Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Sezvo vaIsraeri vaiva nemwaka wakareba wokusava nemvura, zvii zvavaiita kuti vagare vaine mvura yaivakwanira?

KuIsrael mvura inonaya pakati paOctober naApril uye dzimwe nguva inoyerera ichidzika nehova dzemuzvikomo. Muchirimo, hova idzi dzinenge dzakati gwa-a, uye dzimwe nguva kwemwedzi yakati kuti mvura hainayi. Saka vanhu vomunguva dzakanyorwa Bhaibheri vaizvifambisa sei kuti vagare vaine mvura yaivakwanira?

Migero yaicherwa mujinga mezvikomo kuitira kuti mvura iyerere ichipinda mumigodhi kana mumatsime aiva akacherwa. Matenga edzimba aiva akarereka kuitira kuti mvura yainaya iyerere ichipinda mumatsime aya. Mhuri dzakawanda dzaiva nematsime adzo adzaichera mvura yokunwa.—2 Madzimambo 18:31; Jeremiya 6:7.

VaIsraeri vaishandisawo zvitubu zvemvura. Munzvimbo dzakakwirira mvura yainaya muchando yainwirira pasi yonosvika paruware zvokuti inenge isingachakwanisi kuramba ichinwirira, yobva yayerera iri pamusoro peruware irworwo kusvikira yabuda muzvitubu. Zvinoratidza sokuti maguta aiwanzovakirwa pedyo nezvitubu uye izvi zvinotsigirwa nepfungwa yokuti mazita enzvimbo echiHebheru aisanganisira shoko rokuti en, iro rinoreva kuti chitubu. Mienzaniso yemazita aya ndeiyi: Eni-shemeshi, Eni-rogeri neEni-gedhi. (Joshua 15:7, 62) KuJerusarema kwakagadzirwa mugero waipinda neparuware kuti uunze mvura muguta.—2 Madzimambo 20:20.

Kunzvimbo dzaiva dzisina zvitubu kwaicherwa tsime (muchiHebheru, beʼer) rakafanana neriri kuBheeri-shebha kuti vawane mvura. (Genesisi 26:32, 33) Mumwe munyori anonzi André Chouraqui anoti, “zvakaitwa [nevaIsraeri] kupedza matambudziko zvinofanira kutendwa chaizvo uye kuyemurwa nanhasi.”

Abramu (Abrahamu) angadaro aigara muimba yakadini?

Abramu nomudzimai wake vaigara muguta revaKadheya raiva rakapfuma chaizvo reUri. Asi pavakaudzwa naMwari kuti vabudemo vakatanga kunogara mumatende. (Genesisi 11:31; 13:12) Ngatimbokurukura nezvezvavaifanira kusiya.

Leonard Woolley paaiita zvokuchera matongo pakati pa1922 na1934, ndiye akawana guta reUri kuIraq. Pazvivako zvaakawana pakanga pane dzimba dzezvidhinha 73. Padzimba idzi, dzakawanda dzacho dzaiva dzakapoteredza chivanze chakanga chakaiswa kongiri. Nechepakati pachivanze ichi painge pakati dzikirei zvishoma uye paiva nemugero wairasa mvura inenge yashandiswa. Mudzimba dzaiva dzakakura, dzimba dzevaenzi dzaiva nezvimbudzi zvadzo. Mamwe makamuri aiva neimba yokubikira yaiva nechoto uye dzimba dzokurara dzevashandi. Varidzi vemba vaigara nechepamusoro paikwirwa nemasitepisi. Masitepisi aya aiita kuti usvike pavharanda raiva rakagadzirwa nemapuranga raiva rakapoteredza chivanze uye waikwanisa kuzopinda mune dzimwe dzimba dzaiva nechepamusoro.

Woolley akanyora kuti, “Imba . . . , ine kongiri pachivanze yakapurasitiwa zvakanaka, iine mapaipi emvura, muine makamuri akawanda, zvinoratidza upenyu hwepamusorosoro.” “Uye idzi ndidzo dzaiva dzimba dzevanhu vane upenyu hwepakati nepakati, vaitengesa muzvitoro kana vaingotengesawo zvakangodaro-daro, vanyori nevamwewo.”

[Mufananidzo uri papeji 19]

Tsime rinonzi, Horvot Mezada, riri kuIsrael

[Kwazvakatorwa]

© Masada National Park, Israel Nature and Parks Authority

[Mufananidzo uri papeji 19]

Mufananidzo weimba yemunguva yaAbrahamu

[Kwazvakatorwa]

© Drawing: A. S. Whitburn