite sei?

9 Paakapa chibayiro chorudzikinuro, Jehovha akaita kuti vaya vanotenda machiri vakwanise kukanganwirwa kukanganisa kwavo uye vavezve noushamwari kana kuti vanzwanane naye. Uyezve akatuma vamiririri vake kuti vazokurudzira vanhu kwose kwose kuti vave norugare naye mukana uchiripo. (Verenga 1 Timoti 2:3-6.) Kunzwisisa kuti kuda kwaMwari ndokupi uye kuziva nguva yaairarama zvakaita kuti Pauro ashande nesimba mu“ushumiri hwokuyananisa.” Kuda kwaJehovha hakuna kuchinja. Nanhasi achiri kuda kuti vanhu vayanane naye. Mashoko aPauro okuti “ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo” uye “rino ndiro zuva roruponeso” achiri kushanda. Chokwadi Jehovha ndiMwari ane tsitsi nengoni!—Eks. 34:6, 7.

Musatadze “Kunzwisisa Chinangwa Chawo”

10. Kuziva kuti rino i“zuva roruponeso” kwakaita kuti vaKristu vakazodzwa vaite sei kare uye iye zvino?

10 Vakatanga kubatsirwa nokuratidzwa kwomutsa uyu ndevaya ‘vari pamwe naKristu.’ (2 VaK. 5:17, 18) Kwavari “zuva roruponeso” rakatanga paPendekosti ya33 C.E. Kubvira ipapo vakapiwa basa rokuzivisa “shoko rokuyananisa.” Nhasi vaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano vachiri kuita “ushumiri hwokuyananisa.” Vanoziva kuti ngirozi ina dzakaonekwa nomuapostora Johani muuprofita hwaakaita zvokuratidzwa “dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika.” Saka rino richiri “zuva roruponeso” uye “nguva yakakodzera chaizvo.” (Zvak. 7:1-3) Nechikonzero ichi, kubvira kumavambo kwema1900, vakazodzwa vari kushingaira kuita “ushumiri hwokuyananisa” mumativi mana enyika.

11, 12. VaKristu vakazodzwa vakaratidza sei kuti vainzwisisa nguva yavairarama kutanga kwema1900? (Ona mufananidzo uri papeji 15.)

11 Somuenzaniso sezvakataurwa mubhuku raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, ma1800 ava kunopera, ‘C. T. Russell nevamwe vake vaitenda zvechokwadi kuti vakanga vari munguva yokukohwa uye kuti vanhu vaifanira kunzwa chokwadi chinosunungura.’ Saka vakaita sei? Dzichiziva kuti dzakanga dziri munguva yokukohwa, “nguva yakakodzera chaizvo,” hama idzi hadzina kungogutsikana nokungokoka vanhu kuti vauye kuzopinda svondo. Vafundisi vechiKristudhomu vakanga vagara vachidaro. Panzvimbo pokudaro, vaKristu ivavo vakazodzwa vakatanga kutsvaka dzimwe nzira dzokuparadzira mashoko akanaka. Chimwe chezvavakaita kwaiva kushandisa noungwaru zvigadzirwa zvaive zvichangoburwa pakufambisa basa ravo.

12 Kuti vaparadzire mashoko akanaka oUmambo, vashumiri ivavo vashomanana vaishingaira vakashandisa maturakiti, tumabhuku, magazini, uye mabhuku. Vakanyorawo mharidzo uye dzimwe nyaya dzavaibudisa muzviuru zvemapepanhau. Vakava nezvirongwa zvepanhepfenyuro zvaikurukura Magwaro zvavaibudisa pamasaisai omunyika imomo needzimwe nyika. Vakabudisa mabhaisikopo emifananidzo yaibuda iine mashoko aienderana nayo kunyange zvazvo vanhu vaiita mabhaisikopo enyika vakanga vasati vava kukwanisa kuita izvi. Kushingaira kwakadaro kwakabatsirei? Nhasi kune vanhu mamiriyoni manomwe vakabvuma kukokwa uye naivowo vava kuzivisa shoko rokuti: “Yananiswai naMwari.” Zvechokwadi vashumiri ivavo vaJehovha vakaratidza muenzaniso wakanaka wokushingaira pasinei nokuti vakanga vakaomerwa nezvinhu.

13. Tinofanira kufungisisa chinangwa chipi chaMwari?

13 Mashoko aPauro okuti “ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo” achiri kushanda. Isu takaratidzwa naJehovha mutsa usina kukodzera kuwanwa tinotenda kuti takapiwa mukana wokunzwa uye wokubvuma shoko rokuyananiswa naye. Panzvimbo pokungogutsikana nezvatiri kuita, tinofungisisa mashoko akazotaurwa naPauro okuti: “Tinokutetereraiwo kuti murege kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari motadza kunzwisisa chinangwa chawo.” (2 VaK. 6:1) Chinangwa chemutsa waMwari ndechokuti ‘azviyananise nenyika’ achishandisa Kristu.—2 VaK. 5:19.

