Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi

Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi

Tevedzera Kutenda Kwavo

Akaodzwa Mwoyo Asi Haana Kukanda Mapfumo Pasi

SAMUERI ainzwa kurwadziwa kwaiita vanhu kuShiro. Zvaingoti ari pano misodzi ari apo misodzi. Dzimba ngani dzaiva nevakadzi nevana vaichema, vachichema vanababa, varume, vanakomana uye vakoma vakanga vafira kuhondo? Zvatinongoziva ndezvokuti kuvaIsraeri kwakanga kwafa masoja 30 000 vakurirwa nevaFiristiya pashure pokunge vachangobva kukundwazve mune imwe hondo pakafa vaIsraeri 4 000.—1 Samueri 4:1, 2, 10.

Ndiko kwakanga kuri kutanga kwematambudziko. Mupristi Mukuru Eri akanga ane vanakomana vake vaviri Hofini naFiniyasi vaiita zvakaipa, avo vakanga vabuda muShiro vakatakura areka tsvene yesungano. Kazhinji areka iyi yaigara munzvimbo tsvene yetebhenekeri ichimiririra kuvapo kwaMwari. Saka vanhu vakabva vatora areka vakaenda nayo kuhondo vachifunga kuti ichaita sedumwa richaita kuti vakunde muhondo. Asi vaFiristiya vakatora areka yacho vakabva vauraya Hofini naFiniyasi.—1 Samueri 4:3-11.

Tebhenekeri yaiva kuShiro yairemekedzwa chaizvo nokuti ndimo maigara areka kwemazana emakore. Iye zvino kwakanga kusisina. Eri aiva nemakore 98 paakangozvinzwa akabva adonha nemanhede pachigaro chaakanga agere ndiye sarai. Musi iwoyo muroora wake aiva chirikadzi naiyewo akabva afa mimba payakarwadza. Asati afa akati: “Kukudzwa kwabva pakati paIsraeri, kwatapwa.” Ichokwadi kuti zvinhu zvakanga zvachinja muShiro.—1 Samueri 4:12-22.

Samueri aizoita sei nezvinhu zvaiodza mwoyo izvi? Kutenda kwake kwaizoita kuti ade kubatsira vanhu vakanga vasisiri kudzivirirwa naJehovha uye asingachavadi here? Dzimwe nguva, tose zvedu tinogona kusangana nematambudziko kana kuti kuodzwa mwoyo zvokuti kutenda kwedu kunogona kumbovhiringwa, saka ngationei kuti tingadzidzei kuna Samueri.

“Akaita Kuti Pave Nokururama”

Nhoroondo yemuBhaibheri inombosendeka parutivi nezvaSamueri yomboti taurei nezveAreka, ichitiratidza nhamo dzakaonekwa nevaFiristiya pamusana pokuitora uye kudzosera kwavakazoiita. Panozotaurwazve nezvaSamueri panenge patopera makore 20. (1 Samueri 7:2) Mumakore ose iwayo chii chaanga achiita? Ngatiregei kuita zvokufungidzira.

Tinoudzwa kuti nguva iyi isati yatanga “shoko raSamueri rakaramba richienda kuvaIsraeri vose.” (1 Samueri 4:1) Pashure pokunge nguva iyi yapera, nhoroondo yacho inoratidza kuti Samueri akanga ane tsika yokushanyira maguta matatu aIsraeri, achitenderera gore negore achigadzirisa nyaya dzaimuka uye achipindura mibvunzo. Apedza aizodzokera kumusha kwake kuRama. (1 Samueri 7:15-17) Zviri pachena kuti Samueri aigara akabatikana uye mumakore 20 iwayo aitova nezvakawanda zvokuita.

Unzenza uye uori hwaiitwa nevanakomana vaEri hwakanga hwaita kuti vanhu vasatenda muna Mwari. Zvinoita sokuti vakawanda vakatozopedzisira vava kunamata zvidhori. Pashure pemakore 20 achishanda nesimba, Samueri akaudza vanhu kuti: “Kana muchidzoka kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose, bvisai vanamwari vokune dzimwe nyika pakati penyu uyewo mifananidzo yaAshtoreti, muise mwoyo yenyu kuna Jehovha musingatsauki, mushumire iye oga, uye achakununurai paruoko rwevaFiristiya.”—1 Samueri 7:3.

