Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

Ichokwadi Here Kuti Kwaiva Nemunda weEdheni?

WAKAMBONZWA here nyaya yaAdhamu naEvha uye yemunda weEdheni? Nyaya iyi inozivikanwa nevanhu vakawanda pasi rose. Wadii kumboiverenga uzvinzwire? Iri pana Genesisi 1:26–3:24. Heino nyaya yacho muchidimbu:

Jehovha Mwari * anoumba munhu neguruva, omutumidza kuti Adhamu, omuisa mumunda uri munharaunda inonzi Edheni. Mwari pachake ndiye akadyara munda uyu. Nzvimbo iyi yakanyorovera, izere miti yakanaka inobereka michero. Nechepakati pomunda wacho pane “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Mwari anorambidza vanhu ava kudya zvibereko zvomuti uyu, achivati kana vakasateerera vachafa. Nokufamba kwenguva, Jehovha anoitira Adhamu shamwari, mukadzi anonzi Evha, waanoumba neimwe yembabvu dzaAdhamu. Mwari anovapa basa rokutarisira munda wacho uye anovaudza kuti vaberekane uye vazadze nyika.

Evha paanenge ari oga, nyoka inotaura naye, yomuudza kuti adye muchero wakarambidzwa ichiti Mwari akamunyepera uye ari kumunyima chimwe chinhu chakanaka, chichaita kuti afanane naMwari. Anobvuma kufurirwa odya muchero wacho waakarambidzwa. Pave paya, Adhamu anorega kuteerera odyawo. Jehovha anopa mutongo kuna Adhamu, Evha, uyewo nyoka. Vanhu vanodzingwa mumunda uya wakaita separadhiso, ngirozi dzobva dzarinda panopindwa napo mumunda wacho.

Nyanzvi, vakadzidza uye vanorondedzera zvakaitika vaimbobvuma kuti zvinhu zvakanyorwa mubhuku reBhaibheri raGenesisi ndezvechokwadi uye zvakaitika. Mazuva ano, vakawanda havachabvumi kuti nyaya dzakadaro dzakaitika. Asi chii chinoita kuti vanhu vasava nechokwadi kuti nhoroondo iri muna Genesisi inotaura nezvaAdhamu, Evha uye yemunda weEdheni, yakaitika zvechokwadi? Ngatimboongororai pfungwa ina dzinotaurwa nevakawanda vachiti hazvina kuitika.

1. Kwaiva nenzvimbo chaiyo yainzi munda weEdheni here?

Sei vamwe vasina chokwadi kuti munda uyu waiveko? Pamwe uzivi ndihwo hwakaita kuti zvidaro. Kwemazana emakore, vaiongorora zvechitendero vaifungidzira kuti kune nzvimbo ichine munda waMwari uyu. Zvisinei, vemachechi vakatanga kuvhiringidzwa nevazivi vechiGiriki vakadai sevanaPlato naAristotle, avo vaiti hapana chakakwana chinogona kuwanikwa panyika, kunze kwokudenga. Saka vafundisi vakatanga kuti Paradhiso iya yokutanga inofanira kunge yaiva pedyo nokudenga. * Vamwe vakati munda wacho waiva pamusoro pegomo refu refu riri kure kune imwe nzvimbo iri nani kupfuura nyika ino, vamwewo vakati yaiva kunzvimbo iri kure chaizvo kuti vanhu vasvikeko uyewo vamwe vakati yaiva pamwedzi kana kuti pedyo nawo. Hazvishamisi kuti nyaya yeEdheni yakabva yazongoita senganowo zvayo inonakidza. Dzimwe nyanzvi dzemazuva ano dzinoti hazvina musoro kubvuma kuti kwaiva neEdheni, dzichiti hakuna kumbobvira kwava nenzvimbo yakadaro.

Zvisinei, Bhaibheri haritauri nezvemunda iwoyo saizvozvo. Pana Genesisi 2:8-14, tinoudzwa nezvezvinhu chaizvo zvaiva zvakaita munda iwoyo. Waiva kumabvazuva kwenharaunda yainzi Edheni. Waidiridzwa norwizi rwune dzimwe nzizi ina dzakazobuda marwuri. Nzizi idzi dziri ina dzinotaurwa nemazita adzo, uye pane rondedzero pfupi inopiwa nezvadzo. Zvinhu zvose izvi zvava nenguva zvichinetsa nyanzvi, dzakawanda dzacho dzakaongorora ndima iyi yeBhaibheri kuti dziwane mamwe mashoko nezvokuti nzvimbo iyi iri kupi mazuva ano. Zvisinei, vakapedzisira vava nepfungwa dzakasiyana-siyana. Saka izvi zvinoreva here kuti rondedzero yezvakaita Edheni, munda wacho nenzizi dzacho, inenge ichingova hayo ngano?

