Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?

Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?

Wagadzirira Here Zuva Rinonyanya Kukosha Pagore?

KWASARA maawa mashomanana kuti afe, Jesu akaratidza chaizvo zvinofanira kuitwa pakuyeuka rufu rwake. Chiitiko chacho chakazozivikanwa se“kudya kwaShe kwemanheru,” kana kuti “chirayiro chaShe.” (1 VaKorinde 11:20; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Achiratidza kuti chiitiko ichi chinokosha, Jesu akarayira kuti: “Itai izvi mugondirangarira.” (Ruka 22:19; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Unoda kuteerera Jesu here? Kana uchida, uchaona musi wokuyeuka rufu rwaJesu sezuva rinonyanya kukosha pagore.

Asi musi upi chaiwo waunofanira kuyeuka chiitiko ichi? Uye ungava sei nechokwadi chokuti wanyatsogadzirira kuti unzwisise zvinorehwa nechiitiko ichi chinokosha? MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza mibvunzo iyi.

Chinoyeukwa Kakawanda Sei?

Tinowanzoyeuka zviitiko zvinokosha kamwe pagore. Somuenzaniso, kunyange zvazvo chiitiko chinotyisa chemusi wa11 September, 2001 chichigara chichiyeukwa nevanhu vari muguta reNew York vakafirwa nehama dzavo pakabhombwa World Trade Center, gore negore zuva racho parinosvika rinenge richinyanya kukosha kwavari.

Munguva dzeBhaibheri, zviitiko zvinokosha zvaiyeukwawo kamwe chete pagore. (Esteri 9:21, 27) Jehovha akarayira vaIsraeri kuti gore negore vapemberere kununurwa zvinoshamisa kwavakanga vaitwa muIjipiti. MuBhaibheri kupemberera uku kunonzi Paseka, uye vaIsraeri vaiyeuka chiitiko ichi kamwe chete pagore musi chaiwo wavakanunurwa.—Eksodho 12:24-27; 13:10.

Jesu akanga achangopedza kupemberera Paseka nevaapostora vake paakatanga kudya kunokosha achiratidza muenzaniso wezvaifanira kuzoitwa pakuyeuka rufu rwake. (Ruka 22:7-20) Paseka yaipembererwa gore negore. Saka tinogona kuti chiitiko ichi chakatsiva Paseka chinofanirawo kungoitwa kamwe chete pagore.

Musi Upi?

Kuti tipindure mubvunzo uyu, pane zvinhu zviviri zvatinofanira kunzwisisa. Chokutanga, munguva dzeBhaibheri zuva raitanga manheru richizoguma panonyura zuva rinotevera.—Revhitiko 23:32.

Chechipiri, Bhaibheri harishandisi karenda rakafanana neratinoshandisa mazuva ano. Bhaibheri rinotaura nezvemwedzi inonzi Adhari naNisani pane kushandisa mazita akadai saMarch uye April. (Esteri 3:7) VaJudha vaiverenga mwedzi yavo kubvira pazuva raitanga kugara kwomwedzi kusvikira pazuva rawaizogarazve. Vaipemberera Paseka pazuva rechi14 raNisani, mwedzi wokutanga pakarenda ravo. (Revhitiko 23:5; Numeri 28:16) Musi iwoyo waNisani 14, ndiwo wakarovererwa Ishe wedu Jesu Kristu nevaRoma. Akafa papera makore 1 545 kubvira pakapembererwa Paseka yokutanga. Saka Nisani 14 izuva rinokosha chaizvo!

Asi pakarenda redu ndoupi musi unoenderana naNisani 14? Hazvinetsi kuti tizive musi wacho chaiwo. Mwedzi waNisani waitanga kuverengwa panotanga kugara mwedzi, kazhinji pashure pevhiki yokutanga yaMarch. VaJudha vaibva vaverenga mazuva 14 kubva ipapo kuti vazopemberera Paseka zuva ranyura. Kana tikaverenga mazuva 14 kubva pakugara kwomwedzi, tinosvika pana Nisani 14. Kazhinji zuva iri rinenge riri jenaguru. Tichishandisa maverengero emuBhaibheri aya, gore rino Nisani 14 anotanga musi weSvondo 17 April, 2011, zuva ranyura. *

