Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Sei Uchifanira Kudzidza Kubva Kuna Mwari?

Sei Uchifanira Kudzidza Kubva Kuna Mwari?

Dzidza Kubva Mushoko raMwari

Sei Uchifanira Kudzidza Kubva Kuna Mwari?

Nyaya ino ine mibvunzo ingave yakakunetsa uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Sei uchifanira kudzidza kubva kuna Mwari?

Mwari ane mashoko akanaka ezvinhu zviri nani nokuda kwevanhu. Anotiudza nezvawo muBhaibheri. Bhaibheri rakaita setsamba yatakanyorerwa naBaba vedu vokudenga vane rudo.—Verenga Jeremiya 29:11.

2. Mashoko acho akanaka ndeokutii?

Vanhu vanoda hurumende yakanaka. Hapana mutongi ati ambobvisira vanhu kurwisana, kusaruramisira, zvirwere kana kuti rufu. Asi mashoko akanaka ndeokuti Mwari achaita kuti vanhu vave nehurumende yakanaka ichasunungura vanhu pazvose zvinoita kuti vatambure.—Verenga Dhanieri 2:44.

3. Sei zvichikosha kudzidza kubva kuna Mwari?

Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achabvisa vanhu vose vanokonzera kutambura panyika. Asi iye zvino ari kudzidzisa mamiriyoni evanhu vanyoro mararamiro ari nani, okudanana. Vanhu vari kubatsirwa neShoko raMwari kuti vadzidze zvavangaita kuti vakurire matambudziko oupenyu, vawane mufaro wechokwadi, uye vafadze Mwari.—Verenga Zefaniya 2:3.

4. Ndiani akanyora Bhaibheri?

Bhaibheri rinoumbwa nemabhuku maduku 66. Akanyorwa nevarume vanosvika 40. Mashanu okutanga akanyorwa naMosesi makore anenge 3 500 akapfuura. Rokupedzisira rakanyorwa nomuapostora Johani makore anodarika 1 900 akapfuura. Asi vanhu vakashandiswa kunyora Bhaibheri vakanyora pfungwa dzaMwari, kwete dzavo. Saka Mwari ndiye akanyora Bhaibheri.—Verenga 2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:21.

Tinoziva kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari nokuti rinotaura nomazvo zvichaitika mune ramangwana. Hapana munhu angakwanisa kuzviita. (Isaya 46:9, 10) Uyezve, Bhaibheri rinotiratidza kuti Mwari munhu akaita sei chaizvo. Rine simba rokuvandudza mararamiro evanhu. Izvi ndizvo zvinoita kuti mamiriyoni evanhu abvume kuti Bhaibheri iShoko raMwari.—Verenga Joshua 23:14; 1 VaTesaronika 2:13.

5. Ungaitei kuti unzwisise Bhaibheri?

Jesu akazivikanwa somudzidzisi weShoko raMwari. Kunyange hazvo vanhu vakawanda vaaitaura navo vaiziva Magwaro, vakanga vachida kubatsirwa. Kuti avabatsire, kakawanda Jesu aitaura zvakanyorwa mune dzimwe ndima dzeMagwaro achitsanangura ‘zvairehwa neMagwaro.’ Nyaya iyi inoti “Dzidza Kubva Mushoko raMwari,” ichakubatsirawo saizvozvo.—Verenga Ruka 24:27, 45.

Hapana chinhu chinonakidza sokudzidziswa chinangwa choupenyu naMwari. Asi havasi vose vachafara kuti uri kuverenga Bhaibheri. Izvozvo ngazvirege kukudzosera kumashure. Kuti uwane upenyu husingaperi zvinobva pakuziva Mwari.—Verenga Mateu 5:10-12; Johani 17:3.

Kuti unzwe zvakawanda, ona chitsauko 2 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.