Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pana Genesisi 6:3 panoti: “Mudzimu wangu haungarambi uchishanda mumunhu nokusingagumi, iyewo zvaari wenyama. Naizvozvo mazuva ake achasvika zana nemakumi maviri.” Jehovha akanga achitaura kuti vanhu vaizongorarama makore 120 chete here, uye Noa akaparidza nezvemafashamo aizouya kwemakore ose iwayo here?

Mhinduro yemibvunzo yose iri miviri ndikwete.

Mafashamo asati aitika, vanhu vakawanda vairarama kwemazana emakore. Mafashamo paakauya, Noa aiva nemakore 600, uye akararama makore 950. (Gen. 7:6; 9:29) Vamwe vakaberekwa mafashamo aitika vakararama makore anopfuura 120, vakadai saApakishadhi, uyo akafa ava nemakore 438 uye Shera, akafa ava nemakore 433. (Gen. 11:10-15) Zvisinei, panguva yakazorarama Mosesi, vanhu vakawanda vakanga vava kurarama makore 70 kana kuti 80. (Pis. 90:10) Saka Genesisi 6:3 yakanga isiri kutaura kuti vanhu vaifanira kurarama makore asingapfuuri 120.

Saka mundima iyi tingati Mwari aiudza Noa kuti anyevere vanhu nezvokuparadzwa kwaizoitika mumakore 120 here? Kwete. Mwari akataura naNoa pane zvimwe zviitiko. Panyaya iyoyi mundima 13 tinoverenga kuti: “Mwari akati kuna Noa: ‘Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu, nokuti vazadza nyika nechisimba.’” Mumakore akazotevera, Noa akapedza basa guru rokuvaka areka, uye ipapo “Jehovha akati kuna Noa: ‘Pinda muareka, iwe neimba yako yose.’” (Gen. 6:13; 7:1) Uye pane pamwe paiudzwa Noa mamwe mashoko naJehovha.—Gen. 8:15; 9:1, 8, 17.

Zvisinei, Genesisi 6:3 inotaura zvakasiyana neizvi; haitauri nezvaNoa uye haitauri kuti Mwari aitaura naye. Ndima yacho inogona kunzi mashoko aMwari okuzivisa chinangwa chake kana kuti zvaakanga achida kuita. (Enzanisa naGenesisi 8:21.) Zvinokosha kucherechedza kuti munhoroondo yezvakaitika kare Adhamu asati avapo, tinowana mashoko akadai seokuti: “Mwari akabva ati . . . ” (Gen. 1:6, 9, 14, 20, 24) Zviri pachena kuti Jehovha akanga asiri kutaura nemunhu aiva panyika, nokuti vanhu vakanga vasati vasikwa.

Saka zvine musoro kuti titi Genesisi 6:3 inotaura nezvekusarudza kwakaita Mwari kugumisa mamiriro ezvinhu akaipa aiva panyika. Jehovha akazivisa kuti aizozviita mumakore 120, kunyange zvazvo Noa akanga asati ava kuzviziva. Asi nei Jehovha akazivisa kuti aizozviita mumakore 120? Nei aifanira kumirira?

Muapostora Petro anopa zvikonzero zvacho: ‘Kushivirira kwaMwari kwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa, umo vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.’ (1 Pet. 3:20) Ichokwadi kuti Mwari paakati aida kuparadza nyika mumakore 120, paive nezvinhu zvakanga zvichiri kufanira kuitwa. Pashure pemakore anenge 20, Noa nemudzimai wake vakatanga kuva nevana. (Gen. 5:32; 7:6) Vanakomana vavo vatatu vakakura uye vakaroora, zvikaita kuti mhuri ikure kuva “mweya misere.” Zvadaro, vaifanira kuvaka areka, basa raisagona kukurumidza kupera kana tichifunga nezvekukura kwayo uye uduku hwemhuri yaNoa. Ichokwadi kuti kushivirira kwaMwari kwemakore 120 kwakapa nguva yokuti zvinhu izvozvo zviitike uye kwakaita kuti upenyu hwevanhu nemhuka huchengetedzwe, zvikaita kuti vanhu vasere vakanga vakatendeka ‘vatakurwe vakachengeteka nomumvura.’

Bhaibheri haritauri kuti ndirini Jehovha paakazivisa Noa nezvokuuya kwemafashamo. Sezvo vanakomana vake vakanga vazvarwa, vakura, uye varoora, zvimwe pakanga pasara makore 40 kana kuti 50 kuti mafashamo auye. Jehovha akabva ati kuna Noa: “Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu.” Akawedzera kuti Noa aifanira kuvaka areka huru uye aifanira kupinda muareka yacho nemhuri yake. (Gen. 6:13-18) Mumakumi emakore akanga asara, Noa haana kungogumira pakurarama zvakarurama chete. Aiva “muparidzi wokururama” aizivisa mashoko akajeka okunyevera nezvekuda kwaMwari kuparadza vanhu vakanga vasingamudi vepanguva iyoyo. Noa aisaziva kuti izvi zvaizoitika mugore ripi, asi aiziva kuti zvaizoitika chete. Uye iwe unoziva kuti zvakaitika.—2 Pet. 2:5.