14. Mikana ipi iri kuwanika munyika dzakawanda?

14 Ruzhinji rwevanhu rwakapofumadzwa naSatani, ruchakaparadzaniswa naMwari uye harwuzivi chinangwa chemutsa wake. (2 VaK. 4:3, 4; 1 Joh. 5:19) Zvisinei, kuipa kuri kuramba kuchiita zvinhu kuri kuita kuti vakawanda vauye pavanoratidzwa kuti kuparadzana naMwari ndiko kuri kukonzera uipi hwose nematambudziko zviri kuonekwa nevanhu. Kunyange munyika dzine vanhu vanga vasingambofariri basa redu rokuparidza, vakawanda iye zvino vava kubvuma mashoko akanaka uye vari kugadzirisa zvinhu kuti vayanane naMwari. Saka tinonzwisisa here kuti ino ndiyo nguva yokuti titowedzera kushingaira pakuudza vanhu chikumbiro chokuti: “Yananiswai naMwari”?

15. Pane kungoparidzira vanhu kuti vauye kuna Mwari nhamo dzavo dzipere, tinoda kuti vazive chii?

15 Basa redu harisi rokungoudza vanhu kuti kana vakatendeukira kuna Mwari, achavabatsira pamatambudziko avo vonzwa zviri nani. Vakawanda ndizvo zvavari kuendera kumachechi, uye machechi ari kutotsvaka vanhu vakadaro. (2 Tim. 4:3, 4) Ichocho handicho chinangwa choushumiri hwedu. Mashoko akanaka atinoparidza ndeokuti Jehovha, nerudo rwake, akagadzirira kukanganwira zvitadzo achishandisa Kristu. Saka vanhu vanogona kudzoka kuna Mwari vozviyananisa naye. (VaR. 5:10; 8:32) Zvisinei, “nguva yakakodzera chaizvo” yava kutopera.

“Pisai Nomudzimu”

16. Chii chaiita kuti Pauro ave noushingi uye ashingaire?

16 Saka tingaita sei kuti tive vanhu vanoshingairira kunamata kwechokwadi toramba tichidaro? Vamwe vangave vachinyara kana kuti vasingadi zvokutaurisa, voona zvichivaomera kutanga nyaya nevamwe. Zvisinei, zvakanaka kuyeuka kuti kushingaira hakungoonekwi pane zvaunoita kana kuti pakuratidza shungu; hakuneiwo nokuti une unhu hwakaita sei. Pauro akaratidza kuti kushingaira kunobva pachii paakakurudzira vamwe vaKristu kuti: “Pisai nomudzimu.” (VaR. 12:11) Mudzimu waJehovha ndiwo waiita kuti muapostora uyu ave noushingi uye nesimba pabasa rokuparidza. Kubvira paakadanwa naJesu kusvika pakuiswa kwake mujeri kokupedzisira muRoma nokuzourayirwa kutenda, kushingaira kwaPauro hakuna kumboderera. Aigara achinyengetera kuna Mwari uyo aimupa simba achishandisa mudzimu wake. Akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” (VaF. 4:13) Tikadzidza pane zvaakaita zvechokwadi tichabatsirwa!

17. Tingaita sei kuti ‘tipise nomudzimu’?

17 Shoko rakashandurwa kuti “pisai” rinonyatsoreva kuti “fashairai.” (Kingdom Interlinear) Kuti poto iri pamoto irambe ichifashaira, moto wacho unofanira kuramba uchikuchidzirwa. Isuwo kuti ‘tipise nomudzimu,’ tinoda kuramba tichiwana mudzimu waMwari. Kuti tiuwane tinofanira kushandisa zvose zvatinopiwa naJehovha kuti tisimbise ukama hwedu naye. Izvozvo zvinoreva kuisa pfungwa dzedu dzose pakunamata kwemhuri nekweungano, kugara tichidzidza toga uye kudzidza nemhuri dzedu, kunyengetera, uye kuwadzana nevamwe vaKristu. Izvi zvichatibatsira kuti tive ‘nomoto’ wokuti tirambe ‘tichifashaira,’ zvoita kuti tirambe ‘tichipisa nomudzimu.’—Verenga Mabasa 4:20; 18:25.

18. SevaKristu, tinofanira kuisa pfungwa dzedu dzose pachii?

18 Munhu akazvipira ndouya anoisa pfungwa dzake pachinhu chimwe chete uye asiri nyore kutsauswa kana kuti kuodzwa mwoyo pakutevera chinhu ichocho. SevaKristu, chinangwa chedu ndechokuita sezvakaitwa naJesu, kuita zvose zvatinonzi naJehovha tiite. (VaH. 10:7) Kuda kwaJehovha nhasi uno ndekwokuti vakawanda vayanane naye. Saka ngatishingairei, tichitevedzera Jesu naPauro, pakuita basa iri rinokosha kupfuura ose rinoda kuitwa tichiziva kuti hatichina nguva.

Unoyeuka Here?

• “Ushumiri hwokuyananisa” hwakapiwa Pauro uye vamwe vaKristu vakazodzwa chii?

• VaKristu vakazodzwa vachiri pasi pano vari kunyatsoshandisa sei “nguva yakakodzera chaizvo”?

• Mushumiri wechiKristu angaita sei kuti ‘apise nomudzimu’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Pauro haana kumbokanganwa kusangana kwaakaita naIshe Jesu Kristu