Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndiyeukei, Haiwa Mwari Wangu, Nenzira Yakanaka”

“Ndiyeukei, Haiwa Mwari Wangu, Nenzira Yakanaka”

Swedera Pedyo naMwari

“Ndiyeukei, Haiwa Mwari Wangu, Nenzira Yakanaka”

“NDAIFUNGA kuti hazvifi zvakaita kuti Jehovha andide nokuti anonyatsondiziva.” Ndizvo zvakanyorwa nomumwe mukadzi wechiKristu akavimbika uyo atambura nepfungwa dzokuzviona seasingabatsiri. Iwe wakambozvinetsa nepfungwa dzakadaro here, uchifunga kuti Mwari haana basa newe zvokuti haatombokudi? Kana zvakamboitika, mashoko ari pana Nehemiya 13:31 anogona kukunyaradza.

Nehemiya aiva gavhuna wevaJudha muzana remakore rechishanu B.C.E., uye akaita zvose zvaaigona kuti afadze Mwari. Akatungamirira basa rokuvakazve masvingo eJerusarema pasinei nokushorwa nevavengi. Akaita kuti Mutemo waMwari utevedzerwe, akatarisira vaya vaidzvinyirirwa, uye akaedza kubatsira vamwe vake vaIsraeri kuti vasimbise kutenda kwavo. Mwari akaona here zvakanaka zvakaitwa nomurume uyu akanga akavimbika? Zvakaitwa naNehemiya zvakafadza Jehovha here? Mhinduro dzacho tinogona kudziwana mumashoko okupedzisira ari mubhuku raNehemiya.

Nehemiya anonyengetera achiti: “Ndiyeukei, haiwa Mwari wangu, nenzira yakanaka.” * Kuti Nehemiya angava ari kutyira kuti zvimwe Mwari haana kuona mabasa ake akanaka kana kuti achamukanganwa here? Aiwa. Zviri pachena kuti Nehemiya anoziva zvakataurwa nevamwe vanyori veMagwaro nezvekuda kunoita Jehovha vashumiri vake vakatendeka uye kuyeuka kwaanoita mabasa avo akanaka. (Eksodho 32:32, 33; Pisarema 56:8) Saka chii chaari kukumbira Mwari kuti aite? Rimwe gwaro rinoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘yeuka’ rinoreva “kuda kunobva mupfungwa uchiratidza nezviito kuti hauna kukanganwa.” Nehemiya achivimba zvakazara kuti munyengetero une simba, anokumbira Mwari kuti aratidze rudo nokumuyeuka uye nokumukomborera.​—Nehemiya 2:4.

Jehovha achapindura here munyengetero waNehemiya wokukumbira kuyeukwa? Tinogona kutoti akaupindura. Kubvumira kwakaitwa naJehovha kuti nhoroondo yomunyengetero waNehemiya inyorwe muMagwaro akafuridzirwa kunotoratidza kuti anoyeuka Nehemiya kuratidza kuti anomuda. Asi “Munzwi womunyengetero” achaita zvinopfuura ipapa pakupindura chikumbiro chomwoyo wose chaNehemiya.​—Pisarema 65:2.

Mwari achakomborera Nehemiya pamusana pezvose zvakanaka zvaakaita kuti atsigire kunamata kwakachena. (VaHebheru 11:6) Munyika itsva yakarurama yaakavimbisa, Jehovha achakomborera Nehemiya nokumumutsa kuvakafa. * (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Nehemiya paachava netariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano, achazvionera kuti zvechokwadi Jehovha akamuyeuka nenzira yakanaka.

Munyengetero waNehemiya unoratidza kuti mashoko aMambo Dhavhidhi ndeechokwadi, okuti: “Imi muchakomborera munhu wose akarurama, haiwa Jehovha; muchavakomba nokuvafarira kwenyu sokunge nenhoo huru.” (Pisarema 5:12) Zvechokwadi Mwari anoona uye anokoshesa zvatinoita nemwoyo wose kuti timufadze. Chero bedzi iwe ukaita zvose zvaunogona kuti umushumire, uchava nechokwadi chokuti achakuyeuka kuratidza kuti anokuda uye achakukomborera chaizvo.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna February:

Nehemiya 1-13

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Mubhuku raNehemiya mashoko aya anowanika kana. Pano ndipo pokupedzisira pacho apo Nehemiya anonyengetera kuna Mwari achikumbira kuti amuyeuke pamusana pezvakanaka zvaakaita.​—Nehemiya 5:19; 13:14, 22, 31.

^ ndima 5 Kuti unzwe zvakawanda nezvechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu vakavimbika pasi pano, ona zvitsauko 3 ne7 zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.