Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Edheni—Ndiwo Waiva Musha Wokutanga Wevanhu Here?

Edheni—Ndiwo Waiva Musha Wokutanga Wevanhu Here?

EdheniNdiwo Waiva Musha Wokutanga Wevanhu Here?

ZVIONE uri mubindu. Hamuna chinovhiringidza, uyewo hamuna ruzha runobva mutaundi. Bindu iri rakakura chaizvo, uye hapana chinovhiringidza runyararo rwurimo. Chinonyanya kufadza ndechokuti pfungwa dzako dzakadekara zvadzo uye hapana panombokuti n’en’enu kana zvingakonzera kuti urware. Uri kungofunga nezvezvinhu zvakakupoteredza.

Unotanga kuti ndee pamaruva anoyevedza, wozoti pamvura iri kuyerera mukarukova, wozoti pamashizha neuswa zvakasiyana-siyana uye zvakasvibira zvinenge zvichirohwa nezuva, zvimwe zviri mumumvuri. Unonzwa kamhepo kanofefetera kachinhuhwirira, mashizha akaoma achiti shwa-shwa, mvura ichiyerera ichirovera pamatombo, shiri dzichirira nokuimba uye zvipembenene zvichiita kamwe karuzha kanoratidza kuti zviri kuita basa sebasa. Paunofungidzira zvinhu izvi, haunzwi uchida kugara munzvimbo yakadai here?

Pasi rose vanhu vanofunga kuti zvarondedzerwa pamusoro apa ndiwo aiva mararamiro evanhu vokutanga. Kwemazana emakore, vechitendero cheJudaism, cheIslam uye chevanozviti vaKristu, vakadzidziswa nezvemunda weEdheni, umo Mwari akaita kuti Adhamu naEvha vagare. Bhaibheri rinoti vaigara vachizvifarira zvavo pasina chinovavhiringidza. Vaigarisana zvakanaka ivo pachavo nemhuka, uye vaiva neukama hwakanaka naMwari uyo akanga avapa tarisiro yokuti vararame nokusingaperi munzvimbo iyoyo yakazonaka.—Genesisi 2:15-24.

Vechitendero chechiHindu vanewo zvavo zvavanotaura pakurondedzera zvaiva zvakaita paradhiso kare. Vechitendero chechiBuddha vanofunga kuti vafundisi vakuru kana kuti vanaBuddha, vakatanga panguva iyo zvinhu zvaiva zvakanaka, nyika yakaita separadhiso. Uye zvitendero zvakawanda zvomuAfrica zvinodzidzisa nyaya dzakafanana chaizvo nezvaAdhamu naEvha.

Kutaura chokwadi pfungwa yokuti kare kwaiva neparadhiso yagara yakaparira muzvitendero zvakawanda uye mutsika dzakasiyana-siyana. Mumwe munyori akati: “Vanhu vakawanda vanobvuma kuti kare kare kwaiva neparadhiso yakanga iine vanhu vasina zvivi, vaine rusununguko, rugare, mufaro, vaine zvinhu zvakawanda, pasina aimbovavhundutsira uye vasingambonetsani. . . . Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vanzwe vachida paradhiso iyoyo iyo yavakarasikirwa nayo yavasingambokanganwi uye vachida kuti ivepozve.”

Nyaya idzodzo netsika idzi zvinobva pakuti vanhu ava vane chinhu chimwe chete chavanodavira here? Kungava here kuti “zvinozivikanwa nevanhu vose ava” imhaka yokuti pane zvimwe zvavanoziva zvakanyatsoitika? Ichokwadi here kuti kare kare kwaiva nemunda weEdheni uye vanhu vainzi Adhamu naEvha?

Vanhu vanotsoropodza vanoti hakuna zvinhu zvakadaro. Mukore uno wakakurumbira nyaya dzesayenzi, vakawanda vanofunga kuti nyaya idzi dzinongova hadzo ngano. Zvinotoshamisa ndezvokuti kunyange vamwe vanonamata vanoramba pfungwa iyi. Vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanotsigira pfungwa yokuti hakuna kumbobvira kwava nenzvimbo inonzi munda weEdheni uye vanodzidzisa izvozvo. Vanoti nyaya iyi idimikira, ingano kana kuti mufananidzo chete.

Ichokwadi hacho kuti Bhaibheri rinombotaura mifananidzo. Jesu akataura mimwe mifananidzo inozivikanwa chaizvo. Asi Bhaibheri parinotaura nezveEdheni rinozvitaura senyaya yakaitika zvechokwadi. Asi kana kuri kuti zvinhu zvinotaurwa muBhaibheri hazvina kumbobvira zvaitika, tingazovimba sei naro? Ngatimboongororai kuti nei vamwe vachiramba nyaya yokuti kwaiva nemunda weEdheni toona kuti zvavanotaura zvine musoro here. Zvadaro toona kuti nei mumwe nomumwe wedu achifanira kuziva nezvenyaya iyi.