Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Koshesa Zvinhu Zvitsvene!

Koshesa Zvinhu Zvitsvene!

Zvevechiduku

Koshesa Zvinhu Zvitsvene!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Isaka, Ribheka, Jakobho uye Isau

Nyaya yacho muchidimbu: Isau anotengesa udangwe hwake kumunun’una wake Jakobho.

1 ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 25:20-34.

Unhu hupi hwakaratidzwa naJakobho naIsau vachiri mudumbu maamai vavo?

․․․․․

Unofunga kuti chitarisiko chaJakobho nechaIsau pavaiva majaya chakanga chakadini?

․․․․․

Sezviri mundima 30 kusvika ku33, unofunga kuti Jakobho naIsau vari kutaurirana sei?

․․․․․

DZAMISA PFUNGWA.

Uchishandisa zvokutsvakurudza zvaunazvo, tsvaga uone zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri nezvekodzero dzaiva nemwanakomana wedangwe. Nei kodzero idzi dzaikosha? Kutengesa kodzero idzi nokuda nyemba kwairatidzei?

․․․․․

2 ONGORORA ZVAKAITIKA.GENESISI 27:1-10, 30-38.

Unofunga kuti inzwi raIsau rinoratidzei nezvemanzwiro ake paanoziva kuti munun’una wake ndiye apiwa ropafadzo yokuva dangwe?

․․․․․

DZAMISA PFUNGWA.

Zvakaitwa naRibheka naJakobho zvokuti Jakobho anyepedzere kuva Isau kuitira kuti aropafadzwe zvakanga zvakaipa here? Nei uchidaro? (Zvingangokubatsira: Ona Genesisi 25:23, 33.)

․․․․․

3 ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Zvakaipira kukurumidza kumedza kutsenga kuchada.

․․․․․

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Zvinhu zvipi zvitsvene zvawakapiwa?

․․․․․

Ndezvipi zvaungaita kuratidza kuti unokoshesa zvinhu zvitsvene?

․․․․․

4 CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

․․․․․

Kana usina Bhaibheri, kumbira Zvapupu zvaJehovha, kana kuti verenga paIndaneti www.watchtower.org