“Ruoko rwevaFiristiya” rwakanga rwadzvinyirira vanhu. VaIsraeri pavakakundwa nemauto evaFiristiya, vaFiristiya vakatanga kuvadzvinyirira vachiita zvavaida navo. Asi Samueri akavimbisa vanhu kuti kana vakangodzokera kuna Jehovha, zvinhu zvaizochinja. Vanhu vacho vaidawo here? Samueri akafara paakaona vachirasa zvidhori zvavo “vakatanga kushumira Jehovha oga.” Samueri akaunganidza vanhu kuMizpa, taundi riri munzvimbo ine makomo kuchamhembe kweJerusarema. Vanhu vakauya vakatsanya uye vakapfidza zvivi zvavo zvokunamata zvidhori.—1 Samueri 7:4-6.

VaFiristiya vakaziva kuti vanhu vakanga vaungana vakabva vati dzawira mutswanda. Vakabva vatumira uto ravo kuMizpa kuti rinoparadza vanamati vaJehovha. VaIsraeri vakanzwa kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vachigwagwadza, vakakumbira Samueri kuti avanyengeterere. Akavanyengeterera achibva apa chibayiro. Pavakanga vachakaungana, uto revaFiristiya rakabva rauya kuzorwisa Mizpa. Jehovha akabva apindura munyengetero waSamueri. “Jehovha akaita kuti kutinhire noruzha rukuru zuva iroro achirwisa vaFiristiya.”—1 Samueri 7:7-10.

Unofunga kuti tingafananidza zvakaitwa nevaFiristiya ivavo nezvinoitwa nemwana anenge achitya obva anovanda kumashure kwaamai vake here paanenge avhundutsirwa? Aiwa, ava vakanga vari masoja masvinu, kwete makwara. Vakanga vasati vambonzwa nezvekutinhira kwakadai. Kuti kwaizova nokumwe kunopfuura uku here? Zvakwaiva kusina kana gore zvaro mudenga kutinhira uku kwaibva kudenga here kana kuti aiva maungira aibva mumakomo aiva pedyo? Chero zvavangava vakafunga, chiripo ndechokuti vaFiristiya hana dzakanga dzangova ngoma. Vasingachanzwisisi kuti chii chiri kuitika vakabva vati chitsoka ndibereke, vaIsraeri vakati navo navo. Varume vaIsraeri vakaita senyuchi vachibva kuchamhembe kweMizpa, vakavarakasha, vachibva vavadzingirira kusvika vava kure chaizvo, nechokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweJerusarema.—1 Samueri 7:11.

Hondo iyoyo yakabva yachinja zvinhu. Mazuva ose ayo Samueri akanga ari mutongi vaFiristiya vakanga vachingotiza. Vanhu vaMwari vakaramba vachingodzosa guta rimwe nerimwe ravakanga vatorerwa nevaFiristiya.—1 Samueri 7:13, 14.

Papera mazana emakore akawanda, muapostora Pauro paaitaura nezvevatongi nevaprofita vakatendeka “vakaita kuti pave nokururama,” akataurawo nezvaSamueri. (VaHebheru 11:32, 33) Zvechokwadi Samueri akabatsira pakuita kuti vanhu vaite zvakanaka uye zvakarurama pamberi paMwari. Zvinhu zvakaramba zvichifamba zvakanaka nokuti akanga asingamhanyiri Jehovha pamberi, uye aiita basa rake akatendeka pasinei nezvinhu zvaiodza mwoyo zvaiitika. Samueri munhu aionga chaizvo. Pashure pokukunda kuMizpa, Samueri akatora dombo akariisa pane imwe nzvimbo kuti vapemberere kubatsirwa kwavakanga vaitwa naJehovha.—1 Samueri 7:12.

