Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Satani akashandisa nyoka kutaura naEvha?

Nei Satani akashandisa nyoka kutaura naEvha?

Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Nei Satani akashandisa nyoka kutaura naEvha?

▪ Kubva pane zvataurwa papeji 8, unogona kubvuma kuti Satani ndiye akashandisa nyoka kutaura naEvha. Izvi ndizvo chaizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Asi ungashamisika kuti, ‘Sei chisikwa chisingaoneki chine simba chaizoita kuti nyoka itaure?’

Bhaibheri rinotaura nezveunyanzvi hwaSatani richiti “manomano,” uye zvaakaita kuna Adhamu naEvha zvinoratidza kuti ndozvaari. (VaEfeso 6:11) Zvakaitika mumunda weEdheni haisi nganowo zvayo yezvemhuka inotaura, asi muenzaniso wemazano ouchenjeri ane ngozi anoshandiswa naSatani kuti abvise vanhu pana Mwari. Pakudini?

Satani akasarudza nokungwarira munhu waaida kunyengera. Evha ndiye aiva muduku pangirozi dzose dzaivapo nepavanhu vakanga vasikwa. Achiziva kuti Evha aiva noruzivo rushoma, Satani akaronga kumunyengera uye kumutsausa. Satani akataura achishandisa nyoka, inova ndiyo yakanga yakachenjera zvikuru, kuitira kuti avanze zvaari nevavariro dzake. (Genesisi 3:1) Ngatimbokurukura zvaakakwanisa kuita paakaita kuti nyoka iite seinotaura.

Chokutanga, Satani akaita kuti Evha avarairwe nezvaaiona uye zvaainzwa. Evha aiziva kuti nyoka hadzitauri; murume wake ndiye akanga atumidza mhuka dzose mazita, kusanganisirawo nyoka iyi, mushure mokunge anyatsodziongorora. (Genesisi 2:19) Hapana mubvunzo kuti Evha akanga aongororawo chisikwa ichi chakanga chakangwara. Saka unyengeri hwaSatani hwakaita kuti Evha ade kuziva zvakawanda, zvichiita kuti angofunga nezvechinhu chimwe chete chaiva mumunda weEdheni chaakanga arambidzwa. Chechipiri, kana nyoka yakanga yakavanda mumapazi emiti, Evha aizofungei? Aisazofunga here kuti chisikwa ichi chisingatauri chakanga chatodyawo muchero wacho izvo zvakazoita kuti chigone kutaura? Kana muchero wacho wakaita kuti nyoka itaure, kuzoti iye? Hatizivi hedu kuti Evha akafungei kana kuti nyoka yakanga yadyawo muchero wacho here, asi zvatinoziva ndezvokuti nyoka payakaudza Evha kuti kana akadya muchero ‘aizofanana naMwari,’ Evha akangobvumira mudenga.

Mashoko akataurwa naSatani ane zvimwewo zvaanoratidza. Akaita kuti Evha asava nechokwadi nezvaakanga audzwa naMwari, achimupa pfungwa yokuti Mwari akanga ari kumunyima chinhu chakanaka achimushaisa rusununguko. Zano raSatani raizobudirira kana Evha aizokoshesa zvido zvake kupfuura kuda kwaaiita Mwari, uyo akanga amupa zvose zvaaiva nazvo. (Genesisi 3:4, 5) Zvinosuwisa kuti zano raSatani rakashanda, nokuti mumwoyo mavo Adhamu naEvha vakanga vasati vava kuda uye kuonga Jehovha sezvavaifanira kuita. Mazuva anowo, Satani haasi kuita kuti vanhu vangoda kuita zvakavanakira chete uye kurerutsa zvinhu here?

Ko vavariro yaSatani yaiva yei? Mumunda weEdheni, akaedza kuvanza zvaaiva nevavariro dzake. Asi nokufamba kwenguva, Satani akazobuda pachena. Paakaedza Jesu, aiziva kuti kuzvivanza kwakanga kusingashandi. Saka akati kuna Jesu: “Wira pasi wongondinamata kamwe chete.” (Mateu 4:9) Zviri pachena kuti kubvira kare Satani agara achikurirwa neshanje dzokuda kunamatwa kunofanira kuitwa Jehovha chete. Achaita zvose zvaanogona kuti vanhu vasatombonamata Mwari, kana kuti kana vachimunamata, vasamunamata nenzira yaanofarira. Anoda kuita kuti tisatomboperera kuna Mwari.

Bhaibheri rinoratidza pachena kuti Satani inyanzvi chaiyo pakutsausa vanhu. Hatidi kunyengedzwa naSatani sezvakaitwa Evha “nokuti mazano ake tinoaziva.”—2 VaKorinde 2:11.