Saka gore rino Zvapupu zvaJehovha zviri kugadzirira kuungana pamwe chete nevose vanoda kuyeuka rufu rwaJesu. Uri kukokwa noushamwari kuti uzoungana pamwe chete nazvo. Tapota taura neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara unzwe kuti vachaungana nguvai uye kupi. Zvapupu zvichayeuka rufu rwaJesu manheru zuva ranyura, kwete mangwanani kana masikati. Nei? Nokuti sezvinotaurwa neBhaibheri, uku “kudya kwemanheru.” (1 VaKorinde 11:25) Manheru emusi weSvondo 17 April, 2011, ndiwo musi unoenderana nemanheru akatangwa chiitiko ichi chinokosha naJesu makore 1 978 akapfuura. Ndipo panotangira zuva raNisani 14, rinova ndiro rakafa Jesu. Hapana rimwe zuva ratingada kuyeuka rufu rwaJesu rinopfuura iri!

Kugadzirira Kwaungaita

Zvii zvaungaita iye zvino kuti ugadzirire chiitiko ichi chinongoitwa kamwe chete pagore? Chimwe chacho kufungisisa nezvezvatakaitirwa naJesu. Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? * rabatsira mamiriyoni evanhu kuti vawedzere kunzwisisa zvinorehwa nerufu rwaJesu.—Mateu 20:28.

Zvimwe zvatingaita kuti mwoyo yedu igadzirire chiitiko ichi chinokosha kuverenga nezvezvinhu zvakaitika Jesu ava pedyo nokufa. Pamapeji anotevera pane chati. Chikamu chokurudyi chine nhoroondo dzeBhaibheri dzakafanana dzinorondedzera zvakaitika Jesu asati afa. Pachikamu ichi panewo zvitsauko zvomubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama * zvinotsanangura zviitiko zvacho.

Chikamu chokuruboshwe chinoenzanisa misi yakaitika zviitiko izvi nemazuva anoenderana negore rino. Wadii kuwana nguva yokuverenga dzimwe ndima dzeMagwaro pamazuva anotangira Kudya kwaShe Kwemanheru? Zvichakubatsira kuti ugadzirire zuva rinonyanya kukosha pagore.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Musi uyu dzimwe nguva haunderani nePaseka inopembererwa nevaJudha mazuva ano. Nei? Mazuva ano vaJudha vakawanda vanopemberera Paseka musi waNisani 15, vachiti ndizvo zvinotaurwa nomurayiro uri pana Eksodho 12:6. (Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1990, peji 14.) Asi Jesu akapemberera Paseka musi waNisani 14 achitevedzera zvakanyorwa muMutemo waMosesi. Kuti uwane mamwe mashoko nezvekuti tinosvika sei pana Nisani 14, ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 15, 1977, mapeji 383-384.

^ ndima 14 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ona mapeji 47-56, 206-208. Bhuku iri unogona kuriwanawo paIndaneti pakero inoti www.watchtower.org.

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

Yeuka rufu rwaJesu Svondo 17 April, 2011

[Chati/​Mifananidzo iri paji 23, 24]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

VHIKI YOKUPEDZISIRA

2011 Chipiri April 12 Sabata Mateu

2012 ․․․․․ Mako

2013 ․․․․․ Ruka

Johani 11:55–12:1

gt-CA 101, ndima 2-4 *

NISANI 9 (rinotanga zuva ranyura)

Munguva dzeBhaibheri Anodya naSimoni □ Mateu 26:6-13

zuva raitanga manheru wemaperembudzi

richizoguma Mariya □ Mako 14:3-9

panonyura zuva anozora nadhi

rinotevera VaJudha vanoshanyira Ruka

Jesu □ Johani 12:2-11

naRazaro □ gt-CA 101, ndima 5-9

2011 Chitatu April 13 ▪ Kupemberera kupinda □ Mateu 21:1-11, 14-17

2012 ․․․․․ muJerusarema

2013 ․․․․․ Anodzidzisa mutemberi □ Mako 11:1-11

Ruka 19:29-44

Johani 12:12-19

gt-CA 102

NISANI 10 (rinotanga zuva ranyura)