Chimbofunga izvi: Zvakaitika mumunda weEdheni zvava nemakore anenge 6 000 zvaitika. Zviri pachena kuti zvakanyorwa naMosesi, uyo angadaro akaita zvokuudzwa nhoroondo dzacho kana kuti akashandisa mamwe magwaro akanga akatonyorwa. Uyezve, Mosesi akanyora nhoroondo idzi kwapera makore anenge 2 500 dzaitika. Edheni yakanga yatova nyaya yekare kare. Saka zvinhu zvakaita senzizi zvinochinja here pashure pemazana emakore? Zvinhu zviri panyika zvakaita senzizi nemakomo zvinogara zvichingochinja. Nharaunda ingadaro yaiva neEdheni inharaunda inogara ichidengenyeka. Pakudengenyeka kukuru kwakasiyana-siyana kwati kwamboitika, 17 muzana kwakaitika munharaunda yeEdheni. Munzvimbo dzakadaro, zvinhu zvinotongogara zvichichinja. Uyezve, Mafashamo omuzuva raNoa angadaro akaita kuti zvinhu zvakaita semakomo nenzizi zvichinje nenzira dzatisingakwanisi kunzwisisa mazuva ano. *

Zvisinei, pane pfungwa shomanana dzinotevera dzatinoziva: Nhoroondo iri muna Genesisi inoti munda wacho inzvimbo chaiyo. Panzizi ina dzinotaurwa, mbiri dzacho, rwaYufratesi norwaTigrisi, kana kuti Hidhekeri, nanhasi dzichiripo uye dzimwe mvura dzinodira munzizi idzi dzinobva pedyo napedyo. Nhoroondo yacho inototaura mazita enyika dzinopfuura nenzizi idzi uye kuti zviwanikwa zvipi zvaiva munharaunda iyi. Kuziva mashoko aya kwakabatsira chaizvo vaIsraeri vekare vaiverenga nhoroondo iyi.

Ndizvo zvinoita ngano here? Kana kuti kazhinji dzinosiya pfungwa dzinokosha dzinogona kubvumwa kana kuti kurambwa? Kazhinji ngano dzinotanga dzichiti “Kare-kare paivapo.” Asi nyaya dzakanyatsoitika dzinotaura mashoko anokosha, sezvinoitwa nenhoroondo yeEdheni.

2. Ichokwadi here kuti Mwari akaumba Adhamu neguruva uye kuti pana Evha akashandisa mbabvu yaAdhamu?

Sayenzi yemazuva ano inobvuma kuti muviri womunhu unoumbwa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinowanika muivhu zvinoti hydrogen, oxygen, necarbon. Asi zvinhu izvozvo zvakabatanidzwa sei kuti zviumbe chisikwa chipenyu?

Masayendisiti akawanda anoti upenyu hwakangoerekana hwavapo, huchingotanga sechinhu chiri nyore zvishoma nezvishoma, hukazova chinhu chakaoma kunzwisisa mumamiriyoni emakore akatevera. Zvisinei, shoko rokuti “nyore” rinogona kuvhiringidza, nokuti zvinhu zvose zvipenyu, kunyange zviduku-duku zvinongoonekwa nemaikorosikopu, zvakaoma chaizvo kunzwisisa. Hapana uchapupu hunoratidza kuti upenyu hwechinhu chero chipi zvacho hwakangoerekana hwavapo kana kuti hunogona kungoerekana hwavapo. Asi zvinhu zvose zvakasikwa zvinonyatsopa uchapupu hwakajeka hwokuti zvakasikwa nemunhu akachenjera chaizvo kutipfuura. *VaRoma 1:20.

Ungafungidzira here uchiteerera mumhanzi wemandorokwati kana kuti uchiyemura chinhu chakapendwa zvakanaka, kana kuti uchishamiswa nechimwe chinhu chakagadzirwa pachishandiswa ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu, wobva waomesa musoro uchiti hapana akazvigadzira? Haungambodaro! Asi mabasa iwayo haangamboenzaniswi nomuviri womunhu wakasikwa nounyanzvi, wakanaka uye wakaoma kunzwisisa. Saka zvine musoro here kuti titi hapana akausika? Uyezve, nhoroondo iri muna Genesisi inoti pazvinhu zvose zvipenyu zvakasikwa zviri panyika, vanhu chete ndivo vakasikwa nemufananidzo waMwari. (Genesisi 1:26) Ndokusaka vanhu vari ivo chete vanokwanisa kutevedzera mabasa aMwari okusika, dzimwe nguva vachitokwanisa kuimba nziyo dzinonakidza, kuita zvokudhirowa uye kugadzira michina. Saka zvinofanira kutishamisa here kuti Mwari anokwanisa kugadzira zvinhu kutipfuura?