Iwe unoda kuita kuti “pave nokururama” here? Kana uchida, unofanira kudzidza zvakaitwa naSamueri panyaya yokuva nemwoyo murefu, kuzvininipisa uye kuva munhu anoonga. Ndiani wedu asingadi kuva neunhu uhwu? Unhu hwakanaka hwaiva naSamueri achiri muduku ndihwo hwakazomubatsira kuti akurire zvinhu zvainyanya kuodza mwoyo zvaakazosangana nazvo muupenyu.

“Vanakomana Venyu Havana Kufamba Munzira Dzenyu”

Panozotaurwazve nezvaSamueri, anenge ‘atokwegura.’ Panguva iyi Samueri atova nevanakomana vaviri vakura Joeri naAbhija, uye anovapa basa rokuti vamubatsire pakutonga. Zvinosuwisa kuti vanhu vaaivimba navo vakanga vane uori. Kunyange zvazvo Samueri aiva munhu akavimbika uye akarurama, vanakomana vake vakashandisa zvinzvimbo zvavo kuti vawane zvavaida, vachitsaudzira pakutonga uye vachibvuma pfumbamuromo.—1 Samueri 8:1-3.

Rimwe zuva varume vakuru vaIsraeri vakaenda kumuprofita Samueri akanga akwegura vachichema-chema. Vakati: “Vanakomana venyu havana kufamba munzira dzenyu.” (1 Samueri 8:4, 5) Samueri aiziva here kuti ndizvo zvaiitika? Nhoroondo yacho haina zvainotaura. Samueri akanga akasiyana naEri pakuti aitsiura vana vake. Jehovha akanga atsiura uye aranga Eri pamusana pokuti airemekedza vana vake kudarika Mwari zvokutadza kuvatsiura. (1 Samueri 2:27-29) Kuna Jehovha Samueri akanga akarurama kusiyana naEri.

Nhoroondo yacho haitauri kuti Samueri paakanzwa nezvezvakaipa zvaiitwa nevanakomana vake akanyara, akashungurudzika kana kuti akaodzwa mwoyo. Zvisinei, vabereki vanogona kufungidzira kurwadziwa kwaakaitwa. Mazuva ano zvinhu pazvangova manyama amire nerongo, vana vari kuita kupenga nokusateerera vabereki vavo. (2 Timoti 3:1-5) Vabereki vari kushungurudzika nematambudziko akadai vanogona kunyaradzwa uye kudzidza pane zvakaitwa naSamueri. Kusateerera kwevanakomana vake hakuna kana kumbovhiringidza kunamata kwake. Yeuka kuti kunyange vana vakasachinja pavanoruramiswa kana kuti kurangwa, muenzaniso wevabereki ndiwo unogona kuvabaya mwoyo. Uye vabereki vagara vaine mukana wokuita kuti Baba vavo Jehovha Mwari vadade navo, sezvakaitwa naSamueri.

“Tigadzirei Mambo”

Vanakomana vaSamueri vangadaro vasina kumbofunga kuti makaro uye udyire zvavaiva nazvo zvaizoguma nei. Varume vakuru vaIsraeri vakazoti kuna Samueri: “Zvino tigadzirei mambo kuti atitonge semamwe marudzi ose.” Chikumbiro ichocho chakaita kuti Samueri anzwe seashorwa here? Pakuti pakanga patova nemakumi emakore ari mutongi wevanhu ivavo, achimiririra Jehovha. Panguva iyi, vakanga vasingachadi kutongwa nomuprofitawo zvake akaita saSamueri, asi vakanga vava kuda kutongwa namambo. Marudzi akanga akavapoteredza aiva nemadzimambo, saka ivo vaidawo kuva namambo! Samueri akazviona sei? Tinoverenga kuti, “Chinhu chacho chaiva chakaipa” kuna Samueri.—1 Samueri 8:5, 6.

Cherechedza mapindurirwo akaitwa Samueri naJehovha paakamupira nyaya yacho achiita zvokunyengetera: “Teerera inzwi revanhu pane zvose zvavanokuudza; nokuti havana kuramba iwe, asi varamba ini kuti ndive mambo wavo.” Mashoko aya akanyaradza Samueri asi zvakakumbirwa nevanhu ava zvaizvidza Mwari Wemasimbaose. Jehovha akaudza muprofita wake kuti anyevere vaIsraeri nhamo dzavaizoona kana vakatongwa nemunhu. Samueri paakavaudza mashoko acho, vanhu vakangosimbirira nerokuti: “Aiwa, asi tichatongwa namambo.” Samueri akateerera Mwari wake sezvaaisiita akaenda kunozodza mambo akanga asarudzwa naJehovha.—1 Samueri 8:7-19.