Anopedza usiku hwose

ari kuBhetani

2011 China April 14 ▪ Kuenda kuJerusarema □ Mateu 21:12, 13,

2012 ․․․․․ mangwanani-ngwanani 18, 19

2013 ․․․․․ ▪ Anochenesa temberi □ Mako 11:12-19

▪ Jehovha anotaura □ Ruka 19:45-48

ari kudenga □ Johani 12:20-50

gt-CA 103, 104

NISANI 11 (rinotanga zuva ranyura)

2011 Chishanu April 15 ▪ Anodzidzisa mutemberi □ Mateu 21:19–25:46

2012 ․․․․․ achishandisa

2013 ․․․․․ mifananidzo

▪ Anoshora □ Mako 11:20–13:37

vaFarisi

▪ Anocherechedza □ Ruka 20:1–21:38

chipo chechirikadzi

▪ Anoprofita Johani

nezvekuparadza kweJerusarema

▪ Anotaura chiratidzo chokuvapo□ gt-CA 105-112, ndima 1

kwake munguva yemberi

NISANI 12 (rinotanga zuva ranyura)

2011 Mugovera April 16 ▪ Jesu nevadzidzi □ Mateu 26:1-5, 14-16

2012 ․․․․․ vake vari pavo voga

2013 ․․․․․ muBhetani

▪ Judhasi anoronga □ Mako 14:1, 2, 10, 11

kumutengesa

Ruka 22:1-6

Johani

gt-CA 112, ndima 2-4

NISANI 13 (rinotanga zuva ranyura)

2011 Svondo April 17 ▪ Petro naJohani □ Mateu 26:17-19

2012 ․․․․․ vanogadzirira

2013 ․․․․․ Paseka

▪ Jesu nevamwe □ Mako 14:12-16

vaapostora gumi □ Ruka 22:7-13

vanozotevera zuva Johani

rava kunyura □ gt-CA 112, ndima 5- 113,

ndima 1

NISANI 14 (rinotanga zuva ranyura)

▪ Anopemberera □ Mateu 26:20-35

Paseka

▪ Anogeza tsoka □ Mako 14:17-31

dzevaapostora

▪ Anoti Judhasi abude □ Ruka 22:14-38

▪ Anotanga Chirangaridzo □ Johani 13:1–17:26

chorufu rwake □ gt-CA 113, ndima 2-chitsauko

pakati 116

pousiku ▪ Anotengeswa □ Mateu 26:36-75

2011 Mon. April 18 osungwa mubindu

2012 ․․․․․ reGetsemane

2013 ․․․․․ ▪ Vaapostora vanotiza □ Mako 14:32-72

▪ Anotongwa nedare □ Ruka 22:39-62

reSanihedrini

▪ Petro anoramba □ Johani 18:1-27

Jesu □ gt-CA 117-

120

▪ Anomirazve pamberi □ Mateu 27:1-61

Sanihedrini

▪ Anoendeswa kuna □ Mako 15:1-47

Pirato, kuna Herodhi, ozodzokera

kuna Pirato

▪ Anotongerwa rufu □ Ruka 22:63–23:56

orovererwa

▪ Anofa □ Johani 18:28-40

kuma3

masikati

▪ Mutumbi unobvisa □ gt-CA 121-127, ndima 7

wovigwa

NISANI 15 (rinotanga zuva ranyura)

▪ Sabata

2011 Chipiri April 19 ▪ Pirato anobvumira kuti □ Mateu 27:62-66

2012 ․․․․․ varindi varinde Mako

2013 ․․․․․ guva raJesu Ruka

Johani

gt-CA 127, ndima 8-9

NISANI 16 (rinotanga zuva ranyura)

2011 Chitatu April 20 ▪ Anomutswa □ Mateu 28:1-15

2012 ․․․․․ ▪ Anozviratidza □ Mako 16:1-8

2013 ․․․․․ kuvadzidzi □ Ruka 24:1-49

Johani 20:1-25

gt-CA 127, ndima 10-chitsauko 129, ndima 10

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 30 Nhamba dzakanyorwa pano ndedzezvitsauko zviri mubhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama (gt-CA). Kana uchida Magwaro anotaura nezveushumiri hwokupedzisira hwaJesu, ona chati iri papeji 290 mubhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.