Kana iri nyaya yokusikwa kwakaitwa mukadzi pachishandiswa mbabvu yemurume, pane chakaoma here ipapo? * Mwari angadai akashandisa imwe nzira, asi masikiro aakaita mukadzi ane zvaanoreva zvinokosha. Aida kuti murume nomukadzi ava varoorane uye vave noukama hwepedyo, vagume vaita se“nyama imwe.” (Genesisi 2:24) Kubatsirana uye kuwirirana kunoita murume nomudzimai hakuratidzi zvakasimba here uchenjeri uye rudo zvine Musiki?

Uyezve, nyanzvi dzinoongorora zvakaita muviri dzakabvuma kuti vanhu vose vanofanira kunge vakabva kumunhurume mumwe chete nomunhukadzi mumwe chete. Saka kana zvakadaro, tingati nhoroondo iri muna Genesisi ndeyenhema here?

3. Zvinoita sokuti nyaya yomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa nomuti woupenyu ingano.

Kutaura zvazviri, nhoroondo iri muna Genesisi haidzidzisi kuti miti iyi iyo pachayo yaiva nemasimba akasiyana nemimwe miti yose. Asi yaitova miti chaiyo iyo Jehovha akaita kuti ive nezvainomiririra zvinokosha.

Vanhu havambodarowo here? Somuenzaniso, mutongi angayambira munhu kuti akashora dare imhosva. Anenge asiri kureva kushora midziyo, madziro nezvinhu zviri mudare macho, asi anenge achireva utongi hunomiririrwa nedare racho. Umambo hwakasiyana-siyana hunoshandisawo tsvimbo nekorona sezviratidzo zvechiremerera chavo.

Saka miti miviri iyi yaimiririrei? Pane dzidziso gumi nefararira dzinotenderedza musoro dzakatangwa. Asi mhinduro yechokwadi haina kumbooma uye inokosha. Muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa waimiririra ropafadzo ina Mwari oga, yokusarudza zvakanaka nezvakaipa. (Jeremiya 10:23) Ndokusaka yaiva mhosva kuba muchero womuti iwoyo! Asiwo muti woupenyu waimiririra chipo chinongogona kupiwa naMwari oga, choupenyu husingaperi.—VaRoma 6:23.

4. Nyaya yokuti nyoka yakataura inoita sengano.

Ichokwadi kuti chikamu ichi chenhoroondo iri muna Genesisi chinogona kutenderedza musoro, kunyanya kana tikasafunga zvinotaurwa neBhaibheri rose. Asi zvishoma nezvishoma Magwaro anojekesa nyaya iyi inoita seisinganzwisisiki.

Ndiani kana kuti chii chakaita kuti nyoka iite seiri kutaura? Vanhu veIsraeri yekare vaiziva zvimwe zvakaita kuti nyoka iyoyo itaure. Somuenzaniso, vaiziva kuti kunyange hadzo mhuka dzisingatauri, munhu asingaoneki ane simba anogona kuita kuti mhuka iite seiri kutaura. Mosesi akanyorawo nhoroondo yezvaBharami; Mwari akatuma ngirozi kuti iite kuti mbongoro yaBharami itaure semunhu.—Numeri 22:26-31; 2 Petro 2:15, 16.

Zvimwe zvisikwa zvisingaoneki, kusanganisira vavengi vaMwari, zvinogona kuita zvishamiso here? Mosesi akanga aona vapristi vaiita zvemashiripiti vokuIjipiti vachitevedzera zvimwe zvishamiso zvaMwari, zvakadai sokuita kuti tsvimbo ichinje kuva nyoka. Simba rokuita zvishamiso zvakadaro harina kubva kuna Mwari asi rakabva kuvavengi vaMwari, kureva zvisikwa zvisingaoneki zvisingagari pasi pano.—Eksodho 7:8-12.

Zviri pachena kuti Mosesi ndiye aiva munyori webhuku raJobho. Bhuku iroro rinodzidzisa zvakawanda nezvaSatani, muvengi mukuru waMwari, uyo akati vashumiri vose vaJehovha vakanga vasingakwanisi kuramba vakaperera kwaari. (Jobho 1:6-11; 2:4, 5) VaIsraeri vekare vangava vakafunga here kuti Satani akanga ashandisa nyoka muEdheni, kuti iite seiri kutaura, akafurira Evha kuti asaramba akaperera kuna Mwari? Zvinoratidza sokudaro.