Samueri akazviita sei? Akazviita akagumbuka uye zvekungoti ndichazvidini here? Kusafara kungava kwakamuvhiringidza here kuchiita kuti achengete chigumbu? Vanhu vakawanda vanogona kudaro kana zvinhu zvashata, asi Samueri haana kudaro. Akazodza Sauro uye akaratidza kuti ndiye akanga asarudzwa naJehovha. Samueri akatsvoda Sauro sechiratidzo chokumugamuchira uye kuzviisa pasi pamambo mutsva. Uye akabva audza vanhu kuti: “Maona munhu asarudzwa naJehovha here, kuti hapana akafanana naye pakati pevanhu vose?”—1 Samueri 10:1, 24.

Samueri akatarisa zvakanaka zvaiitwa naSauro uyo akanga asarudzwa naJehovha pane kungotarisa zvakaipa. Chaikosha kuna Samueri kuperera kwake kuna Mwari kwete kumirira kunzwa kubva kuvanhu vaingochinja-chinja somumvuri. (1 Samueri 12:1-4) Akaita basa raakapiwa nomwoyo wose, achinyevera vanhu vaMwari nezvengozi dzavakambotarisana nadzo mune zvokunamata uye achivakurudzira kuramba vakatendeka kuna Jehovha. Kurayira kwaakavaita kwakavabaya mwoyo, vakabva vamukumbira kuti avanyengeterere. Samueri akavapindura zvakanaka achiti: “Handingambofungi zvakadaro, kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai; ndichakurayiridzai munzira yakanaka neyakarurama.”—1 Samueri 12:21-24.

Zvakambokukododzvora here mumwe munhu paakapiwa chimwe chinzvimbo kana rimwe basa? Muenzaniso waSamueri unotiyeuchidza kuti hatimbofaniri kufa takarega godo kana chigumbu kuti zvidzike midzi mumwoyo medu. Mwari ane mabasa mazhinji uye anogutsa nokuda kwemumwe nomumwe wevashumiri wake vakavimbika.

“Uchachema Sauro Kusvikira Rini?”

Samueri akanga akarurama pakutarisa zvakanaka zvaiitwa naSauro, nokuti aiva akasiyana nevamwe varume vose. Aiva murefu ane chitarisiko chakanaka, akashinga uye akachenjera asi achizvininipisa. (1 Samueri 10:22, 23, 27) Sauro akanga ainewo chipo chinonyanya kukosha chokukwanisa kuzvisarudzira mararamiro aaida uye kuita zvisarudzo zvake. (Dheuteronomio 30:19) Akashandisa zvakanaka here chipo ichi?

Zvinosuwisa kuti kana munhu akava nesimba kazhinji kuzvininipisa ndiko kunotanga kupera. Pasina nguva Sauro akatanga kuzvikudza. Haana kuteerera zvaakaudzwa naJehovha achishandisa Samueri. Pane imwe nguva Sauro akatadza kumirira achibva apa chibayiro icho chaifanira kupiwa naSamueri chete. Samueri akamutsiura zvakasimba achibva ataura kuti umambo hwaizobviswa muimba yaSauro. Pane kuti adzidze kubva pane zvaakaudzwa, Sauro akaramba achiita zvinhu zvairatidza kusateerera kwakanyanya.—1 Samueri 13:8, 9, 13, 14.