Satani ndiye akaita kuti nyoka itaure here? Jesu akazotaura nezvaSatani achiti “murevi wenhema nababa venhema.” (Johani 8:44) Handizvo here kuti munhu wokutanga kureva nhema ndiye anonzi “Baba venhema”? Mashoko akataurwa nenyoka kuna Evha ndidzo nhema dzokutanga. Nyoka yakataura mashoko aipesana neyambiro yakanga yapiwa naMwari yokuti kana vakadya muti vaizofa, ichiti: “Chokwadi hamungafi.” (Genesisi 3:4) Zviri pachena kuti Jesu aiziva kuti Satani ndiye akanga aita kuti nyoka itaure. Zvakaonekwa nomuapostora Johani aratidzwa naJesu zvinobva zvapedza nyaya yacho, nokuti anotaura nezvaSatani achiti “nyoka yepakutanga.”—Zvakazarurwa 1:1; 12:9.

Zvinganzi hazvifi zvakaita here kuti ngirozi ine simba iite kuti nyoka iite seiri kutaura? Inga wani vanhu vanogona kuita zvidavado zvisinganzwisisiki kunyange zvazvo vasina simba kana tichivaenzanisa nengirozi.

Uchapupu Hunogutsa Kupfuura Humwe Hwose

Haubvumi here kuti vanhu vanoti nhoroondo iri muna Genesisi haina kuitika chikonzero chaicho chokudaro? Asiwo, pane uchapupu hwakasimba hwokuti nhoroondo yacho ndeyechokwadi.

Somuenzaniso, Jesu Kristu anonzi “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” (Zvakazarurwa 3:14) Haana paakamboreva nhema nokuti aiva munhu akakwana. Uyezve, akadzidzisa kuti akanga atomborarama kwenguva refu asati auya pasi pano, aina Baba vake Jehovha, “nyika isati yavapo.” (Johani 17:5) Saka zvinhu pazvakatanga kusikwa panyika Jesu aitovapo. Chapupu ichi chakavimbika kupfuura zvimwe zvose chakati kudini?

Jesu akati Adhamu naEvha vaiva vanhu chaivo. Akataura nezvomuchato wavo paaitsanangura zvakanga zvataurwa naJehovha zvokuti murume ave nemudzimai mumwe chete, mudzimai achivawo nemurume mumwe chete. (Mateu 19:3-6) Kana vasina kumbobvira vavapo uye munda wavaigara waingova hawo womungano, kureva kuti Jesu akanyengedzwa kana kuti akareva nhema. Hatingambofungi zvakadaro! Jesu akanga ari kudenga, achiona matangiro akaita matambudziko evanhu mumunda wacho. Pane uchapupu hungapfuura ihwohwo here?

Chiripo ndechokuti, kana munhu akarega kutenda nhoroondo yaGenesisi haagoni kutenda muna Jesu. Kusatenda ikoko kunoita kuti asambonzwisisa dzimwe pfungwa dzinokosha dziri muBhaibheri uye vimbiso dzinonyaradza dzirimo. Ngationei kuti sei zvakadaro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zita raMwari muBhaibheri ndiJehovha.

^ ndima 7 Pfungwa iyi haitsigirwi nemagwaro. Bhaibheri rinodzidzisa kuti basa raMwari rose rakakwana; uyewo kuti zvinhu zvakaipa hazvibvi kwaari. (Dheuteronomio 32:4, 5) Jehovha paakapedza kusika pasi rino, akati zvose zvaakanga aita “zvakanga zvakanaka kwazvo.”—Genesisi 1:31.

^ ndima 9 Zviri pachena kutiMafashamo, akakonzerwa naMwari, akaparadza zvose zvaizoita kuti tizive paiva nemunda weEdheni. Ezekieri 31:18 inopa pfungwa yokuti pakazosvika zana remakore rechinomwe B.C.E., “miti yomuEdheni” yakanga yatova nenguva isisipo. Saka vose vaya vakazenge vachiri kutsvaka munda weEdheni vakanga vakarasika.

^ ndima 14 Ona bhurocha rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 16 Kana mamwe mapfupa akavhunika haakwanisi kupora. Asi chinoshamisa ndechokuti kana dziri mbabvu, vezvesayenzi mazuva ano vakaona kuti dzinokwanisa kupora kana kuri kuti haina kuita zvokuvhunikira pajoini chaipo.