Jehovha akashandisa Samueri kuti audze Sauro kuti anorwisa vaAmareki. Mirayiridzo yaakapiwa yaisanganisira wokuti mambo wevaAmareki akanga akaipa Agagi, aifanira kufa. Zvisinei, Sauro haana kuuraya Agagi uyewo haana kuparadza zvinhu zvakapambwa zvakanga zvakanakisisa. Samueri paakauya kuzomururamisa, Sauro akaratidza kuti akanga asisiri Sauro uya waaimboziva. Pane kuti agamuchire zano, Sauro akarirerutsa, akada kuzvibudisa munyaya yacho, achida kuzviita munhu akanaka, asingadi kutotaura nezvenyaya yacho uye akaedza kunakurira vamwe nyoka mhenyu. Sauro paakaedza kurerutsa zano achiti zvimwe zvakapambwa zvakanga zviri zvokuzobayira Jehovha, Samueri akataura mashoko anozivikanwa okuti: “Tarira! Kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro.” Noushingi Samueri haana kuti pamunhondo pamusasa akabva amutsiura achitaura zvakataurwa naJehovha zvokuti: Umambo hwaizobvarurwa kubva kuna Sauro hwopiwa mumwe munhu ari nani.—1 Samueri 15:1-33.

Samueri akarwadziwa chaizvo nezvakaitwa naSauro. Akarara usiku hwose achichema kuna Jehovha nezvenyaya iyi. Akaenda kunochema murume uyu. Samueri aiziva kuti Sauro aigona kuita zvakanaka chaizvo, asi Sauro akamubatisa pasi. Murume waaimboziva akanga achinja, asisina unhu hwakanaka hwaaiva nahwo uye akanga apandukira Jehovha. Samueri haana kuda kuzoonanazve naSauro. Zvisinei, nokufamba kwenguva Jehovha akatsiura Samueri zvinyoro-nyoro achiti: “Uchachema Sauro kusvikira rini, ini ndamuramba kuti arege kuva mambo waIsraeri? Zadza nyanga yako nemafuta uende. Ndichakutuma kuna Jese muBhetrehema, nokuti ndagadza mambo pakati pevanakomana vake.”—1 Samueri 15:34, 35; 16:1.

Chinangwa chaJehovha hachitadziswi kubudirira nezvinoitwa nevanhu vanotadza vasina kuvimbika. Kana munhu waanenge achishandisa akaratidza kusavimbika, Jehovha anotsvaga mumwe kuti aite zvaanenge achida kuti zviitwe. Saka Samueri haana kuramba achingozvitambudza pamusana pokutadza kwainge kwaita Sauro. Sezvaakanga arayirwa naJehovha, Samueri akazoenda kumba kwaJese muBhetrehema kwaakanoona majaya akati wandei aive nechitarisiko chakanaka. Asi, kubva pakutanga Jehovha akayeuchidza Samueri kuti: “Usatarira chitarisiko chake nourefu hwake . . . Nokuti maonero anoita munhu haasiwo maonero anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.” (1 Samueri 16:7) Pakupedzisira Samueri akazoona mwanakomana muduku pane vose, Dhavhidhi, uye ndiye chaiye akanga asarudzwa naJehovha!

Mumakore ake okupedzisira, Samueri akazonyatsoona zvazvakanga zvakanakira kuti Jehovha asarudze Dhavhidhi kuti atsive Sauro. Sauro akapedzisira apanduka akava neshanje dzakaipa idzo dzakaita kuti ade kuuraya Dhavhidhi. Zvisinei, Dhavhidhi akaratidza unhu hwakanaka hwakadai seushingi, kuperera, kutenda uye kuvimbika. Kutenda kwaSamueri kwainge kwatowedzera kusimba mumakore ake okupedzisira. Akaona kuti hapana dambudziko rakakura zvokuti Jehovha angatadza kurigadzirisa kana kuriita kuti rigume rava chikomborero. Samueri paakazofa ava nemakore anoda kusvika zana, akanga aita zvakanaka muupenyu hwake zvakazoramba zvichiyeukwa nezvazvo. Ndokusaka vaIsraeri vose vakachema murume iyeye akanga akatendeka. Mazuva ano, zvakanaka kuti mushumiri mumwe nomumwe waJehovha azvibvunze kuti, ‘Ndichatevedzera kutenda kwaSamueri here?’

[Mufananidzo uri papeji 25]

Samueri aizobatsira sei vanhu vokwake kuti vatsungirire kufirwa uye kuodzwa mwoyo kwavainge vaitwa?

[Mufananidzo uri papeji 26]

Samueri akatsungirira sei dambudziko rokuva nevana vaiita zvakaipa?